Ganhuro 2
Vanhu Vanogona Kuunza Rugare Runogara Narini Nokuchengeteka Here?
1. Mibvunzoi yatinofanira kubvunza, uye nei?
KUTI TARIRO igova nerevo ipi neipi, inofanira kuva yakavakirwa pauchokwadi, pazvokwadi. Tariro dzenhema dzinopofumadzira vanhu bedzi kuuchokwadi. Naizvozvo, tinodikanirwa kubvunza, kuti: Tinonzwisisa here chaizvoizvo makurire akaita zvinetso zvinofanira kugadzikiswa kuunza rugare chairwoirwo nokuchengeteka? Tinoziva here makoshere ava mugariro wacho? Ko pano hufakazi hupi nohupi here hwokuti zvigadzikiso zvavanhu zvingava zvakaenzana noukuru hwebasa racho?
2, 3. (a) Neiko kutsvaka rugare nokuchengeteka kuchitova kwokukurumidzira zvikuru nhasi? (b) Ityisidziroi dzimwe dziripo dzoupenyu pasi pano?
2 Kwezviuru zvamakore vanhu vakatsvaka rugare runogara narini nokuchengeteka, pasina rubudiriro. Asi zvino mugariro wacho unoisvokosha zvikuru nokuda kwokutyisidzira kwehondo yenyukireya. Mumwe mushumo weCanada wakanyevera, kuti: “Hakuna chinhu chakadai sehondo inokurira yenyukireya nokuti muuyo ungava wayo unotyisa zvikuru zvokuti vapukunyuki vangashuva havo rufu.”3 Achiratidza chikonzero nei, wezvoruzivo rwokududzira mitumbi yomuchadenga Carl Sagan akati: “Zvino kwava nezvinopfuura zvombo zvenyukireya zvine 50 000, . . . zvakaringanira kuparadzanya Hiroshima dzine mirioni imwe.” Iye akawedzera, kuti: “Hapana panikiro yokuti pepuko yedenderedzwa redu rose rapasi ingava inoparadzwa.4
3 Mukuwedzera, dzimwe tyisidziro dzinoisa pangozi upenyu pasi pano. Imwe ndiyo kushatiswa kwenyika yose kwenyika, mhepo, nemvura. Imwe ndiyo kuwedzera kwechiverengero chavagari vapasi kune nzara, hosha, nokusaterama zvinobatanidzwa.
4. Ko mugariro wavanhu nhasi wakarondedzerwa sei?
4 Pamsoro petyisidziro dzakasiana-siana dzakanangana navanhu zvino, sangano rorugare romuNorway rakati: “Mugariro wamarudzi ose wanhasi unoratidzirwa nenjodzi hurusa yakapararira munenge mumativi ose omubato wavanhu: wezvemari nowamagariro avanhu, wezvamatongerwe enyika nowezvehondo, wezvomudzimu nowetsika.” Wakawedzera, kuti; “Masimba masimba ari kuwedzera uye kushandiswa kwesimba sechishandiso chomuitiro nounyanzvi hwekurukurirano zvapakati penyika zvapararira zvakafara. . . . Kudzikama pakati porugare nehondo kuri kuramba kuchiva kune ngozi zvikuru.”5 Ikoku kuri kutungamirira kupi? Munyori mukuru weCM akanyevera, kuti: “Nomutoo une ngozi tava pedyo nenyongano itsva yamarudzi ose.”6
Nyika Isina Hondo Ingaitwa Nenhamburiko Dzavanhu Here?
5. Ko nhau inoratidzirei pamsoro pamano omunhu okugumisa hondo?
5 Pane chikonzero chipi nechipi here chokudavira kuti vanhu vanogona kugumisa hondo? Mukuwirirana nenhau, kwave kuna makore mashomanene bedzi akapararira apo pasi rino rakanga risina hondo. Muzana rino ramakore rechi 20 roga bedzi, vanhu vanenge vanamamirioni 100 vakaurairwa muhondo! Chinzwano chaMarudzi chazuro kana kuti Chibatanwa chaMarudzi chanhasi chave chisingakwanisi kudzivisa uku kuuraya.
6. Ko kutyiwa kwehondo yenyukireya hwaro hwakanaka hworugare here?
6 Asika kutyiwa kwokuparadza kunobva muzvombo zvenyukireya hakusati kuchizochinja ikoku here? Ko kutyiwa kwakakwana kwezvombo zvenyukireya hakusati kwakamutswa kare muna 1945 apo mabhomba eatomu akaparadzanya maguta maviri eJapan here? Eya, chibvirocho mirwi yezvombo zvine simba zvikuru kwazvo zvenyukireya zvakawedzera nakane chiuru. Uye chifo cha 1945 bedzi vanhu vanorangarirwa kuva 35 000 000 vakauraiwa muhondo uye kupandukira kunobatanidza dzinopfuura nyika 100. Mugore rino richangobva kupfuura iri marudzi ane 45 akabatanidzwa mukurwisana!7 Aiwa, kutyiwa kwezvombo zvenyukireya hakusati kwagumisa hondo.
7. Ko kusainwa kwesungano dzokukanda zvombo pasi kana kuti bvumirano dzorugare isimbisiro yorugare runogara narini here?
7 Sezvinobvumwa, marudzi anoita uye zvimwe achapfuurira zvawo kusaina sungano dzokukanda zvombo pasi kana kuti bvumirano dzorugare. Kwamazana amakore zviuru chaizvoizvo zvaidzodzi zvakasainwa. Asika, panguva ipi kana ipi apo pfungwa yehondo yakava yakasimba zvakaringanira, bvumirano idzodzo dzakava marara enhando amapepa. Chibatanwa chaMarudzi chakakundikanawo kugumisa hondo, nokuti kunyange zvazvo dzinenge nyika dzose nhasi dziri rutivi rweCM, dzinochifuratira pakunenge kwakakodzera. Naizvozvo ndokwechokwadi here kukarira kuti vatungamiriri vomunguva yemberi venyika vachazadzika shoko ravo sezvo vaya vomunguva yakapfuura vasina?
8. Bhaibheri rakazivisa sei zvokwadi pamsoro pokukundikana kwomunhu kuwana rugare runogara narini?
8 Kuno rumwe rutivi, chimiro cheBhaibheri chinotsinhirana nezvifundo zvenhau. Harisati richirumbidza kuisa kariro yedu munhamburiko dzavanhu dzokuunza rugare. Mukupesana, rakadeya kuzivisa kare kare kuti nhamburiko dzavanhu hadzisati dzaizotongounza rugare runogara narini. Rakadeya kunyevera kuti chinguvana pamberi pokuguma kwetsika ino yezvinhu, hondo nokunyongana zvaizowedzera munyika yose, no‘rudzi ruchimukirana norudzi noumambo huchimukirana noumambo.’ (Ruka 21:9, 10, 31; Zvakazarurwa 6:1-4) Zvinoitika zvenyika chifo cha 1914 zvakazadzika zviporofita izvozvo. Naizvozvo pano kumutsa kariro dzenhema, Bhaibheri muzvokwadi rinozivisa, kuti: “Nzira yomunhu wapasi haisati iri yake. Hakusati kunyange kuri kwomunhu ari kufamba kururamisa nhanho yake.”—Jeremia 10:23.
Vanhu Vanogona Kugonana Nokuwedzera Kukuru Kwechiverengero Chavagari Vapasi Here?
9-11. (a) Ko chiverengero chavagari vapasi chinowedzera nokukurumidza zvakadini? (b) Mugariroi unoonesa nhamo zviverengero zvikuru zvavanhu?
9 Chiverengero chavagari vapasi chakasvika bhirioni rimwe muzana ramakore rechi 19. Zvino chinenge mabhirioni mashanu,8 nebhirioni idzva rimwe nerimwe rinoramba richiuya nokukurumidza zvikurusa. Gore rimwe nerimwe, vamwe vanhu vanenge vana mamirioni 90 vanowedzerwa! Uye hukurusa hwouku kuwedzera hunongowedzera bedzi kukutambura munharaunda umo urombo, nzara, nehosha zvinotova zvakatekeshera. Uku kuwedzera kwechiverengero chavagari vapasi kwakanzi kuwedzera kukuru kwechiverengero chavagari vapasi nechikonzero chakanaka. The New York Times yakatsinhira, kuti: “Kunobvira kuti zvikamu zvikuru zvapasi zvichashandurwa kuva renje kupfurikidza nedzvinyiriro dzechiverengero chavagari vapasi chisingakwanisi kutarisirwa nourombo senokuparadzanya kwenyukireya.”9
10 Pamsoro pohukuru hwenzara yenyika, magazini yeTime yakati: “Chinetso chenzara nhasi chakasiana zvikurusa nechecho chomunguva yakapfuura . . . Zvino kune zvokudya zvishoma zvikuru mumativi mazhinji zvikuru enyika, gore negore, zvokuti 25% izere yechiverengero chavagari vapasi chemburumbwa chinorumwa nenzara kana kuti chinodya zvisina kukwana.”10 Mamwe manyuko anorangarira kuti gore rimwe nerimwe vacheche vanamamirioni 11 vanofa vasati vasvika zuva ravo rokuberekwa rokutanga nokuda kwetapuro dzokudya zvisino kuringana nehosha.
11 Mushumo mumwe chetewo unoti: “Anenge munhu mumwe muvashanu anobatwa muurombo chaihwoihwo, mumugariro wokushaiwa chinhu chose zvacho wakakwana zvokuti kunova kuurawa kworudzi kwakanyarara.”11 Uye ikoku, The Toronto Star, yakacherekedza kudaro, kwakanga kuri pashure pokunge dare renyika rezvokudya muRome kwaanopfuura makore gumi akapfuura “ravimbisa kuti, mukati mamakore gumi, hakuna mwana aizondorara nenzara, hakuna mhuri yaizotya nokuda kwezvokudya zvayo zvezuva rinotevera uye hakuna nguva yemberi yomunhu yaizodziviswa nokudya zvisina kuringana.”12 Haiwa vimbiso dzakadaro dzakabvumikisa kuva dzisina maturo sei! Uchokwadi huri sokucherekedza kwakaita Guardian yeEngland kuti: “Nyika iri pachikumbaridzo chengwavaira yavanhu. . . . Nyika dzose dzaona tariro dzadzo dzenguva yemberi dzichitsakatika.”13
12. Ko kuderedza chitsama chinopedzerwa muhondo kungagadzikisa zvomenemene chinetso here?
12 Hukuru hwechinetso huri, husati hune pasi, asi huna vabati ushe navanhu nezvimiro zvavo zvendangariro. Somuenzaniso, marudzi zvino anopedzera anenge madhora ane tririoni (mabhirioni ane chiuru) pazvombo gore rimwe nerimwe apo mamirioni anorumwa nenzara. Asi kunyange kudai uku kuwedzera kukurusa kwehondo kwairegwa, gadziriro dzakakamukana dzomugariro wemari dzaizorwisana nechigadzikiso chipi nechipi chechokwadi chechinetso. Kazhinji kazhinji, apo zvokudya zvinowanikwa, chishuvo chemhindu hurusa chinodzivisa kugoverwa kwazvo kuavo vanoshaiwa. Mudzimwe nzvimbo, hurumende dzakaripira varimi kusarima zvimwe zviyo nokuti kunyanyorima zvakawanda kunganyanyoderedza zvikuru mitengo. Huwandu hukurusa hwezvokudya hwakatoparadzwa nokuda kwemiraudzo.
13. Ko Bhaibheri rakanga rakarurama here apo rakadeya kuzivisa migariro yaizovapo pamugumo wenyika?
13 Nokuda kweichi chikonzero, pasinei hapo neenderero mberi dzacho dzose dzesayenzi, chaunga chazvino uno chave chisingakwanisi kudzivisa migariro imene yakadeya kuziviswa neBhaibheri. Rakadeya kutaura nomutoo wakarurama kusvika kwo“kuperevedza kwezvokudya” kwakakomba mukati meiyi “mhedziso yetsika yezvinhu.”—Mateo 24:3, 7; Zvakazarurwa 6:5-8.
Ko Vanhu Vanogona Kuita Rugare Napasi Here?
14-16. Ko chinetso chokushatswa kwezvinhu chakakomba zvakadini?
14 Kwamakumi amakore vanhu vave vachirwisana napasi rimene ravanogara pariri. Ivo vakasakisa tsvina ine chepfu kudzokera mumvura, mumhepo, nomuvhu. Musoro weToronto Star wakazivisa, kuti: “Kushatsa Kunoisa Pasi Mungozi.” Nyayayo yakati: “Mburumbwa yaPasi iri kudenhwa nomutoo unoparadza. Uye mudenhi munhu.” Yakacherekedza kuti “chepfu dzokuenderera mberi kwake” zvino dzotyisidzira kuvapo kwake, uye yakacherekedzawo, kuti: “Vezvesayenzi vanorangarira kushatswa kworutivi rwuri rwose rwemhoteredzo kuva kwakaipa zvikuru setyisidziro yehondo yenyukireya.”14
15 Somuenzaniso, nezveUnited States, magazini yeDiscover yakati: “Makemikoro nesimbi zvine ngozi zvinopinda mupasi zvotyisidzira manyuko akavigwa emvura. Vamwe vezvoruzivo rwokugoverwa kwemvura vanotyira kuti kungava kwave kunyanyononoka kudzivirira rutivi rwechina rwawo.”15 MuEngland The Observer yakati kushatsa kwamakemikoro kwakashatsa “zhinjisa yemvura yokunwa yeEngland.”16 Uye New Scientist yakashuma, kuti: “Sangano reNyika roUtano rinotaura kuti hosha dzakabatana nemvura ine tsvina dzinouraya vanhu 50 000 zuva riri rose.”17
16 MuUnited States kunzvera kwedare kwakazivisa mwero yakakwirira yezvinhu zvine chepfu zviri mumhepo. The New York Times yakashuma, kuti: “Zviuru zvoutachiona hunoparira gomarara nezvimwe zvinhu zvine ngozi zvikuru zviri kubudisirwa mumhepo zvichibva mumazana amafekitari.”18 Anowedzera ikoku ndiwo makemikoro ane ngozi anoiswa muvhu, somuenzaniso, semishonga yokuuraya zvipukanana, nomundaza yezvokudya sezvinodyiwa nemhuka.
17. Ko kunobvira here kuti ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu runogona kugadzikisa ichi chinetso?
17 Ko ruzivo rwezvokugadzirwa kwezvinhu rwungagona kusunungura here? Ikoko kunobvira here, sezvo iko kwakaparira zvizhinji zvezvinetso? Bhuku rinonzi Environmental Ethics rinoti: “Ruzivo rwezvokugadzirwa kwezvinhu mubatiri webetsero yakaganhurirwa bedzi, uye asingavimbiki zvikuru. Apo runogadzikisa chinetso, runowanzoparira zvimwe zvitsva zviviri—uye kutapura kwazvo kwakashata kunowanzova kwakaoma kudeya kuonwa.”19
18. Mukugonana nokushatswa kwezvinhu, vanhu vanoshaiwa zivoi inokosha, asi ndiani anayo?
18 Zvakare, Bhaibheri rakadeya kuzivisa kushaiwa kwomunhu uchenjeri mukushandisa pfuma yapasi. Chiporofita chiri pana Zvakazarurwa 11:18 chakareva nezvenguva apo Mwari aizoita chiito “chokuparadza avo vanoparadza pasi.” Sezvinobvumwa vanhu havasati vachinzwisisa zvizere kuwirirana kwezvinhu kusinganzwisiswi kwapasi. Asi Mwari anodaro, zvaakakusika. Hakusati kuri kuchenjera here kutarira kuaya Manyuko nokuda kwechigadzikiso chezvinetso?
Kuchengeteka Kunoparirwa Nokubviswa Kwoutsotsi
19. Ko vanhu vazhinji vanokutyai nhasi, uye nei?
19 Kushatsa kunoisa pangozi zvinodikanwa zvokuvapo kwavanhu. Asika ndiko kuwedzera kwoutsotsi kunoparira chiverengero chikuru zvikuru chavanhu kuva vanotya. Utsotsi huri kutorera vanhu vazhinji zhinji kuchengeteka kwavo vamene musati muchingova mumaguta makuru bedzi asiwo mumataundi maduku nomunharaunda dzamaruwa. Haisati ichingova bedzi pfuma asi kazhinji kazhinji muviri womunhu noupenyu zviri mungozi.
20, 21. (a) Neiko kuitwa kwemitemo mitsva nhasi kusati kungabvisa utsotsi? (b) Ko rubudiriro rwakawedzerwa kana kuti mitoo mitsva yokurwisa utsotsi ingagadzikisa chinetso here?
20 Ko vanhu vangagona kuunza kuchengeteka kwechokwadi kubva mune idzi ngozi, zvimwe kupfurikidza nokuitwa kwemitemo mitsva here? Kunotova nezviuru zvemitemo zviri mumabhuku emitemo enyika. Asika, iyoyi haina kugumisa utsotsi. Uyewo, ushati hwakatsiga zvikuru hunowanzokudziridzika mukati mavaiti vokugombedzera kuteererwa kwemitemo vamene. Kusatendeseka munzvimbo dzakakwirira kungakonesa nhamburiko dzokuteererwa kwemitemo kwokutendeseka.
21 Ko chigadzikiso chiri mumitoo mitsva yokudzora ndokukurira utsotsi here? Nokuda kwomutoo mutsva uri wose unobudiswa, matsotsi anoita mitoo mitsva yokuukurira. Ko zvino rubudiriro rwakawedzerwa rwuchagadzikisa chinetsocho here? Kungava kuposha kutaura kuti utsotsi chiratidzo bedzi chamapoka anoripirwa mari yakaderera zvikuru. Utsotsi hwavatarisiri vamabhizimisi huri kuwedzerawo. Somuenzaniso, muUnited States gore rimwe nerimwe anenge mabhirioni 80 amadhora anorasika nokuda kwoutsotsi hwakadaro. Inenge 30 muzana yamabhizimisi ose inokundikana kuita kudaro nokuda kwahwo. South Africa inoshuma kuti umbavha hwavashandi hwakachipisa anenge mabhizimisi 1 500 mugore rimwe.20
22. Ufakazii hunoratidzira kuti nhamburiko dzavanhu dzoga bedzi hadzingagoni kugadzikisa utsotsi?
22 Utsotsi hunowedzera hahuna kuganhurirwa kumarudzi mashomanene bedzi. Huri munzvimbo iri yose. Cherekedza mimwe misoro mikuru inobva munyika yose. Brazil: “Mwero Unowedzera Woutsotsi.” Canada: “Mwero Woutsotsi Hwavakadzi Unowedzera.” England: “Utsotsi Hwavana Hunoramba Huchiwedzera.” India: “Utsotsi Hwakarongwa Inzvimbo Yokugadzirwa Kwezvinhu Inowedzera.” Soviet Union: “Soviet Inokatyamadzwa Noutsotsi Hunowedzera.”21 Magazini yeMaclean yakati: “Utsotsi hwamasimba masimba muDetroit hwakapararira zvikuru zvokuti kunyange mhondi dzimwe nguva dzinofanirwa bedzi nokududzwa kupfupi mumapeji omushure amapepanhau.”22 Nokudaro, utsotsi hunowedzera chinetso chamarudzi ose, uye nhamburiko dzavanhu dzoga bedzi hadzigoni kuchigadzikisa. Kudai chigadzikiso chavanhu chakanga chave chichibvira, pashure penguva yose iyi nenhamburiko utsotsi hwaisafanirazve kuva chinetso.
23. Ko zvakadeya kuziviswa neBhaibheri pamsoro pemigariro yomuzuva redu zvati zvazadzika here?
23 Chiri kuitika chakafanana chaizvoizvo nechakadeya kuzivisa Bhaibheri kare kare, kuti: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichavapo. Nokuti vanhu vachava vanozvida, . . . vasina kuzvidzora, vanotyisa, vasina rudo rworunako, . . . vadi vemifarwa kupfuura kuva vadi vaMwari.” (2 Timotio 3:1-4) Jesu akadeya kutaurawo kuti “kuwedzera kwokusateerera mutemo” kwaizoratidzira nhambo yechinguvana Umambo hwaMwari husati hwaita pasi nzvimbo inogarwa na‘vanhu vanyoro’ bedzi. “Kuwedzera kwokusateerera mutemo” ikoko kuri kuitika chaizvoizvo muzuva redu.—Mateo 24:12; 5:5; Pisarema 37:29.
Zvinetso Zvikurusa Kune Zvose
24. Kunyange kudai vanhu vangagona kugadzikisa zvinetso zvose zvarondedzerwa kusvikira pano, vavengii vakuru zvikuru vangasara varipo?
24 Ngatitii vanhu vangagona kupedza zvinetso zvehondo, urombo, nzara, kushatiswa kwezvinhu, noutsotsi. Ko ikoku kungakuunzira here rugare rwuzere nokuchengeteka? Nyangwe, chimwe chinhu chaizova chichiri kushaika. Chirwere norufu zvaizove zvichiripo savavengi vasingakurirwi. Zvamazvirokwazvo, ko kusunungurwa mune zvimwe zvinetso kune ukoshi hwei apo iwe unoona mudikanwi achirwara ndokufa, kana kuti unowana muviri wako umene uchidenhwa nechirwere chinouraya?
25, 26. Ko vanzveri vezvokurapa vanoona tariroi nokuda kwokukurira hosha?
25 Kunyange fambiro mberi dzezvokurapa dzakaitwa, ko ikoku kwakatiunzira kusunungurwa pachirwere norufu here? Mukuru mukuru wezvokurapa anopindura, kuti: “Hosha dzinopomeranwa hadzisati dzapedzwa chose chose. Dzichiri chisakiso chikurusa chenyika chokufa uye, muno [muUnited States], chisakiso chikurusa chechirwere.”23 MuAfrica mushumo unoti hosha yakapararira zvikuru “zvokuti pavana vane 1 000 vanoberekwa vanenge 500 vachafa vasati vasvitsa zera ramakore 5.”24 Mupasi rose mazana amamirioni anotapurwa nemararia, chirwere chokukotsira, korera, maperembudzi, nedzimwe hosha. Mune dzimwe nyika dzakabudirira, zvirwere zvomwoyo zvinoparira inenge hafu yenzufu dzose, uye gomarara rinoparira rufu rumwe pavashanu. Uye The Lancet, pepanhau rezvokurapa reBritain, rinoti: “Munyika yose munenge mune zvimwe zvirwere zvitsva zvina mamirioni 250 zvechinzonono uye zvirwere zvitsva zvina mamirioni 50 zvenjovhera gore negore. Mimwe migariro inopfuuridzirwa muvatano ingave yakatopararira zvikuru.”25
26 Wezvesayenzi akataura kuti kana mishonga ikawanwa nokuda kwegomarara, hosha yomwoyo, nehosha yechiropa, zvimwe zvirwere zvingava zvinouraya zvikuru kwazvo. Iye akacherekedza, kuti: “Hapana kubvira kwokuti isu tichawedzera zvikurukuru kariro youpenyu kana kuti kusundira mberi kukwegura munguva yemberi iri pedyo.”26 Uye vanachiremba vomuSoviet Union vanoti: “Pasinei zvapo nebudiriro dzose dzemishonga, mukati menhau yakanyorwa nduramo yokushanda kwomuviri youpenyu hwomunhu yakaramba isingachinji.”27
27. (a) Kutsinhirai kuri muBhaibheri pamsoro penduramo youpenyu hwavanhu ichakangofanana nanhasi? (b) Ndokupi kwatingadzidza chikonzero nei upenyu hwomunhu hwakapfupika zvikuru uye huzere nezvinetso?
27 Mashoko eBhaibheri anopfuurira kuva echokwadi zvikuru nhasi ari pana Jobho 14:1, 2, anoti: “Munhu, anoberekwa nomukadzi, anorarama nguva pfupi uye azere nokupirutswa. Iye anobuda seruva ndokusvava, uye iye anotiza sebvuri uye haasati achiramba aripo.” Bhaibheri rinoratidzirawo chikonzero chaikoku, uye rinozivisa chisakiso chezvinetso zvose zvomunhu, sezvatichaona gare gare.
Uchakarira Muchii?
28-30. Kugadzikisa zvinetso zvakanangana navanhu, neiko kuri kwechokwadi zvikuru kuvimba nechigadzikiso chaMwari kupinda chomunhu?
28 Mukutendeseka kwose, ndokwechokwadi here kuvimba navanhu kuti vagogadzikisa zvinetso zvakanangana navanhu? Kana kuti ndokwechokwadi zvikuru here kuvimba nechigadzikiso icho Bhaibheri rinonongedzera kwachiri, ndiko kuti, chiito chinoitwa naMwari amene kupfurikidza nehurumende yakarurama yokudenga?
29 Kare kare wezvamapisarema akafuridzirwa akanyora aya mashoko, anoti: “Usavimba navanokudzwa, kana kuti nomwanakomana womunhu wapasi, uyo asino ruponeso. Mudzimu wake unobuda, ndokudzokera pasi pake; nezuva iroro mifungo yake inoparara. Anofara munhu uyo ana Mwari waJakobho nokuda kwokubetserwa kwake, ane tariro muna Jehovha Mwari wake, Muiti wedenga napasi.”—Pisarema 146:3-6.
30 Usatongokanganwa hako kuti pasinei zvapo nokuti vanhu vangava vapachokwadi zvakadini kana kuti vatungamiriri venyika vangava vane pesvedzero yakadini kana kuti simba, ivo vose zvisikwa zvinofa. Ivo zvavasingakwanisi kuzviponesa vamene, ivo vangagona seiko kuponesa vamwe? Havangagoni. Mwari bedzi anogona, kupfurikidza nehurumende yake yoUmambo.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Munhau yose vanhu vave vachidzadzarika mukusaona vachibva mungwavaira imwe vachienda kune imwe—hondo, utsotsi hunowedzera, kushatiswa kwezvinhu, urombo, nezvimwe zvizhinji. Sokureva kwakaita Bhaibheri muzvokwadi: “Hakusati kunyange kuri kwomunhu ari kufamba kururamisa nhanho yake”
[Mufananidzo uri papeji 21]
“Usavimba . . . nomwanakomana womunhu wapasi, uyo asino ruponeso”