Bhuku reBhaibheri Nhamba 58—VaHebheru
Munyori: Pauro
Nzvimbo Yakanyorerwa: Roma
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 61 C.E.
1. Pauro akanyorera vaHebheru tsamba maererano nebasai?
PAURO anozivikanwa zvikurusa somuapostora “kuvahedheni.” Asi ushumiri hwake hwakanga hwakaganhurirwa kune vaisava vaJudha here? Nyangwe! Nguva pfupi Pauro asati abhapatidzwa ndokutumwa nokuda kwebasa rake, Ishe Jesu akati kuna Ananiasi: “Iye [Pauro] mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsraeri.” (Kutsveyamisa kwemashoko ndokwedu.) (Mabasa 9:15; VaG. 2:8, 9) Kunyorwa kwebhuku raVaHebheru zvirokwazvo kwaiwirirana nebasa raPauro rokuendesa zita raJesu kuvanakomana vaIsraeri.
2. Zvibvumikiso zvinorwisana nokunyora kwaPauro VaHebheru zvingabvumikiswa sei kuva zvenhema?
2 Zvisinei, vamwe vatsoropodzi vanopanikira kunyora kwaPauro bhuku raVaHebheru. Chimwe chikonzero chokuramba ndechokuti zita raPauro harioneki mutsamba yacho. Asi iyi haisati iri chaizvoizvo mhinganidzo, sezvo mamwe mabhuku akawanda endaza yamanyoro matsvene achikundikana kududza munyori, uyo kazhinji kazhinji anoziviswa noufakazi hwomukati. Uyezve, vamwe vanorangarira kuti Pauro angave akasiya noune zita rake mukunyorera vaKristu vechiHebheru muJudhea, sezvo zita rake rakanga ravengwa navaJudha imomo. (Mabasa 21:28) Uyewo kuchinja munyorero kubva mudzimwe tsamba dzake hachisati chiri chikonzero chaichoicho chipi nechipi chokuramba kunyora kwaPauro. Kana ainyorera vahedheni, vaJudha, kana kuti vaKristu, Pauro nguva dzose airatidza mano ake kuti ave “zvose kuvanhu vose.” Pano kurangarira kwake kunopiwa kuvaJudha sokunobva kumuJudha, zvibvumikiso zvavaigona kunzwisisa zvizere uye kuonga.—1 VaK. 9:22.
3. Ufakazii hwomukati hunoita zvose zviri zviviri kutsigira kunyora kwaPauro bhuku raVaHebheru nokuratidzira kuti akanyora zvikurukuru nokuda kwavaJudha?
3 Ufakazi hwomukati hwebhuku racho hwose hunotsigira kunyora kwaPauro. Munyori wacho akanga ari muItaria uye akanga achisonganirana naTimotio. Aya maidi anokodzera Pauro. (VaH. 13:23, 24) Kupfuurirazve, dzidziso yacho yakafanana neyaPauro, kunyange zvazvo zvibvumikiso zvacho zvichipiwa mumurangariro wechiJudha, wakarongedzerwa kufadza kuungano yechiHebheru bedzi bedzi yakanyorerwa tsamba yacho. Papfundo rino Commentary yaClarke, Vhoriyamu 6, peji 681, inoti nezvebhuku raVaHebheru: “Chimiro chose chetsamba yacho chinobvumikisa, yakadaro nenzira yomuzvarirwo, kuti iyo yakanyorerwa vaJudha. Kudai yakanga yakanyorerwa Vamarudzi, hapana nomumwe muvane zviuru zvine gumi wavo aigona kuva akanzwisisa chibvumikiso chacho, nemhaka yokuti vakanga vasina kurovedzana netsika yechiJudha; zivo iyo munyori weiyi tsamba anofungidzira pose pose.” Ikoku kunobetsera kutsanangura musiyano womunyorero apo inoenzaniswa nedzimwe tsamba dzaPauro.
4. Humwei ufakazi huriko pamusoro pokunyora kwaPauro bhuku raVaHebheru?
4 Kuwanwa munenge muna 1930 kweChester Beatty Papyrus Nha. 2 (P46) kwakagovera humwe ufakazi hwokunyora kwaPauro. Achitsinhira pamusoro peiyi kodhekisi yomupumburu wenhokwe, iyo yakanyorwa rinenge zana ramakore nehafu bedzi pashure porufu rwaPauro, muongorori wamanyoro akatanhamara weBritain Sir Frederic Kenyon akati: “Kunocherekedzwa kuti bhuku raVaHebheru rakaiswa pashure chaipo pebhuku raVaRoma (nzvimbo inodokuva isina muenzaniso), uko kunoratidza kuti pamusi wapakuvamba apo aya manyoro akanyorwa pakanga pasina panikiro yakanzwika pamusoro pokunyorwa kwayo naPauro.”a Pamubvunzo mumwe cheteyu, Cyclopedia yaMcClintock naStrong inotaura nenzira yakananga, kuti: “Hakuna ufakazi hukuru, hwokunze kana kuti hwomukati, hunotsigira munhu upi noupi anotaura kuti akanyora iyi tsamba kunze kwaPauro.”b
5. Zviri mubhuku raVaHebheru zvinoribvumikisa sei kuva rakafuridzirwa?
5 Kunze kwokugamuchirwa kwebhuku racho navaKristu vapakuvamba, zviri mubhuku raVaHebheru zvinobvumikisa kuti iro raka“furidzirwa naMwari.” Nguva dzose rinonongedzera muravi kuuporofita hwoRugwaro rwechiHebheru, richiita nongedzero zhinji kumanyoro apakuvamba, uye rinoratidza kuti ihwohwu hwakazadzikwa sei hwose muna Kristu Jesu. Muganhuro rokutanga roga, kunokorwa kwamashoko kusiri pasi pokunomwe muMagwaro echiHebheru kunoshandiswa sezvo pfundo rinokudziridzwa rokuti Mwanakomana zvino mukuru kungirozi. Nguva dzose rinokudza Shoko raJehovha nezita rake, richinongedzera kuna Jesu soMumiriri Mukuru woupenyu nokuUmambo hwaMwari hunotungamirirwa naKristu setariro bedzi yorudzi rwomunhu.
6. Ufakazi hunoratidzirei pamusoro penzvimbo nenguva zvokunyorwa kwebhuku raVaHebheru?
6 Pamusoro penguva yokunyora, kwatoratidzwa kuti Pauro akanyora tsamba yacho apo akanga ari muItaria. Mukugumisa tsamba yacho, iye anoti: “Zivai kuti hama yedu Timotio wakasunungurwa; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai pamwe chete naye.” (13:23) Ikoku kunoratidzika kuva kunoratidzira kuti Pauro akanga ari kukarira kukurumidza kusunungurwa mutorongo uye aikarira kuperekedza Timotio, uyo akanga aiswawo mutorongo asi uyo akanga atosunungurwa. Nokudaro, gore rokupedzisira rokuiswa mutorongo kwokutanga kwaPauro muRoma rinokarakadzwa segore rokunyora, ndiko kuti, 61 C.E.
7. VaKristu vechiJudha muJerusarema vakatarisana norudzii rwechishoro, uye vaidei?
7 Mukati menguva yomugumo wetsika yechiJudha yezvinhu, nhambo yokuedza kwakakomba yakawira vaKristu vechiHebheru muJudhea uye zvikurukuru paavo vaiva muJerusarema. Nokukura nokupararira kwamashoko akanaka, vaJudha vakanga vari kuva vanokasharara navanonyanyisa zvikuru mukushora kwavo vaKristu. Makore mashomanene bedzi ikoku kusati kwaitika, kuonekawo zvako kwaPauro muJerusarema kwakanga kwanyandura bope, vaJudha vorudzidziso vachidanidzira nenzwi riri pamusoro, kuti: “Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama!” VaJudha vanopfuura 40 vakanga vazvisunga vamene nokupika kusadya kana kuti kunwa kutozosvikira vamuuraya, uye kwaida kuperekedza kwakasimba kwamauto akashongedzerwa zvikuru nezvombo kuti vamuburutsire kuna Kesari usiku. (Mabasa 22:22; 23:12-15, 23, 24) Ungano yaifanira kurarama, kuparidza, uye kuzvichengeta imene yakasimba mukutenda muaya mamirire ezvinhu okunyanyisa kworudzidziso nokuvengwa kwavaKristu. Vaifanira kuva nezivo yakanaka nenzwisiso yokuti Kristu akazadzika sei Mutemo kuti vagodzivisa kudzokera kuchiJudha nokuchengeta kwacho Mutemo waMosesi nokupiwa kwezvibayiro zvemhuka, zvose zvichisiri zvino chinhu chinopfuura tsika isina maturo.
8. Neiko Pauro akashongedzerwa nenzira inoyemurwa kuti anyorere vaHebheru iyi tsamba, uye inhevedzanoi yezvibvumikiso yaakapa?
8 Hakuna munhu akanga achikwanisa zviri nani kunzwisisa dzvinyiriro nechitambudzo izvo vaKristu vechiJudha vakanga vakaratidzirwa kwazviri kupfuura muapostora Pauro. Hakuna munhu akanga akashongedzerwa zviri nani kuvagovera zvibvumikiso zvine simba nokurambwa kwegamuchidzanwa rechiJudha kupfuura Pauro, aichimbova muFarise. Achishandisa zivo yake huru yoMutemo waMosesi, waakadzidziswa naGamarieri, akapa chibvumikiso chisingarambwi chokuti Kristu ndiye kuzadzikwa kwoMutemo, mirayiro yawo, uye zvibayiro zvawo. Akaratidza kuti izvozvi zvino zvakanga zvatsiviwa sei nezvinhu chaizvoizvo zvine mbiri zvikuru kwazvo, zvichiunza betsero dzakakura zvisingafungidzirwi pasi pesungano itsva neiri nani. Ndangariro yake yakachenjera yakaronga chibvumikiso pashure pechibvumikiso munhevedzano yakajeka neinopwisa. Mugumo wesungano yoMutemo nokupinda kwesungano itsva, ukuru hwouprista hwaKristu kupfuura uprista hwaAroni, ukoshi chaihwoihwo hwechibayiro chaKristu huchienzaniswa nezvipiriso zvenzombe nembudzi, kupinda kwaKristu pamberi pamene paJehovha mumatenga panzvimbo pokupinda mutendewo zvayo yapasi—dzidziso itsva dzose idzodzi nenzira inoshamisa, dzaivengwa zvikurusa navaJudha vasingatendi, pano dzakapiwa kuvaKristu vechiHebheru noufakazi hwakawanda hwakadaro hwomuMagwaro echiHebheru zvokuti hapana muJudha aiva nomufungo aigona kukundikana kupwiswa.
9. Tsamba yaVaHebheru yakava chomboi chine simba, uye yakanga iri sei kuratidzirwa kworudo rwaPauro?
9 Vakashongedzerwa neiyi tsamba, vaKristu vechiHebheru vakanga vane chombo chitsva nechine simba chokumisa miromo yavaJudha vaitambudza, pamwe chete nechibvumikiso chinonyengetedza chokupwisa nacho nokutendeutsa vaJudha vakatendeseka vaitsvaka zvokwadi yaMwari. Tsamba yacho inoratidza kuda kukuru kwaPauro vaKristu vechiHebheru nechishuvo chake chikuru chokuvabetsera munzira inoshanda munguva yavo yokushayiwa kukuru.
ZVIRI MUBHUKU RAVAHEBHERU
10. Mashoko okutanga aVaHebheru anotaurei pamusoro penzvimbo yaKristu?
10 Nzvimbo yakakwirira yaKristu (1:1–3:6). Mashoko okutanga anonangidzira ngwariro pana Kristu: “Mwari wakataura kare kuna madzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, uye nemitoo mizhinji, zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana.” Uyu Mwanakomana Mudyi Wenhaka akagadzwa wezvinhu zvose nomufananidzo wembiri yaBaba vake. Anatsa zvivi zvedu, iye zvino “akagara kurudyi rwoUmambo kudenga.” (1:1-3) Pauro anonokora mashoko rugwaro pamusoro porugwaro kuti abvumikise ukuru hwaJesu pangirozi.
11. (a) Neiko Pauro achipa zano kupa ngwariro inopfuura yenguva dzose kuzvinhu zvakanzwiwa? (b) Nemhaka yezvaakasangana nazvo nenzvimbo yake yakakwidziridzwa, zvinhui izvo Jesu anokwanisa kuita?
11 Pauro anonyora kuti “tinofanira kuteerera zvikuru.” Neiko? Nemhaka yokuti, Pauro anotaura kudaro, kana kwakanga kune chirango chakakomba nokuda kwokusateerera “shoko, rakanga rataurwa nevatumwa, . . . ko isu tichatiza sei, kana tisine hanya nokuponeswa kukuru kwakadai? uku kwakaparidzwa pakutanga naShe.” Mwari akaita kuti “mwanakomana womunhu” aderere zvishoma kupfuura ngirozi, asi zvino tinoona uyu Jesu “akashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuda kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.” (2:1-3, 6, 9) Mukuunza vanakomana vakawanda kumbiri, Mwari akatanga kuita kuti “akwanise . . . nenzira yokutambudzika” uyu Mumiriri Mukuru woruponeso rwavo. Iye ndiye anoparadza Dhiyabhorosi uye anosunungura “avo vaiva varanda paupenyu hwavo hwose nokuda kwokutya rufu.” Jesu nokudaro anova “muprista mukuru une ngoni, wakatendeka.” Uye nenzira inoshamisa, sezvo iye amene akatambura mumiedzo, “unogona kubatsira vanoidzwa.” (2:10, 15, 17, 18) Nokudaro, Jesu anorangarirwa seakafanirwa nembiri huru kupfuura Mosesi.
12. VaKristu vanofanira kudzivisa nzirai kana vachizopinda muzororo raMwari?
12 Kupinda muzororo raMwari kupfurikidza nokutenda nokuteerera (3:7–4:13). VaKristu, vamarudzi ose, vanofanira kuwana nyevero mumuenzaniso wavaIsraeri wokusatendeka, nokuda kwokutya kutanga “mwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu.” (VaH. 3:12; Pis. 95:7-11) Nemhaka yokusateerera nokushayiwa kutenda, vaIsraeri vakabva Egipita vakakundikana kupinda muzororo raMwari, kana kuti Sabata, iro akazorora mukati maro pamabasa okusika kana toreva nezvepasi. Zvisinei, Pauro anotsanangura, kuti: “Zvino zororo resabata ravanhu vaMwari richipo. Nokuti uyo wakapinda muzororo rake, wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pana ake.” Muenzaniso wokusateerera wakaratidzwa naIsraeri unofanira kudziviswa. “Nokuti shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, . . . rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.”—VaH. 4:9, 10, 12.
13. (a) Kristu akava sei “muprista nokusingaperi,” anoparira ruponeso rusingaperi? (b) Neiko Pauro achikurudzira vaHebheru kupfuurira kusvikira kuukuru?
13 Murangariro woukuru wokukura kwouprista hwaKristu (4:14–7:28). Pauro anokurudzira vaHebheru kubatisisa kubvuma Jesu, Muprista Mukuru uyo akapinda mudenga, kuti vawane ngoni. Kristu haana kuzvipa amene mbiri, asi vakanga vari Baba avo vakati: “Ndiwe muprista nokusingaperi uno rudzi naMerkisedheki.” (VaH. 5:6; Pis. 110:4) Kutanga, Kristu akakwaniswa nokuda kwenzvimbo yomuprista mukuru kupfurikidza nokudzidza kuteerera kupfurikidza nokutambura, kuti asakise ruponeso rusingaperi kuna avo vose vanomuteerera. Pauro ane “zvakawanda zvokutaura uye zvakaoma kutsanangurwa,” (NW) asi vaHebheru vachiri vacheche vanoda mukaka, nepo, kutaura idi, vanofanira kuva vadzidzisi. “Zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vane kuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuziviswa zvakanaka nezvakaipa.” Muapostora anovakurudzira kuti va“pfuurire mberi pakukwaniswa.”—VaH. 5:11, 14; 6:1.
14. Vatendi vangagara sei nhaka yechipikirwa, uye tariro yavo yakasimbiswa sei?
14 Hakubviri kuti avo vakaziva shoko raMwari uye vakatsauka vamutsidzirwe zvakare kurupfidzo “nokuti vanozvirovererazve Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa vachimunyadzisa pachena.” Vatendi vanogona kugara nhaka chipikirwa chakaitwa kuna Abrahama kupfurikidza bedzi nokutenda neshiviriro—chipikirwa chakaitwa kuti chive chechokwadi nechakasimba kupfurikidza nezvinhu zviviri zvisingachinjiki: shoko raMwari nemhiko yake. Tariro yavo, iyo yakaita se“chibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba,” yakasimbiswa nokupinda kwaJesu “mukati mechidzitiro” soMutungamiriri noMuprista Mukuru maererano nomutoo waMerkisedheki.—6:6, 19.
15. Chii chinoratidza kuti uprista hwaJesu, huchiva mukuwirirana nomutoo waMerkisedheki, hwaizova hukuru kune uhwo hwaRevhi?
15 Uyu Merkisedheki akanga ari zvose zviri zviviri “mambo weSaremi” no“muprista waMwari Wokumusorosoro.” Kunyange musoro wemhuri Abrahama airipira zvegumi kwaari, uye kupfurikidza naye Revhi, uyo akanga achiri muzviuno zvaAbrahama, akaita saizvozvo. Kukomborera kwaMerkisedheki Abrahama nokudaro kwakatambanuka kusvikira kumuRevhi akanga asina kuberekwa, uye ikoku kwakaratidza kuti uprista hwaRevhi hwakanga hwakaderera kune uhwo hwaMerkisedheki. Uyezve, kana kukwana kwakauya kupfurikidza nouprista hwaRevhi hwaAroni, kwaizova nokudikanwa kwomumwe muprista here “uno rudzi naMerkisedheki”? Uyezve, sezvo kune chinjo youprista, “nomurayiro unofanira kuti ushandurwewo.”—7:1, 11, 12.
16. Neiko uprista hwaJesu huri hukuru kune uprista pasi poMutemo?
16 Mutemo, kutaura idi, hauna kukwanisa chinhu asi wakabvumikisa kuva wakaneta nousingashandi. Nemhaka yokuti vakaramba vachifa, vaprista vawo vakanga vakawanda, asi Jesu kupfurikidza noku“gara nokusingaperi; uno uprista husingapfuudzwi kune mumwe. Naizvozvo une simba rokuponesa kwazvo kwazvo avo vanoswedera kuna Mwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.” Uyu Muprista Mukuru, Jesu, “mutsvene, usine chakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi,” nepo vaprista vakuru vakagadzwa noMutemo vane utera, vachifanira kutanga kupa zvibayiro nokuda kwezvivi zvavo vamene vasati vagona kureverera vamwe. Naizvozvo shoko remhiko yaMwari yakapikwa “rinogadza Mwanakomana, wakakwaniswa nokusingaperi.”—7:24-26, 28.
17. Sungano itsva yakakura muchii?
17 Ukuru hwesungano itsva (8:1–10:31). Jesu anoratidzwa kuva “Murevereri wesungano inopfuura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuura nokunaka.” (8:6) Pauro anonokora mashoko zvakazara Jeremia 31:31-34, achiratidza kuti avo vari musungano itsva vane mitemo yaMwari yakanyorwa mundangariro dzavo nemwoyo, kuti vose vachaziva Jehovha, uye kuti Jehovha haasati “achizotongorangarirazve zvivi zvavo” (NW). Iyi “sungano itsva” yakaita kuti yokutanga isashande (sungano yoMutemo), iyo yo“da kurova.”—VaH. 8:12, 13.
18. Pauro anoita kuenzanisai pamusoro penhau yechibayiro pamusoro pesungano mbiri?
18 Pauro anorondedzera zvibayiro zvegore negore patende yesungano yokutanga se“mirayiro . . . yavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.” Zvisinei, apo Kristu akauya soMuprista Mukuru, kwakanga kuri neropa rake amene rinokosha, uye kwete riya rembudzi nerenzombe duku. Kusasa kwaMosesi ropa remhuka kwakanga kwaita kuti sungano yokutanga ishande ndokuchenesa tende yokufananidzira, asi zvibayiro zviri nani zvakanga zviri madikanwa nokuda kwezvinhu chaizvoizvo zvokudenga pamusoro pesungano itsva. “Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu.” Kristu haafaniri kuita zvibayiro zvegore negore, sezvaiita muprista mukuru waIsraeri, nokuti “zvino wakaonekwa kamwe chete pakupedzisira kwenguva kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibayiro kwake.”—9:10, 24, 26.
19. (a) Mutemo hauna kukwanisa kuitei, uye neiko? (b) Chii chiri kuda kwaMwari pamusoro pokutsveneswa?
19 Mukupeta, Pauro anotaura kuti “murayiro zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya,” zvibayiro zvawo zvokudzokororwa hazvina kukwanisa kubvisa “kuzoyeudzwa zvivi.” Zvisinei, Jesu akapinda munyika kuti aite kuda kwaMwari. “Nokuda ikoku,” anodaro Pauro, “takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwe chete.” Naizvozvo, vaHebheru ngavabatisise ziviso yapachena yokutenda kwavo kusingazununguki uye ku“rangarira[na], [va]mutsane mwoyo kuti [va]ve norudo namabasa akanaka,” vasingaregi kuungana kwavo vamene pamwe chete. Kana vakapfuurira kutadza noune pashure pokugamuchira zivo yakarurama yezvokwadi, “hakuchine chibayiro pamusoro pezvivi.”—10:1, 2, 10, 24, 26.
20. (a) Chii chiri kutenda? (b) Mifananidzoi yamashoko yakajeka yokutenda iyo Pauro anonyora?
20 Kutenda kunotsanangurwa nokuenzanisirwa (10:32–12:3). Pauro zvino anoudza vaHebheru, kuti: “Rangarirai mazuva okutanga, amakati mavhenekerwa, mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko.” Ngavarege kurasa rusununguko rwavo rwokutaura, urwo rune tuso huru, asi ngavatsungirire kuti vagamuchire kuzadzikwa kwechipikirwa ndoku“tenda kuti tiponeswe mweya.” Kutenda! Hungu, ndiko kunodikanwa. Kutanga, Pauro anokurondedzera: “Kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.” Ipapo, muganhuro rimwe rinonyandura, anonyora mukutevedzana kunokurumidza mifananidzo yamashoko mipfupi yavanhu vakare vakararama, vakashanda, vakarwa, vakatsungirira, uye vakava vadyi venhaka yokururama kupfurikidza nokutenda. “Nokutenda” Abrahama, achigara mumatende naIsaka naJakobho, akamirira “guta rine nheyo,” Muvaki waro ari Mwari. “Nokutenda” Mosesi akapfuurira akatsiga, “somunhu unoona iye usingaoneki.” “Ndichataurireiko zvimwe?” anobvunza kudaro Pauro. “Nokuti ndichapererwa nenguva, kana ndikataura zvaGidheoni, naBharaki, naSamsoni, naJefta, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita; avo vakakunda ushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa.” Vamwewo vakaedzwa kupfurikidza nokunyombwa, kupurwa, zvisungo, uye kutambudzwa asi vakaramba kusunungurwa “kuti vawane kumuka kwakapfuura nokunaka.” Zvirokwazvo, “nyika haina kufanirwa navo.” Vose ivava vakapupurirwa kupfurikidza nokutenda kwavo, asi vachigere kugamuchira kuzadzikwa kwechipikirwa. “Naizvozvo,” anopfuurira kudaro Pauro, “zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu.”—10:32, 39; 11:1, 8, 10, 27, 32, 33, 35, 38; 12:1, 2.
21. (a) VaKristu vangatsungirira sei mumakwikwi okutenda? (b) Chikonzeroi chakasimba zvikuru chokuteerera nyevero youmwari icho Pauro anopa?
21 Tsungiriro mumakwikwi okutenda (12:4-29). Pauro anokurudzira vaKristu vechiHebheru kutsungirira mumakwikwi okutenda, nokuti Jehovha ari kuvaranga savanakomana. Zvino yava nguva yokusimbisa maoko akaneteswa namabvi uye kuramba vachiruramisa makwara etsoka dzavo. Vanofanira kusanodzivisa kupinda kwomudzi upi noupi une chepfu kana kuti chinosvibisa chingagona kuparira kurambwa kwavo, somuchiitiko chaEsau, uyo asina kuonga zvinhu zvinoyera. Pagomo chairoiro, Mosesi akati: “Ndinotya kwazvo, ndinodedera” nemhaka yokuratidzirwa kunotyisa kwemwoto unopfuta, gore, uye inzwi. Asi vakasvika chimwe chinhu chinotyisa zvikuru kwazvo—Gomo reZioni neJerusarema rokudenga, zviuru zvengirozi, ungano yeDangwe, Mwari Mutongi wavose, uye Jesu Murevereri wesungano itsva neiri nani. Zvino kune chikonzero chikuru kwazvo chokuteerera nyevero youmwari! Munguva yaMosesi inzwi raMwari rakazunungusa pasi, asi zvino Iye akapikira kuzunungusa zvose zviri zviviri denga napasi. Pauro anosimbisa pfundo racho: “Saka, zvatinopiwa ushe husingazununguki, . . . tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya. Nokuti Mwari wedu mwoto unoparadza.”—12:21, 28, 29.
22. Pauro anogumisa tsamba yake kuVaHebheru nezanoi rinovaka?
22 Mazano akasiyana-siyana pamusoro penhau dzokunamata (13:1-25). Pauro anogumisa nezano rinovaka: Rudo rwouhama ngarupfuurire, musakanganwa mutsa, roorano ngaikudzwe pakati pavose, musada mari, teererai vanotungamirira pakati penyu, uye musakukurwa nedzidziso dzechienzi. Pakupedzisira, “ngatirambe tichibayira Mwari naye [Jesu] chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.”—13:15.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
23. Pauro anokurudzirei pamusoro poMutemo, uye anotsigira sei chibvumikiso chake?
23 Sechibvumikiso chapamutemo chokutsigira Kristu, tsamba kuvaHebheru unyanzvi husingadenhwi, yakarongwa zvakakwana uye inotsigirwa zvakasununguka nechibvumikiso chinobva muMagwaro echiHebheru. Inotora mativi akasiyana-siyana oMutemo waMosesi—sungano, ropa, murevereri, tende yokunamatira, uprista, zvipiriso—uye inozviratidza kuve zvaisava chinhu chinopfuura muenzaniso wakaitwa naMwari unonongedzera mberi kuzvinhu zvakakura kwazvo zvichauya, zvose zvichiguma muna Kristu Jesu nechibayiro chake, kuzadzikwa kwoMutemo. Mutemo “chinhu chosakara, chova chekare, choda kurova,” akadaro Pauro. Asi “Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.” (8:13; 13:8; 10:1) VaHebheru ivavo vanofanira kuva vakanzwa vachifara sei pakurava tsamba yavo!
24. Igadziriroi inotsanangurwa muna VaHebheru iyo iri yebetsero hurusa kwatiri nhasi?
24 Asi ikoku ndekwoukoshii kwatiri nhasi, mumamirire ezvinhu zvedu akasiyana-siyana? Sezvo tisiri pasi poMutemo, tinogona kuwana chinhu chipi nechipi chinobetsera muchibvumikiso chaPauro here? Zvirokwazvo, hungu! Muno tinoratidzirwa gadziriro yesungano itsva huru yakavakirwa pachipikirwa kuna Abrahama chokuti kupfurikidza neMbeu yake mhuri dzose dzapasi dzaizozvikomborera dzimene. Iyi ndiyo tariro yedu youpenyu, tariro bedzi yedu, kuzadzikwa kwechipikirwa chaJehovha chakare chechikomborero kupfurikidza neMbeu yaAbrahama, Jesu Kristu. Kunyange zvazvo tisiri pasi poMutemo, tinoberekerwa muchivi savana vaAdhama, uye tinoda muprista mukuru ane ngoni, uyo ane chipiriso chezvivi chinoshanda, uyo anogona kupinda pamberi paJehovha chaipo mudenga ikoko ndokutireverera. Pano tinomuwana, Muprista Mukuru uyo anogona kutitungamirira kuupenyu munyika itsva yaJehovha, uyo anogona kunzwira tsitsi utera hwedu, achiva “wakaidzwa pazvinhu zvose sesu,” uye anotikumbira ku“swedera tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.”—4:15, 16.
25. Pauro anoita kushandiswai kunopa nzwisiso kwaMagwaro echiHebheru?
25 Kupfuurirazve, mutsamba yaPauro kuvaHebheru, tinowana ufakazi hunonyandura mwoyo hwokuti uporofita hwakanyorwa kare kare muMagwaro echiHebheru hwakazadzikwa gare gare munzira inoshamisa. Kwose ikoku kuri nokuda kwomurayiridzo wedu nenyaradzo nhasi. Somuenzaniso, mubhuku raVaHebheru, Pauro kashanu anoshandisa mashoko ouporofita hwoUmambo ari paPisarema 110:1 kuna Jesu Kristu seMbeu yoUmambo, uyo wa“kagara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari” kuti amirire “kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.” (VaH. 12:2; 10:12, 13; 1:3, 13; 8:1) Uyezve, Pauro anonokora mashoko Pisarema 110:4 mukutsanangura basa rinokosha rinoitwa noMwanakomana waMwari so“Muprista nokusingaperi, une rudzi naMerkisedheki.” Kufanana naMerkisedheki wekare, uyo muchinyorwa cheBhaibheri “asina baba, asina mai, asina madzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwoupenyu,” Jesu ari zvose zviri zviviri Mambo no“muprista nokusingaperi” kuti ape betsero dzisingaperi dzechibayiro chake chorudzikinuro kuna vose vanozviisa vamene pasi pokutonga kwake nenzira yokuteerera. (VaH. 5:6, 10; 6:20; 7:1-21) Pauro anonongedzera kuna Mambo noMuprista mumwe cheteyu mukunokora mashoko Pisarema 45:6, 7: “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri; tsvimbo youshe hwenyu itsvimbo yakarurama. Makada kururama, mukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, wakakuzodzai namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.” (VaH. 1:8, 9) Sezvo Pauro anonokora mashoko muMagwaro echiHebheru uye anoratidza kuzadzikwa kwawo muna Kristu Jesu, tinoona zvidimbu zvomuenzaniso woumwari zvichiwirirana nokuda kwenzwisiso yedu.
26. Bhuku raVaHebheru rinopa kurudziroi yokumhanya nhangemutange mukutenda uye netsungiriro?
26 Sokuratidzira zvakajeka kunoita tsamba kuvaHebheru, Abrahama aikarira Umambo, “guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro”—guta “[rokudenga, NW].” “Nokutenda” akasvasvavirira Umambo, uye akarega zvinhu zvakawanda kuti agowana zvikomborero zvahwo kupfurikidza no“kumuka kwakapfuura nokunaka.” Muenzaniso unoshamisa zvakadini watinowana muna Abrahama nomuna vamwe varume vose navakadzi ivavo vokutenda—“gore rezvapupu rakakura rikadai” iro Pauro anoratidzira muganhuro 11 yebhuku raVaHebheru! Sezvatinorava ichi chinyorwa, mwoyo yedu inofara nokufarisisa, mukuonga ropafadzo netariro zvatinazvo pamwe chete navachengeti veperero vakatendeka vakadaro. Nokudaro tinokurudzirwa ku“mhany[a] nokutsungurira nhangemutange yatakaisirwa.”—11:8, 10, 16, 35; 12:1.
27. Ikariroi dzoUmambo dzine mbiri dzinosimbiswa muna VaHebheru?
27 Achinokora mashoko muuporofita hwaHagai, Pauro anodanira ngwariro kuchipikirwa chaMwari: “Ndichabvundisazve kamwe chete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo.” (VaH. 12:26; Hag. 2:6) Zvisinei, Umambo hwaMwari hunodzorwa naKristu Jesu, Mbeu, huchagara nokusingaperi. “Saka, zvatinopiwa ushe husingazununguki, ngative nokuonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya.” Ichi chinyorwa chinonyandura chinotivimbisa kuti Kristu anooneka kechipiri “asingatakuri zvivi, naivo vanomutarira kuti avaponese.” Kupfurikidza naye, ipapoka, “ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.” Zita guru raJehovha Mwari ngaritsveneswe nokusingaperi kupfurikidza naMambo wake noMuprista, Jesu Kristu!—VaH. 12:28; 9:28; 13:15.
[Mashoko Omuzasi]
a The Story of the Bible, 1964, peji 91.
b Rakadhindwazve ra1981, Vhor. IV, peji 147.