Rwiyo 175
Matenga Anozivisa Mbiri yaMwari
1. Matenga danidzira mbiri yaJa;
Mumatenga tinoona basa rake.
Zuva rose orumbidza;
Usiku hwozivisa ukuru hwake.
2. Murairo waMwari wakakwana,
Zviyeuchidzo zvake zvinopa njere.
Zvinopa mwoyo mufaro;
Mirairo yake yopenyesa meso.
3. Kutya Mwari rucheno hakugumi.
Kutonga kwaJehovha kwakarurama
Tinokushuva zvikuru,
Kwofadza kudya, kuchinaka seuchi.
4. Tinotenda mitemo, mirairo;
Tikaterera tichawana m’bairo.
Mabasa nepfungwa dzedu
Zvirurame tifadze ’She,Changamire.