Ganhuro 13
Nguva Yokuberekwa Kutsva
1. (a) Ibanzai rinoshamisa richamirira vapukunyuki vachapinda “mupasi idzva”? (b) Asika kuchadei ikoko?
KUPUKUNYUKA nomumugumo wenyika iripoyi yakashata ikariro yakaisvonaka. Tinoshuva kubva mukusaruramisira, makaro namasimba masimba enyika. Asi chimwe chinhuwo zvacho chinotokuita kuve kunoshuviwa zvikuru kuti tipukunyuke. Chii ichocho? Idi rokuti vose avo vanova rutivi rwe“nyika itsva” vachavawo nebanza rokusunungurwa mukusakwana kwavo vamene, muzvirwere nomuupenyu hwokurwadziwa, hungu, kunyange murufu. (Zvakazarurwa 21:1-5) Zvisinei kuti ikoku kugoitika, chivi icho chimene chinofanira kudzurwa chose chose. Ikoko kunobvira sei? Kwakabatana neicho Jesu Kristu akarondedzera kuva “kuberekwa kutsva.”
2. Chii chiri “kuberekwa kutsva” kunotaurwa nezvako pana Mateo 19:28?
2 Kuna vaapostora vake, Jesu akati: “Mukuberekwa kutsva, apo Mwanakomana womunhu anogara pasi pachigaro chake choumambo chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo mumene pazvigaro zvoumambo zvine gumi nezviviri, muchitonga ndudzi gumi nembiri dzaIsraeri.” (Mateo 19:28) Kuberekwa kutsva ichava nguva ye“kuzvarwazve,” nguva “apo chose chinoitwa kuti chive chitsva,” sokukushandura kunoita dzimwe shanduro dzeBhaibheri. (The Emphasised Bible, rakanyorwa naRotherham; The Jerusalem Bible) Kupfurikidza nouku kuberekwa kutsva, kuchava kunobvirira vanhu kufarikanyazve kukwana uko vanhu vakanga vanako pakutanga.
3. (a) Chii chakaparirwa nechivi chaAdhama? (b) Neiko pasina vana vaAdhama vave vachikwanisa kuzvisunungura ivo vamene patapuro dzechivi chakagarwa nhaka?
3 Nokuda kwechivi chakagarwa nhaka kuna Adhama, vana vake vose vaitofanira kufa, uye vazhinji vakatambura chirwere chakakomba chakaparira kufa. (VaRoma 5:12) Hakuna kuhesvurwa murufu kwaigona kutengwa nemari. Hakuna mabasa ayo munhu asina kukwana akanga achikwanisa kuita aigozomuunzira rusununguko iye amene kana kuti munhu upi noupiwo zvake. Kururamisira kwoumwari kwaida kuti kana vanhu vachizowanazve banza rokufarikanya upenyu husingagumi, chibairo chakaenzana chose chose muukoshi nechecho chakarashwa naAdhama chaitofanira kupiwa, ndiko kuti, upenyu hwakakwana hwohunhu. Hapana nomumwe wavana vaAdhama akanga anoupenyu hwakadaro hwokupa.—Pisarema 49:7-9; Muparidzi 7:20.
4. (a) Ko rudzikinuro runodikanwa rwakagoverwa sei? (b) Tinogona sei kubetserekana marwuri?
4 Mungoni, Jehovha amene akaita gadziriro inodikanwa kupfurikidza nokutumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu, kupasi somunhu akakwana kuzovanzarika upenyu hwake so“rudzikinuro runowirirana.” (1 Timotio 2:5, 6) Haiwa kuratidzirwa kwakaisvonaka zvakadini kwetsitsi dzakakomba nokwerudo rwaMwari nokuda kwavanhu! Upenyu huri hunobvira somuuyo hahusati huri chimwe chinhu chatingagona kutambira semiripiro asi chipo chinobva kuna Mwari. Zvisinei, chinongopiwa bedzi kuna avo vanoziva chaizvoizvo chinodikanwa chavo cheiyi gadziriro youmwari, vanochitenda vachiratidzira kutenda ikoko kupfurikidza nokuteerera Mwanakomana waMwari. (VaRoma 6:23; Johane 3:16, 36) Asika betsero dzechibairo ichocho dzaizowanwa navanhu rini?
BETSERO ZVINO DZINOBVA MUCHIBAIRO CHAKRISTU
5. (a) Ndivanaani vakatanga kubetserekana nechibairo chaKristu? (b) Ndirimwe bokai rakabetserekana, uye zvikurukuru chifo charini?
5 Betsero dzakavamba kutapura upenyu hwavanhu pakarepo pashure pokunge Jesu Kristu (ari mubasa roMuprista Mukuru zvikuru waMwari) apa kukosha kwechibairo chake pamberi paMwari mudenga. Kutanga, kutangira paPentekosta ya 33 N.V., betsero idzi dzakavamba kuwanwa naavo, vakadanwa kuva vadyi venhaka pamwe chete naKristu, vaizobatira samadzimambo navaprista pamwe chete naye mudenga. (Mabasa 2:32, 33; VaKorose 1:13, 14) Tevere, nomutoo wakatanhamara muna 1935, vanhu vakawana tariro youpenyu husingagumi pasi pano vakavamba kuzviratidzira ivo vamene. Tariro yavowo, yakaitwa kuti ibvire kupfurikidza nechibairo chaKristu. (1 Johane 2:1, 2) Uku kushandiswa kunoenderera mberi kwoukoshi hwechibairo ichochi kwakaratidzirwa nezvinoitika zvakaitika paZuva reYananisiro yaIsraeri wekare.
6. Nokupfupikisa rondedzera zvaiitika paZuva reYananisiro.
6 Aishanda patabhernakeri tsvene yaIsraeri, uye gare gare patembere, akanga ari muprista mukuru akanga ari mutezo weimba yaRevhi yaAroni. Vamwe varume veimba yaAroni vaiva vaprista vaduku, uye vamwe vavarume vendudzi yaRevhi vaibatira savabetseri. Kugovera chifukidziro nokuda kwezvivi, muprista mukuru aipira sechibairo mhuka mbiri, idzo ropa reimwe neimwe raipirwa riri roga muNzvimbo Tsvene tsvene, sezvakarongedzerwa naJehovha. Wokutanga wakanga uri mukono muduku waipirwa nomuprista mukuru wokwaAroni nokuda “kwake iye amene neimba yake,” iyo yaibatanidza ndudzi yose yaRevhi. (Revhitiko 16:11, 14) Yaitevera yaiva mbudzi yaipirwa sechipiriso chechivi “nokuda kwavanhu,” dzimwe ndudzi gumi nembiri. (Revhitiko 16:15) Mukuwedzera, zvivi zvaIsraeri wose zvaireururirwa pamusoro wembudzi mhenyu, uye iyoyo yaiendeswa murenje. (Revhitiko 16:21, 22) Ko ikoku kwose kwakarevei?
7. (a) Chibairoi chimwe chakadeya kufananidzirwa ipapo? (b) Neiko dzinopfuura mhuka imwe yechibairo dzaishandiswa?
7 Muapostora Pauro anotsanangura kuti kuzadzika kwako kunoumbirwa pachibairo chimwe chaJesu Kristu. “Kristu akapinda, musati muri munzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, iri mufananidziro wechinhu chaichoicho, asi mudenga imo umene, zvino kundooneka pamberi pameso aMwari nokuda kwedu . . . kubvisa chivi kupfurikidza nechibairo chake amene.” (VaHebheru 9:24-26) Ipapoka neiko ropa redzinopfuura mhuka imwe raipinzwa muNzvimbo Tsvene tsvene paZuva reYananisiro ravaIsraeri? Ikoku kwakanga kuri kuzivisa mativi akasiana eizvo chibairo chakakwana chohunhu chaJesu Kristu chinopedza. Uye rumwezve rutivi rwakasimbiswa kupfurikidza nokureururwa kwezvivi zvorudzi pamusoro wembudzi mhenyu dzokonokei kwava kuiendesa murenje.
8. (a) Ko miitiro yeZuva reYananisiro yakaratidzira sei aizobetserekana kutanga nechibairo chaKristu? (b) Kushandai kwechibairo chaJesu kwakaratidzirwa nechipiriso chechivi “nokuda kwavanhu”? (c) Nderipi rimwezve idi rakaenzanisirwa nokuendeswa kwembudzi murenje?
8 Ropa raitorwa pamukono raipirwa nokuda kweimba yaAroni zvaraipinzwa pakutanga muNzvimbo Tsvene tsvene, saizvozvowo betsero dzechibairo chaKristu dzakashandiswa pakutanga nokuda kwaavo vaizobatanidzwa pamwe chete naKristu muuprista hwokudenga. Ikoku kwakaitwa kubvira muna 33 N.V. zvichienda mberi. Jesu Kristu akanga asina zvivi zvaifanira kuitirwa yananiso, sezvaiita Aroni, asi avo vaizova vaprista vaduku pamwe chete naKristu vakanga vanazvo. Ivava vakafananidzirwa nendudzi yaRevhi. (1 Petro 2:4, 5) Kupiwa kweropa raibva muchibairo chechipiri, mbudzi yechipiriso chechivi “nokuda kwavanhu,” kwakaratidzira kuti vamwe vavanhu vaizobetserekana nechibairo chaJesu pashure peboka rokudenga. Ivava vaizova vanhu vaizowana upenyu muParadhiso yakadzorerwa pasi pano. Vakafananidzirwa ne“ndudzi gumi nembiri [dzisati dziri dzouprista] dzaIsraeri” paZuva reYananiso. (Mateo 19:28; Pisarema 37:29) Jesu haazati akangofira bedzi ivava vose, asi iye zvomenemene anobvisa zvivi zvaavo vaakafira muchibairo, achivaunzira kusunungurwa. Ikoku kwakaratidzirwa neidi rokuti, pakupedzisira, pashure pokunge zvivi zvaIsraeri zvareururirwa pamusoro pembudzi mhenyu, yaiendeswa murenje, zvokusatongozoonekazve.—Pisarema 103:12; Isaya 53:4-6.
9. (a) Ko avo vanotenda chibairo chaKristu vanofarikanya zvikomboreroi zvino? (b) Ndidzimwe betseroi dzichauya gare gare?
9 Kuna avo vanotenda gadziriro yorudo yaJehovha kupfurikidza naJesu Kristu, kukanganwirwa kwechokwadi kwezvivi, kumira kwakachena pamberi paMwari, zvino kunobvira pasinei zvapo naaichimbova mararamire avo. Vanogona kufarikanya chikomborero chinoisvokosha chokuita basa dzvene kuna Mwari vaine hana yakachena. (1 VaKorinte 6:9-11; VaHebheru 9:13, 14) Asika ikoko hakusati kuchireva kuti ivo panguva ino vanopiwa upenyu husitongorina tapuro dzose dzechivi. (1 Johane 1:8-10; VaRoma 7:21-25) Kuna avo vachabata ushe mudenga pamwe chete naKristu, upenyu hwakadaro huchawanwa bedzi apo ivo vanopedza nzira yavo yapasi ndokumutswa kuti vapinde mukusafa mumatenga. Nokuda kwavamwe vavanhu, kusununguka kwakakwana muchivi kuchaitwa kubvire kupfurikidza nokuberekwa kutsva.
“MUKUBEREKWA KUTSVA”
10. (a) Ko kuberekwa kutsva kwakavamba riini? (b) Ko vapi navapi vakatopiwa zvigaro zvoumambo mukuzadzika kwechipikirwa chaJesu here?
10 Sokutaura kwakaita Jesu, kuberekwa kutsva kuri “apo Mwanakomana womunhu [Jesu Kristu] anogara pasi pachigaro chake choumambo chokubwinya.” (Mateo 19:28) Chokwadika, handi chinhu chiri chose chakaitika pakarepo apo iye akagadzwa pachigaro choumambo. Pashure pokugadzwa pachigaro choumambo kwaJesu muna 1914 N.V., iye akatanga kuchenura matenga, kudzinga Satani namadhemoni ake. Ipapo akapfuurira kumutsa vateveri vake vakazodzwa kuti vakwire kukubwinya kwokudenga. (Zvakazarurwa 12:5, 7-12; 1 VaTesaronika 4:15-17) Vakanga vasati vachingova bedzi vaapostora vakatendeka vaKristu vakapiwa “zvigaro zvoumambo zvine gumi nezviviri” zvavakapikirwa, asi nomutoo unofambira mberi vamwe vose vavane 144 000 vanogadzwa pazvigaro zvoumambo mudenga pakumutswa kwavo muna vakafa.—Zvakazarurwa 3:21.
11. Ko “mamwe makwai” ava kunzwa tapuro dzokuberekwa kutsva munzirai?
11 Kusarudzwa kwavanhu vanoumba boka rokudenga zvakwakasvika mugumo wako, kuunganidzwa kweboka guru ra“mamwe makwai” kwakavamba, zvikurukuru kubvira muna 1935 zvichienda mberi. Ivavawo, vakavamba kufarikanya betsero dzechibairo chaKristu, ‘vachisuka nguvo dzavo nokudzichenesa muropa reGwaiana.’ Ivo vari kubetserwa ku“pfeka hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14; VaEfeso 4:20-24) Muzviverengero zvinongoramba zvichiwedzera ivo vari kubetserekana negadziriro dzaMwari kupfurikidza naKristu idzo dzinogona kuparira kurarama kwavo nokusingaperi muParadhiso yakadzorerwa.—Zvakazarurwa 7:17; 22:17.
12. (a) Ndivanaani vakamirirwa ne“ndudzi gumi nembiri dzaIsraeri” idzo Jesu anotaura nezvadzo pano? (b) Ndivanaaniko kunze kwavapukunyuki vachabetserekana nokuberekwa kutsva?
12 Nokukurumidza, zvino, nyika yakaipa ichaparadzwa. Satani namadhemoni ake vachapfigirwa mugomba rakadzika-dzika. Zuva roRutongeso ramakore ane chiuru nokuda kwavanhu richavamba. Jesu Kristu achava Mutongi Anotungamirira, uye achatarisira kuti vose vanopiwa banza rizere nebetsero yakaringanira kuti vagodzidza nzira dzakarurama dzaJehovha ndokuwirirana nadzo. Vateveri vakazodzwa ivavo vaKristu avo vakazvibvumikisa ivo vamene kuva vachengeti vokuperera kusvikira kurufu vachagoverana naye mubasaro, ‘kutonga ndudzi gumi nembiri dzaIsraeri.’ (Ruka 22:28-30; Zvakazarurwa 20:4, 6) Ikoku hakuzati kuchireva kuti vachatonga bedzi vana vokunyama vaIsraeri. Panzvimbo pezvo, vachatonga vose vakadeya kufananidzirwa ne“ndudzi gumi nembiri [dzisati dziri dzouprista] dzaIsraeri” paZuva reYananisiro. Ikoku kunobatanidza nyika yose yavanhu vakadzikinurwa. (1 VaKorinte 6:2) Vapukunyuki vedambudziko guru vachava vokutanga kubetserekana neiyi gadziriro yokusimudzira vanhu. Asika mamwe mabhirioni achagoveranawo, nokuti avo vachatongwa vanobatanidza “vapenyu navakafa.” (2 Timotio 4:1; Mabasa 24:15) Haiwa kuchava kunofadza sei apo vakafa vanofukidzwa nechibairo chorudzikinuro chaKristu vanodzoka! Haiwa misodzi yakadini yomufaro apo vadikanwa vanobatanidzwazve!
13. Ko tapuro dzeZuva roRutongeso rwamakore ane chiuru dzichava sei zvomenemene kuberekwa kutsva?
13 Iyi ichava nguva apo, pakupedzisira, vanhu vanosunungurwa mukusakwanisa kwenyama nendangariro kwakaparirwa nechivi. Paaiveri pasi pano, Jesu Kristu pakare pakarepo akaporesa vanhu vakanga vakaoma mitezo, avo vakanga vari mapofu kana kuti matsi kana kuti vakanga vasingagoni kutaura, navanhu vaiva nenyama yakaremadzwa kana kuti vane simba rakanga rapedzwa nehosha. Mabasa esimba iwawo aingova bedzi kudeya kuravidza zvaaizoitira vanhu vose mukati moKutonga kwake kwaMakore Ane Chiuru. Nechikonzero chakanaka, upi noupi anoona kana kuti anowana ufakazi hwakadaro hunoshamisa hwetsitsi dzaJehovha uye uyo anobva aramba uchangamire hwake achaparadzwa nokusingaperi. Asi kupfurikidza nokudzidziswa munzira dzakarurama dzaJehovha, kufunga nesundo zvaavo vanoratidzira kutenda kwapachokwadi nokuteerera pashoma napashoma zvichavandudzika kusvikira vawana kukwana kuzere. Vadi vakadaro vaJehovha vachave vawana zvomenemene kuzvarwa kutsva, kuberekwa kutsva. Kuchaita sokunge kuti ivo vakanga vapiwa kutanga kutsva muupenyu vaina baba mutsva, Baba Wokusingagumi, Jesu Kristu.—Isaya 26:9; 9:6.
14. Ko vose avo vanokunda muedzo wokupedzisira vachava neropafadzo yokufarikanya ukamai hunokosha?
14 Ipapo, pashure pokukunda muedzo wokupedzisira pakupera kwamakore ane chiuru, ivo vachagamuchirwa naJehovha Mwari kupfurikidza naKristu savanakomana vaMwari amene, sorutivi rwemhuri Yake yapose pose yakakwana. Haiwa iyi ikariro inokurudzira zvakadini—kusati bedzi kuri kuna vapukunyuki vedambudziko guru asiwo kuna vose vakafa vanoburitswa kuzogoverana mumufaro woupenyu muParadhiso yapasi!—VaRoma 8:20, 21.