Rwiyo 12
“Mwari Anoda Mupi Anofara”
1. Zvatobatira Baba vedungatiyeuke
Kuti anofara norupo nemutsa.
Mupi mukuru, akagovera Mwana wake,
Woda kuponesa rudzi rwose rwomunhu.
2. Muenzaniso wake wokupa toitawo.
Tikapa tichifara tichafarawo.
Nguva yedu yose nepfuma ndezvaJehovha.
Tikazvipa kwaari, hatikanganisi.
3. Ukapa uchifara unofadza Jehovha.
Kwosimbisa dzidziso nokupa rudo.
Kunokosha kwazvo kana kuchibva pamwoyo;
Kuchatipawo mufaro mukuru kwazvo.
4. Tinoonga Mwari naJesu nomufaro’yu,
Tifutunudze namato yechokwadi.
Mwoyo yedu itisunde kupa nomufaro
Tichifadza Mwari chero tiri vapenyu.