RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 7/8 pp. 12-15
  • Vana Vakachengeteka Nembwa Yako Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vana Vakachengeteka Nembwa Yako Here?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rovedza Mwana
  • Rovedza Imbwa
  • Imbwa Inodenha
  • Kufembedza Kunoita Imbwa
    Zvakangoitika Zvega Here?
Mukai!—1997
g97 7/8 pp. 12-15

Vana Vakachengeteka Nembwa Yako Here?

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA

SYDNEY aiva namakore maviri okukura akaenda pedyo zvikuru neRottweiler inodenha yakanga yakasungwa. Imbwa yacho yakarwisa, ikakuvadza ganda romusoro waSydney, uye yakada kubvisa nzeve yake yokuruboshwe. Achada kunamirwa ganda rinobva kune imwe nzvimbo yomuviri kanoverengeka kwamakore akawanda.

Nemhaka yokuti vanhu vazhinji vanoshandisa imbwa nokuda kwedziviriro, kune mishumo inowedzera yokurwisa vana kwembwa. Dzimwe imbwa dzave dzichizivikanwa kuva dzinoruma vana maRottweiler, maDoberman pinscher, mabullmastiff, maAlsatian (maGerman shepherd), uye mabullterrier. Kuongorora kwakaitwa muSouth Africa kwakaratidza kuti muzvakanzverwa, ruzhinji rwavana vakarumwa vakarwiswa nembwa dzavaiziva. Vanodokusvika hafu yaivavo vaiva vanyajambwa vembwa dzavavakidzani, uye chikamu chimwe muzvina chakarumwa nembwa dzavo vamene. Imbwa dzakarasika dzakaparira gumi muzana bedzi yokurwisa. Kazhinji kazhinji nyajambwa, zvichida asingazivi, akanga adenha imbwa yacho munzira yakati. Sezviri pachena, kurwisa kuzhinji kwembwa kunogona kudziviswa kana varidzi vembwa navabereki vakafanoita zvinodzivirira zvinokosha.

Rovedza Mwana

Varovedzi vazhinji vembwa vanosimbisa kuti vana vaduku nembwa hazvifaniri kusiyiwa zviri zvoga pasina tarisiro yomukuru. Vana vaduku havazivi mabatirwe emhuka. Vanofanira kudzidziswa. Nokudaro, vanhu vazhinji vanoshandisa muitiro wokuti kana mukuru akavimbika asingagoni kuvapo, imbwa navana vaduku zvinochengetwa munzvimbo dzakaparadzana. Murovedzi Brian Kilcommons anoti mubhuku rinonzi Childproofing Your Dog: “Kubva munyaya dzatinonzwa, zvizhinjisa zvezvinetso zvinoitika apo vakuru vanenge vasingangwariri.”

Kazhinji kazhinji, mhuka dzinoda dziviriro pavana! Kilcommons akadaidzwa kuti abetsere apo imbwa yeimwe mhuri yakahon’era mwana. Baba vakavhiringidzika vakatsanangura kuti mwanakomana wavo aiva namakore maviri nehafu okukura akamhanyira kwaiva nembwa yakarara ndokuibanha kwazvo. Imbwa yacho, sezvinooneka ichirwadziwa, yakahon’era mwana wacho. Muaya mamiriro ezvinhu imbwa yacho yakaratidza kuzvidzora kunorumbidzwa nokusaruma mwana wacho. Uyu murovedzi anopa zano vabereki achiti: “Musabvumira mwana wenyu kuitira imbwa zvamusingamubvumiri kuitira mumwe mwana.”

Dzidzisa mwana wako kubata mhuka nomutsa. Mudzidzise kusatongoshatirisa imbwa. Vabereki vanofanira kusvinurira kucherechedza ngozi dzipi nedzipi dzinobvira apo vana nembwa zvinenge zviri pamwe chete. Kana ukacherekedza imbwa ichiedza kubva kana kuti kuhwanda mwana, dzivisa mwana kuitevera. Kana mwana akatevera ndokunetsa imbwa, dziviriro yayo bedzi kuhukura, kuhon’a, kana kuti kunyange kuruma. Vabereki vanofanira kuranga nguva dzose, kuitira kuti zvose zviri zviviri imbwa nomwana zvizive kuti mubereki anorevesa.

Usabata imbwa seisingadiwi. Apo varoorani vaviri vane imbwa vanova nomwana wavo wokutanga, chimiro chendangariro chingava chokufuratira imbwa ndokuidzingira kuchivanze cheseri. Nepo kune mufungo kufanoita zvinodzivirira, murovedzi Richard Stubbs anopa zano achiti: “Imbwa haifaniri kubatwa seisingadiwi. Panzvimbo pezvo, chengeta zvikuru sezvinobvira muitiro wembwa wezuva nezuva, uye ipe ngwariro ine mufungo.”

Rangarira kuti mwana wako achadavidza sei kumbwa dzechienzi. Kana akaona muenzi achifambisa imbwa mumugwagwa, achamhanya asingadzoreki kunotamba nembwa yacho here? Mudzidzise kusadaro. Anofanira kutanga akumbira mvumo yomuridzi. Ipapo, kana muridzi akabvuma, anogona kuenda kunembwa zvishoma nezvishoma, kuti arege kuityisa. Anofanira kuzvisuma kupfurikidza nokumira kure zvishoma uye kutaura akaterama kumbwa. Imbwa ine ushamwari ichaswedera kumwana wako. Kwakanakisisa kurega imbwa dzinofamba mumugwagwa dzisingatarisirwi.—Ona bhokisi rinoti: “Kutaura Kwembwa Nezviratidzo Zvomuviri,” peji 14.

Rovedza Imbwa

Rumbidza imbwa yako nguva dzose uye iva anobetsera. Chirango kana kuti mashoko ehasha hazvikurumidzisi kudzidza asi panzvimbo pezvo zvinova netapuro yakapesana. Kwakanaka kuti imbwa idzidze kuuya apo inodaidzwa uyewo kuteerera mirayiro mikuru yakadai sa“gara!” Imbwa inodzidza kuzviisa pasi patenzi wayo, uye ikoku kunopa muridzi kudzora kuri nani mumamiriro ezvinhu akaoma. Mashoko akapfava nezvitsama zvemashoko zvinoshanda zvakanakisisa. Omerera kumamwe chetewo. Apo imbwa yako inoita chiito chinoshuviwa, ipa mubayiro nokukurumidza muchimiro cherumbidzo, kupuruzira, kana kuti chokudya chakanaka. Kuti uve netapuro inoshuviwa inosimbiswa, mubayiro unofanira kupiwa nokukurumidza pashure pechiito chacho. Chinhu chinotevera chinokosha kudzokorora kuzosvikira muitiro wacho wasimba zvikuru.

Kana ukawana imbwa, ingava mbwanana kana kuti yakura, ingada betsero kuti irovedzane navana. Vana vanoita nenzira yakasiyana navakuru. Vane ruzha zvikuru uye havadzoreki zvikuru uye sezvingabvira vangamhanyira kune imbwa, uko kungaityisa. Kwakanaka kuita kuti chipfuwo chenyu chamunotamba nacho chirovedzane nomuitiro wakadaro usiri wenguva dzose. Apo vana vanenge vasipo, ita kuti imbwa ijairane noruzha rwakamwe kamwe. Ita kuti rovedzo yacho ive mutambo. Daidzira murayiro kumbwa uye mhanyira kwairi. Ipapo nokukurumidza ipa imbwa yako mubayiro. Ita kuti kudaidzira kwako kuve noruzha zvishoma nezvishoma. Nguva dzose pedzisa nokurumbidza nokutamba kwoushamwari. Nokukurumidza ichafarikanya uyu mutambo.

Vana vaduku vanoda kumbundira imbwa, asi vanofanira kudzidziswa kusaita izvozvo sezvo dzimwe imbwa dzichinzwa dzatyisidzirwa nebatano yapedyo yakadaro. Kana vana vakambundira imbwa yako, unogona kuirovedza kugamuchira ikoku. Mbundira imbwa yako kwechinguvana, ipapo ipe chokudya chakanaka nerumbidzo. Zvishoma nezvishoma rebesa kumbundira kwako. Kana imbwa yako ikahon’a kana kuti ikahonya, wana betsero kubva kumurovedzi akakwaniriswa.

Imbwa Inodenha

Dzimwe imbwa dzinoratidzika kuva dzinodenha nomuzvarirwo uye dzingava ngozi kumitezo yemhuri. Hono sezvingabvira dzinoratidzira mavara iwaya okudenha.

Imbwa inodzora haidi kubatwa, zvikurukuru nzvimbo dzinoshatirisa dzakadai sokumeso uye huro. Pane dzimwe nguva, kunyange zvakadaro, imbwa ingaswedera kwauri, ingakugunzva, kana kuti kunyange kuisa makumbo ayo pamadya ako, ichi“kumbira” ngwariro. Ingarinda nzvimbo dzinokosha dzomusha, isingabvumire kunyange mitezo yemhuri kusvikapo. Kazhinji kazhinji inochengera zvinhu zvakadai sezvokutambisa uye ingahon’a kana kuti kurega kutsenga chokutambisa apo inosvikirwa ichizvitambisa.

Kuti dzisimbise utungamiriri hwadzo, imbwa dzakadaro dzichafuratira mirayiro inozivikanwa noune. Dzingabondera vana kana kuti dzingakarira kutanga kupinda pasuo. Dzingadawo kukwira vanhu. Brian Kilcommons, anotaura kuti ichochi “chiito chokukurira” uye “kwete chevatano.” Anonyevera kuti ichochi “nguva dzose chiratidzo chokuti imbwa inofunga kuti inodzora. Nhamo inokarirwa zvirokwazvo.” Imbwa ingatangawo tsika yokuisa ruoko rwatenzi mumuromo mayo kuti irayire ngwariro.

Izvi zviratidzo zvokudenha hazvifaniri kufuratirwa. Kudenha hakusati kuchingopera hako; sezvingabvira zvikuru kunowedzera, uye vana mumusha vangava mungozi. Varovedzi vazhinji vanorumbidza kuita kuti imbwa yakadaro iitwe isingabereki, pasinei zvapo nokuti ihono here kana kuti ihadzi, sezvo ikoku kazhinji kazhinji kuchibetsera kuderedza kudenha.

Hakuna mufungo kudenha imbwa inodenha kuti uiratidze kuti ndiani ari tenzi. Kudenhana uye chirango chehasha zvingagona, kutaura idi, kuva zvine ngozi. Munzira dzokuchenjera zvikuru, imbwa inogona kuratidzwa kuti ndiani anodzora.

Nguva iri yose imbwa inodenha inoswedera kwauri kuti iwane ngwariro uye iwe woipa, unosimbisa kudavira kwembwa kuti inodzora. Naizvozvo apo imbwa yakadaro inorayira ngwariro, ifuratire. Mhuri yose inofanira kubatira pamwe mukuita izvozvi. Imbwa ichakangaidzika pakutanga uye ingatohukura nokukutarisa nenzira inofadza, asi dzivisa muedzo wokutera. Apo inenge yaenda uye zvichida yarara munzvimbo yayo, ipapo ndiyo nguva yokuipa ngwariro duku. Nenzira iyi imbwa yako inodzidza kuti uri mutungamiriri uye unosarudza apo ngwariro inopiwa.

Mitambo yamasimba masimba yakadai sokudhonzana nemutsimba inogona kukurudzira miitiro yeimbwa yokudzora uye inofanira kudziviswa. Panzvimbo pezvo, itsive nemitambo isiri yamasimba masimba.

Kuri nani kuti imbwa irege kurara mukamuri rokurara. Kamuri rokurara ratenzi inzvimbo inokosha, uye kurara imomo kungasimudzira nzvimbo inozivikanwa yembwa yakakwirira kupfuura vana vomumba. Panzvimbo pezvo, isa mubhedha wembwa mukicheni kana kuti muimba mayo panze. Ndimo mukamuri dzavo dzokurara umo kazhinji kazhinji varidzi vanotanga kurumirwa nembwa inodenha.

Kana imbwa yako isingadavidzi kunhamburiko dzako, kana kuti kana pakuirovedza kana kuti pane imwe nguva ipi kana ipi, uchinzwa watyisidzirwa, wana betsero yomurovedzi wembwa anokwanisa. Chiremba wembwa yako angakwanisa kurumbidza mumwe. Tanga kutaura kwaari pamusoro pemitoo yake yokurovedza, uye iva nechokwadi chokuti unofara nemano ake usati wamuhaya. Murovedzi Richard Stubbs anonyevera kuti: “Nepo imbwa inodenha ingadavidza kumurovedzi ane unyanzvi, iyi haisati iri vimbiso yokuti ichaita zvimwe chetezvo nomuridzi wayo.” Muridzi wembwa anofanira kuva nechokwadi chokuti anogona kudzora imbwa yake mumamiriro ezvinhu akaoma.

Imbwa shoma dzicharamba dzichidenha kunyange pashure perovedzo yakanakisisa, uye kudzichengeta kunoisa mhuri mungozi. Pashure pokunge waedza unani hwako, ungakurangarira kuva kuri nani kusava nembwa yacho pane kukuvadzwa. Kwakanaka kubvunza chiremba wembwa kana murovedzi nokuda kwezano. Ungakwanisa kuwana mumwe musha wembwa yako, asi nenzira yomuzvarirwo unosungirwa kuudza muridzi mutsva nezvezvinetso zvawakava nazvo nembwa yacho.

Murovedzi Peter Neville anopa zano achiti: “Imbwa dzinodzora dzinofanira kubatwa bedzi pasi penhungamiro dzokungwarira zvikuru uye nenzvero yokurangarira pamusoro pokuti ndiani achapfuurira kuva ari mungozi uye yakadini. Kana chengeteko isingagoni kuvimbiswa munhu ari mumhuri uyo ari mungozi zvikurusa, ipapo kungava kuri nani kuti imbwa yacho iendeswe kumuridzi mutsva akasarudzwa nokungwarira, kana kuti kuuraya.”

Vana vanogona kudzidza uye kubetserwa mumirangariro nokuva nembwa sezvipfuwo zvokutamba nazvo. Kupfurikidza nokugovera tarisiro yokuvimbika, vabereki vanobetsera kuva nechokwadi chokuti kuyeuka kwose kwavana vavo zvipfuwo zvavo zvokutamba nazvo kuchava kunofadza.

[Bhokisi riri papeji 14]

Kutaura Kwembwa Nezviratidzo Zvomuviri

Muitiro wembwa inodenha unoratidza zvinangwa zvisiri zvoushamwari. Kupfurikidza nokudzidzisa mwana wako kuziva uku kutaura kwembwa nezviratidzo zvomuviri, unogona kumubetsera kudzivisa mamiriro ezvinhu ane ngozi.

● Imbwa inodenha ichaedza kuti itarisike seyakakura. Mvere dziri pamutsipa wayo dzingamira. Imbwa yacho ingahon’a kana kuti kuhukura muswe wayo wakamira. Kana muswe wacho uchipinimina wakaomarara, uchikurumidza, hakuratidziri ushamwari. Imbwa iyi inofanira kuregwa.

● Imbwa inotya ingahwatata musoro nenzeve zvayo zvakatarisa pasi uye muswe wayo wakatarisa pasi kana kuti uri pakati pemakumbo ayo. Kana imbwa iyi ikasvikwa, ingava inodenha nemhaka yorutyo. Irege.

● Imbwa yakasununguka inomira musoro wayo usina kunyanyosimudzwa kana kuti kuderera, muromo wakavhurika, uye muswe wakaderera zvishoma kupfuura musana, asi usina kurembera pasi. Muswe unopinimina chiratidzo choushamwari. Kazhinji kazhinji kwakarurama kuita ushamwari neiyi imbwa.

(Yakagadziridzwa ichibva mubhuku rinonzi Childproofing Your Dog, rakanyorwa naBrian Kilcommons naSarah Wilson.)

[Bhokisi riri papeji 15]

Chengeteko Pambwa

1. Tarisira vana vaduku uye imbwa.

2. Dzidzisa mwana wako kusatongoshatirisa imbwa.

3. Kumbira mvumo yomuridzi usati watamba nembwa yechienzi.

4. Rovedza imbwa yako kuteerera mirayiro mikuru.

5. Ita kuti imbwa yako ijaire kumbundirwa.

6. Dzivisa mitambo yamasimba masimba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe