Ganhuro 11
Zita Rako Riri Mubhuku Roupenyu Here?
SARDHISI
1. Chii chiri mugariro womudzimu weungano yomuSardhisi, uye Jesu anovamba sei shoko rake?
MAKIROMITA 48 kumaodzanyemba kweAkhisar yazvino uno (Tiatira) pane nzvimbo yeungano inotevera kugamuchira shoko rinobva kuna Jesu akapiwa mbiri: Sardhisi. Muzana ramakore rechitanhatu pamberi peNguva yedu yaVose, iri guta rakanga riri dzimbahwe rinodada roumambo hwekare hweRidhia nedendemaro raMambo Croesus akapfuma zvikuru. Pakuzosvika pazuva raJohane, rakanga rawira panguva dzakaoma, uye ukomba hwaro hwekare mukudzora kwaCroesus hwanguvewo zvahwo nhau. Nomutoo wakafanana, ungano yechiKristu imomo yakanga yava murombo mumudzimu. Kwenguva yokutanga, Jesu haazati achivamba shoko rake neshoko rerumbidzo. Panzvimbo pakwo, iye anoti: “Uye nyorera ngirozi yeungano yomuSardhisi, kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvaanotaura iye ane midzimu minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe kuti, ‘Ini ndinoziva mabasa ako, kuti iwe une zita rokuti uri mupenyu, asi wakafa.’”—Zvakazarurwa 3:1.
2. (a) Ndokwerevo yeiko kumaKristu omuSardhisi kuti Jesu ane “midzimu minomwe”? (b) Ungano yeSardhisi yakava nembirii, asi ndaapi aiva maidi?
2 Neiko Jesu achizvizivisa iye amene souyo “ane midzimu minomwe”? Nokuti iyi midzimu inomirira mudzimu mutsvene waJehovha unoyerera mukukwana kwawo. Gare gare, Johane anoirondedzerawo se“meso manomwe,” kuratidzira chiono chinocherekedza zviri seri icho mudzimu mutsvene waMwari unopa pana Jesu. (Zvakazarurwa 5:6) Nokudaro, iye anokwanisa kuwadzanyura ndokubata nomugariro upi noupi ungavapo. (Mateo 10:26; 1 VaKorinte 4:5) Ungano yomuSardhisi ine mbiri yokuva mhenyu, inoshingaira. Asi Jesu anogona kuona kuti iyo yakafa mumudzimu. Sezvinooneka, mizhinjisa yemitezo yayo yakanga yapinda muchimiro chokusaitira hanya kwakafanana nomugariro wayo iyo isati yava maKristu.—Enzanisa naVaEfeso 2:1-3; VaHebheru 5:11-14.
3. (a) Neiko “ngirozi yeungano yomuSardhisi” yaifanira kucherekedza chaizvo idi rokuti Jesu ane “nyeredzi nomwe”? (b) Ko Jesu anopa zanoi rakasimba kuungano yomuSardhisi?
3 Jesu anoyeuchidzawo “ngirozi yeungano yomuSardhisi” kuti Iye ndiye uyo ane “nyeredzi nomwe.” Iye akabata vakuru ivavo veungano muruoko rwake rworudyi, ane chiremera chokuvaraira mubasa ravo rokufudza. Ivo vanofanira kugadza mwoyo yavo pa‘kuziva zvamazvirokwazvo chitarisiko cheboka.’ (Zvirevo 27:23) Nokudaro, ivo vaitofanira kusanoteerera zviri nani zvikuru mashoko anotevera aJesu anoti: “Rinda, uye simbisa zvinhu zvakasara zvakanga zvodokufa, nokuti ini handina kuwana mabasa ako achiitwa zvizere pamberi paMwari wangu. Naizvozvo, pfuurira kurangarira nezvamagamuchirire awakaita namanzwire awakaita, uye pfuurira kuzvichengeta, ndokupfidza. Zvamazvirokwazvo kutoti bedzi ukamuka, ini ndichauya sembavha, uye hauzati uchitongoziva riri awa randichakuwira naro.”—Zvakazarurwa 3:2, 3.
4. Ko mashoko aPetro aizobetsera sei ungano yomuSardhisi ku“simbaradza zvinhu zvakasara”?
4 Vakuru vomuSardhisi vanodikanirwa kuyeuka mufaro wavakanga vanawo pakutanga pavakadzidza zvokwadi nezvikomborero zvavakagamuchira panguva iyeyo. Asi zvino vafa kana toreva nezvomubato womudzimu. Mwenje wavo weungano uri kutaima nemhaka yokushaikwa kwamabasa okutenda. Mumakore apamberi, muapostora Petro akanyorera ungano dzomuAsia (sezvinobvira achibatanidza Sardhisi) kuvaka kuonga nokuda kwamashoko akanaka ane mbiri ayo maKristu akanga agamuchira uye ayo akanga aziviswa no“mudzimu mutsvene wakatumirwa kubva kudenga”—sowaimirirwa nemidzimu minomwe yechiono chaJohane. Petro akayeuchidzawo maKristu iwawo eAsia kuti iwo aiva e‘dzinza rakasarudzwa, uprista hwoumambo, rudzi rutsvene, rudzi rwezita chairo, kuti ivo vanofanira kuzivisa kwakafara zvakaisvonaka zvouyo akavadana murima kupinda muchiedza chake chinoshamisa.’ (1 Petro 1:12, 25; 2:9) Kufungisisa pamusoro pezvokwadi dzakadaro dzomudzimu kuchabetsera ungano yomuSardhisi kupfidza ndoku“simbisa zvinhu zvakasara.”—Enzanisa na2 Petro 3:9.
5. (a) Chii chakaitika kukuonga kwamaKristu omuSardhisi? (b) Chii chichaitika kana maKristu eSardhisi asingadavidzi kuzano raJesu?
5 Kuri zvino, kuonga kwavo norudo rwezvokwadi zvakafanana nomwoto unenge watodzima hawo. Mavhunze mashomanene bedzi anopfuurira kuti nyechunyechu. Jesu anovakurudzira kufufumutsa kuti nyechunyechu, kukuchidzira mwoto, kupfidza pazvivi umo kuregeredza kwavo kwakanga kwavapinza mazviri, ndokuva ungano mhenyu mumudzimu zvakare. (Enzanisa na2 Timotio 1:6, 7.) Vakasadero, apo Jesu anouya nomutoo usingakarirwi—“sembavha”—kuzoita rutongeso, ungano yomuSardhisi ichava isinokugadzirira.—Mateo 24:43, 44.
Kuuya “Sembavha”
6. Ko Jesu akauya sei “sembavha” muna 1918, uye mugariroi waakawana pakati pavateveri vake vokuedzesera?
6 Nyevero yaJesu yokuti iye aizouya “sembavha” inopinda munguva dzazvino uno. Yakanga ine kushanda chaikwo nokuda kwamaKristu akararama ndokupinda muzuva raShe. Nokukurumidza pashure pa1914, pakanga pane zadziko yechiporofita chaMaraki, chinoti: “‘Nokukurumidza Ishe wechokwadi, wamuri kutsvaka imi vanhu, achauya kutembere Yake nenhume yake yesungano iyo imi munofarira. Tarirai! Iye achauya zvamazvirokwazvo,’ Jehovha wamauto akataura izvozvo.” (Maraki 3:1; Zvakazarurwa 1:10) Se“nhume yesungano,” Jesu akauya kuzonzvera nokutonga avo vaikambira kuva vateveri vake. (1 Petro 4:17) Panguva iyeyo, muna 1918, chiKristudhomu chakanga chichibatanidzwa mukuteura ropa muHondo yeNyika I uye chakanga chakafa chose chose, kutaura nenzira yokumudzimu. Kunyange maKristu echokwadi, awo pamberi pehondo akanga aparidzira nomutoo wokushingaira zvikuru, akapfuura nomunguva yorukope rwomudzimu. Vamwe vavakuru vavo vakatanhamara vakapfigirwa mutorongo, uye mubato wokuparidzira wakadokumira. Apo mudzimu waJehovha wakamutsa aya maKristu gore rakatevera racho, havazati vari vose vakanga vakagadzirira. Vamwe, savasikana mafuza vomumufananidzo waJesu, vakanga vasina kushongedzera mumudzimu nokuda kweropafadzo yokubatira Jehovha. Nomufaro, kunyange zvazvo zvakadaro, kwaiva navazhinji avo, savasikana vakachenjera, vakanga vateerera nyevero yaJesu: “Naizvozvo, rambai makarinda, nokuti hamuzivi zuva kana kuti awa.”—Mateo 25:1-13.
7. Neiko maKristu nhasi achidikanirwa kuramba akamuka?
7 Kudikanwa kwokuti maKristu ave akasvinura hakuna kuguma mukuvamba kwezuva raShe. Muchiporofita chake chikuru pamusoro pe“chiratidzo apo zvinhu zvose izvozvi zvakatemerwa kusvika kumhedziso,” Jesu akapa nyevero yakasimba: “Pamusoro pezuva irero kana kuti awa hakuna munhu anoziva . . . Rambai muchitarira, rambai makamuka, nokuti hamuzivi apo nguva yakagadzwa inosvika. Asi zvandinotaura kwamuri ndinotaura kuna vose, Rambai muchirinda.” (Marko 13:4, 32, 33, 37) Hungu, kusvikira kuawa rino, mumwe nomumwe wedu, kunyange ari wavakazodzwa kana kuti weboka guru, anodikanirwa kuramba akasvinura uye achirwisa kukukurirwa muhope dzomudzimu. Apo zuva raJehovha rinosvika “sembavha muusiku,” isu tose ngatiwanwei takasvinura zvikuru kuti tiwane rutongeso rwakanaka.—1 VaTesaronika 5:2, 3; Ruka 21:34-36; Zvakazarurwa 7:9.
8. Ko boka raJohane nhasi rakakuchidzira sei vanhu vaMwari kuramba vari vapenyu mumudzimu?
8 Boka raJohane nhasi iro rimene rakamuka kuchinodikanwa chokukuchidzira vanhu vaMwari kuti varambe vari vapenyu mumudzimu. Nokuda kwedonzo irori, kuungana chaiko kunogadzirwa mupasi rose kanoverengeka gore rimwe nerimwe. Mugore razvino uno, chiverengero chavakapinda pakokorodzano dzoruwa 2 981 chakaita hwerengedzo ye10 953 744, uye vatendi vatsva vane 122 701 vakabhapatidzwa. Kwaanopfuura makore ane zana rimwe, boka raJohane rakashandisa magazini yeNharireyomurindi mukuzivisa zita raJehovha nedonzo. Mudavidzo kuzvitambudzo zvakakasharara mukati mehondo mbiri dzenyika, Nharireyomurindi yakamutsira Zvapupu zvaJehovha kurushingairo rwakavandudzwa kupfurikidza nokubudisa nyaya dzakadai sokuti “Vakakomborerwa Ndivo Vasingatyi” (1919), “Danidzo Yokuita Chiito” (1925), uye “Kurirwo Yechitambudzo” (1942).
9. (a) Ko maKristu ose anofanira kuve achizvibvunzei iwo amene? (b) Ko Nharireyomurindi yakapa kurudziroi?
9 SomuSardhisi, naizvozvowo muungano nhasi, kuzvinzvera kunopfuuridzirwa kunokosha nokuda kwamaKristu ose. Isu tose tinofanira kuramba tichizvibvunza timene kuti: Ko “mabasa [edu ari] kuitwa zvizere” here pamberi paMwari wedu? Tisingatongi vamwe, ko isu pachedu tinokudziridza mudzimu wokuzvibaira ndokuvavarira kuita basa romweya wose kuna Mwari here? Muna ikoku, magazini yeNharireyomurindi yakapa kurudziro kupfurikidza nokukurukura misoro yakadai sokuti “Rambai Muchiedza Zvamuri” uye “Hatichazviraramiri.”a Tichiva nebetsero yakadaro yapaMagwaro, ngatizvinzverei isu timene mwoyo yedu sezvatinoedza kufamba nokuzvininipisa uye mumunyengetero muperero pamberi paJehovha.—Pisarema 26:1-3; 139:23, 24.
“Mazita Mashomanene”
10. Ko Jesu akacherekedza rutivii runokurudzira muungano yomuSardhisi, uye ikoku kunofanira kutitapura sei?
10 Mashoko aJesu anotevera okuungano yomuSardhisi anoisvokurudzira kwazvo. Iye anoti: “Hunyanguvezvo, iwe una mazita mashomanene muSardhisi asina kusvibisa nguvo dzawo dzokunze, uye iwo achafamba neni akapfeka nguvo chena, nokuti akafanirwa. Iye unokunda uchapfekedzwa kudaro nguvo chena dzokunze; uye handizotongodzimi zita rake mubhuku roupenyu, asi ndichazivisa zita rake pamberi paBaba vangu napamberi pengirozi dzavo.” (Zvakazarurwa 3:4, 5) Ko aya mashoko haazati achitinyandura uye achisimbaradza kutsunga kwedu kuva vakatendeka here? Nemhaka yeregeredzo yavakuru vomutumbi, ungano yose zvayo ingapinda murukope rukuru rwomudzimu. Asika, vanhu vakati kuti vari mairi vangagwinyira noushingi kuchengeta zivikanwo yavo yechiKristu yakachena uye isina mavara uye nokudaro ndokupfuurira kuva nezita rakanaka naJehovha.—Zvirevo 22:1.
11, 12. (a) Kunyange mukati mokutsauka pakutenda kukuru, ko vamwe vanofanira kuve vave vakafanana sei na“mazita mashomanene” iwawo akatendeka omuSardhisi? (b) Iyamuroi yakauya kumaKristu akafanana negorosi mukati mezuva raShe?
11 Hungu, “nguvo dzokunze” idzodzo dzinoreva nezvezivikanwo yakarurama yomunhu somuKristu. (Enzanisa naZvakazarurwa 16:15; 19:8.) Kunofanira kuva kunofadza kuna Jesu kuona kuti, pasinei hapo nokusaitira hanya kwavoruzhinjisa zvikuru, “mazita mashomanene,” maKristu akazodzwa mashomanene omuSardhisi, achiri anokwanisa kuchengeta iyi zivikanwo. Nenzira yakafanana, apo maKristu okuedzesera akapinda muBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, mukati mamazana amakore akawanda okutsauka pakutenda kukuru, nguva dzose panofanira kuve pave pane vanhu vashomanene vaiedza, mukurwisana nemisiano mikuru, kuita kuda kwaJehovha. Ivava vakanga vakarurama segorosi rakavanzwa pakati pamasora mazhinjisa esekete.—Zvakazarurwa 17:3-6; Mateo 13:24-29.
12 Jesu akapikira kuti iye aizova naaya maKristu akafanana negorosi “mazuva ose kutozosvikira kumhedziso yetsika yezvinhu.” Iye anoziva kuti ivo ndivanaani naari mazita akanaka avakazviitira ivo vamene. (Mateo 28:20; Muparidzi 7:1) Fungidzira hako mufaro waava “vashomanene” vakatendeka vakanga vachiri vapenyu pakuvamba kwezuva raShe! Ivo pakupedzisira vakaparadzaniswa nechiKristudhomu chakafa mumudzimu uye vakaunganidzirwa muungano yakarurama yakafanana zvikuru neungano yomuSmirna.—Mateo 13:40-43.
13. Zvikomboreroi zvakachengeterwa maKristu akazodzwa asati a“chisvibisa nguvo dzawo dzokunze”?
13 Avo vomuSardhisi vari vakatendeka kusvikira kumugumo uye vasingasvibisi zivikanwo yavo yechiKristu vanowana zadziko yetariro yavo inoshamisa. Pashure pokugadzwa kwoUmambo hwouMesiya hwaJesu muna 1914, ivo vanomutsirwa kuupenyu hwomudzimu uye savakundi vanopfekedzwa nguvo chena dzokunze muchiratidziro chokururama kwawo kusina vanga, kusina kusvibiswa. Zvavakafamba nomumugwagwa mutete unotungamirira kuupenyu, ivo vachafarikanya tuso isingagumi.—Mateo 7:14; onawo Zvakazarurwa 6:9-11.
Ari Mubhuku Roupenyu Nokusingaperi!
14. Chii chiri “bhuku roupenyu,” uye mazita avanaani akanyorwa mariri?
14 Chii chiri “bhuku roupenyu,” uye mazita avanaani achachengetwa mariri? Bhuku, kana kuti mupumburu wamanyoro, roupenyu rinonongedzera kuchinyorwa chavabatiri vaJehovha vanova mumutsara wokuwana tendero youpenyu husingaperi. (Maraki 3:16) Pano muna Zvakazarurwa nongedzero chaiyo inoitwa kumazita amaKristu akazodzwa. Asika mazita aavo vari mumutsara nokuda kwoupenyu husingaperi pasi pano anonyorwawo mariri. Zvakare, mazita anogona ku‘dzimwa’ mubhuku irero. (Eksodho 32:32, 33) Hunyanguvezvo, avo veboka raJohane vana mazita avo anoramba ari mubhuku roupenyu kutozosvikira parufu rwavo vanowana upenyu husingaperi mudenga. (Zvakazarurwa 2:10) Aya ndiwo mazita ayo Jesu anozivisa chaizvoizvo pamberi paBaba vake napamberi pengirozi Dzavo. Haiwa yakaisvonaka sei tuso iyeyo!
15. Ko mitezo yeboka guru ichaita sei kuti mazita ayo anyorwe nomutoo usingadzimiki mubhuku roupenyu?
15 Boka guru, rina mazita aro anonyorwawo mubhuku roupenyu, richabuda mudambudziko guru riri benyu. Kupfurikidza nokushandisa kutenda Mukutonga kwaMakore Ane Gumi Ramazana kwose kwaJesu nomumuedzo wokupedza nharo unotevera, ivava vachatuswa noupenyu husingaperi muParadhiso pasi pano. (Dhanieri 12:1; Zvakazarurwa 7:9, 14; 20:15; 21:4) Mazita avo ipapo acharamba akanyorwa nomutoo usingadzimiki mubhuku roupenyu. Uchiziva chiri chinopiwa pano kupfurikidza nomudzimu mutsvene, hauzati uchadavidza nembavarira kupangiro yakadzokororwa yaJesu here, inoti: “Uyo une nzeve ngaanzwe izvo mudzimu unoreva kuungano”?—Zvakazarurwa 3:6.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2005, neyaMarch 15, 2005.
[Mufananidzo uri papeji 57]
Zita rako ngarirambe riri mubhuku roupenyu