Ganhuro 12
Revo Yorubhapatidzo Rwako
1, 2. (a) Neiko rubhapatidzo rwomumvura rwuchifanira kuva rwefariro yomunhu amene kuno mumwe nomumwe wedu? (b) Mukupfupikisa, ungapindura sei mibvunzo yakarongwa mundima 2?
MUGORE RA 29 N.V., Jesu akaombekwa muRwizi rweJoridhani. Jehovha amene akanga achiona uye akaratidzira tendero. (Mat. 3:16, 17) Makore matatu nehafu gare gare, pashure porumuko rwake, Jesu akapa mirairidzo kuvadzidzi vake, achiti: “Chiremera chose chakapiweni mudenga napasi pano. Naizvozvo endai mundoita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza.” (Mat. 28:18, 19) Wati wabhapatidzwa mukutsinhirana neizvo Jesu akaraira ipapo here? Kana kuti uri kugadzirira kuita kudaro here?
2 Muchinoitika chipi kana chipi kunzwisiswa kwakajeka kworubhapatidzo kunokosha. Mibvunzo yakafanirwa nokurangarirwa inobatanidza iyi: Ko kubhapatidzwa kwamaKristu nhasi kune revo imwe cheteyo seyeyo yaJesu here? Ko chinhu chiri chose icho Bhaibheri rinoreva pamsoro porubhapatidzo chinoshanda kwauri here? Chii chinobatanidzwa mukurarama mukutsinhirana neicho rubhapatidzo rwomumvura rwechiKristu runoreva?
Rubhapatidzo Rwakaitwa naJohane
3. Ko rubhapatidzo rwaJohane rwakanga rwakaganhurirwa kuna vana ani?
3 Inenge mwedzi mitanhatu Jesu asati abhapatidzwa, Johane Mubhapatidzi akapinda murenje reJudhea, achiparidzira, kuti: “Pfidzai, nokuti umambo hwamatenga hwaswedera pedyo.” (Mat. 3:1, 2) Vanhu vomuruwa irworwo rwose vakanzwa izvo Johane akataura, vakareurura pamhene zvivi zvavo nokudaro vakabhapatidzwa naye muJoridhani. Rubhapatidzo irworwo rwakanga rwuri rwavaJudha.—Mabasa 13:23, 24; Ruka 1:13-16.
4. (a) Neiko vaJudha vaida kupfidza nokukurumidzira? (b) Chii chaidikanwa kana ivo vaizodzivisa kuva ‘vanobhapatidzwa nomwoto’?
4 VaJudha ivavo vakanga vane kudikanwa kunokosha kwokupfidza. Mugore ra 1513 P.N.V. paGomo reSinai madzisekuru avo akanga apinda musungano yorudzi naJehovha Mwari. Asi vakanga vasina kurarama mukuwirirana nemitoro yavo pasi pesungano iyeyo nokudaro vakashurikidzwa nayo savaiti vezvivi. Mugariro wavo wakanga une ngozi. “Zuva guru uye rinotyisa raJehovha” rakadeya kuziviswa naMaraki rakanga raswedera pedyo, uye muna 70 N.V. rakawira paJerusarema soruparadziko runokurumidza. Johane Mubhapatidzi, kupfurikidza norushingairo rwokunamata kwechokwadi rwakafanana nerwerwo rwaEria, akatumirwa pamberi poruparadziko irworwo “kundogadzirira Jehovha vanhu vakagadzirirwa.” Vaidikanirwa kupfidza pazvivi zvavo pakupesana nesungano yoMutemo ndokugadzirirwa mumwoyo nomundangariro kugamuchira Mwanakomana waMwari, uyo Jehovha aizotumira kwavari. (Mar. 4:4-6; Ruka 1:17; Mabasa 19:4) Sokutsanangura kwakaita Johane, Mwanakomana waMwari aizobhapatidzwa nomudzimu mutsvene (ruri rubhapatidzo rwakatanga kuwanwa navadzidzi vakatendeka paPentekosta ya33 N.V.) uye nomwoto (uyo wakawira panavasingapfidzi soruparadziko muna 70 N.V.). (Ruka 3:16) Kudzivisa kuti ivo vamene vagorega kuwana ‘rubhapatidzo rwomwoto’ irworwo vaJudha ivavo vomuzana rokutanga ramakore vaidikanirwa kubhapatidzwa mumvura mukuratidzira rupfidzo rwavo, nokudaro vaitofanira kuva vadzidzi vaJesu Kristu apo banza rakazaruka.
5. (a) Apo Jesu akauya kuzobhapatidzwa, neiko Johane akakupanikira? (b) Chii chakaratidzirwa norubhapatidzo rwomumvura rwaJesu? (c) Ko Jesu akakoshesa sei pamsoro pokuita kuda kwaMwari nokuda kwake?
5 Pakati paavo vakauya kuna Johane kuzobhapatidzwa pakanga pana Jesu iye amene. Asika neiko? Johane aiziva kuti Jesu akanga asina zvivi zvokureurura, nokudaro akati: “Ini ndini ndinoda kubhapatidzwa nemi, asika mouya kwandiri here?” Asi rubhapatidzo rwaJesu rwaizoratidzira chimwe chinhu chakasiana. Nokudaro iye akapindura, kuti: “Rega zviitike, nguva ino, nokuti nenzira iyeyo zvakakodzera kuti isu tiite zvose zviri zvakarurama.” (Mat. 3:13-15) Rubhapatidzo rwaJesu harwati rwaigona kuratidzira rupfidzo pamsoro pechivi; uye akanga asingadikanirwi kuzvitsaurira amene kuna Mwari, nokuti iye akanga ari mutezo worudzi rwakanga rwakatozvitsaurira kuna Jehovha. Kupfuurezvo, rubhapatidzo rwake, pakusvika ukuru hwechiJudha pamakore 30 ezera, rwakaratidzira kuzvipa kwake amene kuna Baba vake vokudenga kuita kuda Kwavo kunopfuurira. Kuda kwaMwari nokuda kwo“munhu, Kristu Jesu,” kwaibatanidza mubato pamsoro poUmambo, uyewo chibairo choupenyu hwake hwakakwana hwohunhu sorudzikinuro uye sohwaro hwesungano itsva. (Ruka 8:1; 17:20, 21; VaH. 10:5-10; Mat. 20:28; 26:28; 1 Tim. 2:5, 6) Jesu akakoshesa zvikuru chairatidzirwa norubhapatidzo rwake rwomumvura. Haana kuzvibvumidza iye amene achitsausirwa kune dzimwe fariro. Kusvikira kumugumo woupenyu hwake hwapasi iye akaomerera kukuita kuda kwaMwari.—Johane 4:34.
Rubhapatidzo Rwomurufu
6. Ko Jesu akawana rumwe rubhapatidzoi uye kwenguva yakadini?
6 Mukutsinhirana nechakaratidzirwa norubhapatidzo rwomumvura rwaJesu, iye akawanawo rumwe rubhapatidzo. Iye aiziva kuti mugove wakagadzwa pamberi pake naMwari waizoparira kuvanzarika kwake upenyu hwake hwohunhu sechibairo asi kuti iye aizomutswa mumudzimu pazuva rechitatu. Akataura nezvairworwu kuva rubhapatidzo. “Rubhapatidzo” urwu rwakavamba muna 29 N.V. asi haruna kupera kutozosvikira iye afa zvomenemene uye amutswa. Naizvozvo anenge makore matatu pashure poruombeko rwake rwomumvura iye nomutoo wakakodzera aigona kutaura, kuti: “Ndinorubhapatidzo rwokubhapatidzwa narwo, uye haiwa ndinotambudzika sei kusvikira rwaitika!”—Ruka 12:50.
7. (a) Ndivanaanizve vanobhapatidzwa murufu? (b) Ndianiko anoita urwu rubhapatidzo?
7 Avo vachatonga pamwe chete naKristu muUmambo hwokudenga vanofanira kubhapatidzwawo murufu. (Marko 10:37-40; VaK. 2:12) Pakufa kwavo vanoisa parutivi nokusingaperi upenyu hwavo hwohunhu, sezvakaita Jesu. Uye parumuko rwavo vanomukumbanira muubati ushe hwokudenga. Urwu rubhapatidzo runoitwa, naasati ari munhu upi noupi, asi naMwari kupfurikidza noMwanakomana wake wokudenga.
8. Chii chinorehwa nokuva kwavowo vano“bhapatidzwa muna Kristu Jesu”?
8 Avo vanobhapatidzwa murufu rwaJesu vanonzi vano“bhapatidzwa muna Kristu Jesu.” Kupfurikidza nomudzimu mutsvene unounzwa nokuna Kristu ivo vanova vakabatana maari, musoro wavo semitezo yeungano yake yakazodzwa nomudzimu, “mutumbi” wake. Nokuti mudzimu unovagonesa kuratidzira hunhu hukurusa hwaKristu, kunogona kutaurwa nezvavo kuti ivo vanova “munhu mumwe muhumwe naKristu Jesu.”—VaR. 6:3-5; 1 VaK. 12:13; VaG. 3:27, 28; Mabasa 2:32, 33.
Rubhapatidzo Rwomumvura Rwavadzidzi vechiKristu
9. (a) Ko rubhapatidzo munzira yakarairwa pana Mateo 28:19 rwakatanga kuitika riini? (b) Uchishandisa mibvunzo namagwaro zvakagoverwa mundima ino, kamuranisa zvakanga zvichiratidzirwa naJesu izvo vanoda kubhapatidzwa vanofanira kuziva.
9 Vadzidzi vokutanga vaJesu vakabhapatidzwa mumvura naJohane uye ipapo vakatungamirirwa kuna Jesu semitezo inokarirwa yomwenga wake womudzimu. (Johane 3:25-30) Mukutungamirira kwaJesu ivo vakaitawo kubhapatidza kwakati kuti, uko kune revo imwe cheteyo seyorubhapatidzo rwaJohane. (Johane 4:1-3) Zvisinei, kutanga nePentekosita ya 33 N.V., ivo vakavamba kuita kutumwa kwokubhapatidza “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mat. 28:19) Uchakuwana kuri kunobetsera zvikuru kuhwirudzura chinorehwa naikoku, mubetsero yamagwaro akarongwa pamwe chete nemibvunzo inotevera:
Kubhapatidzwa “muzita raBaba,” ko munhu anofanira kuzivei pamsoro paBaba? (2 Madz. 19:15; Pis. 3:8; 73:28; Isa. 6:3; VaR. 15:6; VaH. 12:9; Jak. 1:17)
Rubhapatidzo muzita “roMwanakomana” runoda kuziva pamsoro pechii? (Mat. 16:16, 24; VaF. 2:9-11; VaH. 5:9, 10)
Ko munhu anofanira kudavirei kuti agobhapatidzwa muzita “romudzimu mutsvene”? (Ruka 11:13; Johane 14:16, 17; Mabasa 1:8; 10:38; VaG. 5:22, 23; 2 Pet. 1:21)
10. (a) Chii chinoratidzirwa norubhapatidzo rwomumvura rwomuKristu nhasi? (b) Ko irworwo rwakasiana sei norubhapatidzo rwaJesu amene? (c) Apo vanhu vanokwaniriswa muMagwaro vanobhapatidzwa, vanova chii?
10 Vokutanga kubhapatidzwa mukutsinhirana nemirairidzo iyoyo yakapiwa naJesu vaiva vaJudha (navakatendeukira kuchiJudha), avo sorudzi vakanga vakatozvitsaurira kuna Mwari uye vakaitirwa kurangarirwa chaikoiko naiye kusvikira muna 36 N.V. Zvisinei, apo ropafadzo yokuva vadzidzi vechiKristu yakatambanudzirwa kuvaSamaria navaMarudzi, pamberi pokubhapatidzwa ivo vamene vaitofanira kuzvitsaurira chose chose kuna Jehovha kumubatira savadzidzi voMwanakomana wake. Nokuda kwavose, kubatanidza vaJudha, ikoko kunopfuurira kuva revo yorubhapatidzo rwomumvura rwechiKristu kusvikira kuzuva redu. “Rubhapatidzo rumwe” urwo runoshanda kuna vose vanova maKristu echokwadi. Nokudaro ivo vanova zvapupu zvechiKristu zvaJehovha, vashumiri vakagadzwa vaMwari.—VaEf. 4:5; 2 VaK. 6:3, 4.
11. (a) Ko rupabhatidzo rwomumvura rwechiKristu runowirirana nechii, uye sei? (b) Nokudaro muKristu anoponeswa pachii?
11 Rubhapatidzo rwakadaro rune ukoshi hukuru mumeso aMwari. Pashure pokududza kuvaka areka kwaNoa umo iye nemhuri yake vakachengeterwa kupfuura Mafashamo, muapostora Petro anozivisa ikoku. Iye akanyora, kuti: “Icho chinowirirana neichi chinokuponesai y imi, chinonzi, rubhapatidzo, (kwete kubviswa kwetsvina yenyama, asi mukumbiro unoitwa kuna Mwari nokuda kwehana yakanaka) kupfurikidza norumuko rwaJesu Kristu.” (1 Pet. 3:21) Areka yakanga iri hufakazi chaihwoihwo hwokuti Noa akanga akazvitsaurira kuita kuda kwaMwari uye panguva iyeyo iye akanga aita nokutendeka basa rakagoverwa naMwari. Ikoku kwakaparira kuchengetwa kwake. Nenzira inowirirana, avo vanozvitsaurira vamene kuna Jehovha pahwaro hwokutenda Kristu akamutswa, avo vanobhapatidzwa mukuratidzira ikoko uye avo ipapo vanopfuurira kuita kuda kwaMwari nokuda kwavabatiri vake muzuva redu vanoponeswa munyika iripoyi yakaipa. (VaG. 1:3, 4) Ivo havazati vachakanangazve ruparadziko pamwe chete navamwe venyika. Vakaponeswa pana irworwu uye vakapiwa hana yakanaka naMwari.
Kurarama Mukuwirirana Nemitoro Yedu
12. Neiko kubhapatidzwa kwomunhu kusati kuri makuri iko kumene simbisiro yoruponeso?
12 Kwaizova kuposha kutaura kuti kubhapatidzwa makuri iko kumene isimbisiro yoruponeso. Kuno ukoshi bedzi kana munhu akazvitsaurira zvomenemene kuna Jehovha kupfurikidza naJesu Kristu uye pashure pacho achiita kuda kwaMwari, akatendeka kusvikira kumugumo.—Mateo 24:13.
13. (a) Chii chiri kuda kwaMwari pamsoro penzira iyo maKristu akabhapatidzwa anoshandisa nayo upenyu hwavo? (b) Ko kuita vadzidzi vechiKristu kunofanira kuva kunokosha sei muupenyu hwedu?
13 Kuda kwaMwari nokuda kwaJesu kwakabatanidza mashandisire aakaita upenyu hwake somunhu. Hwaizovanzarikwa murufu sechibairo. Muchinoitika chedu miviri yedu inofanira kupiwa kuna Mwari, kupfuurira noupenyu hwokuzvipira sechibairo. Inofanira kushandiswa chose chose mukuita kuda kwaMwari. (VaR. 12:1, 2) Zvamazvirokwazvo hatizati taizove tichiita ikoko kana, kunyange panhambo nenhambo, noune taizvibata timene senyika yakatipota kana kuti kana tikavakira upenyu hwedu pazvinorondwa zvoudyire tichingopa hedu bedzi basa rechipameso kuna Mwari. (1 Pet. 4:1-3; 1 Johane 2:15-17) Apo mumwe muJudha akabvunza chaaifanira kuita kuti agowana upenyu husingaperi, Jesu akamuyeuchidza nezvokukosha kwokurarama upenyu hwakachena mutsika, uye ipapo iye akaratidzira kudikanwa kwokuva mudzidzi wechiKristu, achiva muteveri waJesu, chinhu chikurusa muupenyu. Hakungagoni kuva nenzvimbo yechipiri kuzvinorondwa zvokunyama.—Mat. 19:16-21.
14. (a) Ko mutoroi pamsoro poUmambo una maKristu ose? (b) Sezvinoratidzirwa papeji 101, ndedzipi dziri dzimwe nzira dzinobudirira dzokuita basa iri nomadziri? (c) Kana tichipinda zvomenemene mumubato wakadaro nomwoyo wose, ikoku kunopa ufakazi hwei?
14 Kunofanirawo kuyeukwa kuti kuda kwaMwari nokuda kwaJesu kwaibatanidza mubato unokosha pamsoro poUmambo. Jesu amene akazodzerwa kuva Mambo. Asi achingoveri pasi pano iye akangawo ari chapupu chinoshingaira pamsoro poUmambo. Tine basa rokupupurira rimwe chetero rokuita uye tine chikonzero chiri chose chokubatikana mariri nomwoyo wedu wose. Kupfurikidza nokuita kudaro tinoratidzira kunzwisisa kwedu uchangamire hwaJehovha nokuda kwedu vanhu biyedu. Uyewo tinoratidzira kuti takabatana navanamati biyedu munyika yose, vose avo vari zvapupu zvoUmambo, mukuronda kwokupfuurira kunharidzano youpenyu husingaperi munzvimbo yoUmambo ihwohwo.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Ifananoi uye misianoi iripo pakati porubhapatidzo rwaJesu norubhapatidzo rwomumvura nhasi?
● Ko rubhapatidzo rwaJohane rwakanga rwuri rwaani? Ndivanaani vanobhapatidzwa murufu? Uye ndivanaani “vanobhapatidzwa muna Kristu Jesu”?
● Chii chinobatanidzwa mukuwirirana norubhapatidzo rwomumvura rwechiKristu?
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 101]
Unoparidzira Umambo Munzirai?
Paimba neimba
Pakudzoka kundoshanyira vanofarira
Pafundo dzeBhaibheri dzapamusha
Pamigwagwa
Kuvokuchikoro biyedu
Kuvamabiyedu vokubasa