Bhuku reBhaibheri Nhamba 66—Zvakazarurwa
Munyori: Muapostora Johane
Nzvimbo Yakanyorerwa: Patmosi
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 96 C.E.
1. (a) Pamusoro pezviratidzo zvebhuku raZvakazarurwa, vabatiri vaMwari vachabvumirana nechii? (b) Neiko bhuku raZvakazarurwa richiiswa nenzira yakarurama pakupedzisira muBhaibheri?
ZVIRATIDZO zvebhuku raZvakazarurwa ndezvokutyisidzira here? Nyangwe! Kuzadzikwa kwouporofita hwacho kungatyisa vakaipa, asi vabatiri vaMwari vakatendeka vachabvumirana nesumo yakafuridzirwa netsinhiro yengirozi pamugumo, kuti: “Wakaropafadzwa uyo unorava, navanonzwa mashoko okuporofita.” “Unochengeta mashoko okuporofita kwebhuku iyi wakaropafadzwa.” (Zvak. 1:3; 22:7) Kunyange zvazvo rakanyorwa mamwe mabhuku mana akafuridzirwa akanyorwa naJohane asati, bhuku raZvakazarurwa rakaiswa pakupedzisira nenzira yakarurama mumuunganidzwa wamabhuku 66 akafuridzirwa anoumba Bhaibheri redu, nokuti ndizvo Zvakazarurwa zvinosvitsa varavi vazvo kure munguva yemberi, kupfurikidza nokugovera chiono chinobatanidza zvose cheizvo Mwari anoitira chinangwa rudzi rwomunhu, uye izvo zvinosvitsa musoro mukuru weBhaibheri, kutsveneswa kwezita raJehovha nokurevererwa kwouchangamire hwake kupfurikidza noUmambo hunodzorwa naKristu, Mbeu Yakapikirwa, kumugumo une mbiri.
2. Zvakazarurwa zvakauya kuna Johane kupfurikidza nomutooi, uye neiko zita rebhuku racho rakakodzera zvikurusa?
2 Maererano nendima yomusoro, izvi ndizvo “zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari . . . akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johane.” Naizvozvo Johane akanga achingova zvake munyori, kwete muvambi, wamashoko acho. Naizvozvo Johane haasati ari muzaruri, uyewo bhuku racho harisati riri zvakazarurwa zvaJohane. (1:1) Uku kufukurira muranda waMwari zvinangwa Zvake zvinoshamisa zvenguva yemberi kunoita kuti musoro waro uve wakakodzera zvikurusa, nokuti zita rechiGiriki rebhuku racho A·po·kaʹly·psis (Apocalypse) rinoreva “Kufudugura” kana kuti “Kufukura.”
3. Bhuku raZvakazarurwa rimene rinozivisa munyori anonzi Johane kuti ndiani, uye vezvenhau vakare vanotsigira sei ikoku?
3 Ndiani akanga ari uyu Johane anonongedzerwa kwaari somunyori webhuku raZvakazarurwa muganhuro raro rokutanga? Tinoudzwa kuti akanga ari muranda waJesu Kristu, pamwe chete nehama nomugoverani mudambudziko, uye kuti akaiswa muutapwa pachitsuwa chePatmosi. Sezvinooneka akanga achisanozivikanwa kuvaravi vake vokutanga, kwavari kwakanga kusina chimwe chinozivisa chakanga chiri madikanwa. Anofanira kuva muapostora Johane. Iyi mhedziso inotsigirwa nevezvenhau vakare vakawanda zvikurusa. Papias, uyo akanyora murutivi rwokutanga rwezana ramakore rechipiri C.E., anotaurwa kuva aidavira bhuku racho kuva rakavambwa nomuapostora. Justin Martyr, wezana ramakore rechipiri, mubhuku rake “Dialogue With Trypho, a Jew” (LXXXI) anoti: “Kwakanga kune mumwe munhu aiva nesu, ainzi Johane, mumwe wavaapostora vaKristu, uyo akaporofita, kupfurikidza nezvakazarurwa zvakaitwa kwaari.”a Irenaeus anotaura nenzira yakajeka nezvomuapostora Johane somunyori, sezvinoita Clement weAlexandria naTertullian, wokupera kwezana ramakore rechipiri nokuvamba kwerechitatu. Origen, nyanzvi yeBhaibheri yakatanhamara yezana ramakore rechitatu, akati: “Ndinotaura nezvake uyo akasendama pachifuva chaJesu, Johane, uyo akasiya shure Evhangeri imwe, . . . uye akanyorawo Apocalypse.”b
4. (a) Chii chinotsanangura musiyano mumunyorero mubhuku raZvakazarurwa sezvaunoenzaniswa namamwe manyoro aJohane? (b) Chii chinobvumikisa bhuku raZvakazarurwa kuva rutivi rwechokwadi rwaMagwaro akafuridzirwa?
4 Idi rokuti mamwe manyoro aJohane anosimbisa zvikuru kwazvo rudo harirevi kuti aisagona kuve akanyora Zvakazarurwa zvine simba zvikuru kwazvo. Iye nomukoma wake Jakobho ndivo vakanga vakazadzwa kwazvo nokutsamwira vaSamaria veguta rakati zvokuti vaida kudana mwoto uchibva kudenga. Ndicho chikonzero nei vakatumidzwa kuti “Bhoanergesi,” kana kuti “vanakomana vokutinhira.” (Marko 3:17; Ruka 9:54) Uyu musiyano mumunyorero haufaniri kuparira chinetso apo tinoyeuka kuti mubhuku raZvakazarurwa nhau yacho yakasiyana. Izvo Johane akaona muizvi zviono zvakanga zvakasiyana nechinhu chipi nechipi chaakanga ati amboona kare. Tsinhirano yakatanhamara yebhuku racho norutivi rwose rwasara rwaMagwaro ouporofita nenzira isingapanikirwi inoribvumikisa kuva rutivi rwechokwadi rweShoko raMwari rakafuridzirwa.
