Rwiyo 37
Kuita Zita Rakanaka naMwari
1. Tendero yaJa
Tinoshuwa kwazvo
Kuti tim’fadze
Tinokukoshesa.
Zita rakanaka,
Zvatorinzwisisa,
Tinoriita,
Ngatiite.
2. Nezvi’to zvedu
Tinowana zita.
Tiri kuri’ta,
Ndozvatinoshuva.
Tikaterera Ja,
Zita rakanaka
Nokufarirwa
Tichawana.
3. Toita zita
Nokuterera Ja.
Tiri vapenyu,
Izvi zvinokosha.
Tatsigira Shoko
Nokumurumbidza
Ova Shamwari
Yedu tose.
4. Nguva dzezvivi,
Titore matanho,
Kuita zita
Kwaro naJa Mwari.
Ti’te zvakanaka,
Tifambe m’chiedza
Nokuparidza
Zvikurusa.