RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 6/8 pp. 4-7
  • Zvinhu Zvose Zviripo Noupenyu Zvakavapo Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvose Zviripo Noupenyu Zvakavapo Sei?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Mawindo Maviri”
  • “Chitendero” Chesayenzi
  • Panogumira Sayenzi
  • ‘Kutenda Kune Chokwadi’
  • Nei Upenyu Huripo
  • Ungawanepi Mhinduro?
    Mukai!—2004
  • Kuwiriranisa Sayenzi Nechitendero
    Mukai!—2002
  • Sayenzi Inokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Mukai!—2002
g02 6/8 pp. 4-7

Zvinhu Zvose Zviripo Noupenyu Zvakavapo Sei?

“Sayenzi isina chitendero yakaremara, chitendero chisina sayenzi chakapofumara.”—Albert Einstein.

INO inguva iri kuitika zvinhu zvinoshamisa pamwero wanga usati wamboonekwa. Zvinhu zvitsva zviri kuwanikwa muchadenga zviri kumanikidzira vanodzidza nezvomuchadenga kuti vadzokorore maonero avanoita zvinhu zvose zviripo kuti zvakavapo sei. Vanhu vakawanda vanoshamiswa nezvinhu zvose zviripo uye vari kubvunza mibvunzo yakabvira kare inomutswa nokuvapo kwedu yokuti: Zvinhu zvose zviripo noupenyu zvakavapo sei uye nei?

Kunyange kana tikatarisa kune rimwe divi—kuzvitarisa pachedu—zvichangobva kuonekwa mumaumbirwo omunhu zvinomutsa mibvunzo yokuti: Zvinhu zvipenyu zvakasiyana-siyana zvakasikwa sei? Uye ndiani, kana aripo, akazvisika? Kuoma kunzwisisa kwakaita masero omuviri wedu kwakaita kuti mumwe mutungamiriri weUnited States ataure kuti “tiri kudzidza mutauro uyo Mwari akasika nawo upenyu.” Mumwe mukuru wemasayendisiti aibatanidzwa mukudzidza nezvemasero akataura nokuzvininipisa kuti: “Takawana kachikamu kaduku kebhuku redu remirayiridzo, raingozivikanwa naMwari bedzi.” Asi mibvunzo yacho inoramba iripo—sei uye nei?

“Mawindo Maviri”

Mamwe masayendisiti anoti kushanda kwezviri muchadenga nezviri pasi kunogona kutsanangurwa nokushandisa pfungwa, pachisara pasina mukana wokuti pave nouchenjeri hwaMwari. Asi vamwe vanhu vezvitendero vanodavira masimba asiri evanhu asinganzwisiswi nesayenzi. Asi vanhu vakawanda, kusanganisira masayendisiti, havaoni mafungiro acho achinyatsoita. Vanoedza kunzwisisa zvinhu zviripo nokutarira kusayenzi uye chitendero. Vanofunga kuti sayenzi inotaura kuti takavapo sei uye nezvechadenga chakatipota, nepo chitendero chichitaura kuti nei izvozvo zviripo.

Achitsanangura nezvokushandisa nzira mbiri idzi, nyanzvi yefizikisi Freeman Dyson akati: “Sayenzi nechitendero mawindo maviri ayo vanhu vanotarira nepaari vachiedza kunzwisisa zvose zviri muchadenga nezviri pasi.”

“Sayenzi inotaura zvinhu zvinogona kuyerwa, chitendero chinotaura zvinhu zvisingayereki,” akataura kudaro munyori wemabhuku William Rees-Mogg. Akati: “Sayenzi haigoni kuratidza kana kusaratidza kuvapo kwaMwari, kungofanana nokusagona kwainoita kuratidza kana kusaratidza chero chinhu chine chokuita nezvorunako kana tsika. Hapana chikonzero chinopiwa nesayenzi chokuti ude muvakidzani wako kana kuremekedza upenyu hwevanhu . . . Kufunga kuti hapana chinhu chiripo chisingagoni kuratidzwa nesayenzi ndihwo udofo hwokupedzisira, zvingabvisa zvinenge zvinhu zvose zvatinokoshesa muupenyu, kwete Mwari kana vanhu chete, asi rudo uye kudetemba nenziyo.”

“Chitendero” Chesayenzi

Fungidziro dzemasayendisiti kakawanda dzinoita sedzinotsamira pazvinhu zvinoda kutenda kworudzi rwavo pachavo. Somuenzaniso, kana toreva nezvokutanga kwoupenyu, vazhinji vezvemhindumupindu vanoomerera papfungwa dzinoda kutenda mudzimwe “dzidziso” dzakati kuti. Chokwadi chinosanganiswa nefungidziro. Uye apo masayendisiti anoshandisa simba rechiremera chavo kuti varoverere zvitendero zvisina musoro mumhindumupindu isina zvainoreva, chaizvoizvo vari kureva kuti: ‘Haisi mhosva yako kuti mufambiro wako wakadini nokuti unongovawo musanganiswa wezvinopa upenyu, kemisitiri nefizikisi.’ Mudzidzi wezvinhu zvipenyu Richard Dawkins anotaura kuti pazvinhu zvose zviripo ‘hapana akazvigadzira, hazvina chinangwa, hapana chakaipa nechakanaka, hapana chiripo asi kungoti kusaitira hanya kusina musoro.’

Kuti atsigire dzidziso idzodzo, mamwe masayendisiti anosarudza kufuratira kutsvakurudza ruzivo kwakakura kwakaitwa nemamwe masayendisiti anopikisa hwaro hwetsanangudzo dzavo dzefungidziro dzekwakabva upenyu. Unyanzvi hwemasvomhu hwakaratidza kuti, kunyange kana mabhiriyoni emakore akapfuura, kugadzirika kwetsaona kwemamorekuru akaoma kunzwisisa anodiwa pakugadzira masero mapenyu, hakuitiki.* Nokudaro, tsanangudzo dzinoomererwa padziri dzisina uchapupu hwakakwana dzezvokutanga kwoupenyu dziri mumabhuku akawanda dzinofanira kunzi ndedzenhema.

Kudavira kuti upenyu hwakangoerekana hwavapo kunoda kutenda kukuru kupfuura kudavira kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa. Nyanzvi yezvomuchadenga David Block akati: “Munhu asingadaviri kuti kune Musiki anofanira kuva nokutenda kwakakura kupfuura anodavira kuti aripo. Kana achitaura kuti Mwari haapo, munhu anenge achitaura mashoko asina tsigiro—asina uchapupu akavakirwa pakutenda.”

Zvinhu zvinowanikwa nesayenzi zvinogona kuita kuti mamwe masayendisiti aone kuti kuna Mwari. Albert Einstein akabvuma kuti: “Pamasayendisiti ane pfungwa chaiwo, kashoma kuti uwane asina kana kachitendero kake. . . . Kufunga kwechitendero kunoratidzwa nokushamiswa kukuru nokupindirana kwomutemo unodzora zvinhu, unoratidza ungwaru hwakakura kwazvo zvokuti kufunga kwose kwakarongeka kwevanhu nokuita kwavo hazvienzani nahwo zvachose.” Asi, izvi hazvibvi zvaita kuti masayendisiti adavire kuti kune Musiki, Mwari.

Panogumira Sayenzi

Zvakakodzera kuremekedza zvakafanira zivo yesayenzi uye zvayakawana. Zvisinei, vakawanda vanobvuma kuti nepo sayenzi ichiita nezvoruzivo, haisiriyo bedzi inopa ruzivo. Chinangwa chesayenzi ndechokutsanangura zvinhu zvinooneka zviripo munyika uye kubatsira pakupindura kuti zvinhu izvi zvakavapo sei.

Sayenzi inotipa ruzivo rwezvinhu zvose zvinooneka zviri pasi nezviri kudenga. Asi pasinei nokuti kutsvakurudza kwesayenzi kunosvika papi, hakugoni kupindura mubvunzo wakanangana nechinangwa, wokuti—nei zvinhu zvose zviripo.

“Pane mimwe mibvunzo iyo masayendisiti asingambofi akagona kupindura,” anodaro munyori Tom Utley. “Zvingadaro kuti Kuputika Kukuru kwakaitika makore mabhiriyoni 12 akapfuura. Asi nei kwakaitika? . . . Zvakaputika zvacho zvakambovapo sei? Chii chaimbovapo zvisati zvavapo?” Utley anogumisa kuti: “Zvinoita sokuti . . . zvakajeka kupfuura kare kose kuti sayenzi haizofi yakagutsa shungu dzomunhu dzokuda kuziva.”

Ruzivo rwesayenzi rwakawanikwa nokuda kuziva ikoko, pane kuti ruratidze kuti hakuna Mwari, rwakangoshanda bedzi pakuratidza rudzi rwenyika yatiri kurarama ine zvinhu zvakasiyana-siyana zvikuru, zvakaoma kunzwisisa uye zvinoshamisa. Vanhu vakawanda vanofunga vanozviona zvine musoro kugumisa kuti mitemo yezvinhu zviripo uye kushanda kwemakemikari uyewo neDNA uye kusiyana-siyana kwoupenyu zvose zvinoratidza kuti pane Musiki. Hakuna uchapupu hunogutsa hunoramba izvozvo.

‘Kutenda Kune Chokwadi’

Kana kune Musiki akasika zvose zviripo, hatingatarisiri kumunzwisisa kana kunzwisisa chinangwa chake nokushandisa materesikopu, mamaikorosikopu, nemimwe midziyo yesayenzi. Funga nezvomuumbi wehari nehari yaaumba. Hapana kunzvera hari yacho kupi nokupi kunopa mhinduro yokuti nei yaumbwa. Kuti tizive, tinofanira kubvunza muumbi wacho pachake.

Nyanzvi yemamorekuru Francis Collins anotsanangura nzira iyo kutenda nokunamata zvinogona kubatsira kupedza zvinotadzwa nesayenzi: “Handingatarisiri kuti chitendero chive chishandiso chakakodzera kuongorora maumbirwo omunhu uye panguva imwe chete handingatarisiri sayenzi kuti ishandiswe kunzwisisa zvomweya. Asi pamibvunzo mikuru inoda kuzivikanwa, yakadai sokuti ‘Nei tiri pano?’ kana kuti ‘Nei vanhu vachida kunamata?,’ ndinoona sayenzi isingapinduri zvinogutsa. Zvimwe zvinongodavirwa zvakawanda zvakavapo zvikazopera. Kutenda kuchiripo, zvinova zvinoratidza kuti kune chokwadi.”

Nei Upenyu Huripo

Pakupindura kuti nei zvinhu zviripo uye kuti chinangwa choupenyu ndechipi, chitendero chechokwadi chinoratidzawo zvinofanira kutevedzerwa patsika, mufambiro, uye magariro pamwe nenhungamiro muupenyu. Musayendisiti anonzi Allan Sandage akazvitsanangura nenzira iyi: “Handiendi kubhuku redzidzo yezvinhu zvipenyu kuti ndizive mararamiro andinofanira kuita.”

Vanhu vanosvika mamiriyoni kupota pasi rose vanoziva kuti vakawana kwokuenda kuti vadzidze mararamiro. Vanozivawo kuti vakawana mhinduro dzinogutsa zvechokwadi pamibvunzo yokuti: Nei tiri pano? Uye tiri kuenda kupi? Mhinduro dzacho dziripo. Asi kupi? Mubhuku rekaresa uye rakaparadzirwa kupfuura mamwe mabhuku ose anoyera, Bhaibheri.

Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akagadzira nyika achifunga nezvevanhu. Ichitaura nezvenyika, Isaya 45:18 inoti: “Mwari . . . [haana kuisika] kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.” Uye akashongedza nyika nezvinhu zvose zvaizodiwa nevanhu, kwete kuti vangorarama, asi kuti vanakidzwe noupenyu kwazvo.

Vanhu vakapiwa basa rokutarisira nyika, ‘kuti vairime nokuichengeta.’ (Genesi 2:15) Bhaibheri rinotsanangurawo kuti zivo nouchenjeri zvipo zvinobva kuna Mwari uye kuti tinofanira kuva norudo neruramisiro kune mumwe nomumwe. (Jobho 28:20, 25, 27; Dhanieri 2:20-23) Nokudaro vanhu vanogona bedzi kuwana chinangwa nezvinoreva upenyu pavanowana uye kunzwisisa chinangwa chaMwari nokuda kwavo.*

Munhu anofunga chaiye angakurira sei musiyano unooneka uri pakufunga kwesayenzi nezvinodavirwa muchitendero? Inhungamiro dzipi dzingabatsira munhu kuita izvozvo?

[Mashoko Omuzasi]

Ona bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You?, pachitsauko 3, chinoti “What Is the Origin of Life?,” rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Kuti uone kukurukurwa kwakadzama, ona bhurocha rinonzi Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo riri papeji 7]

Zvinotaurwa Nemamwe Masayendisiti

Vamwe vanhu vanofunga kuti masayendisiti akawanda haadi kutaura nezvokunamata uye zvechitendero nokuti haanamati kana kuti haadi kuzvibatanidza mugakava riri pakati pesayenzi nechitendero. Izvozvo ndozvakaita mamwe masayendisiti asi haasi ose akadaro. Cherechedza zvakataurwa nemamwe masayendisiti.

“Zvinhu zviripo zvose zvine mavambo asi masayendisiti anotadza kutsanangura kuti nemhaka yei. Mhinduro yacho ndiMwari.” “Ndinoona kuti Bhaibheri ibhuku rechokwadi uye kuti rakafuridzirwa naMwari. Panofanira kuva nomumwe akangwara akasika zvinhu zvakasiyana-siyana zvakaoma kunzwisisa zviri muupenyu.”—Ken Tanaka, nyanzvi yokuongorora nyika dzomuchadenga paU.S. Geological Survey.

“Mukana uri pakati pezivo yakasiyana-siyana (yesayenzi uye chitendero) wakaitwa kuti uvepo nevanhu. . . . Kuziva Musiki nokuziva zvakasikwa zvinofambirana.”—Enrique Hernández, mutsvakurudzi woruzivo uye purofesa paDepartment of Physics and Theoretical Chemistry, National Autonomous University of Mexico.

“Sezvatinotsanangura mashoko aya [ezvemaumbirwo evanhu], acharatidza kuoma kunzwisisa kunoita kudyidzana kwezvinhu zvose izvi. Zvicharatidza kwazvakabva kuti mabasa omusiki akangwara, anogona kuita kuti zvinhu zviitike.”—Duane T. Gish, mudzidzi wezvinhu zvipenyu.

“Hapana kusapindirana kuripo pakati pesayenzi nechitendero. Zvose zviri kutsvaka chokwadi chimwe. Sayenzi inoratidza kuti Mwari aripo.”—D.H.R. Barton, purofesa wekemisitiri kuTexas.

[Kwazvakatorwa]

NASA/U.S. Geological Survey

Photo: www.comstock.com

NASA and The Hubble Heritage Team (STScI/AURA)

[Mifananidzo iri papeji 5]

Kuongorora kwesayenzi kungapindura kuti nei tiri pano here?

[Kwazvakatorwa]

Courtesy Arecibo Observatory/David Parker/Science Photo Library

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 6]

Nyeredzi dziri papeji 2, 3, 5, uye pamusoro pepeji 7: National Optical Astronomy Observatories

    Mabhuku eChiShona (1973-2021)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2021 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe