RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gc pp. 3-31
  • Kuna Mwari Anoitira Hanya Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuna Mwari Anoitira Hanya Here?
  • Kuna Mwari Anoitira Hanya?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndianiko Anogona Kupindura Zvakanakisisa?
  • Ko Mwari Anofanira Kupomerwa Mhaka Here?
  • Mavambo Akakwana
  • Ko Uipi Hwakavamba Sei?
  • Neiko Hwave Huchibvumidzwa Kwenguva Refu Zvikuru?
  • Uipi Huchaguma Nokukurumidza
  • Nyika Itsva Yakarurama
  • Mwari Anoitira Hanya—Isu Tinodaro Here?
  • Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
    Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
  • Umambo hwaMwari—Utongi Hutsva Hwepasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Kuna Mwari Anoitira Hanya?
gc pp. 3-31

Kuna Mwari Anoitira Hanya Here?

 1, 2. (a) Mibvunzo yakarongwa mundima yokutanga ndimimwe iyo wakabvunza here? (b) Migariroi inoparira vanhu kubvunza mibvunzo yakadaro?

KANA Mwari ariko, neiko akabvumidza zvinhu zvizhinji kwazvo zvakaipa kuitika kuvanhu munhau yose? Kana achitiitira hanya zvomenemene, neiko achibvumidza uipi nokutambura kuti zvipfuurire?

2 Vanhu vanofunga kunzvimbo iri yose vanobvunza mibvunzo iyoyo. Uye nechikonzero chakanaka, nemhaka yokuti kwamazana amakore mhuri yomunhu yatambura zvikuru kwazvo hondo dzinotyisa, perevedzo dzezvokudya, urombo, utsotsi nehosha. Kusaruramisira nedzvinyiriro zvakaparirawo mwero mukuru wenhamo. Ndozvakaitawo ngwavaira dzakadai samafashamo nokudengenyeka kwapasi. Kazhinji kazhinji zvikuru, vanhu vasina mhaka vanotambura pasina chikanganiso chavo vamene. Kwose ikoku chibvumikiso chokuti Mwari haaitire hanya pamusoro pechinoitika kwatiri here? Ko pane tariro ipi neipi yapachokwadi nokuda kwenyika iri nani, nyika umo tinogona chaizvoizvo kufarikanya upenyu papasi zvizere, isitongorina hayo nhamo dzose idzodzi here?

 3. Neiko kuine mufungo kuva anokwanisa kuwana mhinduro kuiyi mibvunzo?

3 Mibvunzo yakadaro inoraira mhinduro dzechokwadi, dzinogutsa. Asi hakusati kuri kwechokwadi, kana kuti kunogutsa, kuudzwa kuti, “Kuda kwaMwari kuti titambure,” kana kuti, “Izvi ndizvo zvinhu zvatisingagoni kunzwisisa.” Kana Mwari akasika chisikwo chapose pose chinotyisa chenhevedzano yakadaro inoshamisa, zvirokwazvo anofanira kuva nechikonzero chakanaka chokubvumira vanhu kuva vakanyongana kudaro. Uye Musiki akadaro haasati aizoitira hanya zvakakwana pamusoro pechisiko chohunhu chake amene kutiudza chikonzero nei akabvumidza uipi here? Kwaisazova kune mufungo here kuti aruramise migariro iyoyi yakashata munguva yakafanira kana aine simba rokuita saizvozvo? Baba upi noupi ane rudo aizoita kudaro nokuda kwavana vake kudai aigona. Zvamazvirokwazvo Musiki ane simba rose, wokuchenjera kwose, ane rudo haasati aizoita zvishomanene nokuda kwavana vake amene vapasi.

Ndianiko Anogona Kupindura Zvakanakisisa?

 4. Ndianiko anokwanisa zviri nani zvikurusa kutiudza chikonzero nei Mwari achibvumidza uipi?

4 Ndianiko anogona kupindura zvakanakisisa mibvunzo pamusoro pokubvumidza kwaMwari uipi? Eya, kudai waizopomerwa mhaka yakati kuti, waizoda kuti vanhu vateerere kuizvo bedzi zvakataurwa navamwe pamusoro payo here? Kana kuti unoda kuzvitaurira umene kujekesa nhau yacho mundangariro yaani naani aida kuziva zvapachokwadi here? NdiMwari anorangarirwa kuva ane mhaka nokuda kwokubvumidza uipi. Sezvo achiziva zvakanakisisa chikonzero nei achihubvumidza, hakwaizova kwakanaka here kumurega achizvitaurira amene? Kutarira kuna vanhu nokuda kwemhinduro hakusati kuchizotongova kunogutsa, sezvo kazhinji kazhinji kwazvo vaine mifungo inobonderana pamusoro penhau idzodzi.

 5. Kune mufungo here kudavira kuti Mwari akanyora Bhaibheri? (2 Petro 1:21; Habhakuki 2:2)

5 Ndokupi uko Mwari anogovera mhinduro? Kune manyuko mamwe bedzi umo Musiki anotaura kuve akatendera kutiudza chakaitika uye chikonzero nei. Manyuko iwayo iBhaibheri, iro rinodudza, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timotio 3:16)a Ikoku hakusati kuchifanira kuva kunoshamisa, nemhaka yokuti kana Mwari akanga ane simba rokusika chisiko chapose pose chinoshamisa, zvirokwazvo aigona kuva munyori webhuku. Vanhuwo zvavo vanogona kubudisa manzwi nemifungo, kunyange mifanikiso, pamasaisai emhepo asingaoneki kunhepfenyuro yako kana kuti terevhizheni. Naizvozvo raisazova basa guru ripi neripi rokuti Musiki wamasimba ose abudise mifungo yake kuvanyori vakatendeka vohunhu uye kutarisira kuti vanoinyora nenzira yakarurama. Ndicho chikonzero nei muapostora Pauro aigona kutaura nechivimbo, kuti: “Apo imi makagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko ravanhu, asi, sezvarakangoita zvirokwazvo, seshoko raMwari.”—1 VaTesaronika 2:13.

 6. Nhau yeBhaibheri inodzokera shure kwakadini, uye, nokudaro, mashokoi arinogona kutigovera? (Ruka 1:1-4; ona Ruka 3:23-38.)

6 Zvichida hauna kutongonzvera Bhaibheri. Bva ungafarira kuziva kuti rine chinyorwa chenhau chakakwana zvikurusa, chine misi chiripo nhasi. Kutaura idi, wezvenhau womuzana rokutanga ramakore, Ruka, chiremba wezvokurapa, akakwanisa kuronda mutsara wamadzisekuru aJesu weNazareta kusvikira nomumakore ane zviuru zvina enhau, nhano nenhano, zita nezita, achidzokera shure kusvikira kumunhu wokutanga. Sezvo Bhaibheri richidzokera shure kumavambo chaiwo okuvapo kwomunhu, rinogona kutiudza uyo anofanira kupomerwa mhaka nokuda kwouipi, chikonzero nei Mwari akahubvumidza, uye mapedzerwe ahuchaitwa.

