Rwiyo 87
Chidyo chaShe Chamadekwana
1. Jehovha Baba wokudenga,
Uhu usiku hutsvene!
Paiva paNisani gumi nena,
Pamakaonesa rudo.
Gwai rePasekaro dyiwa,
Israeri akaregwa.
Pashure Ishe akateura ropa
Achizadzisa chiprofita.
2. Taungana pamberi penyu,
Samakwaitinouya,
Kuzorumbidza wakaunza
Kristu Tichikudza zita renyu.
Tine tafura yakavadzwa
Ine waini nechingwa.
Tinoziva kuti izvi zviratidzo
Zvezvinokosha kudyiswe’su.
3. Chingwa chomirira muviri
Zvakapiwe’su naJesu.
Waini tsvuku’yi inomirira,
Ropa rinodzikinura.
Tichengete chirangaridzo
Chakadzikwa mumufungo.
Tikafamba mumakwara ake Kristu,
Tichazviwanira upenyu.