RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 8/8 pp. 28-29
  • Mupfekero Wako Norutsvindo—Mwari Ane Basa Nazvo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mupfekero Wako Norutsvindo—Mwari Ane Basa Nazvo Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhau Yomunhu Oga
  • “Vane Mwero Nokunaka Kwepfungwa”
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Zvipfeko Zvakagadzirwa Zvakanaka Zvinoratidza Kuremekedza Mwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kuva Nomwero Mumupfekero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 8/8 pp. 28-29

Murangariro weBhaibheri

Mupfekero Wako Norutsvindo—Mwari Ane Basa Nazvo Here?

“Sezvo ratidziro yokumagumo ebhuku ichitaura zviri mukati, . . . ndizvo zvinongoitawo chitarisiko chokunze nezvipfeko, kumurume kana kuti kumukadzi, zvinotiratidza mafungire emunhu.”—Munyori wemitambo yechiNgezi Philip Massinger.

MUZANA remakore rechitatu C.E., munyori wechechi Titus Clemens akanyora ndaza yakareba yemitemo inodzora mupfekero norutsvindo. Zvishongo nemicheka youmbozha kana kuti ine mavara mavara yairambidzwa. Vakadzi vaisafanira kuisa mishonga inosvibirisa bvudzi ravo kana kuti ku“zora zviso zvavo nezvinhu zvinokwezva nounyengeri,” ndiko kuti, “kupenda kumeso.” Varume vairayirwa kuveura misoro yavo nemhaka yokuti “bvudzi rakadimburirwa . . . rinoratidza murume ane chiremera,” asi bvudzi riri pachirebvu rakanga risingafaniri kubatwa batwa, nokuti “rinopa chiremera kuchiso nekutyiwa kweubereki.”a

Mazana emakore gare gare mutungamiriri wePurotesitendi John Calvin akagadza mitemo inonyatsotaura ruvara rwezvipfeko zvaigona kupfekwa navateveri vake. Zvishongo zvemabwe anokosha neresi zvaisatenderwa, uye mukadzi aigona kuiswa mujeri nemhaka yokugadzira bvudzi rake kusvikira “kumwero wounzenza.”

Mirangariro yokunyanyisa yakadaro, yaitsigirwa navatungamiriri vorudzidziso kwemakore, yakaparira vanhu vapachokwadi vakawanda kunetseka kuti, Mwari ane basa nezvandinopfeka here? Haatenderi mamwe mafashoni kana kuti kushandisa zvekupenda nazvo kumeso here? Bhaibheri rinodzidzisei?

Nhau Yomunhu Oga

Nenzira inofadza, sezvakanyorwa pana Johane 8:31, 32, Jesu akati kuvadzidzi vake: “Kana imi muchigara mushoko rangu, . . . muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.” Hongu, zvokwadi dzakadzidziswa naJesu dzakaitirwa kusunungura vanhu pamitoro inodzvinyirira yakaitwa negamuchidzanwa uye dzidziso dzenhema. Dzakaitirwa kuzorodza v“akaneta, [v]akaremerwa.” (Mateo 11:28) Pakati paJesu naBaba vake, Jehovha Mwari, hapana ane chishuvo chokudzora upenyu hwavanhu kusvika pakuita kuti munhu wacho atadze kuzvifungira kana kuti kushandisa mano ake pachake okurangarira panhau dzomunhu oga. Jehovha anoda kuti vave vanhu vakura “vane kuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaHebheru 5:14.

Nokudaro, Bhaibheri harigoveri mitemo ine udzame inodzora mupfekero norutsvindo kana kuti kushandiswa kwezvekuzora, kunze kwemupfekero wakajeka waidikanwa wakarayirwa vaJudha neMutemo waMosesi, uyo wakaitirwa kuvabatsira kuramba vakaparadzana namarudzi akavapoteredza nepesvedzero dzawo dzounzenza. (Numeri 15:38-41; Dheuteronomio 22:5) Mugadziriro yechiKristu, mupfekero norutsvindo chaizvoizvo inhau yomunhu oga.

Zvisinei, izvi hazvikarakadzi, kuti Mwari haanei nezvatinopfeka kana kuti ‘chese chese chinoita.’ Mukupesana, Bhaibheri rine nhungamiro dzine mufungo dzinoratidza murangariro waMwari pamupfekero norutsvindo.

“Vane Mwero Nokunaka Kwepfungwa”

Muapostora Pauro akanyora kuti vakadzi vechiKristu vanofanira “kushong[a] nguvo dzakafanira, [vane mwero nokunaka kwepfungwa, NW]; vasava nebvudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana nguvo dzinodya mari zhinji.” Nenzira yakafanana, Petro anopa zano rinorambidza “kuruka bvudzi, nokushonga ndarama.”—1 Timotio 2:9; 1 Petro 3:3.

Petro naPauro vari kureva kuti vakadzi nevarume vechiKristu vanofanira kudzivisa kunatsiridza chitarisiko chavo here? Kana! Kutaura idi, Bhaibheri rinodudza varume navakadzi vakatendeka vaishandisa zvishongo zvemabwe anokosha kana kuti mafuta ekuzora nezvinonhuwira. Asati aonekwa naMambo Ahashvheroshi, Estere akapedza nguva huru yakarongwa yokunatsiridza runako kwaibatanidza mafuta anonhuwira nokupuruzira. Uye Josefa akapfekedzwa zvipfeko zvomucheka wakanakisisa nengetani yemuhuro yendarama.—Genesi 41:42; Eksodho 32:2, 3; Estere 2:7, 12, 15.

Mashoko okuti “kunaka kwepfungwa,” sekushandiswa kwaakaitwa naPauro, anotibatsira kunzwisisa zano racho. Shoko repakuvamba rechiGiriki rinoratidza kuva wepakati nepakati uye anozvidzora. Rinoreva kuzvifunga nemutoo wekusanyanyisa, usingaiti kuti uonekwe. Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoshandura shoko iri sa“kunzwisisa,” “kushandisa pfungwa,” “kunatswa,” kana kuti “nokuzvidzora.” Vara iri chinhu chinodiwa zvikurusa kuvakuru vechiKristu.—1 Timotio 3:2.

Naizvozvo, pakutiudza kuti mupfekero wedu nokushonga zvinofanira kuva zvine mwero uye zvakanaka, Magwaro anotikurudzirawo kudzivisa zvitaira zvipi nezvipi zvokunyanyisa zvaizogumbura vamwe nokushoresa zita redu nereungano yechiKristu. Panzvimbo pokuita kuti vaonekwe chitarisiko chavo kupfurikidza nokuzvipoda poda, avo vanoti vanotya Mwari vanofanira kuratidza kuva vakanaka mupfungwa ndokusimbirira pa“munhu wakavanzika womwoyo, wakashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara.” Petro anogumisa kuti, “unokosha, zvikuru pamberi paMwari.”—1 Petro 3:4.

VaKristu “chinhu chinoshamisa nyika.” Vanofanira kuziva maonerwe avanoitwa nevanhu, kunyanya vachirangarira murayiro wavanawo wokuparidzira mashoko akanaka. (1 VaKorinte 4:9; Mateo 24:14) Nokudaro havafaniri kubvumira chinhu chipi nechipi, kubatanidza chitarisiko chavo, kuti chitadzise vamwe kuteerera shoko iroro rinokosha.—2 VaKorinte 4:2.

Sezvo zvitaira zvichisiyana zvikuru kunzvimbo nenzvimbo, Bhaibheri rinopa vanhu nhungamiro yakajeka, ine mufungo inovagonesa kusarudza nokuchenjera. Chero bedzi vanhu vachiomerera kunheyo idzi, Mwari anobvumira akasununguka uye norudo vose kuratidza zvipfeko nezvekutsvindisa zvavanofarira.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuyedza kutsigira mitemo iyi inorambidza kwakaitwa kupfurikidza nokumonyanisa Magwaro. Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri chinhu chakadaro, nyanzvi yezverudzidziso yaive nesimba Tertullian yakadzidzisa kuti sezvo mukadzi ariye akaparira “chivi chokutanga, uye ari chisakiso . . . chenhamo yevanhu,” vakadzi vanofanira kugara “vachichema uye kudemba saEvha.” Kutaura idi, akaomerera kuti mukadzi akanaka zvomuzvarirwo anofanira kutosvika pakuvanza runako rwake.—Enzanisa naVaRoma 5:12-14; 1 Timotio 2:13, 14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe