Murangariro weBhaibheri
Pasi Richaguma Nomoto Here?
RAGOCHWA muruparadziko rukuru rwenyukireya, raroromeswa nezuva rinoramba richikura, kana kuti kupiswa namwari akashatirwa—nzira yacho ingasiyana, asi vanhu vazhinji vanopwiswa kuti Pasi, musha worudzi rwomunhu, richasangana nomugumo waro mumoto unopisa kwazvo, ruparadziko rukuru.
Vamwe vanonokora mashoko magwaro eBhaibheri anoratidzira moto unoparadza woumwari semubayiro wokutadzira kwomunhu pasi. Vamwe vanotora mufungo waPaul Davies, purofesa paYunivhesiti yeAdelaide, Australia, uyo anonyora izvo anorangarira sekukandwa kwenyika kusingadzivisiki muruparadziko rwomoto. Iye anorondedzera mubhuku rake The Last Three Minutes kuti: “Sezvo zuva rinoramba richikura zvikuru, richaputira . . . Pasi mukuputira kwaro kwemoto. Nyika yedu ichaitwa kuti ive madota.” Chii chiri chechokwadi pamusoro pekuri kusvika nyika? Tinofanira kunzwisisa sei magwaro eBhaibheri anoratidzika kuva anoreva ruparadziko rwomoto?
Ko Mwari Anoitira Hanya Here?
Pana Jeremia 10:10-12, tinoziviswa kuti: “Asi Jehovha ndiye Mwari wazvokwadi. . . . Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nouchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake.” Mwari akaita pasi ndokuriteya zvakasimba. Naizvozvo nouchenjeri, rudo, uye nzwisiso, akagadzirira nokungwarira pasi kuti rigare nokusingaperi semusha wakaisvonaka worudzi rwomunhu.
Nezvokusika kwaMwari rudzi rwomunhu, Bhaibheri rinoshuma kuti: “Akavasika murume nomukadzi, Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: ‘Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi.’” (Genesi 1:27, 28) Apo iye akapedza basa rake rokusika, iye aigona pasina kupokana kuzivisa kuti “zvakanga zvakanaka zvikuru.” (Genesi 1:31, NW) Iye aida kuti zvigare zvakadaro. Sezvinoitawo vamwe vabereki vanokarirwa vanogadzira zvinodikanwa zvekamuri redangwe ravo rinokarirwa, Mwari akasima bindu rakaisvonaka ndokuisa munhu Adhama imomo kuti aririme uye kuritarisira.—Genesi 2:15.
Adhama akasiya kukwana nebasa rake rokutarisira pasi. Asi Musiki akasiya chinangwa Chake here? Isaya 45:18 haitauri kudaro: “Nokuti zvanzi naJehovha wakasika denga rose, . . . wakaumba nyika . . . , wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.” (Onawo Isaya 55:10, 11.) Kunyange zvazvo munhu akaregeredza basa rake rokutarira, Mwari akapfuurira kuita chibvumirano chake napasi noupenyu huri pariri. Mutemo wakapiwa kurudzi rwekare rwaIsraeri wakaita gadziriro nokuda kwe“sabata rezororo renyika yose” gore rechinonwe riri rose. Irori rakabatanidza mitemo yavanhu yakapa mwero wakati wedziviriro kumhuka. (Revhitiko 25:4; Eksodho 23:4, 5; Dheuteronomio 22:1, 2, 6, 7, 10; 25:4; Ruka 14:5) Iyi mienzaniso mishomanene bedzi iri muBhaibheri iyo inoratidza zvakajeka kuti Mwari anoitira hanya zvikuru kwazvo pamusoro porudzi rwomunhu uye zvose zvaakapa kutarisiro yomunhu.
“Pasi Rekare”
Naizvozvo tinogona sei kuyananisa magwaro eBhaibheri anoratidzika kuva anopesana? Rumwe rwakadaro ndi2 Petro 3:7, iyo, maererano neKing James Version, inoti: “Denga nepasi, izvo zviripo, kupfurikidza neshoko rimwe chetero zvakachengetwa, zvakachengeterwa moto mukurwisana nezuva rorutongeso nokuparadzwa kwevanhu vose vasiri voumwari.” Rumwe rwacho ndiZvakazarurwa 21:1, iyo inotaura kuti: “Ndakaona denga idzva nepasi idzva; nokuti denga rekare nepasi rekare zvakanga zvapfuura.”
Kana mashoko aPetro achifanira kutorwa sezvaari chaizvoizvo uye Pasi richifanira kuparadzwa nemoto chaiwoiwo, ipapo matenga chaiwoiwo—nyeredzi uye mimwe mitumbi yomuchadenga—zvichaparadzwawo nomoto. Uyu murangariro, zvisinei, unopesana nevimbiso inowanikwa mumagwaro akadai saMateo 6:10: “Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga,” uye Pisarema 37:29: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Zvakare, itapuroi iyo moto waizova nayo pazuva rinotopisa zvikurusa nenyeredzi, dzinobudisa kuputika kwenyukireya dzisingaregi?
Kune rumwe rutivi, Bhaibheri kazhinji kazhinji rinoshandisa shoko rokuti “pasi” (NW) mupfungwa yokufananidzira. Somuenzaniso, Genesi 11:1 inoti: “[Pasi, NW] [r]ose [r]akanga [r]ine rurimi rumwe nokutaura kumwe.” Pano, shoko rokuti “Pasi” rinonongedzera kurudzi rwomunhu rwose harwo, kana kuti nzanga yavanhu. (Onawo 1 Madzimambo 2:1, 2; 1 Makoronike 16:31.) Mashoko akapoteredza a2 Petro 3:5, 6 (NW) anoreva kushandiswa kumwe cheteko kwokufananidzira kwa“pasi.” Anonongedzera kuzuva raNoa apo nzanga yakaipa yavanhu yakaparadzwa muMafashamo asi Noa neimba yake pamwe chete nenyika yose imene vakachengetedzwa. (Genesi 9:11) Nenzira yakafanana, pana 2 Petro 3:7 (NW), panotaura kuti avo vachaparadzwa “vanhu vasina umwari.” Uyu murangariro unowirirana nerasara reBhaibheri rose. Nzanga yakaipa yakarongerwa kuparadzwa inonziwo “pasi rokutanga” rinonongedzerwa kwariri pana Zvakazarurwa 21:1, yanokorwa pakutanga.
Zvirokwazvo, sezvo baba vepasi vanoitira hanya vachitora matanho ari ose anobvira kuva nechokwadi chokuti musha wavo hausati uchikuvadzwa, Jehovha Mwari anoitira hanya zvikuru pamusoro pechisiko chake. Iye pane imwe nguva akambobvisa vanhu vane unzenza nevakaipa muMupata wakaorera weJoridhani ndokuvimbisa vachengeti vatsva venyika yacho, avo vakanga vari musungano naye, kuti kana vakachengeta mirau yake, ‘nyika yaisazovarutsavo nemhaka yokuisvibisa nenzira imwe cheteyo sezvo yaizorutsa chaizvoizvo marudzi akavatangira.’—Revhitiko 18:24-28.
“Pasi Idzva”
Nhasi, nzanga yakasvibiswa nevatano, ine utsinye hwamasimba masimba, uye ushati yakashata mune zvematongerwe enyika yakashatisa pasi. Mwari bedzi ndiye anogona kuinunura. Iye achaita izvozvo chaizvoizvo. Pana Zvakazarurwa 11:18, iye anopikira ku“paradza vose vanoparadza pasi.” Pasi rakadzorerwa nerakanatswazve richazadzwa navanhu vanotya Mwari uye vanoda zvapachokwadi vanhu biyavo. (VaHebheru 2:5; enzanisa naRuka 10:25-28.) Chinjo dzinoitika pasi poUmambo hwokudenga hwaMwari dzichava dzakajeka zvikuru zvokuti Bhaibheri rinotaura nezve“pasi idzva”—nzanga itsva yavanhu.
Apo tinorava magwaro akadai saPisarema 37:29 uye tichinzwisisa kutaura kwakaitwa naJesu pana Mateo 6:10, tinopwiswa kuti masimba omuzvarirwo asingadzivisiki kana kuti munhu nesimba rake rose rinoparadza hazvisati zvichizogumisa nyika yedu. Havasati vachizodzivisa chinangwa chaMwari. (Pisarema 119:90; Isaya 40:15, 26) Rudzi rwomunhu rwakatendeka ruchararama pasi pano mumhoteredzo yorunako rusina muganhu uye mufaro usingagumi. Ndicho chokwadi pamusoro pekuri kusvika pasi, nokuti ichochi chinangwa choMusiki worudzi rwomunhu ane rudo uye changuve chakadaro.—Genesi 2:7-9, 15; Zvakazarurwa 21:1-5.