5. Johane akanyora rini Zvakazarurwa, uye mumamirirei ezvinhu?
5 Maererano nechipupuriro chapakuvamba zvikurusa, Johane akanyora bhuku raZvakazarurwa munenge muna 96 C.E., anenge makore 26 pashure pokuparadzwa kweJerusarema. Ikoku kwaizova nechokumugumo wokutonga kwaMambo Domitian. Mukusimbisa ikoku, Irenaeus mu“Against Heresies” (V, xxx) rake anoti nezveApocalypse: “Nokuti iyoyo yakaonekwa isati iri nguva refu zvikuru kubvira panguva iyoyo, asi munodokuva muzuva redu, nechokumugumo wokutonga kwaDomitian.”c Eusebius naJerome vose vari vaviri vanobvumirana neichi chipupuriro. Domitian akanga ari mukoma waTitus, uyo akatungamirira mauto eRoma kuti aparadze Jerusarema. Akava mambo parufu rwaTito, makore 15 bhuku raZvakazarurwa risati ranyorwa. Akarayira kuti anamatwe samwari ndokuva nezita rokuremekedza rokuti Dominus et Deus noster (kureva kuti “Ishe Wedu naMwari”).d Kunamatwa kwaMambo hakuna kuvhiringidza avo vainamata vamwari venhema, asi kwaisagona kupindwa makuri navaKristu vapakuvamba, avo vakaramba kubvumiranisa kutenda kwavo pane zvisina kufanira papfundo rino. Nokudaro, nechokumugumo wokutonga kwaDomitian (81-96 C.E.), chitambudzo chakakomba chakawira vaKristu. Kunofungwa kuti Johane akaitwa nhapwa kuPatmosi naDomitian. Apo Domitian akaurawa muna 96 C.E., akatsiviwa namambo anoshivirira zvikuru Nerva, uyo sezviri pachena akasunungura Johane. Makanga muri mukati mouku kuiswa mutorongo paPatmosi umo Johane akagamuchira zviono zvaakanyora.
6. Bhuku raZvakazarurwa tinofanira kuriona sechii, uye rinogona kukamurwa sei?
6 Tinofanira kunzwisisa kuti izvo Johane akaona uye zvaakaudzwa kuti anyore kuungano zvakanga zvisati zviri chete nhevedzano yezviono zvisingawirirani, zvakangonyorwa zvachero. Aiwa, bhuku rose raZvakazarurwa, kubvira pamavambo kusvikira kumugumo, rinotipa mufananidzo unotsinhirana wezvinhu zvichauya, kubva pachiono chimwe kuenda kune chimwe kutozosvikira kuratidzirwa kwakazara kwezvinangwa zvaMwari zvoUmambo kwasvikwa pamugumo wezviono zvacho. Naizvozvo tinofanira kuona bhuku raZvakazarurwa serakakwana uye serakaumbwa nemativi anowirirana, anotsinhirana, richitiendesa mberi zvikuru munguva yemberi kubvira panguva yaJohane. Pashure pesumo yaro (Zvak. 1:1-9), bhuku racho rinogona kurangarirwa serinokamurwa kuva zviono 16: (1) 1:10–3:22; (2) 4:1–5:14; (3) 6:1-17; (4) 7:1-17; (5) 8:1–9:21; (6) 10:1–11:19; (7) 12:1-17; (8) 13:1-18; (9) 14:1-20; (10) 15:1–16:21; (11) 17:1-18; (12) 18:1–19:10; (13) 19:11-21; (14) 20:1-10; (15) 20:11–21:8; (16) 21:9–22:5. Izvi zviono zvinoteverwa nemhedziso inonyandura, umo Jehovha, Jesu, ngirozi, uye Johane vose vanotaura, vachigovera tsigiro yavo yokupedzisira savakuru mumukoto wekurukurirano.—22:6-21.
ZVIRI MUBHUKU RAZVAKAZARURWA
7. Johane anotii pamusoro pamavambo ebhuku raZvakazarurwa, uye anotaura kuti anogoverana zvinhui navose vari muungano nomwe?
7 Sumo (1:1-9). Johane anotsanangura Manyuko oumwari norutivi rwengirozi rwomukoto uyo zvakazarurwa zvinopiwa kupfurikidza nawo, uye anopfuurira kutaura kuavo vari muungano nomwe muruwa rweAsia. Jesu Kristu akavaita “ushe, navaprista kuna Mwari naBaba vake,” Jehovha Mwari, Wamasimba Ose. Johane anovayeuchidza kuti iye mugoverani navo “pakutambudzika, noushe, nokutsungirira muna Jesu,” achiva muutapwa paPatmosi.—1:6, 9.
8. (a) Johane anorayiridzwa kuitei? (b) Anoona ani pakati pezvigadziko zvemwenje, uye Iyeyu anotsanangurei?
8 Mashoko kuungano nomwe (1:10–3:22). Sezvo chiono chokutanga chinovamba, nefuridziro Johane anozviwana amene ari muzuva raShe. Inzwi rakasimba, rakafanana nehwamanda rinomuudza kuti anyore mumupumburu wamanyoro zvaanoona uye kuti autumire kuungano nomwe, muEfeso, Smirna, Pergamo, Tiatira, Sardhisi, Firadherfia, uye Raodhikia. Achitendeukira kuinzwi, Johane anoona “mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu” ari pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, aine nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi. Iyeyu anozvizivisa amene se“wokutanga nowokupedzisira,” Uyo akafa asi zvino mupenyu nokusingaperiperi uye uyo ane kiyi dzorufu nedzeHadhesi. Naizvozvo iye ndiJesu Kristu akamutswa. Iye anotsanangura, kuti: “Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndidzo kereke nomwe.”—1:13, 17, 20.
9. Irumbidzoi nezano zvinopiwa ungano dziri muEfeso, Smirna, Pergamo, uye Tiatira?
9 Johane anoudzwa kuti anyorere ngirozi yeungano yeEfeso, iyo, pasinei zvapo nebasa rayo, tsungiriro, uye kuramba kushivirira vanhu vakashata, yakasiya rudo rwayo rwokutanga uye inofanira kupfidza ndokuita mabasa okutanga. Ungano iri muSmirna inoudzwa kuti pasinei zvapo nedambudziko nourombo, kutaura idi iyo yakapfuma uye haifaniri kutya: “Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona youpenyu.” Ungano iri muPergamo, yakagara “pane chigaro choushe chaSatani,” inoramba yakabatisisa zita raKristu asi ine vakaramba kutenda pakati payo, uye ivava vanofanira kupfidza kana kuti Kristu acharwa navo nomunondo murefu womuromo wake. MuTiatira ungano yacho ine “rudo, nokutenda, nokushumira, nokutsungirira,” bva inoshivirira “uya mukadzi Jesabheri.” Zvisinei, vakatendeka vanobatisisa vachagamuchira “simba pamusoro pamarudzi.”—2:10, 13, 19, 20, 26.
10. Mashokoi anotumirwa kuungano dziri muSardhisi, Firadherfia, uye Raodhikia?
10 Ungano iri muSardhisi ine mukurumbira wokuva mhenyu, asi yakafa nemhaka yokuti mabasa ayo haaitwi zvizere pamberi paMwari. Avo vanokunda, zvisinei, mazita avo haasati achizodzimwa mubhuku roupenyu. Ungano iri muFiradherfia yakachengeta shoko raKristu, naizvozvo anopikira kudzivirira ungano yacho “panguva yokuidzwa yodokuuya panyika yose.” Kristu achaita kuti uyo anokunda ave mbiru mutembere yaMwari Wake. Kristu anoti: “Ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva . . . nezita rangu idzva.” Achinongedzera kwaari amene se“kutanga kwezvisikwa zvaMwari,” Kristu anoudza ungano yeRaodhikia kuti haipisi kana kuti kutonhora uye ichasvipwa mumuromo make. Kunyange zvazvo vachiganza nepfuma, avo vari muungano iyoyo varombo, mapofu, uye havana kupfeka chaizvoizvo. Vanoda nguo dzokunze chena, uye vanoda chizoro chameso kuti vaone. Kristu achapinda ndokudya nomunhu upi noupi anomuzarurira suo. Kune uyo anokunda, Kristu achabvuma kuti agare naye pachigaro chake choumambo, kunyange sezvo akagara naBaba vake pachigaro Chavo choumambo.—3:10, 12, 14.
11. Chionoi chakaisvonaka chinotevera kuuya kungwariro yaJohane?
11 Chiono choutsvene hwaJehovha nembiri (4:1–5:14). Chiono chechipiri chinotiendesa pamberi pechigaro choumambo chokudenga chaJehovha chakaisvonaka. Chiono chacho chinopenya murunako rwacho, kufanana nemabwe anokosha nokuda kwokubwinya. Vakuru 24 vakapfeka korona vakagara vakapoteredza chigaro choumambo. Zvisikwa zvipenyu zvina zvinoti utsvene ndehwaJehovha, uye anonamatwa seakafanirwa “kuti [a]vigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba” nemhaka yokuva Musiki wezvinhu zvose.—4:11.
12. Ndiani bedzi akafanirwa nokuzarura mupumburu wamanyoro une zvisimbiso zvinomwe?
12 “Wakanga agere pachigaro choushe” akabata mupumburu wamanyoro une zvisimbiso zvinomwe. Asi ndiani akafanirwa nokuzarura mupumburu wamanyoro wacho? I“shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi” bedzi, iyo yakafanirwa! Iyeyu, uyo ariwo “Gwayana rakabayiwa,” anotora mupumburu wamanyoro kuna Jehovha.—5:1, 5, 12.
13. Chionoi chinoumbwa nezvizhinji chinova pamwe chete nokuzarurwa kwezvisimbiso zvitanhatu zvokutanga?
13 Gwayana rinozarura zvisimbiso zvitanhatu zvomupumburu wamanyoro (6:1–7:17). Chiono chechitatu chinovamba zvino. Gwayana rinovamba kuzarura zvisimbiso. Kutanga, mutasvi webhiza akatasva bhiza jena anobuda “achikunda, uye kuti akunde.” Ipapo mutasvi webhiza dzvuku anobvisa rugare papasi, uye mumwe akatasva bhiza dema anoyera zviyo. Bhiza rakacheneruka rakatasviwa noRufu, uye Hadhesi rinosanotevera. Chisimbiso chechishanu chinozarurwa, uye “vakanga vaurawa nokuda kweshoko raMwari” vanoonekwa vachirayira kutsiviwa kweropa ravo. (6:2, 9) Pakuzarurwa kwechisimbiso chechitanhatu, kune kudengenyeka kwenyika kukuru, zuva nemwedzi zvinosvibiswa, uye vane simba vapasi vanokumbira kuti makomo awire pamusoro pavo ndokuvavanza pana Jehovha nokutsamwa kweGwayana.
14. Chii chinotevera kuonekwa pamusoro pavaranda vaMwari neboka guru risingaverengeki?
14 Pashure paikoku, chiono chechina chinovamba. Ngirozi ina dzinoonekwa dzichidzivisa mhepo ina dzapasi kutozosvikira varanda vaMwari vaiswa chisimbiso pahuma dzavo. Nhamba yavo i144 000. Pashure pacho Johane anoona boka guru risingaverengeki rinobva mumarudzi ose, rakamira pamberi paMwari neGwayana, uko vanoti ruponeso nderwavo, vachiita basa rinoyera masikati nousiku mutembere yaMwari. Gwayana rimene ‘richavafudza nokuvatungamirira kumatsime emvura dzoupenyu.’—7:17.
15. Chii chinotevera kuzarurwa kwechisimbiso chechinomwe?
15 Chisimbiso chechinomwe chinozarurwa (8:1–12:17). Kune runyararo mudenga. Ipapo hwamanda nomwe dzinopiwa kungirozi nomwe. Kurira kwehwamanda nhanhatu dzokutanga kunoumba chiono chechishanu.
16. (a) Chii chinoperekedza kuridzwa kunotevedzana kwehwamanda shanu dzokutanga, uye ndeipi iri yokutanga yenhamo nhatu? (b) Hwamanda yechitanhatu inozivisei?
16 Sezvo hwamanda nhatu dzokutanga dzinoridzwa mukutevedzana, ngwavaira dzinowira papasi, gungwa, uye nzizi pamwe chete namatsime emvura. Pahwamanda yechina, chikamu chimwe chezvitatu chezuva, mwedzi, uye nyeredzi chinosvibiswa. Pakurira kweyechishanu, nyeredzi inobva kudenga inosunungura dambudziko remhashu idzo dzinodenha avo “vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.” Irori i“nhamo imwe,” uye dzimwe mbiri dziri kuuya. Hwamanda yechitanhatu inozivisa kusunungurwa kwengirozi ina idzo dzinobuda kuti dziuraye. “Zviuru nezviuru zvamazana maviri” zvavatasvi vamabhiza zvinounza imwe ngwavaira nokuuraya, asi zvisinei vanhu havapfidzi mabasa avo akaipa.—9:4, 12, 16.
17. Zviitikoi zvinoguma nechiziviso chokuti nhamo yechipiri yapfuura?
17 Sezvo chiono chechitanhatu chinovamba, imwe ngirozi yakasimba inoburuka mudenga uye inozivisa kuti “namazuva enzwi romutumwa wechinomwe . . . zvakavanzika zvaMwari . . . sezvaakaparidzira” zvichapedziswa. Johane anopiwa mupumburu muduku wamanyoro kuti adye. Iwo uno“naka souchi” mumuromo make, asi unovavisa dumbu rake. (10:7, 9) Zvapupu zviviri zvinoporofita mazuva 1 260 zvakapfeka masaga; ipapo zvinourawa ne“chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika-dzika,” uye zvitunha zvazvo zvinosiyiwa mazuva matatu nehafu “panzira dzomuguta guru.” Avo vanogara papasi vanofara pamusoro pavo, asi ikoku kunova rutyo apo Mwari anovamutsira kuupenyu. Munguva iyoyo, kune kudengenyeka kwapasi kukuru. “Nhamo yechipiri yapfuura.”—11:7, 8, 14.
18. Chizivisoi chinokosha chinoitika pakuridzwa kwehwamanda yechinomwe, uye zvino yava nguva yakagadzwa yechii?
18 Zvino ngirozi yechinomwe inoridza hwamanda yayo. Manzwi okudenga anozivisa, kuti: “Ushe hwenyika hwava hwaShe wedu, naKristu wake.” “Vakuru makumi maviri navana” (NW) vanonamata Mwari ndokupa kuonga, asi marudzi anotsamwa. Inguva yakagadzwa yaMwari yokutonga vakafa nokutusa vatsvene vake uye “kuti [a]paradze avo vanoparadza nyika.” Nzvimbo tsvene yake yetembere inozarurwa, uye mairi munoonekwa areka yesungano yake.—11:15, 16, 18.
19. Chiratidzoi nehondo zvinoonekwa mudenga, uye ndoupi uri mugumisiro wacho?
19 Pashure pokuziviswa kwokugadzwa kwoUmambo, chiono chechinomwe chinoratidza pakarepo “chiratidzo chikuru” mudenga. Iye mukadzi uyo anobereka “mwana womukomana, unozofudza marudzi ose netsvimbo yedare.” “Shato huru tsvuku” inomira yakagadzirira kuparadza mwana, asi mwana wacho anoendeswa kuchigaro choumambo chaMwari. Mikaeri anorwisana nedragoni, uye anokandira kupasi iyi “nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani.” I“nhamo nokuda kwepasi”! (NW) Dragoni inotambudza mukadzi uye inoenda kundorwa navasara vembeu yake.—12:1, 3, 5, 9, 12; 8:13.
20. Zvikarai zviviri zvinotevera kuoneka muchiono, uye zvinopesvedzera sei vanhu vari pasi?
20 Chikara chinobva mugungwa (13:1-18). Chiono chechisere zvino chinoratidza chikara chine misoro minomwe nenyanga gumi, chichikwira chichibuda mugungwa. Chinowana simba racho kubva kudragoni. Mumwe wemisoro yayo wakanga wakaita sokunge waurawa, asi wakapora, uye pasi rose rakayemura chikara chacho. Chinotaura zvinomhura Mwari uye chinorwa navatsvene. Asi, tarira! Johane anoona chimwe chikara, ichochi chichikwira chichibva mupasi. Chine nyanga mbiri kufanana negwayana, asi chinovamba kutaura kufanana nedragoni. Chinotsausa vagari vapasi ndokuvaudza kuti vaite mufananidzo wechikara chokutanga. Vose vanogombedzerwa kunamata uyu mufananidzo kana kuti kuurawa. Asina chiratidzo kana kuti nhamba yechikara, hapana nomumwe anogona kutenga kana kuti kutengesa. Nhamba yacho i666.
21. Johane anoonei paGomo reZioni, ngirozi dzinei uye dzinozivisei, uye muzambiringa wapasi unoparadzwa sei?
21 “Evhangeri isingaperi” namashoko anowirirana (14:1-20). Mumusiyano unofadza, muchiono chechipfumbamwe, Johane anoona Gwayana riri paGomo reZioni, uye rine vane 144 000 avo vane zita reGwayana neraBaba pahuma dzavo. “Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe,” vachiva “vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.” Imwe ngirozi inooneka pakati pedenga, ine “Evhangeri isingaperi, kuti aiparidzire” kurudzi rwuri rwose ichizivisa, kuti: “Ityai Mwari, mumurumbidzei.” Uye imwezve ngirozi inozivisa, kuti: “Rawa, Bhabhironi . . . guru.” Imwe, yechitatu, inozivisa kuti avo vanonamata chikara nomufananidzo wacho vachanwa kutsamwa kwaMwari. Uyo “wakaita soMwanakomana womunhu” anokanda jeko rake, uye imwe ngiroziwo inokanda jeko rayo inounganidza muzambiringa wapasi, ichiukandira mu“chisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari.” Sezvo chisviniro chewaini chinotsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rinokwira kusvika pamatomo amabhiza, “rikaenda mastadhia ane chiuru china mazana matanhatu” (makiromita anenge 296).—14:3, 4, 6-8, 14, 19, 20.
22. (a) Ndivanaani vanotevera kuonekwa vachirumbidza Jehovha, uye neiko? (b) Ndiro nomwe dzokutsamwa kwaMwari dzinodururirwa kupi, uye ndizvinoitikai zvinozungunutsa pasi zvinotevera?
22 Ngirozi dzine matambudziko manomwe okupedzisira (15:1–16:21). Chiono chechigumi chinovamba norumwe rumbonera rwenzvimbo yokudenga. Avo vakakunda chikara vanorumbidza Jehovha, “Mambo wamarudzi,” nokuda kwamabasa ake makuru neanoshamisa. Ngirozi nomwe dzinobuda munzvimbo tsvene mudenga uye dzinopiwa ndiro nomwe dzendarama dzakazara nokutsamwa kwaMwari. Nhanhatu dzokutanga dzinodururirwa mupasi, gungwa, uye nzizi namatsime emvura, pamwe chete napazuva, chigaro choumambo chechikara, uye rwizi rwaYufratesi, dzichiomesa mvura dzarwo kugadzirira nzira “madzimambo anobva kumabvazuva.” Kutaura kwamadhemoni kunounganidzira ‘madzimambo epasi rose rinogarwa kuhondo yezuva guru raMwari Wamasimba Ose’ paHarmagedhoni. Ndiro yechinomwe inodururwa mumhepo, uye pakati pezviitiko zvinotyisa zvomusikirwo, guta guru rinotsemuka ndokuva mativi matatu, maguta amarudzi anowa, uye Bhabhironi rinogamuchira ‘mukombe wewaini yokutsamwa kwaMwari.’—15:3; 16:12, 14, 19.
23. (a) Rutongeso rwaMwari runoitwa sei paBhabhironi Guru? (b) Zvizivisoi nokuchema zvinova pamwe chete nokuwa kwaro, uye irumbidzoi yomufaro inotinhira mudenga mose?
23 Rutongeso rwaMwari paBhabhironi; roorano yeGwayana (17:1–19:10). Chiono chechi11 chinovamba. Tarira! Rutongeso rwaMwari pa“Bhabhironi, Guta Guru, Mai Vemhombwe,” “madzimambo enyika akaita upombwe na[r]o.” Rakadhakwa neropa ravatsvene, rinotasva chikara chitsvuku chine misoro minomwe nenyanga gumi. Ichi chikara “chaivapo, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzika-dzika.” Nyanga dzacho dzine gumi dzinorwa neGwayana, asi nemhaka yokuti iro “ndiShe wamadzishe, namambo wamadzimambo,” rinovakunda. Nyanga dzine gumi dzinopanduka ndokuparadza mhombwe, uye nokuvamba kwechiono chechi12, imwe ngirozi, ine mbiri inovheneka pasi, inozivisa, kuti: “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru!” Vanhu vaMwari vanorayirwa kubuda mariri, kutyira kuti vanogoverana mumatambudziko aro. Madzimambo navamwe vane simba vapasi vanorichema, vachiti: “Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwasvika!” Pfuma yaro huru yaparadzwa. Sokukandirwa mugungwa kunoitwa guyo guru, naizvozvo Bhabhironi rakandirwa pasi nokukurumidza, zvokusazotongowanikwazve. Pakupedzisira ropa ravatsvene vaMwari ratsiviwa! Denga rinotinhira kana nedanidzo, yokuti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu!” (NW) Rumbidzai Jah nemhaka yokuti aita rutongeso pamhombwe huru! Rumbidzai Jah nemhaka yokuti Jehovha akavamba kutonga samambo! Farai uye farisisai nemhaka yokuti “mutambo wokuwana weGwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira”!—17:2, 5, 8, 14; 18:2, 10; 19:1, 3, 4, 6, 7.
24. (a) Hondo inorwiwa neGwayana inokosha sei? (b) Chii chinoitika mukati mamakore ane chiuru, uye chii chinotevera pamugumo wawo?
24 Gwayana rinorwa mukururama (19:11–20:10). Muchiono chechi13, “Mambo wamadzimambo, naShe wamadzishe” anotungamirira hondo dzokudenga muhondo yakarurama. Madzimambo navarume vakasimba vanova nyama yeshiri dzedenga, uye chikara nomuporofita wenhema vanokandirwa vari vapenyu mudziva romwoto rinopfuta nesuferi. (19:16) Sezvo chiono chechi14 chinovamba, ngirozi inoonekwa i“chiburuka kudenga, [i]ne kiyi yegomba rakadzika-dzika, neketani huru muruoko rwa[yo].” “Shato, nyoka yakare, ndiye Dhiyabhorosi naSatani,” inobatwa ndokusungwa kwamakore ane chiuru. Avo vane rutivi murumuko rwokutanga vanova ‘vaprista vaMwari nevaKristu uye vanotonga samadzimambo naye kwamakore ane chiuru.’ Pashure pacho, Satani achasunungurwa uye achabuda kundonyengera marudzi apasi, asi iye achakandirwa, naavo vanomutevera, mudziva remwoto.—20:1, 2, 6.
25. Chionoi chinofadza chinotevera, uye ndivanaani vachagara nhaka zvinhu zvinoonekwa?
25 Zuva Rorutongeso nembiri yeJerusarema Idzva (20:11–22:5). Chiono chinofadza chechi15 chinotevera. Vakafa, vakuru navaduku, vanotongwa pamberi pechigaro choumambo chichena chikuru chaMwari. Rufu neHadhesi zvinokandirwa mudziva remwoto, “ndirwo rufu rwechipiri,” uye munhu upi noupi anowanwa asina kunyorwa mubhuku roupenyu anokandwa nazvo. Jerusarema Idzva rinoburuka richibva kudenga, uye Mwari anogara norudzi rwomunhu mutende, achipukuta musodzi uri wose mumaziso avo. Hakuchisinazve rufu, kuchema, kurira, kana kuti marwadzo! Hungu, Mwari ari ku“vandudza zvose,” uye anosimbisa chipikirwa chake, achiti: “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.” Avo vanokunda vachagara nhaka izvi zvinhu, asi vanotya, avo vasina kutenda, uye avo vari nzenza kana kuti vanodavira midzimu kana kuti kunamata zvidhori havasati vachidaro.—20:14; 21:1, 5.
26. (a) Irondedzeroi inopiwa yeJerusarema Idzva? (b) Zvinhui zvinotsigira upenyu zvinoonekwa muguta, uye chiedza charo chinobva kupi?
26 Johane zvino anoratidzwa, muchiono chechi16 nechokupedzisira, “mukadzi weGwayana” Jerusarema Idzva, namasuo aro 12 namabwe enheyo 12 ane mazita avaapostora 12. Rine mativi mana akaenzana, uye kuisvonaka kwaro kukuru kunomirirwa nejaspisi, ndarama, uye parera zviri mariri. Jehovha neGwayana ndivo tembere yeguta irori, uye ivo chiedza charowo. Avo bedzi vakanyorwa mumupumburu wamanyoro weGwayana woupenyu vangapinda mariri. (21:9) Rwizi rwakachena rwemvura youpenyu runobva pachigaro choumambo ruchidzika munzira yakafara yeguta, uye parutivi rumwe norumwe pane miti youpenyu, iyo inobereka zvibereko zvitsva zvemichero mwedzi mumwe nomumwe uye ine mashizha okuporesa. Chigaro choumambo chaMwari necheGwayana chichava muguta, uye varanda vaMwari vachaona chiso Chake. “Ishe Mwari uchavhenekera; vachabata ushe nokusingaperiperi.”—22:5.
27. (a) Ivimbisoi iyo Johane anopiwa pamusoro pouporofita? (b) Bhuku raZvakazarurwa rinogumisa nekokeroi inokosha nenyevero?
27 Mhedziso (22:6-21). Vimbiso inopiwa, kuti: “Mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.” Vanofara, zvirokwazvo, ndivo vose vanochengeta mashoko ouporofita hwacho! Anzwa nokuona izvi zvinhu, Johane anowira pasi kuti anamate ngirozi, iyo inomuyeuchidza kunamata Mwari bedzi. Mashoko ouporofita hwacho haafaniri kuiswa chisimbiso, “nokuti nguva yava pedyo.” Vanofara ndivo avo vanopinda muguta racho, nokuti kunze kune vane tsvina ne“vose vanoda nhema vachidziita.” Jesu anotaura kuti iye amene akatumira uhwu uchapupu kuungano kupfurikidza nengirozi yake, uye kuti iye ndiye “mudzi worudzi rwaDhavhidhi, nyamasase inopenya.” “Mweya nomwenga vanoti: Uya! Naiye unonzwa ngaati: Uya! Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” Uye ngaparege kuva nomunhu anowedzera kana kuti kubvisa mumashoko ouporofita uhwu, kutyira kuti chikamu chake chinobviswa “pamuti woupenyu, nomuguta dzvene.”—22:6, 10, 15-17, 19.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
28. Tinogona kunzwisisa kuti Zvakazarurwa rinopfiga chinyorwa chakavambwa murutivi rwokutanga rweBhaibheri kupfurikidza nemienzanisoi?
28 Bhuku raZvakazarurwa rinogovera muunganidzwa wakafuridzirwa weBhaibheri wamabhuku 66 mhedziso ine mbiri zvakadini! Hapana chinhu chakasiyiwa. Hapana chisina kujeka. Zvino tinoona nenzira yakajeka mugumo wakaisvonaka pamwe chete namavambo. Rutivi rwokupedzisira rweBhaibheri rwunopfiga chinyorwa chakavambwa murutivi rwokutanga. Sezvo Genesi 1:1 yakarondedzera kusika kwaMwari matenga anooneka nepasi, naizvozvo Zvakazarurwa 21:1-4 inorondedzera denga idzva nepasi idzva nezvikomborero zvisingatauriki zvichaunzwa kurudzi rwomunhu, sezvinoporofitwawo pana Isaya 65:17, 18; 66:22; uye 2 Petro 3:13. Sezvo murume wokutanga akaudzwa kuti aizofa zvirokwazvo kana asingateereri, naizvozvo Mwari anovimbisa zvirokwazvo kuti nokuda kwavanoteerera, “rufu haruchavipo.” (Gen. 2:17; Zvak. 21:4) Apo Nyoka yakatanga kuonekwa somunyengeri worudzi rwomunhu, Mwari akadeya kutaura kupwanywa kwomusoro wayo, uye bhuku raZvakazarurwa rinozivisa kuti nyoka yapakuvamba, ndiye Dhiyabhorosi naSatani, inokandirwa sei muruparadziko pakupedzisira. (Gen. 3:1-5, 15; Zvak. 20:10) Nepo munhu asingateereri akadzingwa pamuti woupenyu weEdheni, miti yokufananidzira youpenyu inooneka “[yo]kuporesa ndudzi” dzorudzi rwomunhu runoteerera. (Gen. 3:22-24; Zvak. 22:2) Sezvo rwizi rwakabuda muEdheni kuti rudiridze bindu, naizvozvo rwizi rwokufananidzira, runopa upenyu norunotsigira upenyu, runofananidzwa sorwuri kuyerera ruchibva pachigaro choumambo chaMwari. Ikoku kunowirirana nechiono chapakuvamba chaEzekieri, uye kunoyeuchidzawo mashoko aJesu pamusoro pe“tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” (Gen. 2:10; Zvak. 22:1, 2; Ezek. 47:1-12; Joh. 4:13, 14) Mukupesana nokubviswa pamberi paMwari, sezvakaitwa murume nomukadzi vokutanga, vakundi vakatendeka vachaona chiso chake. (Gen. 3:24; Zvak. 22:4) Kunobetsera zvirokwazvo kurangarira izvi zviono zvinofadza zvebhuku raZvakazarurwa!
29. (a) Bhuku raZvakazarurwa rinobatanidza sei pamwe chete uporofita pamusoro peBhabhironi? (b) Kuwiriranai kunofanira kucherekedzwa pakati pezviono zvoUmambo, pamwe chete nezvezvikara, mubhuku raDhanieri nebhuku raZvakazarurwa?
29 Cherekedzawo kuti bhuku raZvakazarurwa rinobatanidza sei pamwe chete uporofita hune chokuita neBhabhironi rakaipa. Isaya akanga afanoona kuwa kweBhabhironi chairoiro nguva refu kusati kwaitika, uye akanga azivisa, kuti: “Bhabhironi rawa, rawa.” (Isa. 21:9) Jeremia akaporofitawo pamusoro peBhabhironi. (Jer. 51:6-12) Asi Bhuku raZvakazarurwa rinotaura muzviratidzo nezve“Bhabhironi, Guta Guru, Mai Vemhombwe Navezvinonyangadza Zvenyika.” Irowo rinofanira kukurirwa, uye Johane anokuona muchiono, achizivisa, kuti: “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru.” (Zvak. 17:5; 18:2) Unoyeuka here chiono chaDhanieri choumambo hwakagadzwa naMwari uhwo huchaparadza humwe umambo ndokumira “nokusingaperi”? Cherekedza kuti ikoku kunobatana sei neziviso yokudenga iri mubhuku raZvakazarurwa: “Ushe hwenyika hwava hwaShe wedu, naKristu wake; uchahubata nokusingaperiperi.” (Dhan. 2:44; Zvak. 11:15) Uye sokurondedzera kwakaita chiono chaDhanieri ‘mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga kuti agamuchire kutonga kunogarisa nechiremera noumambo,’ naizvozvo bhuku raZvakazarurwa rinozivisa Jesu Kristu so“mubati wamadzishe enyika” uye so“unouya namakore,” uye rinotaura kuti “meso ose achamuona.” (Dhan. 7:13, 14; Zvak. 1:5, 7) Pane kuwirirana kwakati kunofanira kucherekedzwawo pakati pezvikara zvezviono zvaDhanieri nezvikara zvebhuku raZvakazarurwa. (Dhan. 7:1-8; Zvak. 13:1-3; 17:12) Bhuku raZvakazarurwa rinogovera nzvimbo huru, zvirokwazvo, yefundo inosimbisa kutenda.
30. (a) Chionoi chakakwana icho bhuku raZvakazarurwa rinopa chokutsveneswa kwezita raJehovha kupfurikidza noUmambo? (b) Chii chinosimbiswa pamusoro poutsvene, uye ichochi chinotapura vanaani?
30 Chiono chinoshamisa zvakadini, chine mativi akawanda icho bhuku raZvakazarurwa rinogovera pamusoro poUmambo hwaMwari! Rinojekesa izvo vaporofita vekare naJesu navadzidzi vake vakataura pamusoro poUmambo. Pano tine chiono chakakwana chokutsveneswa kwezita raJehovha kupfurikidza noUmambo: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Ishe Mwari, wamasimba ose.” Iye akafanirwa kuti a“vigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba.” Zvirokwazvo, ndiye uyo ‘anotora simba rake guru ndokuvamba kutonga samambo’ kupfurikidza naKristu. Uyu Mwanakomana woumambo, “Mambo wamadzimambo, naShe wamadzishe,” anoratidzwa kuva anoshingaira sei sezvo anorovanya marudzi ndokutsika “chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari wamasimba ose”! Sezvo musoro mukuru weBhaibheri wokurevererwa kwaJehovha unokura kusvikira kumugumo wawo, kunosimbiswa kuti munhu ari wose nechinhu chiri chose chinogoverana muzvinangwa zvake zvoUmambo zvinofanira kuva zvitsvene. Gwayana, Jesu Kristu, uyo “une kiyi yaDhavhidhi,” anotaurwa nezvake somutsvene, ndizvo zvakaitawo ngirozi dzedenga. Avo vane rutivi murumuko rwokutanga vanotaurwa kuva “[va]karopafadzwa, [va]tsvene,” uye kunosimbiswa kuti “chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza” hachisati chichizotongopinda mu“guta dzvene, Jerusarema.” Avo vakatengwa neropa reGwayana “kuti vave umambo navaprista kuna Mwari wedu” nokudaro vane kurudziro ine simba yokuchengeta utsvene pamberi paJehovha. ‘Boka guru’wo rinofanira ku‘suka nguo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwayana’ kuti vagoita basa rinoyera.—Zvak. 4:8, 11; 11:17; 19:15, 16; 3:7; 14:10; 20:6; 21:2, 10, 27; 22:19; 5:9, 10, NW; 7:9, 14, 15.
31. Mativii oUmambo anodanirwa kungwariro yedu bedzi mubhuku raZvakazarurwa?
31 Chiono chouhwu Umambo hwakaisvonaka noutsvene hwaMwari chinojeka mundangariro dzedu sezvatinocherekedza mativi akati ayo anodanirwa kungwariro yedu bedzi mubhuku raZvakazarurwa. Muno tine chiono chakakwana chavadyi venhaka voUmambo vari paGomo reZioni neGwayana, vachiimba rwiyo rutsva urwo ivo bedzi vanogona. Ibhuku raZvakazarurwa bedzi rinotiudza nhamba yaavo vakatengwa vachibva pasi kuti vapinde muUmambo—144 000—uye kuti iyi nhamba yakaiswa chisimbiso kubva mundudzi 12 dzokufananidzira dzaIsraeri womudzimu. Ibhuku raZvakazarurwa bedzi rinoratidza kuti ava ‘vaprista namadzimambo,’ avo vanogoverana naKristu murumuko rwokutanga, vachatongawo naye “makore ane gumi ramazana.” Ibhuku raZvakazarurwa bedzi rinotipa chiono chakakwana che“guta dzvene, Jerusarema idzva,” richiratidza mbiri yaro inopenya, Jehovha neGwayana setembere yaro, masuo aro 12 namabwe enheyo, uye madzimambo anotonga mariri nokusingaperi kupfurikidza nechiedza chisingagumi icho Jehovha anopenyera pavari.—14:1, 3; 7:4-8; 20:6; 21:2, 10-14, 22; 22:5.
32. (a) Chiono che“denga idzva” ne“guta dzvene, Jerusarema idzva,” zvinorondedzera sei nokupfupikisa zvose zvakanga zvafanotaurwa pamusoro peMbeu yoUmambo? (b) Umambo hunovimbisa rudzi rwomunhu zvikomboreroi?
32 Zvirokwazvo kunogona kutaurwa kuti ichi chiono che“denga idzva” ne“guta dzvene, Jerusarema idzva,” chinorondedzera nokupfupikisa zvose izvo Magwaro akafanotaura kubva munguva dzakare pamusoro peMbeu yoUmambo. Abrahama aikarira mbeu iyo ‘mhuri dzose dzapasi dzaizozvikomborera dzimene zvirokwazvo’ kupfurikidza nayo uye “guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.” Zvino, muchiono chebhuku raZvakazarurwa, iri guta rechikomborero rinotizivisirwa nenzira yakajeka se“denga idzva”—hurumende itsva, Umambo hwaMwari, hunoumbwa neJerusarema Idzva (mwenga waKristu) neChikomba charo. Pamwe chete vachadzora hurumende yakarurama pamusoro papasi rose. Jehovha anopikira rudzi rwomunhu rwakatendeka kuti vangava “vanhu vake” mumamirire ezvinhu anofadza, asina chivi, asina rufu akadai seayo munhu akafarikanya kupanduka kusati kwaitika muEdheni. Uye mukusimbisa, bhuku raZvakazarurwa rinotiudza kaviri kuti Mwari acha“pisika misodzi yose pameso avo.”—Gen. 12:3; 22:15-18; VaH. 11:10; Zvak. 7:17; 21:1-4.
33. (a) Chionoi chinoshamisa chezvose hazvo icho bhuku raZvakazarurwa rinopa chezvinangwa zvoumwari zvinozadzikwa? (b) “Rugwaro rwose” rwakabvumikiswa sei kuva “rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira,” uye neiko zvino iri nguva yokufunda nokuteerera Shoko raMwari?
33 Hungu, imhedziso yakaisvonaka zvakadini kuMagwaro akafuridzirwa! “Zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa” izvozvi zvinoshamisa sei! (Zvak. 1:1) Zita raJehovha, “Mwari wemweya yavaporofita,” rinotsveneswa. (22:6) Manyoro ouporofita amazana amakore ane 16 anoratidzwa achizadzikwa, uye mabasa okutenda ezviuru zvamakore anotuswa! “Nyoka yekare” yafa, mapoka ayo anoparadzwa, uye uipi hahuchisikozve. (12:9) Umambo hwaMwari hunotonga se“denga idzva” kukurumbidzwa kwake. Zvikomborero zvepasi rakadzorerwa, rinozadzwa ndokudzorwa maererano nechinangwa chaJehovha chinotaurwa muganhuro rokutanga reBhaibheri, zvinotambanukira kukusingagumi kune mbiri pamberi porudzi rwomunhu. (Gen. 1:28) Rugwaro rwose zvirokwazvo rwakabvumikisa kuva “rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama.” Jehovha akarushandisa kutungamirira vanhu vokutenda vanokwanisa zvizere, vakashongedzerwa zvakakwana kusvikira kuzuva rino rinoshamisa. Zvino, naizvozvo, inguva yokufunda aya Magwaro kuti usimbise kutenda kwako. Teerera mirayiro yawo kuti ugamuchire chikomborero chaMwari. Atevere munzira yakarurama inotungamirira kuupenyu husingaperi. Kupfurikidza nokuita saizvozvo, iwewo unogona kuti, nechivimbo chechokwadi icho bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinopfiga nacho: “Ameni, uyai Ishe Jesu.”—2 Tim. 3:16; Zvak. 22:20.
34. Zvino tinogona sei kuva nomufaro usingaenzaniswi, uye neiko?
34 Tinogona kuva nomufaro usingaenzaniswi sei zvino kupfurikidza nokuzivisa “umambo hwaShe wedu nohwaKristu wake,” Mbeu, sezvo ihwohwu huchiunza kutsveneswa kusingagumi kuzita risingaenzaniswi ra“Jehovha Mwari, Wamasimba Ose”!—Zvak. 11:15, 17, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a The Ante-Nicene Fathers, Vhor. I, peji 240.
b The Ecclesiastical History, Eusebius, VI, xxv, 9, 10.
c The Ante-Nicene Fathers, Vhor. I, mapeji 559-60.