Umambo
Tsanangudzo: Umambo hwaMwari kuratidzwa kwouchangamire hwaJehovha husina pahunosiya kuzvisikwa zvake, kana kuti nzira yaanoshandisa kuratidza uchangamire ihwohwo. Shoko iri rinonyanya kushandiswa kuratidza uchangamire hwaMwari kuburikidza nehurumende youmambo inotungamirirwa neMwanakomana wake, Jesu Kristu. “Umambo” hungareva kutonga kwomunhu akazodzwa kuva Mambo kana kuti nzvimbo yepasi inotongwa nehurumende iyoyo yokudenga.
Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo here?
Kana kuti chinhu chiri mumwoyo yevanhu here?
Ruka 17:21, BD: “Hapana anozoti hwava pano kana kuti huri ikoko, nokuti umambo hwaMwari huri mamuri [uyewo TEV, Dy; asi “pakati penyu,” KJ mashoko ari mumucheto, NE, JB; “huri pakati penyu,” NW].” (Ona kuti, sezvinoratidzwa nendima 20, Jesu akanga achitaura nevaFarisi, vaakanga ambotuka achivati vanyengeri, saka akanga asingarevi kuti Umambo hwaMwari hwaiva mumwoyo yavo. Asi Umambo hwakanga huri pakati pavo huchimiririrwa naKristu. Saka The Emphatic Diaglott inoti: “Umambo hwaMwari huri pakati penyu.”)
Bhaibheri rinonyatsotaura nezvoUmambo hwaMwari sehurumende here?
Isa. 9:6, 7, RS: “Takaberekerwa mwana, takapiwa mwanakomana; uye hurumende [uyewo KJ, AT, Dy; “simba,” JB, NE; “kutonga kwomuchinda,” NW] ichava papfudzi rake, uye zita rake richanzi ‘Mupi Wezano Anoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vasingagumi, Muchinda Worugare.’ Kukura kwehurumende norugare hazvizogumi.”
Ndivanaani vanotonga muUmambo hwacho?
Zvak. 15:3: “Mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo asingagumi.”
Dhan. 7:13, 14: “Mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu [Jesu Kristu; ona Mako 14:61, 62] achiuya aine makore okumatenga; akasvika kune Akakwegura Pamazuva [Jehovha Mwari], uye vakamuswededza pamberi pake. [Jesu Kristu] akapiwa ushe nokukudzwa noumambo, kuti vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose.”
Zvak. 5:9, 10: “[Jesu Kristu] makaurayiwa uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi, uye makaita kuti vave umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” (Pana Zvakazarurwa 14:1-3 ava “vakatengwa vachibva panyika” kuti vatonge neGwayana paGomo reZiyoni rokudenga vanonzi vanosvika 144 000.)
Umambo uhwu huchaitei kuhurumende dzevanhu?
Dhan. 2:44: “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”
Pis. 2:8, 9: “Ndikumbire, kuti ndikupe marudzi ave nhaka yako nokumigumo yenyika kuti kuve kwako. Uchaaputsa netsvimbo youmambo yesimbi, uchaaputsa-putsa somudziyo womuumbi.”
Umambo hwaMwari huchaitei?
Huchatsvenesa zita raJehovha uye kutsigira uchangamire hwake
Mat. 6:9, 10: “Munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye.’” (Pano kutsveneswa kwezita raMwari kune chokuita nokuuya kwoUmambo hwake.)
Ezek. 38:23: “Ndichazviita mukuru, ndozvitsvenesa, ndoita kuti ndizivikanwe pamberi pemarudzi mazhinji; uye vachaziva kuti ndini Jehovha.” (Zita raMwari richacheneswa pakuzvidzwa kwose; richaonekwa sedzvene rakakodzera kuremekedzwa, uye vose vachararama vachava vanhu vanotsigira uchangamire hwaJehovha vachida, vanofara kuita kuda kwake. Kutsveneswa kwezita raJehovha ndiko kuchaita kuti zvinhu zvose zvive norugare uye zvifare.)
Huchagumisa utongi hwaSatani panyika hwave huchishivirirwa
Zvak. 20:2, 3: ‘[Mambo wokudenga, Jesu Kristu] akabata dhiragoni, nyoka yepakutanga, iye Dhiyabhorosi uye Satani, akamusunga kwemakore ane chiuru. Akamukanda mugomba rakadzikadzika, akarivhara, akariisa chisimbiso iye ari mukati, kuti arege kutsausa marudzi kusvikira makore ane chiuru apera. Pashure pezvinhu izvi anofanira kusunungurwa kwenguva duku.’ (Saka vanhu vachasunungurwa pakufurirwa naSatani kwave kuchiita kuti vanhu vanoda kuita zvakarurama vaomerwe zvikuru noupenyu. Kufurira kwaDhiyabhorosi kwave kuchiita kuti vanhu vaite unhu hwoumhuka uye kufurira kwemadhimoni kwave kuchiita kuti vanhu vakawanda vararame vachitya kuchapera.)
Huchaita kuti zvisikwa zvose zvibatane pakunamata Mwari mumwe chete wechokwadi
Zvak. 5:13; 15:3, 4: “Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri kudenga nepanyika uye pasi pevhu nomugungwa, nezvinhu zvose zviri mazviri, zvichiti: ‘Kuropafadzwa nokukudzwa nokubwinya nesimba ngazvive kuna Iye agere pachigaro choumambo [Jehovha Mwari] nokuGwayana [Jesu Kristu] nokusingaperi-peri.’” “Jehovha Mwari, Wemasimbaose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo asingagumi. Chokwadi ndiani asingazokutyii, Jehovha, nokukudza zita renyu, nokuti imi moga makavimbika? Nokuti marudzi ose achauya achizonamata pamberi penyu, nokuti mirayiro yenyu yakarurama yakaratidzwa pachena.”
Huchaita kuti vanhu vavezve noukama hwakanaka naMwari
VaR. 8:19-21: “Zvisikwa [vanhu] zviri kumirira nomwoyo wose zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari [uchapupu hwokuti vaya vanoenda kuupenyu hwokudenga naJesu Kristu vava kutonga.] Nokuti zvisikwa zvakaitwa kuti zvive zvisina zvazvinobatsira, kwete nokuti ndizvo zvazvaida asi nokuna iye akaita kuti zvidaro, nokuda kwetariro yokuti zvisikwa [vanhu vose] zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”
Huchasunungura vanhu pakutyisidzira kwose kwehondo
Pis. 46:8, 9: “Uyai, onai mabasa aJehovha, maitiro aakaita zviitiko zvinokatyamadza panyika. Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.”
Isa. 2:4: “Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.”
Huchabvisa vatongi vane uori uye vanodzvinyirira
Pis. 110:5: “Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi achaputsa-putsa madzimambo pazuva rokutsamwa kwake.”
Pis. 72:12-14: “Iye [Mambo Mesiya waJehovha] achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo, uye achaponesa mweya yevarombo. Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba, ropa ravo richava rinokosha mumaziso ake.”
Huchapa vanhu vose zvokudya zvakawanda
Pis. 72:16: “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”
Isa. 25:6: “Mugomo iri [muGomo reZiyoni rokudenga, chigaro choUmambo hwaMwari, vanhu vahwo vepasi vachapiwa zvavanoda], Jehovha wemauto achaitira marudzi ose mabiko ezvokudya zvine mafuta, mabiko ewaini yakachengetwa iri pamusoro pemasese, ezvokudya zvine mafuta zvizere nomwongo, ewaini yakachengetwa iri pamusoro pemasese, yakasvinwa.”
Huchabvisa urwere uye kuremara kwose
Ruka 7:22; 9:11: “Endai, muudze Johani zvamaona nokunzwa, zvinoti: mapofu ari kuona, vanokamhina vari kufamba, vane maperembudzi vari kucheneswa nematsi dziri kunzwa, vakafa vari kumutswa, uye varombo vari kuudzwa mashoko akanaka.” “[Jesu Kristu] akavagamuchira nomutsa, akatanga kutaura navo nezvoumambo hwaMwari, uye akaporesa vaya vaida kurapwa.” (Saka Jesu akaratidza zvaachaitira vanhu saMambo wokudenga.)
Huchaita kuti vanhu vose vawane pokugara pakanaka
Isa. 65:21, 22: “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya.”
Huchaita kuti vanhu vose vave nemabasa anogutsa
Isa. 65:23: “Havazoshandi zvakaoma pasina, uyewo havazobereki vana vachakurumidza kufa; nokuti ivo nevazukuru vavo ndivo vana vevakakomborerwa naJehovha.”
Huchaita kuti pave nokuchengeteka, munhu nezvinhu zvake zvisiri mungozi
Mika 4:4: “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa; nokuti muromo waJehovha wemauto wazvitaura.”
Pis. 37:10, 11: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”
Huchaita kuti kururama nokururamisira zvipararire
2 Pet. 3:13: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.”
Isa. 11:3-5: “[Mambo Mesiya] haazotongi nokungoona chete nemaziso ake, kana kungotsiura maererano nezvaanenge anzwa nenzeve dzake. Asi achatongera vakaderera nokururama, uye achatsiura nokururama nokuda kwevanyoro venyika. . . . Kururama kuchava bhandi romuhudyu make, uye kutendeka bhandi rechiuno chake.”
Huchachengetedza vanhu pakukuvadzwa nemvura, mhepo nezvimwewo
Mako 4:37-41: “Zvino dutu rine simba kwazvo rakamuka, uye mafungu akaramba achipinda muchikepe, zvokuti chikepe chakanga chava kuda kuzara nemvura. . . . [Jesu] akamuka, akatuka mhepo yacho, akati kugungwa: ‘Shii! Nyarara!’ Zvino mhepo yacho yakadzikama, kudzikama kukuru kukavapo. . . . Asi vakatya kwazvo, uye vaitaurirana vachiti: ‘Iyeyu anombova ani, nokuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?’” (Saka Kristu akaratidza simba raacharatidza iye saMambo wokudenga pazvinhu zvakadai semvura mhepo nezvimwewo.)
Huchamutsa vakafa
Joh. 5:28, 29: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [inzwi raKristu Mambo], vobuda.”
Zvak. 20:12: “Ndakaona vakafa, vakuru nevaduku, vamire pamberi pechigaro choumambo, uye mipumburu yakavhurwa. Asi mumwe mupumburu wakavhurwa; ndiwo mupumburu woupenyu. Vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo [aya avakaita pashure pokumutswa kwavo; enzanisa naVaRoma 6:7].”
Huchabvisa rufu rwose runokonzerwa nechivi chaAdhamu
Isa. 25:8: “Chokwadi achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.”
Zvak. 21:4: “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”
Huchaunza nyika ichange iine vanhu vanodanana zvechokwadi
Joh. 13:35: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu [saka vachazova pamwe chete naJesu muUmambo hwokudenga kana kuti vachatongwa noUmambo ihwohwo vari pasi pano] neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”
Huchaita kuti vanhu nemhuka vave noukama hwakanaka
Isa. 11:6-9: “Mhumhi ichagara negwayana gono kwenguva duku, ingwe icharara pasi nembudzana, mhuru nomwana weshumba ava nezenze nemhuka yakakodzwa pamwe chete; uye mukomanawo zvake muduku achazvitungamirira. Mhou nebheya zvichafura pamwe chete; vana vazvo vacharara pasi pamwe chete. Kunyange shumba ichadya uswa senzombe. Mwana anoyamwa achatamba pamwena wemhungu; uye mwana akarumurwa achaisa ruoko rwake muburi rinopinza chiedza mumwena wenyoka ine uturu. Hazvizombokuvadzi kana kumboparadza pagomo rangu rose dzvene.” (Uyewo Isaya 65:25)
Hos. 2:18: “Muzuva iroro ndichavaitira sungano nemhuka dzomusango nezvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nezvinhu zvinokambaira panyika, . . . uye ndichaita kuti varare pasi vakachengeteka.”
Huchaita kuti nyika ive paradhiso
Ruka 23:43: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.”
Pis. 98:7-9: “Gungwa ngaritinhire, nezvose zvizere mariri, nyika inobereka nevaya vagere mairi. Nzizi ngadziombere; makomo ose zvawo ngaashevedzere achifara pamberi paJehovha, nokuti auya kuzotonga nyika. Iye achatonga nyika inobereka nokururama uye achatonga marudzi nokururama.”
Enzanisa naGenesisi 1:28; 2:15; Isaya 55:11.
Umambo hwaMwari hwakatanga rini kutonga?
Muzana remakore rokutanga here?
VaK. 1:1, 2, 13: “Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kuvatsvene [vaya vaiva vagari venhaka voUmambo hwokudenga] . . . Iye [Mwari] akatinunura [vatsvene, nhengo dzeungano yechiKristu] pasimba rerima, akatipinza muumambo hwoMwanakomana wake waanoda.” (Saka zvechokwadi Kristu akatanga kutonga ungano yechiKristu muzana remakore rokutanga, izvi zvisati zvanyorwa, asi kugadzwa kwoUmambo kuti hutonge pasi pose kwaizotika munguva yemberi.)
1 VaK. 4:8: “Matoguta here? Matopfuma here? Matotanga kutonga semadzimambo isu tisipo here? Chokwadi ndaizoda kuti dai manga matanga kutonga semadzimambo, kuti isuwo titonge nemi semadzimambo.” (Zviri pachena kuti muapostora Pauro ari kuvatsiura pamusana pokuva nemafungiro akaipa.)
Zvak. 12:10, 12: “Zvino ruponeso rwazoitika nesimba noumambo hwaMwari wedu nechiremera chaKristu wake, nokuti anopomera hama dzedu akandwa pasi, anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu! Saka farai, imi matenga nemi munogara maari! Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Kugadzwa kwoUmambo hwaMwari kunobatanidzwa nokukandwa kwaSatani kubva kudenga. Izvi hazvina kuitika panguva yokupanduka kwakaitika muEdheni, sezvinoratidzwa muzvitsauko 1 ne2 zvaJobho. Bhuku raZvakazarurwa rakanyorwa muna 96 C.E., uye Zvakazarurwa 1:1 inoratidza kuti rinotaura zviitiko zvaizoitika munguva yemberi.)
Kutanga kutonga kweUmambo hwaMwari kuchamirira kuti nyika itendeuke here?
Pis. 110:1, 2: “Jehovha akati kunaShe wangu [Jesu Kristu]: ‘Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.’ Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZiyoni, achiti: ‘Enda ukunde pakati pevavengi vako.’” (Saka paizova nevavengi vaaifanira kukunda; havasi vose vaizozviisa pasi pokutonga kwake.)
Mat. 25:31-46: “Mwanakomana womunhu [Jesu Kristu] paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. . . . Zvino ava [vasina kuratidza rudo kuhama dzake dzakazodzwa] vachaenda mukugurwa kusingaperi, asi vakarurama muupenyu husingaperi.” (Zviri pachena kuti havasi vanhu vose vaizotendeutswa Kristu asati agara pachigaro chake choumambo; havasi vose vaizova vakarurama.)
Bhaibheri rinoratidza paizotanga kutonga Umambo here?
Ona mapeji 238-240, pasi pomusoro mukuru unoti “Misi,” uye mapeji 222-226, pasi pomusoro unoti “Mazuva Okupedzisira.”
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Hahuzouyi ndichiri kurarama’
Ungapindura kuti: ‘Asi huchauya panguva inenge ichirarama mumwe munhu, handiti? . . . Munhu wose achakwanisa kuziva kuti chizvarwa chake ndicho chinofanira kuhuona here? Vaapostora vaJesu vaida kuziva izvozvo, uye mhinduro yaakavapa ine zvainoreva zvikuru munguva yatiri kurarama. (Mat. 24:3-14)’
Kana kuti ungati: ‘Vanhu vakawanda vanofunga saizvozvo. Asi zvichishandisa Bhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvinotenda zvakasimba kuti Umambo hwaMwari hwava kutotonga kumatenga uye kuti zviri kwatiri kuratidza kana tichida kuramba tichirarama pasi pano pasi pehurumende yaMwari yakarurama kana kuti kwete. Ndosaka ndauya pamba penyu nhasi. Onai zvinotaurwa pano pana Mateu 25:14.’