Ko Mwari Anofanira Kupomerwa Mhaka Here?

 7. Apo zvisina kururama zvinoitwa, ndianiko anofanira kupomerwa mhaka?

7 Kana mumwe munhuwo zvake akapara mhaka, waizonzwa sei kudai waizopomerwa mhaka nokuda kwayo? Waizorangarira ikoku kuva kusina ruramisiro zvikuru. Ruramisiro inoda kuti uyo ane mhaka arangwe uye asina mhaka asunungurwe pakupomerwa mhaka. Kana mutyairi wemotokari akafuratira chiratidzo chokumira pamharadzano yakabatikana ndokupinda mutsaona yakaipa somuuyo, haisati iri mhaka yomutemo. Kana munhu akava muruti ndokurwara nokunyanyodyisa, haisati iri mhaka yomurimi akarima zvokudya. Kana, pasinei zvapo nokurerwa kwakanaka, jaya rikabva pamusha, rikafuratira zano rakanaka rababa varo uye ipapo ropinda muchinetso, havasati vari baba vanofanira kupomerwa mhaka. Ipapoka neiko Baba vokudenga, Mwari, vachifanira kupomerwa mhaka apo rudzi rwomunhu runoita zvisina kururama? Ko pomerwo haisati ichifanira kuiswa painofanira kuva here—pamunhu ane mhaka?

 8. Ipokanidzanoi inooneka kana tikapomera Mwari mhaka nokuda kwechiri chakashata?

8 Uyezve, pane chimwe chinhuwo chokurangarira. Kana tikapomera Mwari mhaka nokuda kwezvinhu zvakadai senzara inobva muperevedzo yezvokudya, ndiani watinorumbidza nokuda kweminda inobereka zvibereko neminda yemichero inobereka zvibereko zvakawanda munyika zhinji? Kana tikapomera Mwari mhaka nokuda kwourwere, ndianiko watinorumbidza nokuda kwetsika dzinoshamisa dzokurapa dzomuviri? Kana tikapomera Mwari mhaka nokuda kwokutsvikinyidzana kwamaguta ane tsvina, ndianiko watinorumbidza nokuda kwamakomo makuru, madziva akajeka, maruva anofadza nemiti yakaisvonaka? Nenzira yakajeka, kana tikapomera Mwari mhaka nokuda kwezvinetso zvenyika dzokonokei tomurumbidza nokuda kwezvinhu zvakanaka zvapasi, ipokanidzano. Mwari ane rudo aisazosimudzira zvose zviri zviviri chakanaka nechakashata panguva imwe cheteyo.

 9. Kune mufungo here kutaura kuti Mwari haasati ariko nemhaka bedzi yokuti vanhu vanoita zvisina kururama? (Isaya 45:18)

9 Kutaura kuti Mwari haako kunongoipisa bedzi chinetso chacho. Kudavira kuti pasi rino nezvimiro zvaro zvinoshamisa zvoupenyu zvakangoitikawo hazvo kufuratira maidi. Idi nderokuti pasi rakashongedzerwa zviri nani zvikuru kutsigira upenyu kupfuura imba ipi neipi, bva imba iri yose ine murongedzeri akangwara nomuvaki. Ipapoka zvakadiniko nenyika ino yapasi netsika dzayo dzakakura zvikuru kwazvo dzinotsigira upenyu dzemhepo, nyika nemvura? Bhaibheri rinoti nenzira ine mufungo: “Chokwadika, imba iri yose inovakwa nomumwe munhu, asi iye uyo akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaHebheru 3:4) Chokwadi, vamwe vanhu vangapedzisa kuti nemhaka yokuti vanhu vanoita zvinhu zvakashata kunoreva kuti Mwari haako. Zvisinei, ikoku kwakafanana nokutaura kuti nemhaka yokuti vanhu vanogara mudzimba vanoita zvakashata ipapo dzimba idzodzo hadzina varongedzeri kana kuti vavaki. Kungavawo kwakafanana nokutaura kuti nemhaka yokuti munhu anoita chimwe chinhu chisina kururama iye haana kutongova nababa.

10. Ndapapi patinofanira kuisa uzhinji hwepomero dzouipi?

10 Ndiani, ipapoka, anofanira kupomerwa mhaka nokuda kwezvinhu zvakaipisisa zvakaitika kumhuri yomunhu? Kupomerwa mhaka kukuru kunofanira kuva pavanhu ivo vamene. Kusatendeseka kwomunhu nevhiringidziko zvinoparira utsotsi. Rudado rwomunhu noudyire zvinoparira roorano dzakaputsika, ruvengo nefungira mano dzedzinza. Chikanganiso chomunhu nokusaitira hanya zvinoparira kushatiswa kwezvinhu uye tsvina. Rudado rwomunhu noufuza zvinoparira hondo; uye apo marudzi ose anotevera nomutoo woupofu vatungamiriri vezvamatongerwe enyika kupinda muhondo idzodzo, ipapo anofanira kugoverana pomerwo yemhaka nokuda kwokutambura. Nzara nourombo zvinoparirwa zvikurukuru nokuregeredza kwomunhu namakaro. Rangarira: nyika zvino inopedzera anopfuura mabhirioni $200 gore rimwe nerimwe pazvombo. Kudai ose iwayo aipedzerwa nenzira yakafanira pakurima napakugovera zvokudya zvakaenzana uye kubvisa dzimba dzisina kutsarukana, funga chaigona kuitwa!

11. Sezvo vakuru vakuru vorudzidziso vachinyengeterera mauto amarudzi avo, Mwari anofanira kupomerwa mhaka here nokuda kwehondo dzinorwiwa namauto iwawo here? (Isaya 1:15; Zvirevo 28:9)

11 Mwari haafaniri kupomerwa mhaka nokuda kwezvisina kururama zvinoitwa muzita rorudzidziso. Somuenzaniso, vakuru vakuru vorudzidziso vanonyengeterera chikomborero chaMwari pahondo dzamarudzi avo. Bva kazhinji kazhinji, kunyange zvazvo vari kumativi akasiana, varwi vanourayana ndevorudzidziso rumwe cheterwo! Mwari haangagoni kupomerwa mhaka nokuda kwaikoko, nemhaka yokuti iye anoshurikidza zvavanoita, achitaura kuti avo vanomubatira zvirokwazvo vanofanira ‘kuva norudo pakati pavo vamene.’ (Johane 13:34, 35) Kana vasina urwu rudo, ipapo Mwari anotaura kuti “vakafanana naKaini, uyo akabva kunowakaipa ndokuuraya munun’una wake.” (1 Johane 3:10-12) Kuuraya vanhu muzita raMwari, mungave mukati mebvunzurudzo kana kuti muhondo, kwakafanana nomuitiro wekare wokubaira vana kuna vamwari venhema, chinhu icho Mwari Wamasimba ose anotaura kuti iye ‘akanga asina kuraira uye kuti chakanga chisina kurangarirwa mumwoyo make.’—Jeremia 7:31.

12. Neiko vakuru vakuru vorudzidziso vachinzi “vanyengeri” muBhaibheri? (Mateo 15:7-9)

12 Kupindira muzvamatongerwe enyika kwomukuru mukuru worudzidziso, kutsigira hondo, uye dzidziso dzenhema dzakadai sokutaura kuti Mwari ane mutoro nokuda kwokutambura kwenyika ino, kana kuti kuti iye anotopisa vanhu muhero yomwoto chaiyoiyo nokusingaperi, zvinosembura kuvanhu vanofunga, uye kuna Mwari. Vatungamiriri vorudzidziso avo vanodzidzisa ndokushandisa zvinhu mukupesana naMwari vanonzi “vanyengeri” muShoko raMwari, iro rinotaurawo kwavari, kuti: “Imi makafanana namakuva akapendwa nependi chena, ayo nechokunze anoratidzika zvamazvirokwazvo kuva akaisvonaka asi mukati akazara namapfupa avanhu vakafa neorudzi rwuri rwose rwokusachena. Nenzira iyeyo imiwo, nechokunze zvamazvirokwazvo, munoratidzika kuva makarurama kuna vanhu, asi mukati makazadzwa nounyengeri nokusateerera mutemo.” (Mateo 23:27, 28) Kutaura idi, Jesu akataura nezvavatungamiriri vorudzidziso vane unyengeri, kuti: “Imi munobva kuna baba venyu Dhiabhorosi.”—Johane 8:44.

13. (a) Naizvozvo Mwari anofanira kupomerwa mhaka here apo vanhu, kunyange vatungamiriri vorudzidziso, vanoita zvisina kururama? (b) Bva, mibvunzoi ingabvunzwazve?

13 Aiwa, Mwari haasati achifanira kupomerwa mhaka nokuda kwezvisina kururama zvinoitwa navanhu vamene. Uye haasati achifanira kupomerwa mhaka yezvisina kururama zvinokomborerwa navakuru vakuru vorudzidziso vanotaura kuti vanobatira Mwari asi vasingatauri zvokwadi kana kuti kuishandisa. Eya, ipapoka, pakanga paine chimwe chinhu chisina kururama nenzira iyo Mwari akaita nayo rudzi rwomunhu here? Akapa rudzi rwomunhu mavambo akashata here?

Mavambo Akakwana

14. Rondedzera mavambo ayo Mwari akapa vabereki vedu vokutanga. (Genesi 1:26-31; 2:7-9, 15)

14 Apo munhu anorava maganhuro maviri okutanga ebhuku raGenesi, kunova kwakajeka zvikuru kuti apo Mwari akasika murume nomukadzi akavapa mavambo akakwana. Akavasika vaine miviri yakakwana nendangariro, zvokuti chirwere norufu zvaisazotongovatambudza. Musha wavo wakanga uri bindu rakaisvonaka, rakafanana nomunhanga wamaruva anofadza, zvinomera zvakasvibira nemiti inobereka michero. Makanga musina perevedzo. Mukupesana, makanga muine zvizhinjisa. Uyewo, Mwari akaisa pamberi pavabereki vedu vokutanga basa rinofadza nenharidzano dzinonyandura. Akavarairidza kutambanudzira migariro yakafanana nomunhanga yeparadhiso iyeyo kupota pasi rose. Pashure penguva yakati vaizobetserwa muna ikoku navana vazhinji vakakwana vavaizobereka. Nokudaro, pakupedzisira, mhuri yohunhu yaizova rudzi rwakakwana rwavanhu, vanogara muparadhiso yapasi, vachifarikanya upenyu nokusingaperi, uye kunyange kuva nemhuka mukuzviisa pasi kworudo.

15. Kusakwana kwohunhu kunorevei, uye hakusati kuchirevei?

15 Asi neiko zvinhu zvakaguma nenzira inoparadza zvikuru? Kwakanga kuri nemhaka yokuti Mwari haana kusika chaizvoizvo vanhu vakakwana pakutanga here? Aiwa, ikoku hakusati kwakadaro, nemhaka yokuti Dheuteronomio 32:4 inotaura nezvaMwari kuti, “Mubato wake wakakwana.” Zvisinei, kukwana kwohunhu hakuna kureva kuti vaviri vokutanga vohunhu vaiziva chinhu chiri chose, kana kuti vaigona kuita chinhu chiri chose, kana kuti vaisakwanisa kuita chiri chisina kururama. Kunyange zvisikwa zvakakwana zvine ganhuriro. Somuenzaniso, kwaiva neganhuriro dzomuviri. Kudai vaisadya zvokudya, kunwa mvura uye kufema mhepo ivo vaizofa. Vaisagonawo kuita zvinhu zvakadai sokuputsa mutemo wesimba rinokweva rapasi kupfurikidza nokusvetuka panzvimbo yakakwirira zvikuru ndokukarira kusakuvara. Uyewo, vakanga vaine ganhuriro dzendangariro. Sezvinooneka, Adhama naEvha vakanga vaine zvakawanda zvokudzidza, sezvo ivo vakanga vasina ruzivo rwokuzviwanira. Asi pasinei zvapo nokuti vakadzidza zvakawanda zvakadini, vaisazomboziva zvakawanda soMusiki wavo. Nokudaro, kunyange zvazvo vakanga vakakwana, vakanga vakaganhurirwa kupfurikidza nokuva munzvimbo yohunhu. Kukwana kwaingorevawo hakwo kuti vaiva vakakwana, kuti makanga musina chikanganiso mumagadzirirwo avo omuviri nendangariro.

16. Rusununguko rwomunhu rwakarongedzerwa kushanda zvakanakisisa mukati meganhuriroi? (1 Petro 2:16)

16 Zvakare, Mwari akasika vanhu savanhu vanoita madiro, kwete kutungamirirwa namano okuberekwa nawo bedzi okuita zvinhu, sezvinoita mhuka. Uye zvirokwazvo unoonga rusununguko rwakadaro. Waisazoda kuti ani naani akuraire, miniti iri yose youpenyu hwako, chaunofanira kuita. Zvisinei, rusununguko irworwo rwakanga rwusati rwuchizova rwakakwana, ndiko kuti, rwusina ganhuriro, asi rwaifanira kuva nomwero. Rwaitofanira kushandiswa mukati memiganhu yemitemo yaMwari. Mitemo iyeyo yakaisvonaka yaizova mishomanene neyakapfava, yakarongedzerwa nomufarwa mukurusa mukurangarira mhuri yose yohunhu. Rudo rwaMwari nokuda kwavanhu rwakaratidzwa kupfurikidza nokuda kwake kuti vateerere mitemo yake, sezvo iye aiziva kuti kuremekedza mitemo iyoyo kwaizovaunzira betsero dzisingagumi. Kuzvidza Mwari nemitemo yake kwaizobonderana nomufaro wavo. Kwaisazounza chinhu chipi nechipi chakanaka. Kutaura idi, kwaizounza ngwavaira yakati, nemhaka yokuti Mwari akanyevera Adhama naEvha kuti kana ivo vakamusiya vaizo“fa zvamazvirokwazvo.” (Genesi 2:17) Naizvozvo kuti vapfuurire kurarama, vaisafanira kudya zvokudya bedzi, kunwa mvura nokufema mhepo, asiwo kutungamirirwa naMwari nemitemo yake.

