Ndimi, Kutaura ne-
Tsanangudzo: Mano akapiwa vamwe vadzidzi vomuungano yechiKristu yepakutanga pachishandiswa mudzimu mutsvene akaita kuti vakwanise kuparidzira kana kukudza Mwari nomumwe mutauro usiri wavo.
Bhaibheri rinoti vose vane mudzimu waMwari ‘vaizotaura nendimi’ here?
1 VaK. 12:13, 30: “Chokwadi tose takabhabhatidzwa nomudzimu mumwe chete kuti tive muviri mumwe chete . . . Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here?” (Uyewo 1 VaKorinde 14:26)
1 VaK. 14:5: “Zvino ndinoda kuti mose mutaure nendimi, asi ndinganyanya kuda kuti muprofite. Chokwadi, kana uya anotaura nendimi akasaturikira kuti ungano ivakwe, saka uya anoprofita mukuru kwaari.”
Munhu akataura achifara chaizvo nomutauro waasina kumbobvira adzidza zvinoratidza kuti ane mudzimu mutsvene here?
Kukwanisa “kutaura nendimi” kungabva kune mumwe munhu asiri Mwari wechokwadi here?
1 Joh. 4:1: “Vadiwa, musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa [“midzimu yose,” KJ, RS], asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari.” (Onawo Mateu 7:21-23; 2 VaKorinde 11:14, 15.)
Vaya ‘vanotaura nendimi’ mazuva ano vanosanganisira vaPentecostal nevaBaptist, uyewo vechechi yeRoma, vaEpiscopal, vaMethodist, vaLutheran, uye vaPresbyterian. Jesu akati mudzimu mutsvene ‘waizotungamirira vadzidzi vake muchokwadi chose.’ (Joh. 16:13) Vanhu vari mune chimwe nechimwe chezvitendero izvozvi vanodavira here kuti vamwewo ‘vanotaura nendimi’ vakatungamirirwawo “muchokwadi chose”? Izvozvo zvingaitika sei ivo vasingabvumirani? Mudzimu upi uri kuita kuti vakwanise “kutaura nendimi”?
VeFountain Trust uye veChurch of England Evangelical Council vose vakabvuma kuti: “Tinozivawo kuti izvozvo zvinogona kuitwawo nemunhu anoita zvemashiripiti kana anoshandiswa nemadhimoni.” (Gospel and Spirit, April 1977, rakabudiswa neFountain Trust uye Church of England Evangelical Council, peji 12) Bhuku rinonzi Religious Movements in Contemporary America (rakapepetwa naIrving I. Zaretsky naMark P. Leone, vachitora mashoko aL. P. Gerlach) rinoshuma kuti machechi ePentecostal uye eVoodoo kuHaiti anozivikanwa ‘nokutaura nendimi.’—(Princeton, N.J.; 1974), peji 693; onawo 2 VaTesaronika 2:9, 10.
‘Kutaura nendimi’ kunoitwa mazuva ano kwakafanana here nokuya kwaiitwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga?
Muzana remakore rokutanga, zvipo zvinoshamisa zvomudzimu zvinosanganisira kukwanisa “kutaura nendimi” zvakaratidza kuti Mwari akanga asisafariri kunamata kwevaJudha asi akanga ava kufarira ungano yechiKristu yakanga ichangotangwa. (VaH. 2:2-4) Sezvo chinangwa ichi chakazadziswa muzana remakore rokutanga, zvichiri kudiwa here kuti azviratidze zvakare munguva yedu?
Muzana remakore rokutanga, kukwanisa “kutaura nendimi” kwakaita kuti basa romunyika yose rokupupurira iro Jesu akapa vateveri vake rifambire mberi. (Mab. 1:8; 2:1-11; Mat. 28:19) Vaya ‘vanotaura nendimi’ mazuva ano ndiwo mashandisiro avanoita mano avo here?
Muzana remakore rokutanga vaKristu ‘pavaitaura nendimi,’ zvavaitaura zvainzwisiswa nevanhu vaiziva mitauro yacho. (Mab. 2:4, 8) Mazuva ano handizvo here kuti vanhu ‘vanotaura nendimi’ vanowanzoshevedzera mashoko asinganzwisisiki?
Bhaibheri rinoratidza kuti muzana remakore rokutanga, ungano dzaifanira kusiyira ‘zvokutaura nendimi’ kuvanhu vaviri kana vatatu vaizozviita pamusangano upi noupi; vaizozviita “vachichinjana,” uye vaifanira kunyarara kana pasina muturikiri. (1 VaK. 14:27, 28, RS) Izvi ndizvo zviri kuitwa mazuva ano here?
Onawo mapeji 246, 247, pasi pomusoro unoti “Mudzimu.”
Mudzimu mutsvene ungaita kuti vaya vane simba rokuita zvishamiso vaite zvinopfuura zvinowanikwa muMagwaro here?
2 Tim. 3:16, 17: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.” (Kana mumwe achitaura kuti ane mashoko akafuridzirwa anopesana nezvakaziviswa nomudzimu waMwari achishandisa Jesu nevaapostora vake, izvi zvinganzi zviri kubva kumudzimu mumwe chete iwoyo here?)
VaG. 1:8: “Kunyange kudai isu kana ngirozi inobva kudenga yaizokuzivisai chimwe chinhu chichinzi mashoko akanaka, chinopfuura [“chinopesana ne-,” NE] zvatakakuzivisai tichiti mashoko akanaka, iyo ngaive yakatukwa.”
Mararamiro anoita vanhu vari mumasangano anofarira ‘zvokutaura nendimi’ anoratidza here kuti vane mudzimu waMwari?
Seboka vanonyatsoratidza here zvibereko zvomudzimu zvakadai seunyoro nokuzvidzora? Unhu ihwohwo hunooneka zviri nyore here nevanhu vanopinda misangano yavo yezvokunamata?—VaG. 5:22, 23.
“Havasi venyika” zvechokwadi here? Pamusana peizvi, vakazvipira zvizere kuUmambo hwaMwari here kana kuti vanobatanidzwa munyaya dzezvematongerwo enyika? Vakaramba vakachena vasina mhosva yeropa here munguva dzehondo? Seboka vane mukurumbira wakanaka here nokuti havaiti unzenza hunoitwa munyika?—Joh. 17:16; Isa. 2:4; 1 VaT. 4:3-8.
Mazuva ano vaKristu vechokwadi vanozivikanwa nokukwanisa “kutaura nendimi” here?
Joh. 13:35: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”
1 VaK. 13:1, 8: “Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzengirozi asi ndisina rudo, ndava sendarira inorira kana kuti makwakwakwa esimbi anorira. Rudo harumboperi. Asi kana zviri zvipo zvokuprofita, zvichagumiswa; kana dziri ndimi, dzichaguma.”
Jesu akati mudzimu mutsvene waizouya pavateveri vake uye kuti vaizova zvapupu zvake kusvika kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika. (Mab. 1:8) Akavarayira kuti vaite kuti “vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mat. 28:19) Akafanotaurawo kuti ‘aya mashoko akanaka oumambo aizoparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.’ (Mat. 24:14) Mazuva ano, ndivanaani vari kuita basa iri, seboka uye somunhu mumwe nomumwe? Maererano nezvakataurwa naJesu, hatifaniri here kuona izvi souchapupu hwokuti boka racho rine mudzimu mutsvene?
“Kutaura nendimi” kuchapfuurira here kusvikira “zvakakwana” zvasvika?
Pana 1 VaKorinde 13:8 panotaura nezvezvipo zvinoshamisa zvinoverengeka—kuprofita, ndimi, uye zivo. 1VaK 13 Ndima 9 zvakare inotaura nezvezviviri zvezvipo izvi—zivo nokuprofita—ichiti: “Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoprofita zvisakakwana.” (BUS) Uye 1VaK 13 ndima 10 inobva yati: “Asi kana zvakakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabviswa.” (BUS) Shoko rokuti “kukwana” rinoshandurwa kubva pane rechiGiriki rokuti teʹlei·on, rinopa pfungwa yokukura zvakakwana, kuzara, kana kuti kukwana. Mundima iyi Ro, By, uye NW anorishandura kuti “kukwana.” Onai kuti hachisi chipo chendimi chinonzi ‘chisina kukwana.’ Zvinonzi zvisina kukwana, “uprofita” ne“zivo.” Nemamwe mashoko, kunyange zvazvo vaKristu vokutanga vaiva nezvipo zvinoshamisa izvozvo, kunzwisisa kwavo nezvechinangwa chaMwari kwakanga kusina kukwana. Asi uprofita pahwaizozadzika, chinangwa chaMwari pachaizoitwa, “zvakakwana” kana kuti zvakazara zvaizosvika. Saka zviri pachena kuti apa hapasi kutaurwa nezvokuti ‘chipo chendimi’ chaizoramba chiripo kwenguva yakareba zvakadini.
Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti vaKristu vaizova ‘nechipo chendimi’ kwenguva yakareba sei. Maererano nenhoroondo, zvipo izvi nezvimwe zvipo zvomudzimu zvaigara zvichipiwa vanhu pavaiiswa maoko nevaapostora vaJesu Kristu uye kuburikidza nokuvapo kwevaapostora vacho. (Mab. 2:4, 14, 17; 10:44-46; 19:6; onawo Mabasa 8:14-18.) Nokudaro, pashure pokunge vafa uye vanhu vacho vakanga vagamuchira zvipo zvacho vafa, zvipo zvinoshamisa zvaibva pakushanda kwomudzimu waMwari zvinofanira kunge zvakaguma. Pfungwa iyi inoenderana nechinangwa chezvipo izvozvo sezviri pana VaHebheru 2:2-4.
Mako 16:17, 8 (KJ) hairatidzi here kuti kukwanisa ‘kutaura nendimi itsva’ kwaizova chiratidzo chinozivisa vatendi?
Tinofanira kuziva kuti ndima idzi hadzingotauri ‘nezvokutaura nendimi itsva’ chete asiwo kubata nyoka uye kunwa muchetura unouraya. Vose ‘vanotaura nendimi’ vari kukurudzira izvi here?
Kuti uone zvikonzero nei ndima idzi dzisingagamuchirwi nenyanzvi dzose dzeBhaibheri, ona mapeji 136, 137 pasi pemusoro unoti “Kuporesa.”
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Unotenda kutaura nendimi here?’
Ungapindura kuti: ‘Zvapupu zvaJehovha zvinotaura mitauro yakawanda, asi hatitauri “ndimi dzisingazivikanwi.” Asi ndingakubvunzaiwo here, Munodavira here kuti “kutaura nendimi” kuri kuitwa mazuva ano kwakafanana nekwaiitwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga?’ Ungawedzerawo kuti: ‘Onai dzimwe pfungwa dzingada kuenzaniswa dzandakanakidzwa nadzo. (Unogona kushandisa mashoko ari papeji 271.)’
Kana kuti ungati: ‘Tinodavira kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaitaura nendimi uye kuti zvakabatsira pane zvaidiwa kare ikako. Munoziva here zvaidiwa zvacho?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Zvakabatsira sechiratidzo chokuti Mwari akanga asisafariri vaJudha asi akanga ava kufarira ungano yechiKristu yakanga ichangoumbwa. (VaH. 2:2-4)’ (2) ‘Yaiva nzira yaibatsira pakuparadzira mashoko akanaka pasi pose munguva pfupi. (Mab. 1:8)’