Wakamboona Kupenya Kwegirini Here?
KUNOFADZA sei kuoneka rimwe zuva nokutarira kunyura kwezuva kwakaisvonaka! Kupenya kunodziya kwezuva kunogovera kuoneka kwamavara sezvo chiedza chinopfuura nomumhepo yakapoteredza pasi. Chinosimbisa ichi chiitiko chinoshamisa chinhu chechienzi chinonzi kupenya kwegirini. Kana mamiriro ezvinhu akarurama, uku kubuda kwechiedza cheemeradhi kunoitika panguva yokupedzisira yokunyura kwezuva. Chiitiko chechienzi zvikuru chinonzi kupenya kwebhuruu chinonzi chakatoisvonaka zvikuru.
Chii chinoparira uku kupenya kwakaisvonaka? Nei kuchigara kwenguva pfupi bedzi? Uye nei kusingawanzoitiki? Kuti tipindure iyi mibvunzo, tinofanira kutanga kuva nenzwisiso huru yokushanda pamwe chete kwechiedza chezuva nemhepo yakapoteredza pasi.
Chiedza chezuva chinodzika kupasi chine marudzi ose emavara emuraraungu. Apo chiedza ichochi chinopinda mumhepo yakapoteredza pasi, mhepo yakapoteredza pasi inoshanda zvakafanana zvikuru neprism huru inoparadzira, kana kubudisa chiedza chacho. Kunosvika kuparadzirwa kwemwaranzi wechiedza, zvisinei, kunotsamira paurefu hwemwaranzi wacho.
Mwaranzi yechiedza chebhuruu ine hurefu hupfupi zvikuru hwemwaranzi uye inoparadzirwa zvikuru mumhepo yakapoteredza nyika. Ndicho chikonzero nei denga richiratidzika kuva rebhuruu apo zuva rinenge riri pamusoro zvikuru pejengachenga pazuva rakajeka. Asi apo zuva rinenge riri pedyo nejengachenga—zvakadai sapakuvira kwezuva—chiedza chezuva chinofanira kufamba nomumhepo yakawanda yakapoteredza pasi kuti chisvike mumeso edu. Somugumisiro, chiedza chebhuruu chakaparadzirwa zvikuru kwazvo hachisviki kwatiri. Kune rumwe rutivi, mwaranzi yakareba, yakadai semitsvuku, inogona kupinda nyore nyore mumhepo yakakora yakapoteredza pasi. Ikoku kunopa kuvira kwezuva hutsvuku hwako hwakarovedzeka kana kuti ruvara rweorange.a
Mumamwe mamiriro ezvinhu, kunyange zvakadaro, kupenya kwegirini kana kuti kwebhuruu kunogona kuoneka pakuvira kwezuva. Ikoku kunoitika sei? Sezvo rutivi rwokupedzisira rwezuva runonyura pasi pejengachenga, chiedza chezuva chinoparadzana kuva mavara akafanana neemuraraungu. Chiedza chitsvuku chinooneka pasi pamavara acho, uye chiedza chebhuruu chiri pamusoro. Sezvo zuva rinopfuurira kunyura, chikamu chitsvuku chemavara chinodzikira pasi pejengachenga uye chikamu chebhuruu kazhinji kazhinji chinoparadzirwa nemhepo yakapoteredza pasi. Ndipo panguva apo rutivi rwokupedzisira rwechiedza chinooneka runogona kupenya girini. Asi nei girini? Nemhaka yokuti girini rumwe ruvara rukuru ruri muchiedza.
Apo denga rinenge rakashatiswa zvikuru, kupenya kwegirini hakuwanzoonwa, uye kupenya kwebhuruu kunoitika bedzi apo mhepo yakapoteredza pasi inenge yakajeka zvikuru yakanyotsochena uye chiedza chebhuruu chakakwana chinopinda mudenga kuti chiparire kupenya kunobwinya kuoneka.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Mukai! yechiNgezi yaDecember 8, 1987, peji 16, nokuda kwamashoko okuwedzera pakuvira kwezuva.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]
Kunyura kwezuva: ©Pekka Parviainen/SPL/Photo Researchers