17. Chii chiri chimwe chikonzero chinokosha nei vanhu vachifanira kutsamira pana Mwari? (Pisarema 146:3; Jeremia 17:5-9)

17 Pane chimwe chikonzero chinokosha zvikuru nei vabereki vedu vokutanga vaifanira kuramba vachitsamira pana Mwari. Chikonzero ichecho ndechokuti vanhu havana kusikirwa kudzora nhau dzavo nenzira inobudirira vasingatsamiri pana Mwari. Mwari haana kuvapa maruramiro kana kuti mano okuita ikoko. Sokutaura kunoita Bhaibheri: “Nzira yomunhu wapasi haisati iri yake. Hakusati kuri kwomunhu ari kufamba kunyange kutungamirira nhano yake.” (Jeremia 10:23) Ndicho chikonzero nei Bhaibheri richizivisa, kuti: “Iye unovimba nomwoyo wake amene ibenzi.”—Zvirevo 28:26.

Ko Uipi Hwakavamba Sei?

18. Chii chakava chisina kururama pavabereki vedu vokutanga? (Jakobho 1:14, 15; Pisarema 36:9)

18 Namavambo akaisvonaka kudaro, chii chakava chisina kururama? Ichi: vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vakashandisa rusununguko rwavo rwokusarudza nenzira isina kururama. Vakasarudza kufamba nenzira yavo vamene panzvimbo pokuzviisa pasi pokutonga kwaMwari. Kutaura idi, mukadzi akafunga kuti vaigona kuva vaka“fanana naMwari, vachiziva chakanaka nechakashata.” (Genesi 3:5) Ivo vaida kuzvisarudzira vamene chakanga chakarurama nechakanga chisina kururama, vachitsamira pakufunga kwavo vamene. Havana kudeya kuona kuvadziko huru yaizoparirwa nokufunga kwakadaro. Asi ikoko ndikwo kwakaitika, sezvo ‘Mwari asingarevi nhema.’ (Tito 1:2) Pavakabva kuubati ushe hwaMwari, chakava somuuyo, mupfungwa yakatambanuka, chafanana nechinoitika paunovhomora puragi yechifefeto chamagetsi. Chabviswa pamanyuko acho esimba rinotsigira, chifefeto chinoderera uye pakupedzisira chinosvika pakumira chaikoiko. Nenzira yakafanana, apo vaviri vokutanga vohunhu vakabva paManyuko oupenyu, Jehovha Mwari, pakupedzisira vakaderera ndokufa, sezvo Mwari akanyevera kuti vaizodaro.

19. Neiko rudzi rwose rwomunhu rwakaberekwa rwusina kukwana? (VaRoma 5:12)

19 Sezvo vabereki vedu vokutanga vakapandukira Mwari pamberi pokuva navana, kusakwana kwakatanga pamberi pokuberekwa kwomwana wavo wokutanga. Adhama naEvha vakava vakafanana nomuenzaniso wakashata. Chinhu chiri chose chaiberekwa kubva kwavari chakanga chakashatawo. Vaigona kupfuuridzira kuvana vavo icho bedzi ivo vamene vakanga vava nacho zvino—miviri isina kukwana nendangariro. Vakanga vachisinazve kukwana nemhaka yokuti vakanga vabva paManyuko anotsigira kukwana noupenyu, Jehovha Mwari. Naizvozvo mukuwirirana neicho Bhaibheri rinotaura pana VaRoma 5:12, munhu ari wose akaberekwa kubvira ipapo akaberekerwa mukusakwana, uye anotapurwa nechirwere, kukwegura norufu. Asika Mwari haangagoni kupomerwa mhaka nokuda kwaikoku. Dheuteronomio 32:5 inoti: “Ivo vakaita nomutoo unoparadza kurutivi rwavo vamene; ivo havasati vari vana vake, urema ndohwavo vamene.” Uye Muparidzi 7:29 inoti: “Mwari wechokwadi akaita rudzi rwomunhu rwakarurama, asi ivo vamene vakatsvaka gadziriro zhinji.”

20. Zvisina kururama zvavanhu vashomanene zvinogona sei kuguma nekuvadziko kuna vazhinji kwazvo?

20 Asi kune mufungo here kuti kusateerera kwakaitwa navanhu vaviri bedzi kunofanira kuguma nemiuyo ine ngwavaira kudaro nokuda kwomunhu ari wose? Eya, tinoziva kuti kusangwarira kwohunhu kunoitwa nomunhu mumwe bedzi mukubata chinhu chiduku chekotsekano mukuvakwa kwechivako kunogona kuguma nengwavaira ingaparadza upenyu hwavanhu vazhinji. Kukundikana kutarisira chinhu chakafanana mudhamu kunogona kutungamirira kukuputsika kwaro namafashamo anogona kuparira ruparadziko rukuru. Chiito chimwe chete chouipi chinoitwa kupfurikidza nomutongi chingazarura nzira kukuitika kunotevedzana kwokuita zvisina kururama muhurumende, zvichitungamirira kukuvadziko huru nokuda kwamamirioni avanhu. Mumhuri, apo baba namai vanoita chisarudzo chisina kururama, vana vavo vanogona kutambura miuyo yakaipisisa. Vabereki vedu vokutanga vakaita chisarudzo chisina kururama. Somuuyo, mhuri yose yohunhu yakapinzwa mukusakwana nengwavaira.

21. Neiko Mwari akatsigira chirango chorufu, asika ngoni dzake dzakaratidzwa sei?

21 Sezvo mutemo waMwari wakabatanidzwa, uye perero yakewo, aisagona kurega kuputswa kuchipfuurira hakwo pasina kumanikidzira kuchengetwa kwomutemo iwoyo. Ruremekedzoi urwo vanhu vaizova narwo nokuda kwake kana kuti nokuda kwomutemo wake kana asina kuita chinhu pamusoro pawo? Tinoremekedza vabati ushe nhasi avo vasati vachiteerera mitemo yavo vamene here, kana kuti avo vanobvumira vanhu vakati kuiputsa nenzira youne pasina chirango? Nokudaro, Mwari akaita chirango chake chakadudzwa nokuda kwokusateerera, icho chakanga chiri rufu. Asi nomutoo wenyasha akabvumira vaviri vokutanga kuva navana, uko tinofanira kuonga, nezvisizvo isu tingadai tisina kuberekwa. Uye kunyange zvazvo tisina kukwana nemhaka yokukundikana kwaAdhama naEvha, ko hatisati tichida kuva vapenyu panzvimbo pokuva vakafa here?

22. Ndianizve ane mwero mukuru womutoro nokuda kwouipi? (Mateo 4:1-11; VaEfeso 6:12)

22 Ikoku ndiko kutaura kuti uipi hwakavamba chose chose navanhu here? Aiwa, kune zvakawanda kwahuri. Kusika kwaMwari zvisikwa zvakangwara kwakanga kusina kuganhurirwa kuvanhu. Akanga atosika vamwe vanakomana vakangwara vasingaverengeki mumatenga, zvisikwa zvomudzimu. Nepo ivowo vaiva vanhu vanoita madiro, vaizofanirawo kuzviisa pasi pemitemo yakanaka neine mufungo yaMwari kuti vagoramba vari vapenyu. Zvisinei, chimwe chezvisikwa izvozvi zvomudzimu chakafungisisa pamifungo isina kururama. Uye apo munhu anofungisisa pane chisina kururama, ikoku kunogona kukura kusvikira papfundo raanoita chinhu chisina kururama chaari kufunga pamusoro pacho. Ndizvo zvakaitikawo kune ichi chisikwa chomudzimu. Chakakudza gwinyiro machiri chimene kusvikira kumwero wakati zvokuti zvakachisundira kukukokera mabasa aMwari. Chakaudza mudzimai waAdhama, Evha, kuti vaigona kusateerera Mwari uyezve, chakati, “Zvamazvirokwazvo imi hamusati muchizofa.” (Genesi 3:4) Chakapanikira kudikanwa kwavo kwokutsamira paMusiki nokuda kwoupenyu hunopfuurira nomufaro. Kutaura idi, chakavaudza kuti kusateerera ikoko kwaizovandudza chaizvoizvo zvinhu nokuda kwavo, kuchivaparira kuva vakafanana naMwari. Nokudaro chakapanikira uzvokwadi hwaMwari. Uye kupfurikidza nokupanikira mitemo yaMwari, chakapanikira nzira yaMwari yokutonga—zvamazvirokwazvo, maruramiro aMwari okutonga. Nokuda kwaikoku icho chakadanwa kunzi Satani, uko kunoreva kuti mudzivisi, uye Dhiabhorosi, uko kunoreva kuti mucheri.

Neiko Hwave Huchibvumidzwa Kwenguva Refu Zvikuru?

23, 24. Neiko nhau dzaizotoda nguva yokugadzikisa?

23 Nemhaka yokuti Mwari akasimba zvikuru kwazvo, aigona nenzira iri nyore kuve akaparadza ava vapanduki vohunhu novomudzimu pakutanga. Asika ikoku kwaizodai kusina kuva kwakagadzikisa nhau nenzira inogutsa. Kwaikona neiko? Nemhaka yokuti rakanga risiri simba raMwari rakadenhwa. Idzi nhau dzakamutswa dzaiva dzetsika. Uye nhau inokosha pakati padzo yakanga iri iyi: Ko nzira yokupandukira yaizobvumikisa kuva inobudirira here? Ubati ushe uhwo hwakafuratira Mwari hwaigona kuunza betsero dzinogarisa kumhuri yose yohunhu here? Ubati ushe hwaMwari pavanhu hwaizova huri nane nokuda kwavo, kana kuti ubati ushe hwomunhu hwaizova huri nani here? Mwari, muuchenjeri hwake, akaziva kuti iyi, nedzimwe nhau huru dzakamutswa, zvaizoda nguva yokugadzikisa. Naizvozvo akambvumira nhambo chaiyoiyo yenguva iyo yaizopa vanhu banza rakakwana kuti vasvike pamwero mukuru wezvinowanwa zvavo zvezvamatongerwe enyika, zvefambidzano, zvamabasa okugadzira zvinhu nezvesaenzi.

24 Nhambo iyoyo yenguva yaisagona kungovawo zvayo mazuva mashomanene kana kuti makore mashomanene. Yaizoda zvizvarwa zvizhinji kuti mhinduro iratidzirwe kupfuura panikiro ine mufungo. Mhaka dzedare dzinogona kutora mavhiki kana kuti mwedzi kunyange apo vanhu vaviri bedzi vanobatanidzwa. Nhau dziri pamutanhiko dzakabatana nokutonga kwaMwari dzinoraira mhinduro yakazara, kwete kugadzikiswa kunosiirwa panzira. Neiyi nzira kugadzikiswa kweidzi nhau kwaisazotongoda kudzokororwa panguva ipi neipi yomunguva yemberi. Mwari ane rudo aisagona kugamuchira chinhu chipi nechipi chakaderera kupfuura kugadzikiswa kuzere. Uye tinogona kufara kuti ikoku kwakadaro, sezvo kugadzikiswa kwakadaro bedzi kunogona kuzarura nzira nokuda kworugare rusingagumi nechengeteko nokuda kwemhuri yose yapose pose yaMwari, mudenga napasi pano.

25. Pasinei hapo nefambiro mberi muzvinhu zvokunyama, ko kusatsamira kwomunhu pana Mwari kwakaunza rugare nomufarwa zvechokwadi here?

25 Anenge makore 6 000 apfuura zvino chifo chaapo nhau dzacho dzakatanga kumutswa. Chii chave chiri muuyo wokusatsamira pakutonga kwaMwari? Marudzi ose ehurumende, marudzi ose egadziriro dzefambidzano, marudzi ose etsika dzorutsuta, uye marudzi ose amarudzidziso amasekete akaedzwa. Asi hapana chinhu chakaunza rugare rwechokwadi, chengeteko, ugwinyi hunogarisa nomufarwa. Ko munhu anogona kuganza nezvefambiro mberi yezvinhu zvokunyama apo Hondo yeNyika II yoga bedzi yakaparadza upenyu hunopfuura mamirioni ane makumi mashanu here? Ifambiro mberi here kutumira vanhu kumwedzi, apo zvitundumuseremusere zvimwe chetezvo zvine misoro yehondo yenyukireya zvaigona kuparadza rudzi rwomunhu, uye apo mazana amamirioni avanhu pasi pano ave achitambura nenzara nourombo panguva imwe cheteyo apo vanhu vakafamba pamwedzi? Kunakai kune kuva neimba ine midziyo yakawanda apo mhuri dzinokamuraniswa nokupokanidzana, apo chiverengero chechatanuro chinowedzera nenzira inopfuurira, apo rutyo rwoutsotsi muvavakidzani runopararira, apo kushatiswa kwezvinhu nemisha yakatsikinyidzana isina kutsarukana zvinokura, apo kuderera mune zvemari kunobvisa mamirioni pabasa, apo zvimurenga, hondo dzavagari vemo nokupidigurwa kwehurumende zvirizvinoitika zvegore negore izvo zvinotyisidzira musha womunhu nenzira youpenyu?

26. Nguva yakabvumirwa yakazivisei pamusoro pokusatsamira pana Mwari kwomunhu? (Pisarema 127:1)

26 Zvokwadi yakangofanana nezvakabvumwa noMunyori Mukuru weChibatanwa chaMarudzi Kurt Waldheim, kuti: “Pasinei zvapo nefambiro mberi muzvinhu zvokunyama, upenyu hwomunhu hahuna kutongova nepfungwa huru zvikuru yokusachengeteka kupfuura yahuri kuva nayo nhasi.”b Bhuku rinonzi Environmental Ethics rinotiwo: “Munhu, akasikirwa kufema mhepo yakachena, kunwa nokufarikanya mvura yakachena, uye kufarikanya fungisiso yezvakapoteredza zvake zvomusikirwo, akachinja mhoteredzo yake ndokuwana kuti haachagoni kutsinhiranisa. Ari kugadzirira kuurayiwa kukuru kwake amene.”c Zvirokwazvo kubvumidzwa kwenguva refu kwouipi kunofanira kuratidzira kuna vanhu vose vanofunga kuti vanhu havana kusikwa vaine mano okutungamirira nhau dzavo nenzira inobudirira kunze kwenhungamiro yaMwari. Uye namakore ane zviuru zvitanhatu okukundikana kwomunhu soufakazi, ani naani haatongogoni nenzira yakarurama kupomera Mwari mhaka yokusabvumira nguva yakaringanira yokuti vanhu vanzvere. Nguva yakagoverwa yave yakakwana kubvumikisa kuti nzira yokupandukira Mwari yave iri ngwavaira chaiyoiyo.

Uipi Huchaguma Nokukurumidza

27. Chinjo yakaitwa donzo naMwari yakakura zvakadini? (Zvirevo 2:21, 22; VaRoma 16:20)

27 Mhuri yomunhu inoda chose chose kuchinja nokuda kwechiri nane. Kutaura idi, tinoda tsika itsva chaiyoiyo. Sokubvuma kwakaita nyanzvi yezvokugara kwavanhu Erich Fromm akabvuma, kuti zvakaipa zviri muchaunga zvinogona kururamiswa “kana bedzi tsika yose sezvayakavapo mukati mamakore 6 000 akapfuura enhau inogona kutsiviwa neimwe yakasiana chose chose.”d Ndizvo chaizvoizvo izvo Mwari anorangarira! Apo nhambo yenguva yake yakagoverwa inokwana, Mwari akasimbisira kuputsanya kuvapo kwetsika yose yakaipa iripoyi yezvinhu, pamwe chete naavo vanoida. “Iye uchaparadza vakaipa vose.”—Pisarema 145:20.

28. Bhaibheri rinodana nguva dzatiri kurarama madziri kutii, uye nei? (2 Timotio 3:1-5, 12, 13; Mateo 24:3-14)

28 Ikoku kuchaitika rini? Nokukurumidza zvikuru, nemhaka yokuti Shoko raMwari rinoratidza kuti nhamo dzisingaenzanisirwi dzakarovanya mhuri yomunhu chifo chokuvamba kwehondo yenyika yokutanga muna 1914 dzinoumba chiratidzo chinozivisa icho chinodanwa muBhaibheri kunzi “mazuva okupedzisira.” Bhaibheri rakadeya kutaura kuti muaya “mazuva okupedzisira” maizova nehondo dzenyika, utsotsi hunowedzera, nzara, hosha dzinopomeranwa, kutsvaka mufaro kusingadzoreki kunoitwa navoruzhinji, kubva pakudavira Mwari, unyengeri hworudzidziso noushati, nezvimwe zvinoitika zvizhinji. Izvozvi zvaizova zvakafanana nemitsetse yokutsikiswa kwegunwe, inozivisa nohumachokwadi chizvarwa chedu sechokupedzisira umo Mwari aizoshivirira migariro yakaipisisa kudaro. Jesu akaporofita kuti nguva yedu yaizoona zvamazvirokwazvo mugumo wetsika yezvinhu iri kudzora pasi zvino.

29. Tinoziva sei kuti mugumo wetsika ino wava pedyo?

29 Jesu akataurawo pamusoro pechizvarwa chavanhu vakaona mavambo a“mazuva okupedzisira” muna 1914, kuti: “Zvirokwazvo ndinotaura kwamuri kuti chizvarwa ichi hachisati chichizotongopfuura kusvikira zvinhu izvozvi zvose zvaitika.” (Mateo 24:34) Ikoku kunoreva kuti vamwe vavanhu avo vaiva vapenyu apo Hondo yeNyika I yakavamba muna 1914 vaizova vachiri vapenyu kuti vapupurire mugumo wetsika ino yazvino uno yezvinhu. Chizvarwa cheHondo yeNyika I chiri kukwegura zvikuru zvino, uye ikoku ufakazi hwakasimba hwokuti mugumo wouipi uri kusvika nokukurumidza.

30. Chii chichaitika kumasangano okutonga kwomunhu anodzora pasi zvino? (Zefania 3:8; Isaya 1:28)

30 Apo mugumo unosvika, Mwari acharatidzira simba rake guru ndokupindira zvakananga munhau dzavanhu. Masangano ose ohunhu anomushora achaputsanywa. Uporofita hwaDhanieri ganhuro 2, ndima 44, hunoti pamusoro paikoku: “Mumazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga achagadza umambo uhwo husati huchizotongoparadzwa, uye uchangamire hwahwo hausati huchizosiirwa vamwe vanhu. Ihwo huchaputsanya maumambo ose iwawo ndokuagumisa, uye ihwo huchamira nokusingaperi.” (Revised Standard Version) Netsika dzohunhu dzose dzinokuvadza dzinenge dzaparadzwa, kutonga kwaMwari kuchava noudzori hwakazara pamusoro papasi.

31. Ihurumendei iyo Mwari achagovera nokuda kworudzi rwose rwomunhu? (Mateo 6:9, 10)

31 Nokudaro, kutonga kwaMwari kuchashandiswa nehurumende itsva, hurumende yokudenga, Umambo hwaMwari. Iyeyo ndiyo hurumende iyo Jesu Kristu akaita pfundo guru rokudzidzisa kwake. Uye iye akadeya kutaura kuti iyo yoga yaizodzora pasi rose munguva yakafanira. Sezvo Umambo hwacho huchatonga huri kudenga, huchitungamirirwa naMwari, hakusati kuchizova nebanza rokuva kwahwo hunoshatiswa navanhu vane udyire. Naizvozvo simba rokudzora richava kwaraiva pakutanga, mudenga, naMwari. Noubati ushe hwaMwari hunodzora pasi, chipikirwa chake ndechokuti “kururama ndiko kuchadzidzwa zvamazvirokwazvo navagari venyika inobereka zvibereko.” (Isaya 26:9) Uye kuti munhu upi noupi haasati achizotsauswa norudzidziso rwenhema, sezvo kusati kuchizova norumwe. Munhu ari wose mupenyu achadzidziswa zvokwadi pamusoro paMwari namadonzo ake, zvokuti, mupfungwa izere zvikurusa, “pasi richazadzwa zvamazvirokwazvo nezivo yaJehovha sokufukidza kunoita mvura gungwa rimene.”—Isaya 11:9.

Nyika Itsva Yakarurama

32. Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, rugare ruchava rwakakura zvakadini? (Isaya 2:2-4)

32 Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, chaunga chohunhu chitsva chose chose chichatanga, chaunga chinoumbwa navanhu voumwari. Munyika itsva iyoyi, itiro hanya huru yaMwari nokuda kwedu icharatidzirwa nezvaanoita. Kutanga, hondo hadzisati dzichizotongoshatisazve rugare nomufarwa zvavanhu. Dzokona neiko? Nemhaka yokuti vose avo vachave vapukunyuka mugumo wenyika ino yakaipa iripo vachatove vadzidziswa munzira dzorugare, zvokuti chaunga chitsva chohunhu chichava namavambo ane rugare. Ipapo, vose vanosvika pakugara munyika itsva iyoyo vachapfuurira kugamuchira dzidzo imwe cheteyo mukuita kuda kwaMwari. Ndicho chikonzero nei chipikirwa cheBhaibheri chichizova nechokwadi chokuzadzika kuti Mwari “ari kuita kuti hondo dzigume kusvikira kumugume gume wapasi.” (Pisarema 46:8, 9) Ko rugare irworwo rwuchava rwakakwana zvakadini? Shoko rechiporofita raMwari rinoti: “Vanyoro ivo vamene vachava varidzi vapasi, uye ivo zvamazvirokwazvo vachawana mufaro wavo mukuru mukuwanda kworugare.”—Pisarema 37:11.

33. Kushandurwai kuchaitwa pasi?

33 Mukuwedzera, avo vanorarama munyika itsva iyoyo vachashandura pasi kuva paradhiso iyo Mwari akaita donzo pakuvamba nokuda kwayo. Iroro richava basa rinogutsa sei nokuda kworudzi rwomunhu! Uye neparadhiso yadzorerwa, vanhu vachave vachikwanisa kufarikanya zvizere makungwa, nzizi nenyanza; zvikomo, makomo, mapani nemipata; maruva akaisvonaka, zvirimwa nemiti; pamwe chete nemhuka dzinofadza. Perevedzo dzezvokudya hadzisati dzichizotongoitika, nokuti “pasi rimene richapa zvamazvirokwazvo chibereko charo; Mwari, Mwari wedu, achatikomborera.” Hungu, “kuchava nezviyo zvizhinji papasi; pamusoro pamakomo pachava nokupfachukira.”—Pisarema 67:6; 72:16.

34. Kurapwai kwomuviri kuchaitika?

34 Pamwe chete norugare runogarisa nezvokudya zvakawanda kuchauya ugwinyi huzere. Sezvo Mwari akasika munhu, iye anoziva zviri nane chokuita chaichoicho kupfuura chiremba upi noupi kuti aporese vakaremara, kuita kuti mapofu aone nematsi dzinzwe, namabvisirwe ourwere hwose, kukwegura norufu. Simba raMwari rokuita ikoku rakaratidzirwa naJesu Kristu pamwerowo zvawo, kana kuti muduku, paakanga ari pasi pano. Bhaibheri rinotiudza, kuti: “Mapoka makuru akamusvika, aine vanhu vakanga vakaremara, vakakuvadzwa, mapofu, mbeveve, navazhinji vane zvimwe zvirwere, uye vakavaisa chaizvoizvo patsoka dzake, uye iye akavaporesa; zvokuti boka rakashamiswa sezvo ivo vakaona mbeveve dzichitaura navakaremara vachifamba namapofu achiona.”—Mateo 15:30, 31.

35, 36. Vanhu vakafa vachapiwa sei banza rokurarama munyika itsva yaMwari? (Johane 5:28, 29; Ruka 7:11-15)

35 Jesu akanongedzera kuiyi Paradhiso yapasi paakaudza munhu akanga akaturikwa kurutivi rwake, kuti: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Asi munhu iyeyo akafa. Naizvozvo aigona sei kupinda muParadhiso? Kupfurikidza neimwe gadziriro inoshamisa inoratidza kuti Mwari anoitira hanya zvikuru sei—kupfurikidza norumuko kubva muna vakafa. Bhaibheri rinoti pana Mabasa 24:15: “Kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasina kururama.” Paaiveri pasi pano, Jesu akamutsa vanhu vakafa kuti aratidze simba raMwari rokuita ikoku mukutonga kwoUmambo hwake.

36 Ko unowana mufungo worumuko wakaoma kudavira here? Bva kunyange zvino unogona kuona mapurogiramu eterevhizheni ane vanhu vave vakafa kare maari. Unonzwa manzwi avo, unoona zviito zvavo ndokucherekedza mavara avo. Kana vanhuwo zvawo vachigona kuchengeta zvinhu zvakadaro pamatepi eterevhizheni, kwaisazoomera Mwari Wokuchenjera Kwose kuchengeta muyeuko yake chinyorwa chine mashoko ose oudzame ohunhu namavara zvomunhu mumwe nomumwe waaizoda kusika patsva. Ikoku akakuita, uye achamutsirazve vakafa vakadaro kuupenyu. Neiyi nzira, ivowo vachava nebanza rokufarikanya upenyu munyika itsva yaMwari. Uye kupfurikidza nokuchenesa makuva, uye kurapa vanhu chirwere chakagarwa nhaka, kukwegura norufu, Mwari “achabvisa chaizvoizvo rufu nokusingaperi.” (Isaya 25:8) Nokudaro, vanhu vachakwanisa kurarama nokusingaperi!

37. Neiko kuchigona kutaurwa kuti Mwari achaita zvikuru zvinopfuura nokuda kwekuvadziko ipi neipi yakagamuchirwa navanhu nenzira yokusaruramisira?

37 Kupfurikidza noumambo hwake, Mwari achashandura chose chose mugariro wakashata wakatekeshera kwenguva refu kwazvo! Mukusingagumi kwose iye acharatidza itiro hanya yake huru nokuda kwedu kupfurikidza nokunaisira pasi zvikomborero izvo zvichapfuura zvikuru kutsiva kuvadziko ipi neipi yatakagamuchira munguva yakapfuura. Nhamo dzomunguva yakapfuura dzatakawana mutsika ino iripoyi dzichakanganwika muyeuko ipapo, kana tikazoitira hanya kudziyeuka. Chipikirwa chaMwari ndeichi: “Ndiri kusika matenga matsva [hurumende itsva yokudenga pamusoro porudzi rwose rwomunhu] napasi idzva [chaunga chavanhu chakarurama]; uye zvinhu zvekare hazvisati zvichizoyeukwa, kana kuti kufungwa mumwoyo. Asi farai, imi vanhu, uye ivai vanofara nokusingaperi muzvandiri kusika.” (Isaya 65:17, 18) Nezvikomborero zvakaisvonaka zvakadaro zviri pamberi apa, unogona kuona chikonzero nei Bhaibheri richitaura kuti Mwari “achapukuta musodzi uri wose pameso avo.” Uye angaregerereiko? Nokuti “rufu haruchazotongovipozve, kunyange kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazotongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

Mwari Anoitira Hanya—Isu Tinodaro Here?

38. Mwari anoda vanhu vorudzii munyika itsva yake? (Pisarema 37:37, 38)

38 Idi rokuti Mwari achagumisa uipi nokukurumidza ndokupinza nyika itsva inofadza rinoratidza kuti anoitira hanya zvomenemene pamusoro pedu. Asi isu tinoitira hanya pamusoro pake here? Kana tichidaro, tinodikanirwa kukuratidza. Chii chatinofanira kuita? Bhaibheri rinoti: “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo zvishuvo zvayo, asi iye anoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi.” (1 Johane 2:17) Rudzi rwavanhu avo Mwari anoda munyika itsva yake ndaavo vanoita kuda kwake ndokuzviisa pasi poubati ushe hwake hwakarurama. Ava ndivo rudzi rwavanhu vachateerera mitemo yake ndokupira kukuita “pasi idzva” nzvimbo yakaisvonaka yokurarama mairi. Vanhu vanoshora kutonga kwaMwari vaizongova bedzi vapariri vezvinetso, naizvozvo havasati vachizobvumirwa kurarama imomo.

39. Kana uchida upenyu husingagumi, kunzverai kwaunofanira kuita? (Zvirevo 2:1-6)

39 Unoda kurarama munyika itsva yakarurama yaMwari here? Ipapo chinhu chokutanga kuita ndechokudzidza zvinodikanwa zvaMwari nokuda kwoupenyu. Izvozvo zvakawandisa here kukumbira? Kudai waigoverwa musha wakaisvonaka mumhoteredzo dzakafanana nomunhanga, pasina mutengo, waisazotora nguva yokuwana nzira yawaigona kukwanirisa nayo here? Shoko raMwari rinogovera zvakawanda zvikuru—upenyu husingagumi paparadhiso yapasi—kana tikatsvaka kuti tinzvere chiri kuda kwake nokuda kwedu, uye ipapo tochiita. Bhaibheri rinoti: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi, uye youyo wamakatuma, Jesu Kristu.”—Johane 17:3.

40. Bhaibheri rinopa betseroi dzokuwedzera zvino? (2 Timotio 3:16, 17)

40 Kudzidza muBhaibheri kuchakupawo nemhuri yako nhungamiro inoshanda iri madikanwa zvikuru nokuda kwokurarama kwezuva riri rose mudzino nguva dzinotambudza. Mukuwedzera, rinogovera rugare rwechokwadi rwendangariro, sezvo rinotiudza chikonzero nei migariro yakashata zvikuru kwazvo nechine nguva yemberi. Nenzira inokosha zvikurusa, richakugonesa kukudziridza rudo rwapachokwadi nokuda kwaMwari, uchiona kuti “iye anova mutusi waavo vanomutsvaka zvapachokwadi.”—VaHebheru 11:6.

41. Zvapupu zvaJehovha zvichakugovera betseroi norusununguko?

41 Zvapupu zvaJehovha nomufaro uye norusununguko zvichashandisa nguva yazvo kukubetsera kudzidza zvakawanda pamusoro pegadziriro dzaMwari nokuda kwoupenyu munyika itsva yake. Pasina panikirowo, pane mimwe mibvunzo yaunayo pamusoro paMwari neBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura iyoyi newe mumusha mako umene, muBhaibheri rako umene. Ipapo, panzvimbo pokutevera nzira yakazvimirira youpenyu kana kuti kutsamira pakufunga kwavanhu vasina kukwana, uchatungamirirwa namashoko akaisvonaka zvikuru anowanika nhasi. Nokudaro, sezvo nguva ichiripo unokurudzirwa kuita sokutaura kunoita zano reShoko raMwari rakafuridzirwa, kuti: “Naizvozvo, zvininipisei mumene, pasi poruoko rune simba rwaMwari, . . . nemhaka yokuti iye unoitira hanya nokuda kwenyu.”—1 Petro 5:6, 7.

[Mashoko Omuzasi]

a Kutoti kwaratidzirwa neimwe nzira, shanduro yeBhaibheri inoshandiswa iNew World Translation of the Holy Scriptures yomutauro wazvino uno.

b New York Times, November 6, 1972, peji 5.

c Environmental Ethics, rakanyorwa naDonald R. Scoby, 1971, peji 17.

d New York Post, March 30, 1974, peji 35.

[Chati iri papeji 22]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

ZVOSE MUCHIZVARWA CHIMWE

1914

Hondo Dzenyika

Nzara Hurusa

Hosha Dzinopomeranwa

Ugandanga Hwamasimba Masimba

Shatiswo Yedenderedzwa Rapasi

Mugumo Wetsika Ino

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kana urombo hwomunhu netsvina zvichipomerwa mhaka kuna Mwari . . .

[Mufananidzo uri papeji 7]

. . . Ndianiko acharumbidzwa nokuda kworutsvindo rwapasi neminda yaro inobereka zvibereko?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Pasi rakashongedzerwa zviri nane zvikuru kuti ritsigire upenyu kupfuura imba ipi neipi

[Mufananidzo uri papeji 9]

Sezvo imba iri yose ine muvaki, ndoda pasi!

[Mufananidzo uri papeji 13]

Bhaibheri rinoratidza kuti donzo raMwari rakanga riri rokuita kuti pasi rose rive munhanga wakaisvonaka, paradhiso, kuti vanhu vafarikanye nokusingaperi

[Mufananidzo uri papeji 14]

Apo chifefeto chinovhomorwa pamanyuko acho esimba, chinoderera ndokumira. Nenzira yakafanana, apo rudzi rwomunhu rwakabva kuna Mwari, kuderera kwakava muuyo

[Mufananidzo uri papeji 16]

Apo chinhu chiduku chekotsekano chinofuratirwa, kunyange dhamu guru rinogona kuputsika. Apo vabereki vedu vokutanga vakaputsa mutemo waMwari, mafashamo ouipi nokutambura zvakavamba

[Mufananidzo uri papeji 19]

Mhaka yedare inogona kupedza mavhiki kunyange apo vanhu vaviri bedzi vanobatanidzwa. Nhau dzinobatanidza ubati ushe hwaMwari dzinofanira kugadzikiswa chose chose, nokusingaperi, uye ikoku kunoda nguva yakaringanira

[Mufananidzo uri papeji 24]

Munyika itsva yaMwari hamusati muchizova nehondo, sezvo iye ari “kuita kuti hondo dzigume”

[Mufananidzo uri papeji 25]

Rudzi rwomunhu harusati ruchizotongotamburazve nenzara

[Mufananidzo uri papeji 25]

Pasi richabereka zvakawandisa kupfurikidza nechikomborero chaMwari

[Mufananidzo uri papeji 26]

Vanhu vakwegura vachadzorerwa kusimba rinouya nouduku uye ugwinyi hwakakwana

[Mufananidzo uri papeji 27]

Vakafa vose vakachengetwa muyeuko yaMwari vachadzorerwa kuupenyu ndokubatanidzwa navadiwa vavo

[Mufananidzo uri papeji 29]

Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, upenyu huchava hunofadza zvikuru zvokuti huchatsiva zvinopfuura kutambura kupi nokupi kwatakava nakwo zvino nenzira yokusaruramisira

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kana upenyu mumhoteredzo dzinofadza hwakanga huri kupiwa, waisazoda kuziva nzira yokukwanirisa nayo here? Nyika itsva yaMwari inogovera zvakawanda zvikuru, asi tinofanira kuwana nguva yokudzidza nzira yokukwanirisa nayo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe