RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 8/8 pp. 23-27
  • Kudzora Kutya Vanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzora Kutya Vanhu
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutarisira Zviratidzo Zvako
  • Ongorora Zvinhu Zvaunofunga Kuti Zvinokutyisa
  • Kutarisana Nezvaunotya
  • Vanhu V“ane Kunzwa Kwakafanana Nokwedu”
  • Apo Maziso Ose Anoita Seari Pauri
    Mukai!—1998
  • Kutambudzwa Nekutya
    Mukai!—1998
  • Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisazvidya Mwoyo?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 8/8 pp. 23-27

Kudzora Kutya Vanhu

“Chinhu chinokosha zvikurusa chinofanira kuyeukwa nevanhu vanotya ndechekuti hosha dzekutya dzinorapika. Hachisi chinhu chavanofanira kuramba vachitambura nacho.”—Dr. Chris Sletten.

NENZIRA inofadza, vanotya vanhu vakawanda vakabatsirwa kuderedza funganyo yavo uye kunyange kutarisana nemamiriro ezvinhu avaitya kwemakore akawanda. Kana uchirwara nekutya vanhu, iva nechokwadi kuti newewo unogona kudzidza nzira dzinovaka dzekurarama nadzo nehosha iyi. Kuti uite kudaro, unofanira kuisa ngwariro (1) pazviratidzo zvako zvemuviri, (2) zvaunodavira pamusoro pemamiriro ezvinhu aunotya, uye (3) maitire anoparirwa nekutya kwako.

Nheyo dzeBhaibheri dzinogona kubatsira. Chokwadi, Shoko raMwari harisi bhuku rinodzidzisa zvekurapa, uyewo haridudzi mashoko okuti “kutya vanhu.” Asi, Bhaibheri rinogona kukubatsira ku“chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara” mukurarama nekutya kwako.—Zvirevo 3:21; Isaya 48:17.

Kutarisira Zviratidzo Zvako

Zviratidzo zvemuviri zvekutya vanhu zvinosiyana pamunhu nemunhu. Muviri wako unoita sei paunotarisana nemamiriro ezvinhu aunotya? Maoko ako anobvunda here? Hana yako inorova nokukurumidza here? Unonzwa mudumbu here? Unodikitira kana kuti unonzwa kutsva, kana kuti mukanwa mako munooma here?

Sezvinobvumwa, hazvifadzi kufunga nezvekudikitira, kukakama, kana kuti kudedera pamberi pavamwe. Asi kufunganya pamusoro pezvingangoitika hakubatsiri. Jesu akataura nenzira yakakodzera kuti: “Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti rimwe paurefu hwake nokufunganya?” (Mateo 6:27; enzanisa naZvirevo 12:25.) Zvirokwazvo, kuramba uchifunga pamusoro pezviratidzo zvako uye pamusoro pekuti vamwe vanofungei pamusoro pazvo kuchangonyanyoipisa zvinhu. “Kufungidzira kuti vamwe vari kuona kutya kwavo kunoita kuti vanotya vanhu vabva vatonyanya kufunganya,” inodaro the The Harvard Mental Health Letter. “Vanosvika pakukarira magumo anonyadzisa nekutadza kunyatsoita zvinhu—kariro inoparirazve kutya pavanotarisana nemamiriro ezvinhu avanotya.”

Ungakwanisa kuderedza ukuru hwezviratidzo zvako kupfurikidza nekudzidzira kufema nepasi peruzarira zvishoma nezvishoma. (Ona bhokisi rakanzi “Ngwarira Kufema Kwako!”) Kunobatsirawo kurovedza muviri nokuzorodza tsandanyama kwenguva dzose. (1 Timotio 4:8) Ungafanirawo kuchinja mararamire ako. Semuenzaniso, Bhaibheri rinorayira kuti: “Tsama imwe yo[kuzorora, NW] inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Naizvozvo iva nechokwadi chekuti uri kuzorora zvakakwana. Mukuwedzera, ngwarira zvekudya zvako. Usarega zvimwe zvekudya zvezuva kana kuti kudya panguva dzisina kurongeka. Zvingava madikanwa kuderedza caffeine, ingava chinhu chikurusa chinonyandura funganyo.

Kupfuura zvose, shivirira. (Muparidzi 7:8) Rimwe boka ravanachiremba rinoshuma kuti: “Pashure penguva yakati, uchaona kuti, kunyange zvazvo uchangofunganya mumamwe mamiriro ezvinhu ekusangana nevanhu, ukuru hwezviratidzo zvemuviri wako huchati dererei zvishoma. Chinokosha zvikurusa, kupfurikidza nekurovedza, kuva kwako ane chivimbo kuchawedzera, uye uchava akagadzirira zviri nani kupinda mumamiriro ezvinhu emunzanga aunotya.”

Ongorora Zvinhu Zvaunofunga Kuti Zvinokutyisa

Zvinonzi haugoni kunzwa usina kutanga kufunga. Izvi zvinoratidzika kuva zvechokwadi nekutya vanhu. Naizvozvo, kuderedza zviratidzo zvemuviri wako, ungafanira kunzvera “ndangariro zhinji” dzinozviparira.—Pisarema 94:19.

Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti kutya vanhu, chaizvoizvo, kutya kusatenderwa. Semuenzaniso, ari pakaungana vanhu, munhu anotya vanhu angataura ega kuti, ‘Ndiri kutarisika sebenzi. Vanhu vari kuzviona kuti handifaniri kuva pano. Ndine chokwadi chekuti munhu wese ari kundiseka.’ Anotya vanhu anonzi Tracy ainzwa kudaro. Pashure penguva yakati, zvisinei, akaongorora zvaaifunga. Akazoziva kuti vanhu vaiva nezvimwe zvinhu zviri nani zvekuita nenguva yavo pane kumuongorora. “Kunyange kana ndikataura chimwe chinhu chinofinha,” Tracy akagumisa kuti, “chikonzero here chekuti mumwe munhu asandigamuchire semunhu nemhaka yaizvozvi?”

Kufanana naTracy, ungafanira kuongorora kana kusatenderwa pakazara vanhu—kuchizoitika—uye kukomba kwako. Pane chikonzero chakasimba here chekudavira kuti vanhu vangagumburwa newe kana zvaunotya zvikurusa zvikaitika? Kunyange kudai vamwe vaizodaro, pane chikonzero here chekugumisa kuti waisazopukunyuka nhau yacho? Mafungire emumwe munhu anochinja chaizvoizvo kukosha kwako semunhu here? Bhaibheri rinorayira neuchenjeri kuti: “Usava nehanya namashoko ose anotaurwa.”—Muparidzi 7:21.

Rimwe boka ravanachiremba richinyora pamusoro pekutya vanhu rakataura kuti: “Zvinetso zvinomuka apo vanhu vanonyanyoitira hanya zvinoratidzika sekurambwa kunoitika muupenyu. Kurambwa kunogona kurwadza zvikuru. Kunogona kukuvadza chaizvoizvo. Asi hakufaniri kukuita kuti unzwe usina maturo. Hakusi chaizvoizvo kuguma kwezvinhu zvose kutoti wakuita kuti kuve kwakadaro.”

Bhaibheri rinotibatsira kuzvirangarira sezvatiri. Rinobvuma kuti: “Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji.” (Jakobho 3:2) Hongu, hapana munhu asingatapurwi nekusakwana nezviratidzo zvako zvinonyadzisa dzimwe nguva. Kuziva izvozvi kunotibatsira kugamuchira nekunzwisisa kukanganisa kwevamwe, uye kunokurudzira vamwe kunzwisisa kwedu nenzira yakafanana. Muchiitiko chipi nechipi, vaKristu vanoziva kuti ane kutendera kunokosha zvikurusa ndiJehovha Mwari—uye haaisi ngwariro pazvikanganiso zvedu.—Pisarema 103:13, 14; 130:3.

Kutarisana Nezvaunotya

Kuti uhwinhe hondo yako nekutya vanhu, uchafanira kutarisana nekutya kwako pane imwe nguva. Pakutanga, kufunga nezvazvo pachako kungaratidzika sekunotyisa. Kusvika pari zvino, zvichida wakadzivisa pakaungana vanhu panganyandura kutya kwako. Sezvingabvira, zvisinei, izvi zvakangoparadza kuzvivimba kwako bedzi ndokupfuurira kuwedzera kutya kwako. Nechikonzero chakanaka, Bhaibheri rinotaura kuti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.”—Zvirevo 18:1.

Nenzira yakapesana, kutarisana kwako nezvaunotya kungaderedza funganyo yako.a Dr. John R. Marshall vanotaura kuti: “Tinowanzokurudzira varwere vedu vanotya vanhu—zvikurukuru vanotya zvinhu zvakajeka, zvakadai sekutaura pachena—kuzvimanikidza kutora rutivi mumamiriro ezvinhu nemasangano anoda kuti vasangane nevanhu.”

Kutarisana nemamiriro ezvinhu awanga uchitya kuchakupwisa (1) kuti kukanganisa kunonyadzisa kazhinjisa hakugumi nekusatendera kwevamwe uye (2) kuti kunyange kana kukaguma nekusatendera kwakati, aya haasi magumo ezvose. Yeuka, kunyange zvakadaro, kushivirira kufambira mberi kwako. Kupora hakuitiki usiku humwe chete, uye kukarira kuti zviratidzo zvose zvekutya vanhu zvichanyangarika kukarira zvisingabviri. Maererano naDr. Sally Winston, chinangwa chekurapwa, hachisi chekubvisa zviratidzo, asi kuzviita kuti zvisave chinhu chinokosha. Kana zvikasava chinhu chinokosha, anodaro, zvinopera kana kuti kungovandudzikawo.

VaKristu vane chinobatsira kukurira kutya vanhu chakasimba. Zvirokwazvo, vanoudzwa kuti “tirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu.” (VaHebheru 10:24, 25) Sezvo basa rechiKristu richiwanzobatanidza kusangana nevamwe, kushanda zvakaoma kudzora kutya kwako vanhu kunogona kubatsira zvikurusa kufambira mberi kwako mumudzimu. (Mateo 28:19, 20; Mabasa 2:42; 1 VaTesaronika 5:14) Ramba uchiudza Jehovha Mwari nhau yacho mumunyengetero, nekuti anogona kukupa “simba rinopfuura romuzvarirwo.” (2 VaKorinte 4:7, NW; 1 Johane 5:14) Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuwana chiono chakadzikama pamusoro pekutenderwa nevamwe uye kusakurira unyanzvi hunodikanwa kuita zvaanoda.

Sezvinobvumwa, zvinetso zvemurwere mumwe nemumwe zvakasiyana, uye mumwe nemumwe achava nezvibingamupinyi zvakasiyana zvekutarisana nazvo uye zvinobatsira zvakasiyana zvekushandisa. Vamwe vakavandudzika kusvika kumwero wakati kupfurikidza nekushandisa zvikarakadzo zvakurukurwa. Kune zvinoitika apo betsero yekuwedzera ingava madikanwa. Vamwe, semuenzaniso, vakabatsirwa nemishonga.b Vamwe vakatsvaka betsero yenyanzvi yezveutano hwendangariro. Mukai! hairumbidzi kana kuti kutsigira mutoo wakati kuti wekurapa. Kuti muKristu acharonda kurapa kwakadaro here chisarudzo chemunhu oga. Anofanira kungwarira, zvisinei, kuti kurapa kupi nekupi kwaanowana hakubonderani nenheyo dzeBhaibheri.

Vanhu V“ane Kunzwa Kwakafanana Nokwedu”

Bhaibheri rinogona kukurudzira zvikuru, nekuti rine mienzaniso chaiyoiyo yevanhu vakakurira zvipingamupinyi zvemunhu oga kuti vaite izvo Mwari aida. Rangarira Eriya. Semumwe wevaporofita vakurusa vaIsraeri, akaratidza hungaratidzika seushingi hunopfuura hwemunhu. Asi, Bhaibheri rinotivimbisa kuti “Eriya akanga ari munhu ane kunzwa kwakafanana nokwedu.” (Jakobho 5:17, NW) Akanga asiri munhu asingatapurwi nenhambo dzekutya kukuru nefunganyo.—1 Madzimambo 19:1-4.

Muapostora wechiKristu Pauro akaenda kuKorinte “noutera, nokutya, nokudedera kukuru,” sezvinooneka asina chokwadi zvikuru pamusoro pezvaaikwanisa kuita pachake. Uye akawana kusatenderwa kwakati kuti. Zvirokwazvo, vamwe vashori vakataura nezvaPauro kuti: “muviri wake kana aripo, une utera, nokutaura kwake kunozvidzwa.” Asi, hapana chinoratidza kuti Pauro akabvumira mirangariro yevamwe yakamonyaniswa kutapura maonere aaizviita kana kuti zvaaikwanisa kuita.—1 VaKorinte 2:3-5; 2 VaKorinte 10:10.

Mosesi akanga asina chivimbo chekukwanisa kuonana naFarao, achiti aiva “nomuromo usingagoni norurimi rusingagoni.” (Eksodho 4:10) Kunyange apo Jehovha Mwari akavimbisa kumubatsira, Mosesi akakumbira kuti: “Kwete, Ishe, ndapota tumai henyu mumwe munhu.” (Eksodho 4:13, Today’s English Version) Mosesi aisagona kuona zvaaikwanisa kuita, asi Jehovha aizviona. Akaona Mosesi semunhu anokwanisa zvikuru mundangariro nemumuviri kuita mugove wacho. Kunyange zvakadaro, Jehovha nerudo akagovera Mosesi mubatsiri. Haana kumanikidza Mosesi kutarisana naFarao ari oga.—Eksodho 4:14, 15.

Jeremiawo muenzaniso wakatanhamara munhau iyi. Paakagadzwa semuporofita waMwari, murume muduku uyu akapindura kuti: “Haiwa, ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” Jeremia akanga asina simba rekuita mugove wake. Asi, Jehovha aiva naye. Akabatsira Jeremia kuva “guta rakakomberedzwa, nembiru yedare, namasvingo endarira, [k]urw[a] nenyika yose.”—Jeremia 1:6, 18, 19.

Naizvozvo, kana kutya nefunganyo zvichikutambudza, usagumisa kuti hauna kutenda kana kuti Jehovha akuramba. Nenzira yakapesana, “Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mwoyo yakapwanyika.”—Pisarema 34:18.

Zvirokwazvo, mienzaniso yeBhaibheri yadudzwa pamusoro apa inoratidza kuti kunyange varume vokutenda vakasimba vakarwa nekunzwa kwekusakwanisa. Kunyange zvazvo aisada zvinopfuura izvo mumwe nemumwe aigona kupa nenzira ine mufungo, Jehovha akabatsira Eria, Pauro, Mosesi, uye Jeremia kuita zvakawanda kupfuura zvavangave vakakarira. Sezvo Jehovha achiziva “chatakaitwa nacho, [achi]rangarira kuti tiri guruva,” iva nechokwadi chekuti anogona kukuitira zvakafanana.—Pisarema 103:14.

[Mashoko Omuzasi]

a Vamwe vanachiremba vanorumbidza kuti kana danho iri richiratidzika serakaoma, rovedza kungofungidzira bedzi kuti uri mumamiriro ezvinhu aunotya. Fungidzira chiono chacho neudzame hwakawanda sezvinobvira. Funganyo yako ingawedzera; asi ramba uchizviyeuchidza kuti kusatenderwa nevamwe hakusi kuzoitika kana kuti hakuna kukomba semafungire ako, uye pedzisa kupera kwechiono chacho kutsigira murangariro iwoyo.

b Avo vanorangarira kurapwa nemushonga vanofanira kuyera ngozi nebetsero. Vanofanira kurangarirawo kana kutya kwakakomba zvakakwana kuti kude kurapwa nemishonga. Nyanzvi dzakawanda dzinorangarira kuti kurapa nemishonga kunoshanda zvakanakisisa pakunenge kwakabatanidzwa nekurapa kunonangidzirwa pazvinotyiwa nemuitiro zvemunhu anotya.

[Bhokisi riri papeji 24]

Ngwarira Kufema Kwako!

VAMWE vanotya vanhu vanokwanisa kuderedza ukuru hwezviratidzo zvavo zvemuviri kupfurikidza nekuisa ngwariro pamafemere avo. Pakutanga, izvi zvinganzwika sezvechienzi. Inga wani, munhu wose anogona kufema! Asi nyanzvi dzinotaura kuti vanhu vakawanda vane zvinetso zvefunganyo havafemi zvakanaka. Kazhinji kazhinji, kufema kwavo ndekwepamusoro zvikuru, kwekukurumidzisa, kana kuti kunonyanyoitirwa muchipfuva.

Rovedza kufemera mukati nekufemera kunze zvishoma nezvishoma. Kufema nemumhuno panzvimbo pemukanwa kuchaita kuti izvi zvive nyore zvikuru. Uyewo, dzidzira kufema nepasi peruzarira, sezvo kufemera pamusoro pechipfuva chako kuchiwedzera ngozi yekurasikirwa necarbon dioxide yakawandisa. Kuzviyera munhau iyi, paunenge wakamira, isa ruoko rwako pamusoro pechiuno chako uye rumwe rwacho pakati pechipfuva chako. Paunenge uchifema, cherechedza kuti ruoko rupi ruri kunyanya kufamba. Kana ruri ruoko ruri pachipfuva chako, unofanira kudzidzira kufema nepasi peruzarira.

Chokwadika, hakusi kufema kwose kunofanira kubva pasi peruzarira. (Reshiyo yakanaka yekufema nepasi peruzarira nechipfuva inenge zvikamu zvina kuchimwe chete, asi iyoyi ichasiyana-siyana dzimwe nguva.) Uye shoko renyevero rakakodzera: Avo vane hosha dzekufema dzakakomba—dzakadai seemphysema kana kuti asthma—vanofanira kuona chiremba vasati vatanga miitiro mitsva yekufema.

[Bhokisi riri papeji 25]

Apo Kutya Kunoparira Kuvhunduka

NOKUDA kwevamwe vanotya vanhu, funganyo yakakomba zvikuru zvekuti inoparira kurwara nekuvhunduka. Rutyo urwu rwekamwe kamwe, rukurusa runowanzosiya nyajambwa warwo arasikirwa necarbon dioxide yakawandisa nemhaka yekunyanyofemesa, kunzwa kuda kufenda, uye achidavira kuti abatwa nemwoyo.

Nyanzvi dzinotaura kuti zvakanakisisa ndezvekusarwisa kurwara kwacho. Panzvimbo pezvo, dzinorayira murwere ‘kushivirira’ funganyo yacho kusvika yapera. “Haugoni kuimisa kana yangotanga bedzi,” anodaro Jerilyn Ross. “Zvinofanira kutoitika kusvika zvapera zvoga. Ingoramba uchizviudza kuti zvinotyisa, asi hazvina ngozi. Zvichapfuura.”

Melvin Green, mutungamiriri wesangano rinorapa agoraphobia, anofananidza kuvhunduka kwacho nefungu duku rinogona kuoneka richisvika pamahombekombe. “Izvi zvinomirira kunzwa kwako kwefunganyo kwekutanga,” anodaro. “Sezvo fungu racho rinoswedera pedyo nenyika rinoramba richikura. Izvi zvinomirira kukura kwekunzwa kwako funganyo. Nokukurumidza fungu racho rinokura kwazvo uye pamwero yakakwirira. Ipapo rinoyerera richidzika pasi ndokuramba richidukupa kusvika rapararira pamahombekombe. Mufananidzo uyu unomirira kutanga nokupera kwekurwara nefunganyo.” Green anotaura kuti varwere havafaniri kurwisa kunzwa kwacho asi kukubvumidza kuitika kusvikira kwapfuura.

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Kubatsira kuderedza funganyo, ngwarira zvekudya zvako uye wana zororo rakafanira

[Mufananidzo uri papeji 26]

Jehovha akabatsira varume vakafanana naMosesi kuita zvakawanda mubasa ravo kupfuura zvavangave vakakarira

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe