Ganhuro 4
“Bhabhironi” Risinokuchengeteka Rakashurikidzirwa Kuparadzwa
KUVHIRINGIDZIKA kunoratidzira nyika nhasi—mune zvamatongerwe enyika, mune magariro avanhu, nomurudzidziso. Shanduro yeShona yeshoko rechiHebheru reBhaibheri rokuti kuvhiringidzika ndi“bhabhironi.” Muna Genesi, Bhabhironi rinotaurwa nezvaro seBhabheri, zita rinorevawo kuti “kuvhiringidzika.” Guta rine zita irero rakanga rateiwa naNimirodhi, akapandukira Jehovha. (Genesi 10:8-10) Ipapo, vanhu vaitungamirirwa naNimirodhi ane chinendirini vakatanga kuvaka shongwe yaizonanga kudenga mukuzvidzwa kwaJehovha. Jehovha akakurira ichi chivako chinozvidza Mwari kupfurikidza nokuvhiringidza mutauro mumwe chetewo wavavaki, kuti ivo vagorega kunzwisisana vachingunoveri kuedza kushandira pamwe chete.—Genesi 11:1-9.
2 Nguva refu gare gare, guta idzva rine zita rokuti Bhabhironi rakanyorwa kuva riripo ipapo parwizi rwaYufratesi. (2 Madzimambo 17:24; 1 Makoronike 9:1) Muna 539 P.N.V. Ubati ushe hweNyika hweBhabhironi hwakakurirwa naKoreshi Mukuru, mambo wavaMedhia navaPersia, mukuzadzika kwechiporofita chaJehovha chiri pana Isaya 45:1-6. Kunyange zvazvo Bhabhironi rakanga rava nokuwa kukuru, iro rakabvumidzwa kupfuuridzira kuvapo kwaro seguta. Rinoshumwa kuva seraivapo kunyange muhafu yapashure yezana ramakore rokutanga reNguva yedu yaVose. (1 Petro 5:13) Zvisinei, guta irero rekare harina kubvumikisa kuva “Bhabhironi Guru,” iro muapostora Johane akanyora pamsoro paro mubhuku raZvakazarurwa ganhuro 17.
3 “Bhabhironi Guru” razvakazarurwa, rinorondedzerwa somukadzi woutere anotasva “chikara chitsvuku,” rinomirira umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, kubatanidza namarudzidziso ose anoidzwa kunzi chiKristudhomu.a (Zvakazarurwa 17:3-5) Mukuwirirana neizvo muapostora Johane akacherekedza pamsoro paro, iri sangano rokufananidzira rakaita ufeve hwomudzimu navabati ushe vose vezvamatongerwe enyika vapasi. Umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, Bhabhironi Guru, huchiri kushandisa pesvedzero hurusa.
“Shamwari Yenyika”—Haisati Iri yaMwari
4 Zvisinei, nzvimbo yeBhabhironi Guru haina kukotsekana zvikuru, uye ikoku kwave kwakadaro zvikurukuru chifo chokuguma kweHondo yeNyika I. Mukati mokurwa ikoko, iro rakawedzera kumhaka dzaro mukurwisana nemhuri yohunhu. Vakuru vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu, vanokambira kuva vateveri vaJesu Kristu, vakaparidzira majaya kuti apinde munhandare dzehondo. Mushakabvu Harry Emerson Fosdick, mukuru mukuru worudzidziso weProtestant akakurumbira, akatsigira nhamburiko yehondo asi gare gare akabvuma, kuti: “Kunyange mumachechi edu takaisa mireza yehondo . . . Norumwe rutivi rwomuromo wedu isu takarumbidza Muchinda woRugare uye norumwe rwacho takakudza hondo.” Vaprista navamwe vakuru vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu vakanyengeterera mauto anorwisana pakuungana kworudzidziso, uye vakabatira savafundisi veuto, veuto romugungwa, neuto romudenga.b
5 ChiKristudhomu, mukutungamirira kwaava vatungamiriri vorudzidziso, hachina kufungisisa mashoko aJakobho 4:4, anoti: “Zvifevekadzi, hamuzivi here kuti ushamwari nenyika ruvengano naMwari? Naizvozvo, upi kana upi anoda kuva shamwari yenyika anozviita iye amene muvengi waMwari.” Nenzira iyeyo chiKristudhomu chinopfuurira somuvengi waMwari Wokumusorosoro kusvikira kunguva ino imene. Zvamazvirokwazvo hachina taviridziro youmwari, uye nokuda kweichi chikonzero chinokosha kuvapo kwacho kumene kunoramba kuri kusina kukotsekana. Shamwari dzacho dzezvamatongerwe enyika hadzisati dzichifanira kuvimbwa nadzo, uye kombamiro yokuramba rudzidziso inopfuurira kuwana simba. Mwari haasati achitaura nokuda kwacho, kuti: “Imi vanhu regai kubata vazodziwa vangu.”—1 Makoronike 16:22.
“Budai Mariri, Vanhu Vangu”
6 Kuna ava vakazodzwa neshamwari dzavo mukati meino mhedziso yetsika yezvinhu, kudanidzira kwoumwari kunonzwika nomutoo wokukurumidzira: “Budai mariri, vanhu vangu, kana imi musati muchida kugoverana naro muzvivi zvaro.” (Zvakazarurwa 18:4) Hungu, budai muumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, Bhabhironi Guru.
7 Iyi danidziro inodzokorora mashoko aJeremia 50:8 na 51:6, 45, ayo akarereudzirwa kuna vakasarira vavaJudha avo Jehovha akatongera kupedza makore 70 outapwa nousungwa munyika yeBhabhironia. Mashoko iwawa akavamba kushanda kuna vaJudha vakanga vachipera mwoyo muBhabhironia muna 537 P.N.V., pashure pokunge Koreshi Mukuru akadeya kuziviswa aburutsira mauto ake avaMedhia navaPersia mugova rakadokuoma roRwizi Yufratesi nokupinda muguta reBhabhironi.
8 Mugore rokutanga roubati ushe hwake, Koreshi Mukuru akaita mukuzadzika chiporofita chiri pana Isaya 45:1-6. Nomutoo wakafanana, uyo akadeya kufananidzirwa naMambo Koreshi, asi uyo ane simba guru zvikuru, Jesu Kristu, akaita mukuwirirana nouyu mutoo wechiporofita wezvinhu. Ikoku kwakanga kuri panguva yakafanira pashure pokunge iye apinda pakutonga kwake kweimba youmambo mudenga kuruoko rorudyi rwaJehovha Mwari, apo “nguva dzakagadzwa dzamarudzi” dzakapera muna October 1914. (Ruka 21:24) Mukati mehondo yenyika yokutanga ya 1914-18 vakasarira vavaIsraeri vomudzimu vakatambura utapwa hwakaitwa neBhabhironi Guru nezvikomba zvaro zvezvamatongerwe enyika.
9 Somuenzaniso, muUnited States bhuku rakanga richangobva kubudiswa neWatch Tower Society panguva iyeyo, rinonzi The Finished Mystery, rakarambidzwa serinomukira hurumende. Vanyori vaviri vebhukuro vakapinzwa mudare romubatanidzwa muBrooklyn, New York, uye vakatongerwa zvisina kururama makore 20 okupfigirwa mutorongo romubatanidzwa paAtlanta, Georgia. Ndozvakaitwawo purezidhendi wesosaiti inobudisa mabhuku, mubati wehomwe ari munyori, navamwe vatatu vavashandi vapadzimbahwe. Mushanduri aisonganirana navo akatongerwa hafu youwandu ihwohwo hwenguva mutorongo romubatanidzwa.
10 Nokudaro pana July 4, 1918, aya maKristu akazvitsaurira masere akakwidzwa muchitima chinoenda Atlanta, Georgia, kundova anonyimwa rusununguko ikoko. Mitezo yedzimbahwe reBrooklyn reWatch Tower Society ipapo yaitofanira kutarisira zvinhu napainogona napo pose. Ndianiko akanga ane mutoro nokuda kwaikoko kwose? Bhuku rinonzi Preachers Present Arms rinopindura, kuti: “Kunzverwa kwenhau yose kwakasakisa mhedziso yokuti machechi navakuru vakuru vorudzidziso pakuvamba aikurudzira chiito chokubvisa chose chose vateveri vaRussell [Zvapupu]. . . . Apo nhau dzetongerwo dzamakore ana makumi maviri dzakasvika vapepeti vepepanhau rorudzidziso, zvikurukuru chimwe chiri chose cheizvi zvinyorwa, chikuru nechiduku, chakafara pamsoro pechinoitikacho. Ndave ndisingakwanisi kuwana mashoko api naapi okunzwira urombo mune zvipi nezvipi zvezvinyorwa zvinobvumirwa zvorudzidziso.”—Ray H. Abrams, mapeji 183, 184.
Kuwa—Asi Kusati Kuri Muruparadziko
11 Asika kufara kweBhabhironi Guru kwakanga kusati kuchizogara kwenguva refu. Muchirimo cha 1919, Bhabhironi Guru rakava nokuwa kukuru, uko pashure pako paifanira kuva nezvinoitika zvakati kuti zvorudzidziso iro risati raparadzwa chose chose. Bhabhironi Guru rakafunga kuti vanhu vaJehovha varambe vakadzvinyirirwa uye vari muutapwa husingaperi. Asika muna March wa 1919 masuo etorongo akagombedzerwa kuzarukira vamiriri vasere veWatch Tower Society, uye ivo vakabuda nebherauti. Gare gare, ivo vakasunungurwa chose chose papomero dzose.
12 Kwakanga kwapera zvino kwakanga kuri kufara kwaiitwa neBhabhironi Guru! Rinodaro bhuku rinonzi Preachers Present Arms pamsoro pechisarudzo chedare chokusunungura Zvapupu: “Ichi chisarudzo hachina kugamuchirwa namachechi.” Asi mufaro wavanhu vaJehovha wakanga uri mukuru. Sangano razvo renyika yose rakagadziridzwa. Pakokorodzano yazvo muna 1919 paCedar Point, Ohio, purezidhendi weSosaiti akakuchidzira zviuru zvaiva muvateereri kuchiito kupfurikidza nehurukuro yake yaiti “Kuzivisa Umambo.” Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvasunungukazve, zvichiparidzira noushingi Umambo hwaMwari pamhene! Bhabhironi Guru rakanga rawa, kunyange zvazvo musati muri muruparadziko. Koreshi Mukuru zvikuru, Jesu Kristu, akanga arikurira uye akanga asunungura vateveri vake vakatendeka.
13 Nokudaro Bhabhironi Guru rakabvumidzwa kupukunyuka ndokupinda muzera rapashure pehondo. Apo Chinzwano chaMarudzi chakakarakadzwa somutumbi wokuchengeta rugare rwenyika, Dare Romubatanidzwa Wamachechi aKristu muAmerica rakachitsigira, richizivisa pamhene kuti Chinzwano chaMarudzi chakanga chiri “kuratidzirwa kwezvamatongerwe enyika kwoUmambo hwaMwari pasi pano.” Apo Chinzwano chakakarakadzwa pakupedzisira chakagadzwa, Bhabhironi Guru rakatasva pamusana pacho nokudaro rakavamba kutasva kwaro pane ichi “chikara chitsvuku” chokufananidzira.—Zvakazarurwa 17:3.
14 Apo iri sangano risingashandi rokuchengeta rugare rakaburukira mugomba rakadzika-dzika rokusaita basa pakugundika kweHondo yeNyika II, Bhabhironi Guru rakasiiwa risina chokutasva. (Zvakazarurwa 17:8) Asi rakanga riripo apo rina marudzi ane 57 ayo akabatanidzwa muHondo yeNyika II. Kuva kwaro raifanira kukamuranya kuvimbika kwaro pakati pamapato anorwisana hakuna kurinetsa, sezvo kuva kwaro rakakamukana kuva mazana mazhinji amapoka namapato orudzidziso anovhiringidza kusina kutongorinetsa. Apo sangano rakaitwa navanhu rokuchengeta rugare, muchimiro cheChibatanwa chaMarudzi, rakakwira richibuda mugomba rakadzika-dzika rokusaita basa pakupera kweHondo yeNyika II, Bhabhironi Guru pakarepo rakatasva pamusana pacho ndokutanga kushandisa pesvedzero yaro pachiri.
Ubati Ushe Hwezvamatongerwe Enyika Huchamukira Bhabhironi
15 Nyika yose yavanhu yodokuona chiono chinotyisa zvikuru. Ichochi chichava kumukira kwavabati ushe vezvamatongerwe enyika Bhabhironi Guru, vaine vavariro yokuribvisa mukuvapo. Ikoku kunganzwika kuchiodza mwoyo kuna vanhu vanodavira zvapachokwadi kuti marudzidziso ose akanaka. Asika Changamire Wechisiko chapose pose, Jehovha Mwari, akasarudza kuti Bhabhironi Guru harina nzvimbo muchisiko chose chapose pose uye kuti iro rakasvibisa kwenguva refu yakaringanira dunhu rechisiko. Rinofanira kuburutsirwa pasi nomutoo wamasimba masimba kuruparadziko rwachose chose.
16 Atoveko masangano ane simba ayo Mwari anogona kubvumira kuita kuparadzwa kwaro, ndiko kuti, ubati ushe hwezvamatongerwe enyika hwenyika. Bhuku rakafuridzirwa raMwari raZvakazarurwa rinodeya kuzivisa kuti Jehovha achaita kuti vadi varo varimukire, uye vacharipfekenura nguvo kuva mushutu, vachiriratidzira nokuda kwezvariri chaizvoizvo—nyengedzo ine udhemoni! Uye ipapo, mukutaura kwokufananidzira, vacharipisa nomwoto ndokuriita murwi wamarota. Ivo vacharibata nenzira imwe cheteyo yarakabata nayo vanamati vasingabvumirani pane zvisinokufanira vaMwari wechokwadi.—Zvakazarurwa 17:15-18; 18:24.
17 Ichi chiito chamasimba masimba chokuramba rudzidziso choubati ushe hwezvamatongerwe enyika hachisati chichireva kuti ihwo pashure pacho huchatendeukira kukunamatwa kwaJehovha Mwari. Chiito chahwo chinotyisa chokuramba Bhabhironi hachisati chichireva kuti ihwo zvino huchava shamwari dzaMwari. Nezvisizvo hahwusati hwaizoita chiito chapashure icho bhuku raZvakazarurwa rinoratidzira kuti ihwo hwuchaita. (Zvakazarurwa 17:12-14) Ihwo hwungafara zvikuru nezviito zvokumukira rudzidziso izvo Jehovha Mwari akahubvumira kuita, asi ihwo hwuchapfuurirazve kutsauswa na“mwari wetsika ino yezvinhu,” Satani Dhaibhorosi, mushori mukurusa, anoutsinye waJehovha Mwari.—2 VaKorinte 4:4.
18 Bhabhironi Guru harisati richizopukunyuka kuona mugumo mukurusa, kurevererwa kwouchangamire hwapose pose hwaJehovha kupfurikidza no“Muchinda woRugare,” uyo zvino ari “Mwari Ane Simba” ari kuruoko rworudyi rwoWamasimba ose uye naMwari Mukurusa, Jehovha.—Isaya 9:6.
19 Vacherekedzi, mutaviridziro youmwari isingakurirwi, vachava zvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10, 12) Mumurairo unobva kumatenga akarurama, izvo nomutoo wokuteerera zvichave zvabuda muBhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 18:4) Mufaro wazvo mukuru hausati uchizoganhurirwa pane zvazvinoona. Pashure paikoko izvo zvichava zvapupu zvaJehovha nokusingaperi uye zvichikwanisa kupupurira nokusingagumi pamsoro pokuzvireverera kwake amene paBhabhironi Guru.—Zvakazarurwa 19:1-3.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwokuzivikanwa kuna mashoko ose oudzame, ona bhuku rinonzi “Babylon the Great Has Fallen!” God’s Kingdom Rules!, mapeji 468-500, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Rondedzero ine udzame hwose hwamashoko yetsigiro yavakuru vakuru vorudzidziso nokuda kweHondo yeNyika I inopiwa mubhuku rinonzi Preachers Present Arms, rakanyorwa naRay H. Abrams (New York, 1933). Bhuku racho rinorondedzera, kuti: “Vakuru vakuru vorudzidziso vakapa hondo revo yayo yembavarira yomudzimu nesundo. . . . Hondo iyo imene yakanga iri hondo tsvene yokusimudzira Umambo hwaMwari pasi pano. Kupa upenyu hwako nokuda kwenyika kwakanga kuri kuhupa nokuda kwaMwari noUmambo Hwake. Mwari nenyika zvakava zvakafanana. . . . VaGerman naVabatani vakava vakafanana muna ikoku. Rutivi rumwe norumwe rwakadavira kuti rwakanga rwuchirwirwa bedzi naMwari . . . Vezvoruzivo rwoumwari vazhinji vakanga vasitongorina chinetso mukuisa Jesu Kristu munzvimbo yapamberi zvikuru yokurwa zvikurusa achitungamirira mauto ake kurukundo. . . . Kupfurikidza naikoku chechi yakava rutivi rwegadziriro yehondo. . . . Vatungamiriri ve[chechi] havana kurashikirwa nenguva mukusanozvironga pahwaro hwenguva yehondo. Mukati mamaawa 24 pashure pokuziviswa kwehondo, Dare Romubatanidzwa Ramachechi aKristu muAmerica rakaita rongedzero nokuda kwokubatira pamwe chete kuzere zvikuru. . . . Machechi mazhinji akaita zvinopfuura izvo iwo akanga akumbirwa. Iwo akava nzvimbo dzokurovedzera nokuda kwokunyorwa kwamauto.”—Mapeji 53, 57, 59, 63, 74, 80, 82.
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. (a) Ko shoko rokuti “bhabhironi” rinorevei, uye ndiani akavamba guta rine zita irero? (b) Ko Nimirodhi ane chinendirini akaita basai rokuvaka, uye nomuuyoi?
2. (a) Chii chakaitika kuBhabhironi rehurumende yenyika muna 539 P.N.V., uye ikoko kwakaratidzira kuguma kweguta rine zita irero here? (b) Ko guta rekare reBhabhironi harina kubvumikisa kuvei?
3. Chii chiri kuzivikanwa kwechokwadi kweBhabhironi Guru?
4. Mukati meHondo yeNyika I, Bhabhironi Guru rakawedzera sei kumhaka dzaro mukurwisana nemhuri yohunhu?
5. (a) Ko chiKristudhomu hachina kufungisisa mashokoi aJakobho 4:4? (b) Chii chinofanira kuva rutongeso rwoumwari pachiri?
6, 7. (a) Kudanidzirai kwokukurumidzira kunoziviswa pana Zvakazarurwa 18:4, uye kuri kunongedzera kuna vanaani? (b) Ko kudanidzira kwapakuvamba asi kwakafanana kwakavamba kushanda rini kuna vaJudha vanopera mwoyo muBhabhironi rekare?
8. (a) Ko Koreshi Mukuru akazadzika sei Isaya 45:1-6? (b) Neiko uyo akadeya kufananidzirwa naKoreshi Mukuru aidikanirwa kuita mukuwirirana nouyu mutoo wechiporofita wezvinhu?
9, 10. (a) Chiitoi chakaitirwa mitezo misere yavashandi vapadzimbahwe reSosaiti? (b) Hufakazii huripo hwokuti Bhabhironi Guru rakanga richitsigira chiito chokuregedzesa basa ravanhu vaJehovha?
11, 12. (a) Bhabhironi Guru rakanga rarangarira kuitei? (b) Ko iro rakawana sei kuwa kukuru, kunyange zvazvo kusati kuri muruparadziko? (c) Chii chakanga chiri muuyo pavanhu vakasunungurwa vaJehovha?
13. Apo Chinzwano chaMarudzi chakaoneka panyika, Bhabhironi Guru rakaitei?
14. (a) Mukati meHondo yeNyika II, chii chakanga chiri chiito cheBhabhironi Guru? (b) Apo sangano rokuchengeta rugare rakaitwa nomunhu rakakwira richibuda mugomba rakadzika-dzika pashure pehondo yeNyika II, Bhabhironi Guru rakaitei?
15, 16. (a) Vanhu zvino vanangana chiso nechiso nechionoi chinotyisa zvikuru? (b) Mwari Wamasimba ose akasarudzei, mukuwirirana naZvakazarurwa 17:15-18?
17. Ko zviito zvokuramba Bhabhironi zvoubati ushe hwezvamatongerwe enyika zvinohutendeutsira kukunamatwa kwaJehovha Mwari here, uye tinoziva sei?
18, 19. (a) Ndiani asati achizopukunyuka kuona kurevererwa kwouchangamire hwapose pose hwaJehovha kunoitwa no“Muchinda woRugare”? (b) Asi ndivanaani vachava zvapupu zvinorarama nokusingaperi zvokurevererwa kwaJehovha paBhabhironi Guru?