Mazuva Okupedzisira
Tsanangudzo: Bhaibheri rinoshandisa mashoko okuti “mazuva okupedzisira” richitaura nezvenguva yokupedzisira inotisvitsa kumutongo waMwari waakasarudza uchagumisa mamiriro ezvinhu aripo iye zvino. Mamiriro ezvinhu echiJudha pamwe nokunamata kwepanguva iyoyo kwainyanya kuitirwa patemberi yaiva muJerusarema zvakava mumazuva azvo okupedzisira munguva yakazoguma nokuparadzwa kwazvo muna 70 C.E. Zvakaitika panguva iyoyo zvaifananidzira zvaizoitika zvakatokura uye munyika yose panguva iyo marudzi ose aizotarisana nomutongo wakaziviswa naMwari. Mamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino, ari munyika yose, akava mumazuva okupedzisira kutanga muna 1914.
Chii chinoratidza kuti isu tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira”?
Bhaibheri rinotsanangura zviitiko nemamiriro ezvinhu zvinoratidza nguva iyi inokosha. “Chiratidzo” chacho chine zvinhu zvakawanda zvinoratidza izvozvo; saka kuzadzika kwechiratidzo chacho kunoda kuti zvinhu zvose zviri machiri zvionekwe zvakajeka munguva imwe chete yokurarama. Zvinhu zvakasiyana-siyana zvechiratidzo chacho zvakanyorwa muzvitsauko zvinoti, Mateu 24, 25, Mako 13, uye Ruka 21; pane zvimwe zviri pana 2 Timoti 3:1-5, 2 Petro 3:3, 4, uye Zvakazarurwa 6:1-8. Kuti tienzanisire izvi, tichakurukura zvikamu zvikuru zvishomanana zvechiratidzo chacho.
“Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo” (Mat. 24:7)
Hondo dzave dzichikanganisa upenyu pasi pano kwezviuru zvemakore. Hondo dzenyika dzakasiyana-siyana nehondo dzevanhu vomunyika imwe chete dzakarwiwa. Asi kutanga muna 1914 hondo yenyika yose yokutanga yakarwiwa. Uku kwaisangova kurwisana kwemauto maviri. Kekutanga, nyika dzose dzaiva nemasimba makuru dzakarwisana. Marudzi ose, kusanganisira vagari venyika vasiri varwi, vakakusvudzirwa kuti vatsigire hondo. Zvinofungidzirwa kuti pakazopera hondo yacho, vagari venyika dziri pasi pano pose vanosvika 93 kubva muzana vakanga vabatanidzwa muhondo yacho. (Kana uchida mamwe mashoko ane chokuita nezvekukosha kwegore ra1914 pane zvakaitika, ona mapeji 227, 228.)
Sezvakafanotaurwa naZvakazarurwa 6:4, ‘rugare rwakabviswa panyika.’ Saka nyika yave iri munyonganyonga kubvira muna 1914. Hondo Yenyika II yakarwiwa kubvira muna 1939 kusvika muna 1945. Maererano naChamangwiza wemauto anofamba nomugungwa anonzi Gene La Rocque akarega basa, pakazosvika 1982 pakanga pava nedzimwe hondo 270 kubvira muna 1945. Vanhu vanopfuura mamiriyoni 100 vakanga vaurayiwa muhondo muzana iri remakore. Uyewo, maererano neWorld Military and Social Expenditures ra1982, mugore iri paiva nevanhu vanosvika mamiriyoni 100 vaiita zvehondo, zvakananga kana zvisina kunanga.
Panodiwa zvimwe here kuti uprofita uhwu huzadzike? Kune zviuru zvezvombo zvenyukireya zvakatogadzirira kushandiswa. Masayendisiti ane ruzivo chaizvo akataura kuti kudai nyika dzaizoshandisa kunyange kachikamu kezvombo zvadzo zvenyukireya, vanhu vose nezvavakaita zvaizoparadzwa. Asi iwoyo handiwo mugumo unotaurwa nouprofita hweBhaibheri.
“Kuchava nokushomeka kwezvokudya . . . munzvimbo nenzvimbo.” (Mat. 24:7)
Kwave kune nzara dzakawanda mukurarama kwevanhu. Dzakatambudza vanhu muzana remakore rechi20 zvakanyanya sei? Hondo yenyika yakaita kuti vanhu vaziye nenzara kwose kwose muEurope neAsia. Africa yave isinganayi mvura zvakakwana, zvichiita kuti pave nokushomeka kwezvokudya kwakanyanyisa. Pakupera kwa1980, rimwe Sangano reZvokudya Nokurima rakafungidzira kuti vanhu mamiriyoni 450 vaiva nenzara zvokutoziya nayo, uye vanosvika bhiriyoni vaisava nezvokudya zvakakwana. Pavanhu ava, mamiriyoni anenge 40 pagore vanotofa, uye mune mamwe makore vanenge mamiriyoni 50 vanofa, pamusana pokushomeka kwezvokudya.
Kushomeka kwezvokudya uku kwakasiyana here nokumwe kwakamboitika? Hongu; kunoramba kuripo kunyange zvazvo zvokudya zviripo. Dzimwe nyika dzine zvokudya zvakawanda zvinosara, uye zvokufambisa zvemazuva ano zvingakwanisa kukurumidza kuendesa zvokudya kune vasina. Mutemo wenyika uye zvinowanikwa pakutengeserana zvingaita kuti izvozvo zvisaitike. Kutaura zvazviri, nyika dzine vanhu vane mamiriyoni vane zvokudya zvishoma dzingava dzichitotengesa zvokudya zvadzo zvakanyanya kunaka kune dzimwe nyika dzitori nezvokudya zvakawanda. Izvi hazvisisiri kuitika munyika imwe, asi pasi pose. Muna 1981 The New York Times yakashuma kuti: “Kuwedzera kwokunaka kwemararamiro uye kudiwa kwezvokudya kuri kuwedzera munyika yose kwakaita kuti mitengo yezvokudya ikwire, zvichiita kuti nyika dzine urombo zvakanyanya dziomerwe nokutenga zvokudya zvadzo kubva kune dzimwe nyika.” Munyika dzakawanda, kugadzirwa kwezvokudya, kunyange nokubatsira kwesayenzi yemazuva ano, kwave kusiri kuenderana nokuwedzera kuri kuita vagari vose vomunyika. Nyanzvi dzemazuva ano dzinoona nezvezvokudya hadzioni paine chinhu chaicho chingapedza dambudziko racho.
“Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru” (Ruka 21:11)
Ichokwadi kuti mumazana emakore akapfuura maiva nokudengenyeka kwenyika kukuru; uyewo, iye zvino masayendisiti, achishandisa michina ine simba zvikuru, ava kuona kudengenyeka kwenyika kunopfuura miriyoni imwe pagore. Asi hapana michina yemberi mberi inodiwa kuti vanhu vazive panoitika kudengenyeka kwenyika kukuru.
Zvechokwadi pave paine kudengenyeka kwenyika kukuru kwakawanda here kubvira muna 1914? Pachishandiswa mashoko akabva kuNational Geophysical Data Center iri muBoulder, muColorado, uyewo mamwe mabhuku anoremekedzwa, muna 1984 pakagadzirwa chati yairatidza kudengenyeka kwenyika kwaisvika 7,5 chete kana kuti kupfuura pachikero chinoyereswa ukuru hwekudengenyeka kwenyika, kana kuti kuya kwakaparadza zvinhu zvinokosha mamiriyoni mashanu emadhora okuAmerica kana kupfuura, kana kuti kwakauraya vanhu 100 kana kupfuura. Zvakaonekwa kuti mumakore 2 000 tisati tasvika muna 1914, kwaiva nokudengenyeka kwenyika kwakadaro 856. Chati iyoyo yakaratidzawo kuti mumakore 69 chete pashure pa1914 kwaiva nokudengenyeka kwenyika 605 kwakadaro. Izvozvo zvinoreva kuti, kana tichienzanisa nemakore 2 000 akapfuura, avhareji yokudengenyeka kwave kuchiitika kubvira muna 1914 yakakura neka20.
“Munzvimbo nenzvimbo muchava nematenda” (Ruka 21:11)
Hondo yenyika yokutanga yava kuguma, furuwenza yeSpain yakapararira munyika yose, ikauraya vanhu vanopfuura mamiriyoni 20 uye yaikurumidza kuuraya zvisina kumboitika kare. Pasinei nokufambira mberi mune zvesayenzi yezvokurapa, vakawanda vanofa gore roga roga nezvirwere zvakadai sekenza, chirwere chemwoyo, marariya, multiple sclerosis, Chagas’ disease, river blindness, uye hosha dzakawanda dzepabonde dzinosanganisira AIDS.
‘Kusateerera mutemo kwakawedzera pamwe nokutonhora kworudo rwevazhinji’ (Mat. 24:11, 12)
Mumwe mukuru wevanoongorora kuparwa kwemhosva anoti: “Paunotarisa kuparwa kwemhosva kuri kuitika munyika yose chaunotanga kuona kupararira uye kuwedzera kwakuri kuita kwose kwose. Nzvimbo dzisina kudaro ishoma chaizvo, uye munguva pfupi dzingangova sezvakaita kumwe.” (The Growth of Crime, New York, 1977, Sir Leon Radzinowicz naJoan King, mapeji 4, 5) Kuwedzera kwacho kuri kunyatsoitika, hakusi kuti vanhu vava kuzivisa kuparwa kwemhosva zviri nani. Ichokwadi kuti, muzvizvarwa zvakapfuura, maivawo nevanhu vaipara mhosva, asi kuparwa kwemhosva hakuna kumbopararira sezvakwaita iye zvino. Vanhu vakura vanoziva izvozvo kubva pane zvavakaona.
Kusateerera mutemo kwakataurwa muuprofita kunosanganisira kuzvidza mitemo yaMwari inozivikanwa, kunyanya kuzvikoshesa muupenyu panzvimbo paMwari. Pamusana pemafungiro aya, kurambana kuri kuwedzera chaizvo, kuita zvepabonde newausina kuroorana naye uye ungochani zviri kugamuchirwa kwose kwose, uye nhumbu dzinosvika mamiriyoni dziri kubviswa gore roga roga. Kusateerera mutemo kwakadaro kunewo (pana Mateu 24:11, 12) chokuita nezvinoitwa nevaprofita venhema, vaya vanoisa mutemo weShoko raMwari padivi vachifarira zvavanodzidzisa zvomumusoro mavo. Kuteerera uzivi hwavo pane kuomerera kuBhaibheri kunoitawo kuti nyika ive isina rudo. (1 Joh. 4:8) Verenga nezvazvo pana 2 Timoti 3:1-5.
“Kuchava nezvinoonekwa zvinotyisa” (Ruka 21:11)
U.S. News & World Report (October 11, 1965, peji 144) yakati, “Mazuva ano chokwadi ndechokuti chinhu chikuru chakazara muupenyu hwedu kutya.” Magazini yokuGermany inonzi Hörzu yakati, “Vanhu havana kumbobvira vatya sezvavari kuita iye zvino.”—No. 25, June 20, 1980, peji 22.
Zvinhu zvakawanda zvinoita kuti vanhu munyika yose vatye saizvozvo: kuparwa kwemhosva kune chisimba, kushaya mabasa, zvoupfumi zvisina kudzikama zvinokonzerwa nokunyura muzvikwereti kwenyika dzakawanda, kusvibiswa kwezvinhu munyika yose, kusava noukama hwemhuri hwakasimba uye hune rudo, uye kushushikana nokuti vanhu vari mungozi chaizvo yokutsakatiswa nenyukireya.
‘Vateveri vechokwadi vaKristu vaizovengwa nemarudzi ose nokuda kwezita rake’ (Mat. 24:9)
Vaisazotambudzwa pamusana pokupindira mune zvematongerwo enyika asi ‘nokuda kwezita raJesu Kristu,’ nokuti vateveri vake vanoomerera kwaari saMambo Mesiya waJehovha, nokuti vanoteerera Kristu zvakanyanya kupfuura mutongi wepasi pano chero upi zvake, nokuti vakavimbika kuUmambo hwake uye havapindiri munyaya dzehurumende dzevanhu. Sezvinoratidzwa nezvave zvichiitika mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zviri munzvimbo dzose dzenyika zvave zvichitambudzwa.
‘Aya mashoko akanaka oumambo anoparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu’ (Mat. 24:14)
Shoko raizoparidzwa nderokuti Umambo hwaMwari hunotungamirirwa naJesu Kristu, hwakatanga kutonga kumatenga, kuti munguva pfupi huchagumisa mamiriro ose ezvinhu akaipa aripo, kuti pahunenge huchitonga, vanhu vachaitwa kuti vakwane uye nyika ichava paradhiso. Mashoko akanaka iwayo ari kuparidzwa iye zvino munyika dzinopfuura 230 nezvitsuwa, kusvika kumugumogumo wenyika. Zvapupu zvaJehovha zvinopedza maawa anopfuura bhiriyoni gore roga roga zvichiita basa iri, zvichishanya zvashanyazve paimba neimba kuitira kuti anenge munhu wose apiwe mukana wokunzwa.
Zviitiko zvose izvi zve“mazuva okupedzisira” zvinoratidzei?
Ruka 21:31, 32: “Pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo [kureva nguva yahuchaparadza nyika yakaipa iripo iye zvino hwotarisira zvizere zvinenge zvichiitika panyika]. Chokwadi ndinoti kwamuri, Chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose zvaitika.” (Chiratidzo chacho chave chichionekwa kubvira muna 1914, saka nguva yasara inofanira kuva pfupi chaizvo. Mamiriro ezvinhu enyika anonyatsoratidza kuti ndizvo zvazviri.)
Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiti muna 1914 ndimo makatanga “mazuva okupedzisira”?
Gore ra1914 rinoratidzwa nouprofita hweBhaibheri. Kuti uwane mamwe mashoko ane udzame ane chokuita nokuverengwa kwenguva, ona mapeji 238-240, pasi pomusoro mukuru unoti “Misi.” Kururama kwenguva yacho kunoratidzwa nokuti mamiriro ezvinhu enyika akafanotaurwa kuti aizoratidza nguva iyi ave achiitika kubvira muna 1914, chaizvo sezvakafanotaurwa. Zvinhu zvambotaurwa zvinoratidza izvozvo.
Vanyori vezvakaitika kare venyika vanoona sei gore ra1914?
“Tichitarira shure tiri patiri iye zvino, tinoona zvakajeka mazuva ano kuti kutanga kweHondo Yenyika I kwakaita kuti pave ne‘Nguva Yokutambudzika’ yezana remakore rechi20—maererano nemashoko anonyatsoratidza zvazviri emunyori wezvakaitika kare wokuBritain anonzi Arnold Toynbee—nguva iyo vanhu vepanguva ino vasati vabuda mairi. Nyonganyonga dzose dzehafu yezana remakore yokupedzisira dzakatanga zvakananga kana kuti zvisina kunanga shure muna 1914.”—The Fall of the Dynasties: The Collapse of the Old Order (New York, 1963), Edmond Taylor, peji 16.
“Vanhu vechizvarwa chepanguva yeHondo Yenyika II, chizvarwa changu, vachagara vachingofunga nezvokurwisana kwavakaita senguva yokuchinja kukuru kwemazuva ano. . . . Tinofanira kumbosiyiwa tichidada, tichimbodzosa pfungwa kune zvakaitika muupenyu. Asi tinofanira kuziva kuti, tichitaura nezvemagariro evanhu, kuchinja kwakanyanya kukura kwakakonzerwa neHondo Yenyika I. Panguva iyoyo zvematongerwo enyika uye magariro evanhu, zvakanga zvaitwa kuti zvivepo kwemazana emakore, zvakaparara—dzimwe nguva zvichiitika mumavhiki chete. Uye zvimwe zvakachinjwa zvachose. MuHondo Yenyika I ndimo makarasika zvinhu izvo vanhu vaivimba nazvo kwemazana emakore. . . . Hondo Yenyika II yakaita kuti kuchinja uku kupfuurire, kuwedzere uye kusimbe. Pamagariro evanhu, Hondo Yenyika II ndiyo yaiva kurwiwa kwokupedzisira kweHondo Yenyika I.”—The Age of Uncertainty (Boston, 1977), John K. Galbraith, peji 133.
“Papfuura hafu yezana remakore, asi kukanganiswa zvachose kwakaitwa marudzi nedambudziko reHondo Huru [Hondo Yenyika I, yakatanga muna 1914] hakuna kumbopera . . . Zvinhu uye tsika zvakanganisika zvikuru zvokuti hazvina kuzomboita sezvazvaiva kare. Magariro evanhu ose zvawo: hurumende, miganhu yenyika, mitemo, mauto ane zvombo, kudyidzana kwenyika, uyewo mafungiro, upenyu hwemhuri, upfumi, zvinzvimbo, ukama hwevanhu—zvinhu zvese zvazvo zvakachinja. . . . Vanhu vakazova vasina kugadzikana, uye zvichakadaro kusvikira iye zvino.”—Mutungamiriri Wemauto anonzi Charles de Gaulle, achitaura muna 1968 (Le Monde, Nov. 12, 1968, peji 9).
Pashure pokuguma kwemamiriro ezvinhu enyika aripo, pasi pano pachange paine vanhu vapenyu here?
Chokwadi vachange varipo. Kuguma kwemamiriro ezvinhu omunyika yose aripo iye zvino kuchakonzerwa, kwete nokuuraya kusingasaruri kwehondo yenyukireya, asi nedambudziko guru rinosanganisira “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvak. 16:14, 16) Hondo iyoyo haizoparadzi pasi, uyewo haizoparadzi vanhu vose.
Mat. 24:21, 22: “Nokuti panguva iyoyo pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve. Chokwadi, kudai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu aizoponeswa; asi mazuva iwayo achatapudzwa nokuda kwevakasarudzwa.” (Saka vamwe “vanhu,” vachapona.)
Zvir. 2:21, 22: “Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.”
Pis. 37:29, 34: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi. Tarisira kuna Jehovha uchengete nzira yake, iye achakukwidziridza kuti ugare nhaka yenyika. Vakaipa pavanoparadzwa, iwe uchazviona.”
Nei Mwari achirega nguva yakareba kudai ichipfuura asati aparadza vakaipa?
2 Pet. 3:9: “Jehovha haanonoki pane zvaakapikira, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”
Mako 13:10: “Mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.”
Mat. 25:31, 32, 46: “Mwanakomana womunhu [Jesu Kristu] paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. Zvino ava [vaya vanokundikana kubvuma hama dzaKristu sevamiririri vaMambo pachake] vachaenda mukugurwa kusingaperi, asi vakarurama muupenyu husingaperi.”
Onawo mapeji 337, 338 ne345-347.
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Zvinhu hazvina kumbonyanya kuipa mazuva ano; kwakagara kuine hondo, nzara, kudengenyeka kwenyika, kuparwa kwemhosva’
Ungapindura kuti: ‘Ndinonzwisisa nei muchifunga kudaro. Munyika yatakaberekerwa, zvinhu izvi zvinotaurwa zuva rega rega munhau. Asi vanyori vezvakaitika kare vanotsanangura kuti pane chimwe chinhu chinoita kuti zana remakore rechi20 rive rakasiyana chaizvo. (Verenga mashoko akataurwa nevamwe ari pamapeji 227, 228.)’
Kana kuti ungati: ‘Chinonyanya kukosha hakusi chete kuti kwave kuine hondo, nzara, kudengenyeka kwenyika, uye kuparwa kwemhosva. Munoziva here kuti chiratidzo chakapiwa naJesu chaiva nezvakawanda?’ Ungawedzerawo kuti: ‘Haana kutaura kuti chero chiitiko chimwe chete chiri choga chaizoratidza kuti tiri mu“mazuva okupedzisira.” Asi chiratidzo chacho chose zvacho pachinoonekwa, izvozvo zvinokosha—uye kunyanya pachinoonekwa pasi pano pose chichitanga mugore rinotaurwa pakuverengwa kwenguva kuri muBhaibheri.’ (Ona peji 222-226, uyewo mapeji 238-240.)
‘Munoziva sei kuti uprofita hwacho hahuzozadziki zvakatonyanya pane chimwe chizvarwa chomunguva yemberi kupfuura zvahuri kuita pane chino?’
Ungapindura kuti: ‘Iwoyo mubvunzo unonakidza, uye mhinduro yacho inoratidza zvechokwadi kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” Sei? Chimwe chiitiko chechiratidzo chakapiwa naJesu chine chokuita nehondo pakati pemarudzi uye umambo. Asi chii chaizoitika iye zvino kudai kuzadzika kwechiratidzo chacho kwaida kuti timirire kusvikira nyika dzine masimba makuru dzarwa imwe hondo huru? Hondo yakadaro yaizosiya vapukunyuki vashomanana ndokunge paizova nevapukunyuki vacho. Saka munoonaka, chinangwa chaMwari chokuti pave nevanopukunyuka chinoratidza kuti iye zvino tiri pedyo chaizvo nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.’
Kana kuti ungati: ‘Kufananidza zviitiko zvenyika nouprofita uhwu, kwakaita sokufananidza fingapirindi nomuridzi wayo. Hapazoiti mumwe ane fingapirindi yakafanana naiyoyo. Saizvozvowo, maitikiro ezviitiko zvakatanga muna 1914 haazodzokororwi mune chimwe chizvarwa chiri mberi.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Zvinhu zvose zvechiratidzo chacho zviri kunyatsoonekwa.’ (2) ‘Zvechokwadi hatidi kuva sevanhu vomuzuva raNoa. (Mat. 24:37-39)’
‘Hatizooni mugumo muupenyu hwedu’
Ungapindura kuti: ‘Asi hamutendi here kuti Mwari achaita chimwe chinhu pane imwe nguva?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Chero mumwe wedu aizoziva pazvichaitika kudai Iye akatipa mashoko acho. Zvino, Jesu akataura zviri pachena kuti hapana munhu anoziva zuva kana awa, asi akadonongodza zvinhu zvaizoitika muchizvarwa chaizoona mugumo.’ (2) ‘Rondedzero iyoyo ine chokuita nezviitiko zvamunoziva imi. (Kana zvichiita, kurukura zvinhu zvakadzama zvechiratidzo chacho, uchishandisa uchapupu huri pamapeji apfuura.)’
‘Handizvinetsi nezvinhu izvi; handina basa neramangwana’
Ungapindura kuti: ‘Chokwadi zvakanaka kusanyanya kunetseka nezveramangwana. Asi tose tinoedza kuronga upenyu hwedu kuitira kuti tizvidzivirire uye tidzivirire vadiwa vedu. Kuronga zvine musoro kunoshanda. Bhaibheri rinoratidza kuti pane zvinhu zvakanaka chaizvo zviri mberi, uye tinenge takachenjera kana tikaronga kuti tizobatsirwa nazvo. (Zvir. 1:33; 2 Pet. 3:13)’
‘Handingoti nangananga nemamiriro ezvinhu ose aya akaipa; Ndinoda kuva netarisiro yeramangwana rakanaka’
Ungapindura kuti: ‘Zvinofadza kuti Jesu akataura kuti paizova nechikonzero chakanaka chokuti vateveri vake panguva yedu vave netarisiro yezvakanaka. (Ruka 21:31)’ Ungawedzerawo kuti: ‘Asi onai kuti haasi kuvaudza kuti varege kuva nehanya nezviri kuitika munyika vobva vafara. Ari kuti kuva kwavo netarisiro yezvakanaka kwaizova kwechokwadi; nokuti vaizova vanzwisisa zvinorehwa nezviitiko zvenyika uye vaziva mugumisiro wacho.’