Mashoko Akanaka Azvinoda Kuti Iwe Unzwe
Apo Jesu aiveri pasi pano, vadzidzi vake vakauya kwaari ndokumubvunza, kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” Iye akapindura kuti kwaizova nehondo dzinobatanidza marudzi mazhinji, nzara, nhenda, kudengenyeka kwapasi, kuwedzera kwokusateerera mutemo, vadzidzisi venhema vorudzidziso vanotsausa vazhinji, ruvengo nechitambudzo chavateveri vake vechokwadi, uye kutonhora kworudo rwokururama muvanhu vazhinji. Apo zvinhu izvozvi zvaizotanga kuitika, zvaizoratidzira kuvapo kusingaoneki kwaKristu uye kuti Umambo hwokudenga hwaizova hwaswedera pedyo. Ikoku kwaizova mashoko—mashoko akanaka! Naizvozvo Jesu akawedzera aya mashoko sorutivi rwechiratidzo: “Aya mashoko akanaka oUmambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:3-14.
Mazviri izvo zvimene zvinoitika zvazvino uno zvenyika zvakashata, asi chazvinoratidzira, ndiko kuti, kuvapo kwaKristu, chakanaka. Naizvozvo, Jesu akati: “Apo zvinhu izvozvi zvinotanga kuitika, zvisimudzei imi mumene kuti tote uye simudzirai meso enyu kumusoro, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Zvinhu izvozvi zvakatanga kuitika mugore riya rakaziviswa zvakapararira ra 1914! Rakaratidzira mugumo weNguva Dzamarudzi namavambo enhambo yokuchinja kubva kuubati ushe hwomunhu kuenda kuKutonga kwaMakore Ane Chiuru (Makore Ane Gumi Ramazana) kwaKristu.
Kuti kwaizova nenhambo yokuchinja kunoratidzirwa nePisarema rechi 110 ndima 1 ne 2, naZvakazarurwa 12:7-12. Ipapo panoratidzirwa kuti Kristu aizogara kuruoko rworudyi rwaMwari mudenga kutozosvikira nguva yokuuya kwake kwechipiri. Ipapo hondo mudenga yaizoguma nokuva anokandirwa kupasi kwaSatani, achivigira nhamo kupasi, uye Kristu aizobata ushe pakati pavavengi vake kwenhambo isati ichipfuura chizvarwa chimwe. Mugumo wakakwana wouipi waizosvika kupfurikidza ne“dambudziko guru,” rinogumira muhondo paHar–Magedhoni ndokuteverwa noKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu kworugare.—Mateo 24:21, 33, 34; Zvakazarurwa 16:14-16.
“Asika zivai izvi,” Bhaibheri rinodaro, “kuti mumazuva okupedzisira nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichavapo. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vamhuri, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasingavimbiki, vasina rudo rwomuzvarirwo, vasingadziuriri bvumirano ipi neipi, vacheri, vasina kuzvidzora, vanotyisa, vasina rudo rworunako, vanyengeri, vasingadzoreki, vanozvikwidziridza namanyawi, vadi vemifarwa kupfuura kuva vadi vaMwari, vane chimiro chokuzvipira kwoumwari asi vachibvumikisa kuva venhema kusimba rakwo; naizvozvo tsauka pana ivava.” (2 Timotio 3:1-5) Zvino, vamwe vangataura havo kuti zvinhu izvozvi zvakaitika kare munhau yomunhu.
Zvisinei, sokutaura kunoita vezvenhau navatsinhiri, hakuna kutongova nenguva pasi pano yakafanana neiyo yakawanwa kubvira muna 1914 zvichienda mberi. Nhamo dzave dzakakura zvikurusa kupinda nakare kose. Zvakare, kana ari mamwe mativi echiratidzo chaKristu chamazuva okupedzisira, aya maidi anofanira kuva anorangarirwa: Kuparidzirwa kwepasi rose kwokuvapo kwaKristu noUmambo kwave kuri kwoukuru husingaenzanisirwi munhau. Chitambudzo nokuda kwokuparidza hachina kutongoenzana nechecho chakaitirwa Zvapupu zvaJehovha. Zviuru zvizhinji zvazvo zvakaurawa mumisasa yechibharo yaHitler. Kusvikira kuzuva rino Zvapupu zvaJehovha zvakarambidzwa munyika zhinji, uye mune dzimwe zviri kusungwa, kupfigirwa mutorongo, kutambudzwa, uye kuuraiwa. Ikoku kwose rutivi rwechiratidzo chakapiwa naJesu.
Sezvakadeya kutaurwa pana Zvakazarurwa 11:18, ‘marudzi akava akatsamwa’ mukurwisana neZvapupu zvakatendeka zvaJehovha, uye ikoku kunoratidzira kuti “kutsamwa kumene” kwaJehovha kucharatidzirwa pamarudzi iwawo. Rugwaro rwumwe cheterwo irworwu rwunoti Mwari acha“paradza avo vanoparadza pasi.” Pasi chigare hapana kutongova nenguva apo munhau yomunhu simba rapasi rokutsigira upenyu rakatyisidzirwa. Zvisinei, zvino zvasiana! Nyanzvi zhinji dzesayenzi dzakanyevera kuti kana munhu akapfuurira kushatsa pasi, richava risingagariki. Asi Jehovha “akariumba kunyange kuti rive rinogarwa,” uye iye achabvisa vashatisi ivo vasati vapedza kuparadza kwavo pasi.—Isaya 45:18.
ZVIKOMBORERO ZVAPASI MUKUDZORA KWOUMAMBO
Mufungo wavanhu wokurarama pasi pano savadzorwi voUmambo hwaMwari ungaratidzika kuva wechienzi kuna vadaviri vazhinji veBhaibheri avo vanofunga nezvaavo vose vanoponeswa savari mudenga. Bhaibheri rinoratidzira kuti chiverengero bedzi chakaganhurirwa chinoenda kudenga uye kuti avo vachararama nokusingaperi pasi pano vachava boka guru rechiverengero chisino kuganhurirwa. (Zvakazarurwa 14:1-5; 7:9; Pisarema 37:11, 29) Umambo hwaMwari ihwohwo hunodzorwa naKristu huchazadza pasi ndokutonga pariri hunoratidzirwa nouporofita huri mubhuku reBhaibheri raDhanieri.
Umambo hwaKristu ipapo hunomirirwa sedombo rakatemwa muuchangamire hwakafanana negomo hwaJehovha. Iro rinorovanya ndokuparadza mufananidzo unomirira marudzi ane simba apasi, uye “ibwe rakarova mufananidzo . . . rakava gomo guru ndokuzadza pasi rose.” Uporofita hunopfuurira, kuti: “Mumazuva amadzimambo iwawo Mwari wokudenga uchagadza umambo husati huchizotongoparadzwa. Uye umambo ihwo humene hauzati huchizopfuudzirwa kuno rumwe rudzi rupi norupi. Ihwo huchaputsanya ndokugumisa maumambo ose iwawo, uye ihwo humene huchamira kusvika kunguva isingazivikanwi.”—Dhanieri 2:34, 35, 44.
Ndihwo Umambo ihwohwo netariro inotsigirwa muMagwaro youpenyu husingaperi papasi rakachenurwa nerakatsvindiswa iro Zvapupu zvaJehovha zvinoshuva kukuudza pamusoro pahwo. Mamirioni anorarama zvino uye mamirioni mazhinji-zhinji zvino ari mumakuva achava nebanza rokugara pariri nokusingaperi. Ipapo, mukutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu Jesu, donzo rapakuvamba raJehovha rokusika pasi ndokuisa vaviriwo vohunhu vokutanga pariri richazadzika. Iri Paradhiso rapasi harizati richizova rinofinha. Sezvo Adhama akagoverwa kushanda mubindu reEdheni, naizvozvowo vanhu vachava namabasa anonyandura mukutarisira pasi nezvirimwa nemhuka zviri pariri. Ivo va“chafarikanya nguva refu basa ramaoko avo.”—Isaya 65:22, Revised Standard Version; Genesi 2:15.
Magwaro mazhinji angapiwa kuratidzira migariro ichavapo apo munyengetero uyo Jesu akatidzidzisa unopindurwa, unoti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, napasi panowo.” (Mateo 6:10) Zvisinei, ngatiregei irworwo rwusvitse zvinodikanwa nokuda kwazvino: “Ini ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choumambo, richiti: ‘Tarirai! Tendi yaMwari ino rudzi rwavanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava marudzi ake. Uye Mwari amene achava navo. Ipapo iye achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu haruchazotongovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazotongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’ Ipapo Uyo akanga agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarirai! Ini ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ Uyewo, anoti: ‘Nyora, nokuti mashoko iwawa akatendeka uye ndeechokwadi.’ ”—Zvakazarurwa 21:3-5.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]
“Nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,” ASI “kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo”