Rwiyo 148
Kurumbidza Mwari Wedu Mambo
1. Tiimbire Mwari rwiyo!
Timukudze zuva rose.
Tizivise zita rake
Tiswedere pedyo naye.
Anotivhurira chanza,
Anoyamura tikawa.
Ngativimbike kwaari;
She Jehovha wakanaka.
2. Ngative vakavimbika
Tim’kudze zuva nezuva.
Jehovha wakarurama;
Tikudze ukuru hwake.
Anorinda vanomuda
Upenyu hunova nyore.
Tinoyamurwa kutsunga.
Tikudze Jehovha Mambo.
3. Ushe hwaMwari hwasvika
Kuzounza zvakanaka.
Zivisai Ushe kwose,
Imi mose “makagutswa.”
Ja wakagadza kum’soro
Mambo asingamboshorwi.
Vakaipa vachabviswa.
Uchangamire hwomira.