Ganhuro 30
“Bhabhironi Guru Rawa!”
1. Ko ngirozi yechipiri inozivisei, uye Bhabhironi Guru ndiani?
IAWA rorutongeso rwaMwari! Teerera, ipapoka, shoko roumwari, rinoti: “Ipapo imwe, ngirozi yechipiri, yakatevera, ichiti: ‘Rawa! Bhabhironi Guru rawa, iro rakaita kuti marudzi ose anwe waini yokutsamwa kwoufeve hwaro!’ ” (Zvakazarurwa 14:8) Kwenguva yokutanga, asi kwete yokupedzisira, Zvakazarurwa inonangidzira ngwariro paBhabhironi Guru. Gare gare, ganhuro 17 icharirondedzera sehure rinoyevedza. Iro ndiani? Sezvatichaona, iro umambo hwemburumbwa yose, iro nderorudzidziso, uye iro itsika yenyengedzo yaSatani iyo iye anoshandisa mukurwisana nembeu yomukadzi waMwari. (Zvakazarurwa 12:17) Bhabhironi Guru umambo hwenyika yose hworudzidziso rwenhema. Iro rinobatanidza marudzidziso ose aya anochengeta dzidziso dzorudzidziso nemiitiro yeBhabhironi rekare zvinoratidzira mudzimu waro.
2. (a) Kwakadaro sei kuti rudzidziso rwechiBhabhironi rwakapararira kumativi ose apasi? (b) Ndorupi ruri rutivi rukurusa rwakatanhamara rweBhabhironi Guru, uye rwakabuda rini sesangano rine simba?
2 Pakanga pari paBhabhironi, anopfuura makore ane 4 000 akapfuura, apo Jehovha akanyonganisa ndimi dzavaizova vavaki veShongwe yeBhabheri. Mapoka akasiyana emitauro akaparadzirwa kumigumo yapasi, achienda nezvitendero zvokutsauka pakutenda nemiitiro iri hwaro hwamarudzidziso mazhinji kusvikira kuzuva rino. (Genesi 11:1-9) Bhabhironi Guru rutivi rworudzidziso rwesangano raSatani. (Enzanisa naJohane 8:43-47.) Rutivi rwaro rwakatanhamara zvikurusa nhasi chiKristudhomu chakatsauka pakutenda, icho chakabuda sesangano rine simba, risingateereri mutemo muzana ramakore rechina paShure paKristu, rine zvitendero nemiitiro zvakatorwa, kwete muBhaibheri, asi zvikurukuru murudzidziso rwechiBhabhironi.—2 VaTesaronika 2:3-12.
3. Kunogona sei kutaurwa kuti Bhabhironi Guru rakawa?
3 Ungabvunza kuti, ‘Sezvo rudzidziso ruchiri kushandisa pesvedzero huru mupasi, neiko ngirozi ichizivisa kuti Bhabhironi Guru rawa?’ Hekani waro, chii chakava muuyo pashure pa539 B.C.E. apo Bhabhironi rekare rakawa? Chokwadi, Israeri akasunungurwa kuti adzokere kunzvimbo yokwake ndokudzorera kunamata kwechokwadi ikoko! Naizvozvo kudzorerwa kwaIsraeri womudzimu muna 1919 kurubudiriro runopenya rwomudzimu, runopfuurira norunofutunuka kusvikira kuzuva rino, kuri soufakazi hwokuti Bhabhironi Guru rakawa mugore irero. Harichisinazve simba rokudzivisa pavabatiri vaMwari. Zvakare, rakapinda munhamo huru pakati pemitezo yaro rimene. Chifo cha1919 ushati hwaro, kusatendeseka, noutere zvave zvichifumurwa nomutoo wakafara. Murutivi rukurusa rweEurope, vanhu vashomanene vachiri kuenda kuchechi, uye mune dzimwe munyika dzesosharisiti, rudzidziso runorangarirwa so“mushonga unokotsirisa wavanhu.” Ranyadziswa mumeso avadi vose veShoko raMwari rezvokwadi, Bhabhironi Guru zvino rinomirira riri mutorongo ravakashurikidzirwa rufu, sokunge zvakadaro, nokuda kwokuitwa kworutongeso rwakarurama rwaJehovha pariri.
Kuwa Kunonyadzisa kweBhabhironi
4-6. Kunodaro sei kuti “Bhabhironi Guru . . . rakaita kuti marudzi ose anwe waini yokutsamwa kwoufeve hwaro”?
4 Ngatinzverei muudzame hukuru migariro yakapoteredza kuwa kunonyadzisa kweBhabhironi Guru. Ngirozi pano inotizivisa kuti “Bhabhironi Guru . . . . rakaita kuti marudzi ose anwe waini yokutsamwa kwoufeve hwaro.” Ikoku kunoreveiko? Kune chokuita norukundo. Somuenzaniso, Jehovha akaudza Jeremia, kuti: “Tora uyu mukombe wewaini yokutsamwa muruoko rwangu, uye unofanira kuita kuti marudzi ose andiri kukutumira kwaari aunwe. Uye iwo anofanira kunwa ndokudzedzerekera shure nemberi vachiita savanhu vapengeswa nokuda kwomunondo wandiri kutuma pakati pavo.” (Jeremia 25:15, 16) Muzana ramakore rechitanhatu nerechinomwe B.C.E., Jehovha akashandisa Bhabhironi rekare kudurura mukombe wokufananidzira wedambudziko nokuda kwamarudzi mazhinji kuti anwe, kubatanidza naJudha akatsauka pakutenda, zvokuti kunyange vanhu vake amene vakaendeswa kuutapwa. Ipapo, mujana raro, Bhabhironi rakawa nokuti mambo waro akazvikudza iye amene mukurwisana naJehovha “Ishe wamatenga.”—Dhanieri 5:23.
5 Bhabhironi Guru rakaitawo marukundo, asi nokuda kworutivi rukurusa, iwawo ave ari amanomano zvikuru. Iro “rakaita kuti marudzi ose anwe” kupfurikidza nokushandisa manomano ehure, richiita ufeve hworudzidziso nawo. Iro rakanyengedza vabati ushe vezvamatongerwe enyika kupinda mubatano noushamwari naro. Kupfurikidza nenyengedzo dzorudzidziso, iro rakarongedzera dzvinyiriro yezvamatongerwe enyika, yezvokutengeserana, uye yomugariro wemari. Iro rakanyandura chitambudzo chorudzidziso nehondo dzorudzidziso uye hondo dzorudzidziso, uyewo hondo dzamarudzi, nokuda bedzi bedzi kwezvikonzero zvezvamatongerwe enyika nezvenhengeseranwa. Uye iro rakatsvenesa idzi hondo kupfurikidza nokutaura kuti idzo ndedzokuda kwaMwari.
6 Batanidzwo yorudzidziso muhondo nezvamatongerwe enyika zvezana ramakore rechi20 inozivikanwa navose—somuJapan yechiShinto, India yechiHindu, Vietnam yechiBuddha, Northern Ireland ye“chiKristu” neLatin America, uyewo nedzimwe—tisingafuratiri hedu rutivi rwavafundisi vorudzidziso vamauto pamativi ose ari maviri ehondo dzenyika mbiri mukukurudzira majaya kuurayana. Muenzaniso wakatanhamara woufeve hweBhabhironi Guru ndowegoverano rayakava nayo muHondo Yavasati Vari Varwi yeSpain ya1936-39, umo vanhu vanenge 600 000 vakaurawa mairi. Uku kuteurwa kweropa kwakamutswa navatsigiri vavafundisi vechiKaturike navabatani vavo, murutivi nemhaka yokuti pfuma nenzvimbo zvechechi zvakatyisidzirwa nehurumende yapamutemo yeSpain.
7. Ndiani ave ari chipfuro chikuru cheBhabhironi Guru, uye mitooi yarakashandisa mukurwisana neichi chipfuro?
7 Sezvo Bhabhironi Guru riri rutivi rworudzidziso rwembeu yaSatani, nguva dzose rave richiita “mukadzi” waJehovha, “Jerusarema riri kumusoro,” chipfuro charo chikuru. Muzana rokutanga ramakore, ungano yamaKristu akazodzwa yakasanoziviswa sembeu yomukadzi. (Genesi 3:15; VaGaratia 3:29; 4:26) Bhabhironi Guru rakaedza nesimba kukunda ungano iyeyo yakachena kupfurikidza nokuinyengedza kupinda mukuita ufeve hworudzidziso. Muapostora Pauro naPetro vakanyevera kuti vazhinji vaizokurirwa uye kutsauka pakutenda kukuru kwaizovapo somuuyo. (Mabasa 20:29, 30; 2 Petro 2:1-3) Mashoko aJesu okuungano nomwe akaratidzira kuti kunenge kumugumo woupenyu hwaJohane, Bhabhironi Guru rakanga richiita kuenderera mberi kwakati kuti munhamburiko dzaro dzokushatsa. (Zvakazarurwa 2:6, 14, 15, 20-23) Asika Jesu akanga atoratidzira kuti iro raizova rinobvumidzwa kusvikira kure kwakadini.
Gorosi Namasora
8, 9. (a) Ko mufananidzo waJesu wegorosi namasora wakaratidzirei? (b) Chii chakaitika “apo vanhu vaiva vavete”?
8 Mumufananidzo wake wegorosi namasora, Jesu akataura nezvomunhu akakusha mbeu yakaisvonaka mumunda. Asi “apo vanhu vakanga vavete,” muvengi akasvika ndokukusha masora. Nokudaro, gorosi rakadzikatidzwa namasora. Jesu akatsanangura mufananidzo wake naawa mashoko, anoti: “Mukushi wembeu yakaisvonaka Mwanakomana womunhu; munda inyika; kana iri mbeu yakaisvonaka, ava ndivo vanakomana voumambo; asi masora ndivo vanakomana vowakaipa, uye muvengi uyo akaakusha ndiDhiabhorosi.” Ipapo iye akaratidzira kuti gorosi namasora zvaizobvumirwa kukurira pamwe chete kutozosvikira pa“mhedziso yetsika yezvinhu,” apo ngirozi dzaizo“unganidza” masora okufananidzira.—Mateo 13:24-30, 36-43.
9 Icho Jesu uye muapostora Pauro naPetro vakanyevera pamusoro pacho chakaitika. “Apo vanhu vakanga vavete,” pashure pokunge vaapostora vavata murufu kana kuti zvimwe apo vatariri vechiKristu vakava vanotsimwaira mukurinda boka raMwari, kutsauka pakutenda kwechiBhabhironi kwakatungira mukati chaimo meungano. (Mabasa 20:31) Nokukurumidza masora akadzikatidza gorosi ndokurivanza mukuoneka. Kwechiverengero chakati kuti chamazana amakore, kungave kwakaratidzika kuti mbeu yomukadzi yakanga yamonzverwa chose chose nenguvo huru dzeBhabhironi Guru.
10. Chii chakaitika pakazosvika makore okuma1870, uye Bhabhironi Guru rakaita sei kuna ichochi?
10 Pakazosvika 1870 maKristu akazodzwa akavamba kuita nhamburiko dzokutsunga dzokuzvibvisa amene munzira dzouhure dzeBhabhironi Guru. Iwo akasiya dzidziso dzenhema idzo chiKristudhomu chakanga chapinza dzichibva muchihedheni uye noushingi akashandisa Bhaibheri mukuparidzira kuti nguva dzaVamarudzi dzaizoguma muna 1914. Mudziyo mukuru weBhabhironi Guru, vafundisi vechiKristudhomu, vakashora idzi nyanduro dzedzorerwo yokunamata kwechokwadi. Mukati mehondo yenyika yokutanga, ivo vakashandisa kupisira kwenguva yehondo kuedza kudzura iri boka duku ramaKristu akatendeka. Muna 1918, apo mibato yawo yakadokudziviswa chose chose, kwakaratidzika sokunge kuti Bhabhironi Guru rakanga rabudirira. Rakaratidzika sokunge kuti rakunda paari.
11. Chii chakaparirwa nokuwa kweBhabhironi rekare?
11 Sezvatakacherekedza pakutanga, guta rinodada reBhabhironi rakava nokuwa kune ngwavaira pasimba muna 539 B.C.E. Ipapo kudanidzira kwakanzwiwa, kuchiti: “Rawa! Bhabhironi rawa!” Dendemaro guru roumambo hwenyika rakanga rawira kumauto avaMedhia nePersia mukudzora kwaKoreshi Mukuru. Kunyange zvazvo guta iro rimene rakapukunyuka rukundorwo, kuwa kwaro pasimba kwakanga kuri kwechokwadi, uye kwakaguma nokubudiswa kwenhapwa dzaro dzechiJudha. Idzo dzakadzokera kuJerusarema kundotangazve kunamata kwakachena ikoko.—Isaya 21:9; 2 Makoronike 36:22, 23; Jeremia 51:7, 8.
12. (a) Munguva yedu, kunogona sei kutaurwa kuti Bhabhironi Guru rakawa? (b) Chii chinobvumikisa kuti Jehovha akaramba chiKristudhomu chose chose?
12 Munguva yedu, kudanidzira kwokuti Bhabhironi Guru rawa kwakanzwiwawo! Rubudiriro rwechinguvana rwechiKristudhomu chechiBhabhironi muna 1918 rwakashandurwa chose chose muna 1919 apo vakasarira vavakazodzwa, boka raJohane, vakadzorerwa kupfurikidza norumuko rwomudzimu. Bhabhironi Guru rakanga rawa kana toreva nezvokuva nokubata kupi nokupi pavanhu vaMwari senhapwa. Semhashu, hama dzakazodzwa dzaKristu dzakabuda sebute mugomba rakadzika-dzika, dzakagadzirira nokuda kwechiito. (Zvakazarurwa 9:1-3; 11:11, 12) Ivo vakanga vari “muranda akatendeka nowakachenjera” wazvino uno, uye Ishe akavagadza pazvinhu zvake zvose zvapasi. (Mateo 24:45-47) Kuva kwavo vanoshandiswa neiyi nzira kwakabvumikisa kuti Jehovha akanga aramba chose chose chiKristudhomu pasinei hapo nekambiro yacho yokuva mumiriri wake pasi pano. Kunamata kwakachena kwakagadzwazve, uye nzira yakazarukira kupedza basa rokuisa chisimbiso vakasarira vevane 144-000—vakasarira vembeu yomukadzi, muvengi wenguva refu weBhabhironi Guru. Ikoku kwose kwakaratidzira rukundo runopedza nezano rose zvaro nokuda kwesangano irero rorudzidziso rouSatani.
Tsungiriro Nokuda Kwavatsvene
13. (a) Ko ngirozi yechitatu inozivisei? (b) Ko Jehovha anoita rutongesoi rwaavo vanogamuchira chiratidzo chechikara?
13 Zvino ngirozi yechitatu inotaura. Teerera! “Ipapo imwe ngirozi, yechitatu, yakadzitevera, ikati nenzwi guru: ‘Kana munhu upi noupi akanamata chikara nomufananidzo wacho, uye akagamuchira chiratidzo pahuma yake kana kuti paruoko rwake, iye achanwawo waini yokutsamwa kwaMwari inodururwa isina kutuvidzwa mumukombe wehasha dzake.’ ” (Zvakazarurwa 14:9, 10a) Pana Zvakazarurwa 13:16, 17, kwakajekeswa kuti mukati mezuva raShe avo vasati vachinamata mufananidzo wechikara vaizotambura—kunyange kuurawa. Zvino tonzwa kuti Jehovha akasarudza kutonga avo “vane chiratidzo, zita rechikara kana kuti chiverengero chezita racho.” Ivo vachagombedzerwa kunwa ‘mukombe wehasha’ unovava wokutsamwa kwaJehovha. Ikoku kucharevei nokuda kwavo? Muna 607 B.C.E., apo Jehovha akagombedzera Jerusarema kunwa “mukombe wake wokutsamwa,” gutaro raka“pambwa nokuputswa, uye nzara nomunondo” zvakaitwa navaBhabhironi. (Isaya 51:17, 19) Nenzira imwe cheteyo, apo vanamati vezvifananidzo vamasimba ezvamatongerwe enyika apasi nomufananidzo wawo, Chibatanwa chaMarudzi, vanonwa mukombe wehasha dzaJehovha, muuyo uchava ngwavaira nokuda kwavo. (Jeremia 25:17, 32, 33) Vachaparadzwa chose chose.
14. Kunyange pamberi poruparadziko rwaavo vanonamata chikara nomufananidzo wacho, vakadarowo vanofanira kutamburei, uye Johane anorondedzera sei ikoku?
14 Zvisinei, kunyange ikoku kusati kwaitika avo vane chiratidzo chechikara vanotofanira kutambura miuyo yokutambudza kwokusatendera kwaJehovha. Ichitaura nezvemunamati wechikara nomufananidzo wacho, ngirozi inozivisa Johane, kuti: “Uye iye uchatambudzwa nomwoto nesurferi pamberi pengirozi tsvene napamberi peGwayana. Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri, uye ivo havane zororo masikati nousiku, avo vanonamata chikara nomufananidzo wacho, uye upi noupi anogamuchira chiratidzo chezita racho.”—Zvakazarurwa 14:10b, 11.
15, 16. Chii chiri revo yamashoko okuti “mwoto nesurferi” ari pana Zvakazarurwa 14:10?
15 Vamwe vakarangarira kududzwa kwomwoto nesurferi pano (“mwoto neibwe rinopfuta mwoto,” King James Version) sechitendiso chokuvapo kwehero yomwoto. Asi nzvero pfupi youporofita hwakafanana inoratidzira revo chaiyoiyo yaaya mashoko muna aya mashoko akapoteredza. Shure mumazuva aIsaya, Jehovha akanyevera rudzi rweEdhomi kuti ivo vaizorangwa nemhaka yoruvengo rwavo kuna Israeri. Iye akati: “Hova dzayo dzinofanira kushandurwa kuva namo, uye huruva yayo kuva surferi, uye nyika yayo inofanira kuva senamo inopfuta mwoto. Iyo haizati ichizodzimwa pausiku kana kuti masikati; utsi hwayo hunoramba huchikwira kusvikira kunguva isingazivikanwi. Iyo ichava yakatsva kusvikira kuchizvarwa nechizvarwa, hakuna munhu ungagura napairi nokusingaperi-peri.”—Isaya 34:9, 10.
16 Ko Edhomu yakakandirwa muhero yomwoto yengano kuti itsve nokusingaperi here? Nyangwe napaduku pose zvapo. Panzvimbo pakwo, rudzirwo rwakatsakatika chose chose panyika sokunge kuti irwo rwakanga rwapwiswa chose chose nomwoto nesurferi. Muuyo wokupedzisira wechirango wakanga usati uri chitambudzo chokusingaperi asi “kushaikwa chinhu . . . dongo . . . kusava chinhu.” (Isaya 34:11, 12) Utsi ‘hunokwira kusvikira kunguva isingazivikanwi’ hunosanoratidza ikoku. Apo imba inororoma, utsi hunoramba huchibuda mumarota kwenguva yakati kuti pashure pokunge marimi omwoto adzima, huchigovera vacherekedzi ufakazi hwokuti pave pane kutsva kunoparadza. Kunyange nhasi vanhu vaMwari vanoyeuka chifundo chinofanira kudzidzwa muruparadziko rweEdhomi. Nenzira iyi ‘utsi hwokutsva kwayo’ huchiri kukwira nenzira yokufananidzira.
17, 18. (a) Chii chiri muuyo nokuda kwaavo vanogamuchira chiratidzo chechikara? (b) Ko vanamati vechikara vanotambura munzirai? (c) Kunodaro sei kuti “utsi hwechitambudzo chavo hunokwira nokusingaperi-peri”?
17 Avo vane chiratidzo chechikara vachaparadzwawo chose chose, sokunge kuti nomwoto. Sokuratidzira kunoita uporofita gare gare, zvitunha zvavo zvichasiiwa zvisina kuvigwa nokuda kwokuti mhuka neshiri zvidye. (Zvakazarurwa 19:17, 18) Naizvozvo, nomutoo wakajeka, ivo havazati vachiva vanotambudzwa chaizvoizvo nokusingaperi! Ko ivo vano“tambudzwa nomwoto nesurferi” sei? Mukuti kuparidzirwa kwezvokwadi kunovafumura ndokuvanyevera nezvorutongeso runouya rwaMwari. Nokudaro ivo vanochera vanhu vaMwari uye, pakunobvira, nomutoo wamanomano vanopesvedzera chikara chezvamatongerwe enyika kutambudza uye kunyange kuuraya Zvapupu zvaJehovha. Somugumo, vashori ivava vachaparadzwa senemwoto namabwe anopfuta mwoto. Ipapo “utsi hwechitambudzo chavo hunokwira nokusingaperi-peri” mukuti kutongwa kwavo naMwari kuchabatira soufakazi kana uchangamire hwakarurama hwaJehovha huchizomboshorwazve. Chirevo ichecho chichave chagadzikiswa nokuda kwokusingagumi.
18 Ndivanaani vanoendesa shoko rinotambudza nhasi? Yeuka, mhashu dzokufananidzira dzine chiremera chokutambudza vanhu vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo. (Zvakazarurwa 9:5) Nomutoo unooneka, ivava vanotungamirirwa nengirozi vatambudzi. Tsungiriro yemhashu dzokufananidzira ihuru zvokuti “ivo havane zororo pamasikati nousiku, avo vanonamata chikara nomufananidzo wacho, uye upi noupi anowana chiratidzo chezita racho.” Uye pakupedzisira, pashure poruparadziko rwavo, ufakazi hwechirangaridzo hwerevererwo iyeyo youchangamire hwaJehovha, “utsi hwechitambudzo chavo,” huchakwira nokusingaperi-peri. Haiwa boka raJohane ngaritsungirire kusvikira revererwo iyeyo yaitwa! Sokugumisa kunoita ngirozi: “Hepano pakunoreva tsungiriro nokuda kwavatsvene, avo vanochengeta mirairo yaMwari nokutenda kwaJesu.”—Zvakazarurwa 14:12.
19. Neiko tsungiriro ichidikanwa kuna vatsvene, uye Johane anoshumei chinovasimbaradza?
19 Hungu, “tsungiriro nokuda kwavatsvene” inoreva kunamata kwavo Jehovha mukuzvipira kwapoga kupfurikidza naJesu Kristu. Shoko ravo rinorambwa. Rinoparira chishoro, chitambudzo, kunyange kuponderwa kutendeka. Asi ivo vanosimbaradzwa neicho Johane anotevera kushuma, kuti: “Ipapo ini ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti: ‘Nyora: vanofara ndivo vakafa vanofira muhumwe naShe kubvira munguva ino zvichienda mberi. Hungu, unodaro mudzimu, ngavazorore pamibato yavo, nokuti zvinhu zvavakaita zvinoenda navo chaizvo.’ ”—Zvakazarurwa 14:13.
20. (a) Ko chipikirwa chinoshumwa naJohane chinotsinhirana sei nouporofita hwaPauro pamusoro pokuvapo kwaJesu? (b) Avo vavakazodzwa vanofa pashure pokubudiswa kwaSatani mudenga vanopikirwa ropafadzoi chaiyo?
20 Ichi chipikirwa chinosanotsinhirana nouporofita hwaPauro pamusoro pokuvapo kwaJesu: “Avo vakafa muhumwe naKristu vachatanga kumuka. Pashure pacho isu vapenyu vari kurarama [avo vavakazodzwa vanorarama kupinda muzuva raShe], pamwe chete navo, tichanakurwa mumakore kundosangana naShe mumhepo.” (1 VaTesaronika 4:15-17) Pashure pokubudiswa kwaSatani mudenga, avo vakanga vafa muhumwe naKristu vakatanga kumuka. (Enzanisa naZvakazarurwa 6:9-11.) Pashure pacho, avo vavakasarira vanofa mukati mezuva raShe vanopikirwa ropafadzo chaiyo. Kumukira kwavo muupenyu hwomudzimu mudenga ndokwapakarepo, “mukubwaira kweziso.” (1 VaKorinte 15:52) Haiwa kunoshamisa sei ikoku! Uye mabasa avo okururama anopfuurira chaizvo munzvimbo yokudenga.
Kucheka Kwapasi
21. Ko Johane anotiudzei pamusoro pe“kuchekwa kwapasi”?
21 Vamwewo vanobetserekana mune iri zuva rorutongeso, sezvo Johane achipfuurira kutizivisa, kuti: “Ipapo ini ndakaona, uye tarirai! gore jena, uye mumwe munhu akaita somwanakomana womunhu agere pamusoro pegore, ane korona yendarama pamusoro wake nejeko rinopinza muruoko rwake. Zvino imwe ngirozi [yechina] yakabuda munzvimbo tsvene yetembere, ichidanidzira nenzwi guru kuno uyo agere pamusoro pegore, ichiti: ‘Pinzai jeko renyu ndokucheka, nokuti awa rasvika rokucheka, nokuti zvikohwiwa zvapasi zvaibva kwazvo.’ Ipapo uyo agere pamusoro pegore akapinza jeko rake papasi, uye pasi rakachekwa.”—Zvakazarurwa 14:14-16.
22. (a) Ndiani ari uyo akapfeka korona yendarama uye agere pamusoro pegore jena? (b) Ko mugumo wokucheka unoitika rini, uye sei?
22 Kuzivikanwa kwouyo agere pamusoro pegore jena hakuzati kuchipanikirwa. Agere pamusoro pegore jena, akafanana nomwanakomana womunhu uye ane korona yendarama, iye nomutoo wakajeka ndiJesu, Mambo wouMesiya uyo Dhanieri akaonawo muchiono. (Dhanieri 7:13, 14; Marko 14:61, 62) Asika chii chiri kucheka kwakaporofitwa pano? Achingunoveri pasi pano, Jesu akafananidzira basa rokuita vadzidzi nokuchekwa kwomunda wenyika wavanhu. (Mateo 9:37, 38; Johane 4:35, 36) Mugumo wouku kucheka unosvika muzuva raShe, apo Jesu anopfekedzwa korona saMambo uye achiita rutongeso nokuda kwaBaba vake. Nokudaro, nguva yake yokubata ushe, chifo cha1914, inguvawo yomufaro nokuda kwokupinza zvikohwa.—Enzanisa naDheuteronomio 16:13-15.
23. (a) Ko shoko rokuvamba kucheka rinobva kunaani? (b) Kuchekai kwakaitika kubvira muna 1919 kusvikira zvino?
23 Kunyange zvazvo iye ari Mambo noMutongi, Jesu anomirira shoko rinobva kuna Jehovha Mwari wake pamberi pokuvamba kucheka. Shoko irero rinobva “munzvimbo tsvene yetembere” kupfurikidza nengirozi. Pakarepo, Jesu anoteerera. Kutanga, kubvira muna 1919 zvichienda mberi, iye akaita kuti ngirozi dzake dzipedze kuchekwa kwavane 144 000. (Mateo 13:39, 43; Johane 15:1, 5, 16) Tevere, kukuunganidzwa kwokuchekwa kweboka guru ramamwe makwai kunoitika. (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9) Nhau inoratidzira kuti pakati pa1931 na1935 chiverengero chakati kuti chaaya mamwe makwai chakavamba kuoneka. Muna 1935 Jehovha akazarurira nzwisiso yeboka raJohane zivikanwo chaiyo yeboka guru raZvakazarurwa 7:9-17. Kubvira ipapo zvichienda mberi, simbiso huru yakaiswa pakuunganidzwa kweiri boka. Pakazosvika gore ra2005, chiverengero charo chakanga chapfuura mamiriyoni matanhatu, uye chichiri kuwedzera. Zvamazvirokwazvo, uyo akafanana nomwanakomana womunhu akacheka zvakawanda, zvikohwa zvinofadza mukati meiyi nguva yomugumo.—Enzanisa naEksodho 23:16; 34:22.
Kutsika-tsika Muzambiringa Wapasi
24. Chii chiri mumaoko engirozi yechishanu, uye ngirozi yechitanhatu inodanidzirei?
24 Sezvo kuchekwa kworuponeso kwapedzwa, yava nguva yokumwe kucheka. Johane anoshuma, kuti: “Zvino imwe ngirozi [yechishanu] yakabuda munzvimbo tsvene yetembere iri mudenga, iyowo, iine jeko rinopinza. Uye imwezve ngirozi [yechitanhatu] yakabuda muatari uye iyo yakanga ine chiremera pamusoro pomwoto. Ipapo yakadanidzira nenzwi guru kune iya yakanga ine jeko rinopinza, ichiti: ‘Pinza jeko rako rinopinza ndokuunganidza zvisumbu zvomuzambiringa wapasi, nokuti mazambiringa awo aibva.’ ” (Zvakazarurwa 14:17, 18) Mapoka engirozi anoronzeswa kucheka kukurusa mukati mezuva raShe, kuparadzanisa vakanaka navakashata!
25. (a) Chii chinoratidzirwa neidi rokuti ngirozi yechishanu yakabuda munzvimbo tsvene yetembere? (b) Neiko kwakakodzera kuti murairo wokuvamba kucheka unobva kungirozi iyo yaka“buda muatari”?
25 Ngirozi yechishanu inobva pamberi paJehovha munzvimbo tsvene yetembere; nokudaro, kucheka kwokupedzisira kunoitikawo mukuwirirana nokuda kwaJehovha. Ngirozi inorairwa kuvamba basa rayo kupfurikidza neshoko rinotaurwa kupfurikidza neimwe ngirozi iya yaka“buda muatari.” Iri idi rinoisvokosha, sezvo mweya yakatendeka iri pasi peatari yakanga yabvunza, kuti: “Changamire Ishe mutsvene nowachokwadi; mucharega kutonga ndokutsiva ropa redu pana avo vanogara papasi kutozosvikira riniko?” (Zvakazarurwa 6:9, 10) Kupfurikidza nokuchekwa kwomuzambiringa wapasi, uku kudanidzira nokuda kwamatsive kuchagutswa.
26. Chii chiri “muzambiringa wapasi”?
26 Asika chii chiri “muzambiringa wapasi”? MuMagwaro echiHebheru, rudzi rwechiJudha rwaitaurwa nezvarwo somuzambiringa waJehovha. (Isaya 5:7; Jeremia 2:21) Nomutoo wakafanana, Jesu Kristu naavo vachabata naye muUmambo hwaMwari vanotaurwa nezvavo somuzambiringa. (Johane 15:1-8) Muno uku kuronga, vara rinokosha romuzambiringa nderokuti iwo unobereka zvibereko, uye muzambiringa wechokwadi wechiKristu wakabereka zvibereko zvakawanda kurumbidzo yaJehovha. (Mateo 21:43) “Muzambiringa wapasi,” nokuda kwechikonzero ichecho, unofanira kuva, kwete uyu muzambiringa chaiwoiwo, asi edzesero yawo yaSatani, tsika yake yakashata inooneka yehurumende inodzora vanhu, ine “zvisumbu” zvayo zvakasiyana-siyana zvezvibereko zvoudhemoni zvakaberekwa kwamazana amakore. Bhabhironi Guru, iro chiKristu chakatsauka pakutenda chakatanhamara zvikuru mariri, chakashandisa pesvedzero huru pauyu muzambinga une chefu.—Enzanisa naDheuteronomio 32:32-35.
27. (a) Chii chinoitika apo ngirozi ine jeko inounganidza muzambiringa wapasi? (b) Uporofitai huri muMagwaro echiHebheru hunoratidzira ukuru hwokucheka?
27 Rutongeso runofanira kuitwa! “Ipapo ngirozi yakapinza jeko rayo mupasi ndokuunganidza muzambiringa wapasi, uye iyo yakaukandira muchisviniro chewaini chikuru chokutsamwa kwaMwari. Ipapo chisviniro chewaini chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, uye ropa rakabuda muchisviniro chewaini rakakwira kusvikira pamatomu amabhiza, kwedaro ramastadhia ane chiuru chimwe china mazana matanhatu.” (Zvakazarurwa 14:19, 20) Kutsamwira kwaJehovha uyu muzambiringa kwanguve kwakaziviswa. (Zefania 3:8) Uporofita huri mubhuku raIsaya hahuzati huchisiya panikiro yokuti marudzi ose achaparadzwa apo chisviniro chewaini chinotsikwa-tsikwa. (Isaya 63:3-6) Joerewo akaporofita kuti “mapoka” makuru, marudzi ose, aizotsikwa-tsikwa kusvikira muruparadziko mu“chisviniro chewaini,” mu“mupata wechisarudzo.” (Joere 3:12-14) Zvamazvirokwazvo, kucheka kukurusa kusina kwakafanana nakwo hakuchazotongoitikazve! Mukuwirirana nechiono chaJohane, haazati achingova bedzi mazambiringa anochekwa asi muzambiringa wose wokufananidzira unochekwa pasi ndokukandirwa muchisviniro chewaini kuti utsikwe-tsikwe. Naizvozvo muzambiringa wapasi uchadzurwa uye hauzati uchizotongokwanisa kukurazve.
28. Ndivanaani vanoita kutsikwa-tsikwa kwomuzambiringa wapasi, uye kuti chisviniro chewaini chino“tsikwa-tsikwa kunze kweguta” kunorevei?
28 Kutsika-tsika kwechiono kunoitwa namabhiza, nokuti ropa rakatsikwa-tsikwa rakabuda mumuzambiringa rinosvika “matomu amabhiza.” Sezvo shoko rokuti “mabhiza” richiwanzoreva nezvemibato yehondo, iyoyi inofanira kuva nguva yehondo. Mauto okudenga anotevera Jesu achipinda muhondo yokupedzisira mukurwisana netsika yezvinhu yaSatani anotaurwa kuva anotsika-tsika “chisviniro chewaini chokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 19:11-16) Iwawa nomutoo wakajeka ndiwo anoita kutsikwa-tsikwa kwomuzambiringa wapasi. Chisviniro chewaini chino“tsikwa-tsikwa kunze kweguta,” ndiko kuti, kunze kweZioni rokudenga. Zvamazvirokwazvo, kwakakodzera kuti muzambiringa wapasi unofanira kutsikwa-tsikwa pasi pano. Asi uchavawo uno“tsikwa-tsikwa kunze kweguta” mukuti hapana kuvadziko ichauya kuna vakasarira vembeu yomukadzi, iyo inomirira Zioni rokudenga pasi pano. Ivava pamwe chete neboka guru vachavanzwa nomutoo wakakotsekana mukati megadziriro yapasi yesangano yaJehovha.—Isaya 26:20, 21.
29. Ko ropa rinobva muchisviniro chewaini rakadzama sei, rinotambanukira kure kwakadini, uye ikoku kwose kunoratidzirei?
29 Ichi chiono chakajeka chine wirirano mukuputsanywa kwamaumambo apasi kunoitwa neibwe roUmambo rakarondedzerwa pana Dhanieri 2:34, 44. Pachava nokuparadzanywa. Rwizi rweropa runobva muchisviniro chewaini rwakadzama kwazvo, kusvikira mumatomu amabhiza, uye runotambanukira kudaro rine mastadhia 1 600.a Nhamba hombe iyi, inowanwa kupfurikidza nokuwanziridza mativi mana akaenzana namativi gumi akaenzana (4 x 4 x 10 x 10), nomutoo wakasamarara inopa shoko rokuti ufakazi hworupadziko huchabatanidza pasi rose. (Isaya 66:15, 16) Ruparadziko ruchava rwakakwana norusingashanduki. Muzambiringa waSatani wapasi hauzati uchizotongomerazve, nyangwe rini narini!—Pisarema 83:17, 18.
30. Ndezvipi zviri zvibereko zvomuzambiringa waSatani, uye chii chinofanira kuva kutsunga kwedu?
30 Sezvatinorarama kumugumisiro wenguva yomugumo, chiono chouku kucheka kuviri chine revo zvikuru. Tinotofanira bedzi kutarira tarira patiri ndokuona zvibereko zvomuzambiringa waSatani. Kubvisa nhumbu nezvimwe zvimiro zvokuponda, vatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo, upombwe, nezvimwe zvimiro zvoutere; kusatendeseka nokushaikwa kwechidakadaka chomuzvarirwo—zvinhu zvose zvakadai zvinoita nyika ino ive yakashata mumeso aJehovha. Muzambiringa waSatani unobereka “zvibereko zvechirimwa chine chefu negavakava.” Nzira yawo inokuvadza, yokunamata zvifananidzo inozvidza Musiki Mukuru wavanhu. (Dheuteronomio 29:18; 32:5; Isaya 42:5, 8) Haiwa iropafadzo yakadini kuva vakabatana nomutoo wokushingaira neboka raJohane mukuchekwa kwezvibereko zvakanaka izvo Jesu ari kuunza kurumbidzo yaJehovha! (Ruka 10:2) Isu tose ngativei vakatsunga kuti hatizati tichizotongoshatiswa nouyu muzambiringa wenyika ino, uye isu nokudaro ngatidzivisei kuva vanotsikwa-tsikwa pamwe nomuzambiringa wapasi apo rutongeso rwakashata rwaJehovha runoitwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Mastadhia 1 600 anenge makiromita 300, kana kuti mamaira echiNgezi 180.—Zvakazarurwa 14:20, New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.
[Bhokisi riri papeji 208]
‘Waini Youfeve Hwaro’
Rutivi rukuru rweBhabhironi Guru iChechi yeRoma Katurike. Chechi inotongwa napapa muRoma uye inotaura kuti papa mumwe mumumwe mutsivi womuapostora Petro. Anotevera ndimamwe amaidi akabudiswa pamusoro paavo vanonzi vatsivi:
Formosus (891-96): “Mwedzi mipfumbamwe pashure porufu rwake, mutumbi waFormosus wakafukunyurwa muguva rapapa ndokupomerwa mhaka nokuda kwokutambwa kwemhaka pamberi pedare re‘chitunha,’ apo Stephen [papa mutsva] akatungamirira. Papa akafa akapomerwa mhaka yechinendirini chokunyanyisa nokuda kwebasa roupapa namabasa ake ose akaziviswa kuva asina maturo. . . . Chitunha chakapfekenurwa nguvo dzoupapa; minwe yoruoko rworudyi yakagurwa.”—New Catholic Encyclopedia.
Stephen VI (896-97): “Mukati memwedzi mishomanene [yokutambwa kwemhaka yechitunha chaFormosus] kuita kwamasimba masimba kwakagumisa upapa hwaPope Stephen; iye akanyimwa chiratidzo choupapa, akapfigirwa mutorongo ndokudzipwa.”—New Catholic Encyclopedia.
Sergius III (904-11): “Vatangiri vake vaviri vapedyo . . . vakadzipwa mutorongo. . . . MuRome iye akanga achitsigirwa nemhuri yekwaTheophylactus, iyo kupfurikidza nomumwe wavanasikana vayo, Marozia, iye anofungidzirwa kuva akava nomwanakomana (gare gare akava Pope John XI).”—New Catholic Encyclopedia.
Stephen VII (928-31): “Mumakore okupedzisira oupapa hwake, Pope John X . . . akanga amutsa hasha dzaMarozia, Donna Senatrix weRoma, uye akanga apfigirwa mutorongo ndokuurawa. Marozia ipapo akaisa upapa pana Pope Leo VI, uyo akafa pashure pemwedzi 6 1/2 ari munzvimboyo. Stephen VII akamutsiva, zvimwe kupfurikidza nepesvedzero yaMarozia. . . . Mukati mamakore ake 2 saPapa, iye akanga asina simba mukudzora kwaMarozia.”—New Catholic Encyclopedia.
John XI (931-35): “Parufu rwaStephen VII . . . , Marozia, weImba yaTheophylactus, akawanira upapa mwanakomana wake John, pwere iri mumakore ayo apakuvamba omuma20. . . . Sapapa, John aidzorwa naamai vake.”—New Catholic Encyclopedia.
John XII (955-64): “Iye akanga asati ava namakore ane gumi namasere, uye mishumo yomunguva iyeyo inobvumira pamusoro pokusafarira kwake zvinhu zvomudzimu, kupindwa muropa nemifarwa yokuvirima, uye upenyu husingadzorwi hwakashata.”—The Oxford Dictionary of Popes.
Benedict IX (1032-44; 1045; 1047-48): “Iye akanga ane mukurumbira wakashata nokuda kwokutengesera upapa baba vake vokurera dzokonokei pashure otorazve nzvimboyo kaviri.”—The New Encyclopædia Britannica.
Nokudaro, panzvimbo pokutevera muenzaniso waPetro akatendeka, ivava navamwe vanapapa vaiva pesvedzero yakashata. Vakabvumira mhaka yeropa noufeve hwomudzimu nohwokunyama, uyewo pesvedzero yaJezebheri, kushatsa chechi yavaibata ushe pairi. (Jakobho 4:4) Muna 1917 bhuku rinonzi The Finished Mystery reVadzidzi veBhaibheri rakaratidzira mazhinji amaidi iwawa mumashoko ose oudzame akananga. Iyoyi yakanga iri imwe nzira iyo Vadzidzi veBhaibheri mumazuva iwawo vaka‘rovanya pasi norudzi rwuri rwose rwedenda.’—Zvakazarurwa 11:6; 14:8; 17:1, 2, 5.
[Mufananidzo uri papeji 206]
Kristu akagadzwa pachigaro choumambo anoita rutongeso aine tsigiro yengirozi
[Mufananidzo uri papeji 207]
Pashure pokuwa kweBhabhironi muna 539 B.C.E., vasungwa varo vakasunungurwa