Bhuku reBhaibheri Nhamba 55—2 Timotio
Munyori: Pauro
Nzvimbo Yakanyorerwa: Roma
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 65 C.E.
1. Chitambudzoi chakatanga muRoma munenge muna 64 C.E., uye nokuda kwechikonzeroi chiri pachena?
ZVAKARE Pauro akanga ari musungwa muRoma. Zvisinei, mamirire ezvinhu ouku kuiswa mutorongo kwechipiri akanga akakomba zvikuru kwazvo kupfuura aya ekwokutanga. Makanga muri munenge muna 65 C.E. Mwoto mukuru wakanga wapfuura nomuRoma muna July 64 C.E., uchiparira kuvadziko huru mu10 emaruwa 14 eguta racho. Maererano newezvenhau weRoma Tacitus, Mambo Nero haana kukwanisa ku“ramba murangariro wakaipa wokuti mwoto mukuru wakanga uri mugumisiro womurayiro. Naizvozvo, kuti abvise mushumo wacho, Nero akasunga vane mhaka ndokutambudza zvinorwadza zvikurusa boka ravanovengwa nokuda kwezvakaipa zvavo, vainzi vaKristu navanhu. . . . Vazhinji zhinji zvikuru vakawanwa vane mhaka, kwete zvikuru nokuda kwemhaka yokupisa guta, asi nokuda kwokuvenga rudzi rwomunhu. Kunyomba kworudzi rwuri rwose kwakawedzerwa kunzufu dzavo. Vakafukidzwa namatehwe ezvikara, vakabvamburwa nembwa ndokuparara, kana kuti vakarovererwa pamichinjikwa, kana kuti vakakandirwa mumarimi omwoto ndokutsva, kuti vabatire sezvivheneko zvousiku, apo chiedza chezuva chinenge chapera. Nero akapa mapindu ake nokuda kwokuona . . . Kwakamuka kunzwa kwetsitsi; nokuti kwakanga kusati kuri sezvakwairatidzika kuva, kuti vaiparadzwa nokuda kwenakirwo yevanhu, asi kugutsa utsinye hwomunhu mumwe.”a
2. Pauro akanyora Timotio Wechipiri mumamirirei ezvinhu, uye neiko achitaura nenzira yokuonga nezvaOnesiforo?
2 Sezvingabvira pakanga pari panenge panguva yeiri fungu rechitambudzo chamasimba masimba apo Pauro akazviwana amene zvakare ari musungwa muRoma. Nguva ino akanga akasungwa neketani. Haana kukarira kusunungurwa asi aimirira bedzi rutongeso rwokupedzisira nokuurawa. Vashanyi vakanga vari vashoma. Zvirokwazvo, kuti munhu upi noupi azvizivise amene pachena somuKristu kwakanga kuri kupinda mungozi yokusungwa uye rufu kupfurikidza nokutambudzwa. Nokudaro Pauro aigona kunyora nenzira yokuonga pamusoro pomushanyi wake akabva kuEfeso, kuti: “Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asinganyadziswi neketani yangu. Asi wakati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana.” (2 Tim. 1:16, 17) Achinyora ari mumumvuri worufu, Pauro anozviidza amene “muapostora waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, nokuda kwechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu.” (1:1) Pauro aiziva kuti upenyu muumwe naKristu hwakanga hwakamumirira. Iye akanga aparidza muakawanda amaguta makuru enyika yaizivikanwa, kubvira muJerusarema kusvikira kuRoma, uye zvichida kunyange kusvikira kuSpania. (VaR. 15:24, 28) Akanga apedza rwendo nenzira yokutendeka.—2 Tim. 4:6-8.
3. Tsamba yaTimotio Yechipiri yakanyorwa rini, uye yakabetsera sei vaKristu mumazera ose?
3 Tsamba yacho sezvinobvira yakanyorwa munenge muna 65 C.E., nokukurumidza Pauro asati afira kutendeka. Timotio sezvinobvira akanga achiri kuEfeso, nokuti Pauro akanga amukurudzira kugara ikoko. (1 Tim. 1:3) Zvino, kaviri Pauro anokurudzira Timotio kuuya kwaari nokukurumidza, uye anomukumbira kuuya naMarko, uyewo nguo nemipumburu yamanyoro izvo Pauro akasiya kuTroa. (2 Tim. 4:9, 11, 13, 21) Yakanyorwa panguva yakakomba kwazvo, iyi tsamba yaiva nekurudziro ine simba nokuda kwaTimotio, uye yakapfuurira kugovera kurudziro inobetsera nokuda kwavaKristu vechokwadi mumazera ose kubvira panguva iyoyo.
4. Chii chinobvumikisa kuti bhuku raTimotio Rechipiri nderechokwadi uye nderomundaza yamanyoro matsvene?
4 Bhuku raTimotio Rechipiri nderechokwadi uye nderemundaza yamanyoro matsvene nokuda kwezvikonzero zvatokurukurwa mubhuku raTimotio Rokutanga. Rakazivikanwa uye rakashandiswa navanyori vapakuvamba navatsinhiri, kubatanidza Polycarp muzana ramakore rechipiri C.E.
ZVIRI MUBHUKU RATIMOTIO RECHIPIRI
5. Rudzii rwokutenda runogara muna Timotio, asika anofanira kuramba achiitei?
5 Ku“batisisa zva[ka]ratidzwa zvamashoko akarurama” (1:1–3:17). Pauro anoudza Timotio kuti haatongomukanganwi muminyengetero yake uye kuti ari kushuva kumuona. Anoyeuka ‘kutenda kusina unyengeri’ kuri muna Timotio uye kwaigara kutanga muna ambuya vake Roisi naamai vake Juniki. Timotio anofanira kukuchidzira kufanana nomwoto chipo chiri mukati make, ‘nokuti Mwari akapa kwete mudzimu woumbwende, asi uya wesimba newerudo newekunaka kwendangariro.’ Naizvozvo ngaarege kunyadziswa mukupupura nokutambura zvakaipa nokuda kwamashoko akanaka nemhaka yokuti mutsa usakafanirwa waMwari wakaratidzwa nenzira yakajeka kupfurikidza nokuratidzwa kwoMuponesi, Kristu Jesu. Timotio anofanira ku“batisisa zvaakaratidzwa zvamashoko akarurama” ayo akanzwa kuna Pauro, achizvichengeta sechakaronzeswa chakaisvonaka.—1:5, 7, 13.
6. Pauro anopa zanoi pamusoro pokudzidzisa, uye Timotio anogona sei kuva mushandi anotenderwa nomudziyo unokudzwa?
6 Timotio anofanira kupa zvinhu zvaakadzidza kuna Pauro ku“vanhu vakatendeka, vanogonawo kudzidzisa vamwe.” Timotio anofanira kuzvibvumikisa amene kuva murwi akaisvonaka waKristu Jesu. Murwi anodzivisa kubatanidzwa mune zvebhizimisi. Uyezve, uyo anopfekedzwa korona pamitambo anokwikwidza maererano nemitemo. Kuti awane nzwisiso, Timotio anofanira kufunga nguva dzose mashoko aPauro. Zvinhu zvinokosha zvokuyeuka nokuyeuchidza vamwe nezvazvo ndezvokuti “Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi” uye kuti ruponeso nembiri isingaperi muumwe naKristu, vachitonga samadzimambo naye, ituso dzavakasarudzwa vanotsungirira. Timotio anofanira kuita unane hwake kuzvipa amene somushandi anotenderwa kuna Mwari, achidzivisa kutaura kusina maturo kunoshatisa chiri chitsvene, uko kunopararira seronda. Kungofanana nomuimba huru mudziyo unokudzwa unochengetwa wakaparadzana neisingakudzwi, naizvozvo Pauro anopa zano Timotio kuti “tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomwoyo wakachena.” Muranda waShe anofanira kuva munyoro kuna vose, akakwaniriswa kudzidzisa, achirayiridza nounyoro.—2:2, 8, 22.
7. Neiko Magwaro akafuridzirwa achifanira kuva anobetsera zvikurukuru “namazuva okupedzisira”?
7 “Namazuva okupedzisira,” kuchava nenguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo navanhu vanobvumikisa kuva venhema kukuratidza kwavo kuzvipira kwoumwari, “[va]nongogara [va]chidzidza, asi ha[va]tongogoni kusvika pakuziva zvokwadi.” Asi Timotio akasanotevera kudzidzisa kwaPauro, mararamire ake, uye kutambudzwa kwake, izvo Ishe akamununura mazviri. “Zvino,” anowedzera kudaro, “navose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa.” Timotio, zvisinei, anofanira kupfuurira muzvinhu zvaakadzidza kubvira paucheche, izvo zvinokwanisa kumuita kuti ave akachenjera nokuda kworuponeso, nokuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira.”—3:1, 7, 12, 16.
8. Pauro anokurudzira Timotio kuitei, uye Pauro anofara sei muna ikoku?
8 Kuita zvizere ushumiri (4:1-22). Pauro anokurudzira Timotio ku“paridza shoko” nekurumidziro. (4:2) Nguva ichasvika apo vanhu vasati vachizoshivirira kudzidzisa kwakanaka uye vachatendeukira kuvadzidzisi venhema, asi Timotio ngaachengete pfungwa dzake, ‘aite basa romuparidzi weevhangeri, aite zvizere ushumiri hwake.’ Achiziva rufu rwake kuva rwava pedyo, Pauro anofara kuti arwa kurwa kwakaisvonaka, kuti apedza rwendo rwake uye akachengeta kutenda. Zvino anotarira mberi nechivimbo kutuso, “korona yokururama.”—4:5, 8.
9. Pauro anoratidzira chivimboi musimba raShe?
9 Pauro anokurudzira Timotio kuuya kwaari nokukurumidza uye anopa mirayiridzo pamusoro perwendo rwacho. Apo Pauro akaita kuzvidzivirira kwake kwokutanga munhu ari wose akamusiya, asi Ishe akaisa simba maari kuti kuparidza kugoitwa zvizere pakati pamarudzi. Hungu, ane chivimbo chokuti Ishe achamununura mubasa riri rose rakaipa ndokumuponesa nokuda kwoUmambo Hwake hwokudenga.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
10. (a) Ibetseroi yakati ye“Rugwaro rwose” inosimbiswa mutsamba yaTimotio Yechipiri, uye vaKristu vanofanira kuvavarira kuva chii? (b) Ipesvedzeroi inofanira kudziviswa, uye ikoku kungaitwa sei? (c) Kunopfuurira kuva nokudikanwa kwokukurumidzira kwechii?
10 “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira.” Runobetsera nokuda kwechii? Pauro anotiudza mutsamba yake yechipiri kuna Timotio, kuti: “Pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.” (3:16, 17) Nokudaro betsero yo“kudzidzisa” inosimbiswa muiyi tsamba. Vadi vose vokururama nhasi vachada kuteerera zano rokuchenjera retsamba yacho mukuvavarira kuva vadzidzisi veShoko uye mukuita unanesa hwavo kuva vashandi vanotenderwa vaMwari, va“nonatsa kururamisa shoko razvokwadi.” SomuEfeso yomuzuva raTimotio, naizvozvo muzera rino razvino, kune avo vanofadzwa ne“mibvunzo youpenzi nokusaziva,” va“nongogara [va]chidzidza, asi ha[va]tongogoni kusvika pakuziva zvokwadi,” uye avo vanoramba “dzidziso yakarurama” vachida havo vadzidzisi vanofadza nzeve dzavo nenzira yavanoda noudyire. (2:15, 23; 3:7; 4:3, 4) Kudzivisa iyi pesvedzero yenyika inoshatisa, kuri madikanwa ku“batisisa zva[ka]ratidzwa zvamashoko akanaka” mukutenda norudo. Uyezve, kune kudikanwa kwokukurumidza kwokuti vanhu vakawanda zvikuru vave “vanogonawo kudzidzisa vamwe” kwose kuri kuviri mukati nokunze kweungano, kufanana naTimotio, “munhu waMwari.” Vanofara vose vanotakura uyu mutoro, vachiva ‘vakakwaniriswa kudzidzisa nounyoro,’ uye vanoparidza shoko “nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa”!—1:13; 2:2, 24, 25; 4:2.
11. Izanoi rinopiwa pamusoro pavaduku?
11 Sokutaura kwakaita Pauro, Timotio akanga aziva manyoro matsvene “kubvira paucheche” nemhaka yomurayiridzo worudo waRoisi naJuniki. “Kubvira paucheche” kunoratidzirawo nguva yokutanga murayiridzo weBhaibheri nokuda kwavana nhasi. Asi zvakadiniko kana, mumakore apashure, mwoto wapakuvamba weshingairo ukatanga kudzima? Zano raPauro nderokukuchidzira mwoto iwoyo zvakare mumudzimu we“simba, noworudo, newokuzvidzora,” achichengeta kutenda kusina unyengeri. “Namazuva okupedzisira,” iye akadaro, kuchava nenguva dzinotambudza, dzine zvinetso zvousindimari nedzidziso dzenhema. Ndicho chikonzero nei kuri madikanwa kwazvo kuti vanhu vaduku zvikurukuru, uye vamwe vose, va‘chengete pfungwa dzavo muzvinhu zvose, uye kuita zvizere ushumiri hwavo.’—3:15; 1:5-7; 3:1-5; 4:5.
12. (a) Pauro akadanira sei ngwariro kuMbeu yoUmambo, uye itariroi yaakaratidzira? (b) Vabatiri vaMwari nhasi vanogona sei kuva nechimiro chimwe chetecho chendangariro saPauro?
12 Mubayiro wacho wakafanirwa nokuukwikwidzira. (2:3-7) Muna ikoku, Pauro anodanira ngwariro kuMbeu yoUmambo, achiti: “Yeuka kuti Jesu Kristu akamutswa muvakafa uye akanga ari wembeu yaDhavhidhi, mukuwirirana namashoko akanaka.” Tariro yaPauro yakanga iri yokuramba ari muumwe neMbeu iyoyo. Gare gare anotaura nezvekuurawa kwake kunosvika mumashoko orukundo, achiti: “Kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vakada kuonekwa kwake.” (2:8, NW; 4:8) Vanofara sei vose avo vanogona kutarira shure kumakore akawanda ebasa rokutendeka ndokutaura zvimwe chetezvo! Zvisinei, ikoku kunoda kubatira zvino muperero, nokuda kuratidzwa kwaJesu Kristu, uye kuratidzira chivimbo chimwe chetecho sezvakaita Pauro apo akanyora, kuti: “Ishe uchandirwira pamabasa ose akaipa, uchandiponesa ndipinde ushe hwake hwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperiperi. Ameni.”—4:18.
[Mashoko Omuzasi]
a The Complete Works of Tacitus, 1942, rakapepetwa naMoses Hadas, mapeji 380-1.