Rwiyo 218
NaKristu Muparadhiso
1. “Uchava neni m’Par’dhiso,”
She wakadaro kumbavha.
Chipikirwa’chi kum’tadzi
Chinotinyandura
Kutenda muShoko.
Cho’pa tariro m’rumuko
Mwari unokunda rufu.
To’na zvokwadi yoUshe.
Towana tendero
YaJa m’Bhaibheri.
2. Tariro yeParadhiso
Ndiyo ine “boka guru.”
Havararami murutyo.
Shoko rakajeka!
Vanoriterera.
Tonyengetera kunaJa,
Tirambe tichim’batira
Tichim’kudza nguva dzose,
Nokutendeseka,
Nokushingaira.
3. “Mamwe makwai” otuswa
Achava muParadhiso.
Iwaya anonzwisisa
Manenji aMwari!
Anobva kwaari.
Vachaparidza mashoko
Kwose vachifadza vanhu.
Iyi inzira yenjere;
Vachava vapenyu
NaShe m’Paradhiso.