Unofanira Kudavira Here?
UNODAVIRA Utatu here? Vanhu vazhinji vari muchiKristudhomu vanodaro. Kunze kwezvo, hwave huri dzidziso huru yamachechi kwamazana amakore.
Nokuda kwaikoku, ungafunga kuti hapangagoni kuva nepanikiro pamusoro pakwo. Asi iriko, uye pamisi ichangobva kupfuura iyi kunyange vamwe vavatsigiri vayo vakawedzera kuchidziro kupokanidzano.
Neiko musoro wakadai souyu uchifanira kuva unokosha zvikuru kunze kwokuva fariro inopfuura? Nokuti Jesu amene akati: “Upenyu husingagumi ndouhwu: kukuzivai imi, Mwari bedzi wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.” Naizvozvo nguva yedu yose yemberi inotsamira pakuziva kwedu chimiro chechokwadi chaMwari, uye ikoko kunoreva kusvika pachisakiso chepokanidzano yoUtatu. Naizvozvo, huregererei kuhunzvera nokuda kwako umene?—Johane 17:3, Jerusalem Bible (JB) reKaturike.
Mifungo yakasiana-siana yoUtatu iriko. Asi zvikurukuru dzidziso yoUtatu ndeyokuti muHumwari muna vanhu vatatu, Baba, Mwanakomana, uye Mweya Mutsvene; bva, pamwe chete vanongova bedzi Mwari mumwe. Dzidziso yacho inoti vatatuvo vakaenzana, ndevamasimba ose, uye havana kusikwa, zvavakavapo mukusingagumi muHumwari.
Zvisinei, vamwe vanotaura kuti dzidziso yoUtatu ndeyenhema, kuti Mwari Wamasimba ose ari oga bedzi akaparadzana, asingagumi, uye ndowamasimba ose. Vanotaura kuti Jesu mukurarama kwake kwapamberi pokuva munhu, sengirozi, akanga ari munhu womudzimu akaparadzana akasikwa naMwari, uye nokuda kweichi chikonzero iye anofanira kuve akanga ane mavambo. Vanodzidzisa kuti Jesu haana kutongova muenzani waMwari Wamasimba ose mupfungwa ipi neipi; iye nguva dzose ave ari muduku kuna Mwari uye achakadaro. Vanodavirawo kuti mweya mutsvene hauzati uri munhu asi mudzimu waMwari, simba rake rinobate basa.
Vatsigiri voUtatu vanotaura kuti hahuna kuvakirwa bedzi pagamuchidzanwa rorudzidziso asiwo paBhaibheri. Vatsoropodzi vedzidziso vanotaura kuti hahuzati huri dzidziso yeBhaibheri, mamwe manyuko enhau anotozivisa, kuti: “Mviromviro yo[Utatu] ndeyechihedheni chose chose.”—The Paganism in Our Christianity.
Kana Utatu huri hwechokwadi, kunonyadzisa kuna Jesu kutaura kuti iye akanga asina kutongoenzana naMwari sorutivi rwoHumwari. Asi kana Utatu huri nhema, kunonyadzisa kuna Mwari Wamasimba ose kuidza munhu upi noupi kuti muenzani wake, uye kwakatoipisisa kuidza Maria kuti “Amai vaMwari.” Kana Utatu huri hwenhema, kunozvidza Mwari kutaura, sezvinocherekedzwa mubhuku rinonzi Catholicism, kuti: “Kutoti [vanhu] vakachengeta uku Kutenda kwose uye kusina kusvibiswa, pasina panikiro [ivo] vachaparara nokusingaperi. Uye Kutenda kwechiKaturike ndouku: tinonamata Mwari mumwe muUtatu.”
Ipapoka, pane zvikonzero zvakanaka nei uchifanira kuda kuziva zvokwadi pamusoro poUtatu. Asika usati wanzvera mviromviro yahwo nekambiro yahwo yohuchokwadi, kwaizova kunobetsera kurondedzera iyi dzidziso nomutoo wakananga zvikuru. Chii, chaizvoizvo, chiri Utatu? Ko vatsigiri vahwo vanohutsanangura sei?
[Mifananidzo iri papeji 2]
Kuruboshwe: Mufananidzo wakavezwa weEgipita muUtatu womumakore ane gumi ramazana rechipiri (P.N.V.) waAmon-Ra, Ramses II, uye Mut. Kurudyi: Mufananidzo wakavezwa woUtatu womuzana rechigumi namana (N.V.) waJesu Kristu, Baba, uye mudzimu mutsvene. Ona, vanhu vatatu bva pane makumbo mana bedzi.