Ganhuro 6
Nguva Yokuedza (1914-1918)
“Ngatiyeuke kuti tiri munguva yokuedza. . . . Kana pane chikonzero chipi nechipi chingatungamirira vapi navapi kurega Ishe neZvokwadi Yake uye kurega zvimwe zvinhu nokuda kweBasa raShe, ipapo hakusati kuchingovawo zvako kuda Mwari mumwoyo uko kwakanyandura kufarira Ishe, asi chimwe chinhuwo zvacho; zvimwe kukarira kuti nguva yakanga yava pfupi; kuzvitsaurira kwakanga kuri bedzi kwenguva yakati. Kana zvakadaro, zvino inguva yakanaka yokurega.”
MASHOKO iwayo, anooneka muNharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 1, 1914, aisagona kuva akanga akakodzera zvikuru kupfuura iwayo. Makore akabvira muna 1914 kusvikira kuna 1918, zvirokwazvo, akabvumikisa kuva “nguva yokuedza” nokuda kwaVadzidzi veBhaibheri. Mimwe yemiedzo yacho yakabva mukati; mimwe yakabva kunze. Yose zvayo, kunyange zvazvo zvakadaro, yakaedza Vadzidzi veBhaibheri munzira dzakazivisa kana vakanga vachi‘da [chaizvoizvo] Mwari mumwoyo mavo.’ Vaizobatirira kuna “Ishe neZvokwadi Yake” here kana kuti kurega?
Kariro Huru
Pana June 28, 1914, Muchinda Francis Ferdinand wokuAustria neHungary akaurawa nebara romuurayi. Kuuraya ikoko kwakaparira kutanga kweHondo Huru, seizvo Hondo Yenyika I yaidanwa pakuvamba. Kurwa kwakavamba muna August 1914 apo Germany yakapinda muBelgium neFrance. Pakasvika matsutso egore iroro, chishava chakanga chave kutoitika.
“Nguva dzaVamarudzi dzaguma; madzimambo awo akava nezuva rawo”! Vakakuwa kudaro Hama Russell sezvavaipinda mukamuri rokudyira padzimbahwe reBrooklyn reWatch Tower Society mangwanani eChishanu, October 2, 1914. Mufaro wakanga uri mukuru. Vazhinjisa vaavo vaivapo kwamakore vakanga vave vachitarira mberi kuna 1914. Asi chii icho mugumo weNguva dzaVamarudzi waizounza?
Hondo Yenyika I yakanga ichidya marasha, uye panguva iyoyo kwaidavirwa kuti hondo yacho yakanga iri kutungamirira munguva yenyongano yenyika yose iyo yaizoguma nomugumo wetsika yaivapo yezvinhu. Kwakanga kunewo dzimwe kariro pamusoro pa1914. Alexander H. Macmillan, uyo akanga abhapatidzwa muna September 1900, gare gare akayeuka, kuti: “Vashomanene vedu vaifunga zvakakomba kuti taienda kudenga mukati mevhiki yokutanga yaOctober iyeyo.”a Kutaura idi, achiyeuka mangwanani ayo Russell akazivisa mugumo weNguva dzaVamarudzi, Macmillan akabvuma, kuti: “Takafara zvikuru uye ndingadai ndisina kushamiswa kudai panguva iyoyo takangotanga kukwira, ichocho chichiva chiratidzo chokuvamba kukwira takananga kudenga—asi chokwadika kwakanga kusina chinhu chakadaro.”
Kariro dzakakundikana pamusoro pokudzoka kwaShe Jesu muzana ramakore rechi19 dzakanga dzaparira vateveri vakawanda vaWilliam Miller namapoka akasiyana-siyana eAdventist kurasikirwa nokutenda. Asi zvakadiniko naVadzidzi veBhaibheri vaisonganirana naRussell? Vamwe vakanga vakwezviwa nomufungo wokuponeswa kwavo vamene kwokukurumidza panzvimbo pokuda Mwari nechishuvo chakasimba chokuita kuda kwake here?
‘Hama Russell, Hamuna Kuodzwa Mwoyo Here?’
Hama Russell vakanga vave vachikurudzira Vadzidzi veBhaibheri kuramba vakarinda uye kuva vakatsunga kupfuurira mubasa raShe kunyange kana zvinhu zvisina kuitika nokukurumidza sezvavangave vakakarira.
October 1914 akapfuura, uye C. T. Russell navasonganiri vake vakanga vachiri pasi pano. Ipapo October 1915 akapfuura. Russell akaodzwa mwoyo here? MuNharireyomurindi yechiNgezi yaFebruary 1, 1916, iye akanyora, kuti: “‘Asi, Hama Russell, ndoupi uri mufungo wenyu pamusoro penguva yokuchinja kwedu? Hamuna kuodzwa mwoyo here kuti hakuna kusvika apo taikarira kuti kwaizodaro?’ muchabvunza kudaro. Aiwa, tinopindura kudaro, hatina kuodzwa mwoyo. . . . Hama, avo vedu vane chimiro chendangariro chakarurama kuna Mwari havaodzwi mwoyo paipi neipi yegadziriro Dzake. Hatina kuda kuti kuda kwedu timene kuitwe; naizvozvo apo takawana kuti takanga tichikarira chinhu chisina kururama muna October, 1914, ipapo takafara kuti Ishe haana kuchinja Rongedzero Yake kuti itikodzere. Hatina kuda kuti Iye aite saizvozvo. Tinongoda hedu kukwanisa kunzwisisa rongedzero Dzake nezvinangwa.”
Aiwa, Vadzidzi veBhaibheri havana ku‘endeswa kumusha’ kudenga muna October 1914. Kunyange zvazvo zvakadaro, Nguva dzaVamarudzi dzakaguma mugore iroro. Nenzira yakajeka, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vane zvakawanda zvokudzidza pamusoro perevo ya1914. Munguvayo, chii chavakanga vachifanira kuita? Kushanda! Nharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 1, 1916 yakati: “Takafungidzira kuti basa roKucheka rokuunganidza Chechi [yavakazodzwa] raizopedzwa mugumo weNguva dzaVamarudzi usati wasvika; asi hapana chinhu chakataura kudaro muBhaibheri. . . . Tinozvidemba kuti basa roKucheka rinopfuurira here? Nyangwe, zvirokwazvo . . . Chimiro chedu chendangariro chazvino, hama dzinodiwa, chinofanira kuva chokuonga kukuru kuna Mwari, tichiwedzera kunzwisisa Zvokwadi yakaisvonaka iyo Iye akatipa ropafadzo yokuona nokuzivikanwa nayo, uye kuwedzera shingairo mukubetsera vamwe kuziva Zvokwadi iyoyo.”
Asi kwakanga kune zvakawanda zvikuru zvaifanira kuitwa mubasa rokucheka here? Hama Russell sezviri pachena vakafunga kudaro. Yairatidzira ikoku yakanga iri kurukurirano yavakava nayo naHama Macmillan mukupera kwa1916. Achidana Macmillan kuhofisi umo aifundira nokunyora paBheteri yeBrooklyn, Russell akamuudza, kuti: “Basa riri kuwedzera nokukurumidza, uye richapfuurira kuwedzera, nokuti kune basa romunyika yose rinofanira kuitwa mukuparidza ‘evhangeri youmambo’ munyika yose.” Russell akapedza maawa matatu nehafu achiratidza kuna Macmillan chaainzwisisa muBhaibheri kuva basa guru rakanga richiri mberi.
Vadzidzi veBhaibheri vakanga vapfuura nomumuedzo wakaoma. Asi nebetsero yeNharireyomurindi, ivo vakasimbiswa kuti vakurire kuodzwa mwoyo. Nguva yokuedza, zvisinei, yakanga isati yatongopera.
“Chii Chichaitika Zvino?”
Pana October 16, 1916, Hama Russell nomunyori wavo Menta Sturgeon vakaenda pashanyo yakarongwa kare yokundokurukura hurukuro kumativi okumadokero neokumadokero kwakadziva kumaodzanyemba eUnited States. Russell, kunyange zvazvo zvakadaro, akanga achirwara zvakakomba panguva yacho. Shanyo yacho yakavaendesa kutanga kuDetroit, Michigan, vachienda nokuCanada. Ipapo, pashure pokumira muIllinois, Kansas, uye Texas, varume vaviri vakasvika muCalifornia, umo Russell akapa hurukuro yake yokupedzisira paSvondo, October 29, muLos Angeles. Mazuva maviri gare gare, mukuvamba kwamasikati eChipiri, October 31, Charles Taze Russell aiva nemakore 64 okukura akafira muchitima kuPampa, Texas. Chiziviso chorufu rwake chakaoneka muNharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 15, 1916.
Ndoupi wakanga uri mugumisiro wacho pamhuri yeBheteri apo mashoko orufu rwaHama Russell akaziviswa? A. H. Macmillan, uyo aibatira somubatsiri waRussell muhofisi apo Russell akanga asipo, gare gare akayeuka mangwanani ayo akaravira mhuri yeBheteri tenigiramu yacho: “Kuuura kwakanzwika mukamuri rokudyira mose. Vamwe vakachema zvinonzwika. Hapana nomumwe akadya chisvusvuro mangwanani iwayo. Vose vakagumbuka zvikuru. Pamugumo wenhambo yezvokudya vakaungana mumapoka maduku kuti vataure nokuita zevezeve vachiti, ‘Chii chichaitika zvino?’ Basa shomanene rakaitwa zuva iroro. Takanga tisingazivi zvokuita. Kwakanga kusingakarirwi kwazvo, bva Russell akanga aedza kutigadzirira nokuda kwako. Chii chataizoita? Kukatyamadzwa kwokutanga kwokurasikirwa kwedu naC. T. Russell kwakanga kuri kwakaipisisa. Kwamazuva mashomanene okutanga iwayo remangwana redu rakanga risina chokwadi. Muupenyu hwake hwose Russell akanga ave ari ‘Sosaiti.’ Basa rakanga rakanangidzirwa pakutsunga kwake kukuru kuona kuda kwaMwari kuchiitwa.”
Pashure pehurukuro dzemariro paThe Temple muNew York uye paCarnegie Hall muPittsburgh, Hama Russell vakavigwa kuAllegheny, mupurazi remhuri yeBheteri, maererano nechikumbiro chavo. Nhoroondo pfupi youpenyu hwaRussell pamwe chete nechido chake chenhaka zvakabudiswa muNharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 1, 1916, pamwe chete nomuzvinyorwa zvapashure pacho zvevhoriyamu yokutanga yeStudies in the Scriptures.
Chii chaizoitika zvino? Kwakanga kwakaomera Vadzidzi veBhaibheri kufungidzira mumwe munhuwo zvake ari munzvimbo yaHama Russell. Nzwisiso yavo yaMagwaro yaizopfuurira kufambira mberi here, kana kuti yaizomira apo yakanga iri? Vaizova sekete rakanangidzirwa paari here? Russell amene akanga ajekesa chaizvo kuti aikarira basa kupfuurira. Naizvozvo pashure porufu rwake, mibvunzo iri pachena yakakurumidza kumuka: Ndiani achatarisira zvomukati meNharireyomurindi nezvimwe zvinyorwa? Ndiani anofanira kutsiva Russell sapurezidhendi?
Chinjo Mukutarisira
Muchido chavo chenhaka Hama Russell vakaonesa gadziriro yeDare Rokunyora ravashanu kuti risarudze zvomukati meNharireyomurindi.b Mukuwedzera, boka ravatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society rakaita gadziriro dzeDare Rinoita Zvisarudzo ravatatu—A. I. Ritchie, W. E. Van Amburgh, uye J. F. Rutherford—kuti ritarisire basa rose zvaro reSociety, richidzorwa neboka ravatungamiriri.c Ndiani, kunyange zvazvo zvakadaro, aizova purezidhendi mutsva? Chisarudzo ichocho chaizoitwa pamusangano waitevera wegore negore weSociety, inenge mwedzi miviri gare gare, pana January 6, 1917.
Pakutanga, Dare Rinoita Zvisarudzo rakaita unani hwaro kudzikamisa mamirire ezvinhu, richikurudzira Vadzidzi veBhaibheri kuramba vachishingaira uye kusarasikirwa noushingi. Nharireyomurindi yakapfuurira kubudiswa, iine nyaya idzo Russell akanga anyora asati afa. Asi sezvo musangano wegore negore wakaswedera pedyo, kusaterama kwakavamba kuwedzera. Vamwe vakanga vari kutoita sarudzo duku kuti vaite kuti murume wavaida asarudzwe kuti ave purezidhendi. Vamwe, nemhaka yokuremekedza kwavo zvikuru Hama Russell, vairatidzika kuva vaiitira hanya zvikuru kuedza kutevedzera mavara ake nokutanga rudzi rwakati rwesangano rakavakirwa paari. Vazhinjisa vaVadzidzi veBhaibheri, zvisinei, vaifarira zvikuru kupfuurira nebasa umo Russell akanga anyura.
Sezvo nguva yesarudzo yakasvika, mubvunzo wakaramba uripo wokuti, Ndiani aizotsiva Russell sapurezidhendi? Nharireyomurindi yechiNgezi yaJanuary 15, 1917, yakashuma mugumisiro womusangano wegore negore, ichitsanangura, kuti: “Hama Pierson, netsinhiro dzakafanira zvikuru nokutaura kwokuonga nokuda Hama Russell, vakataura kuti vakanga vagamuchira shoko somumiriri rakabva kushamwari munyika yose rokuti vavhotere Hama J. F. Rutherford nokuda kwaPurezidhendi, uye vakataurazve kuti vakanga vachibvumirana zvakazara naikoku.” Pashure pokunge zita raRutherford rasarudzwa ndokutsigirwa, kwakanga kuchine kumwezve kusarudza, naizvozvo “Munyori akavhota sezvakarayirwa, uye Hama Rutherford vakaziviswa kuva chisarudzo chakabvumiranwa navose choMusangano saPurezidhendi.”
Sarudzo yasarudzwa, purezidhendi mutsva akagamuchirwa sei? Nharireyomurindi yadudzwa pamusoro apa yakashuma, kuti: “Shamwari kwose kwose dzakanga dzanyengeterera zvapachokwadi nhungamiro yaShe nokutungamirira munhau yesarudzo; uye apo yakagumiswa, munhu ari wose akagutsikana uye akafara, achidavira kuti Ishe akanga atungamirira kurangarira kwavo ndokupindura minyengetero yavo. Tsinhirano yakakwana yakatekeshera pakati pavose vaivapo.”
“Tsinhirano yakakwana” iyoyo, zvisinei, haina kugara kwenguva refu zvikuru. Purezidhendi mutsva akagamuchirwa nomufaro navakawanda asi kwete navose.
Purezidhendi Mutsva Anofambira Mberi
Hama Rutherford vakanga vachida, kwete kuchinja kutungamirirwa kwesangano, asi kupfuurira mumutoo wokufambira mberi wakatangwa naRussell. Vamiriri vanofambira veSosaiti (vaizivikanwa samapilgrim) vakawedzerwa kubva pa69 kusvikira ku93. Kuparadzirwa kwamaturakiti apachena eSosaiti kwakawedzerwa pamaSvondo apanhambo nenhambo pamberi pechechi uye nguva dzose muushumiri hwapaimba neimba.
“Basa rokufudza,” iro rakanga ratangwa Russell asati afa, zvino rakawedzerwa. Irori rakanga riri basa rokutevera, rakafanana nomubato weshanyo dzedzokerero zvino unopfuuridzirwa neZvapupu zvaJehovha. Kuti asimbisezve basa rokuparidza, purezidhendi mutsva weSosaiti akakudza basa ramacolporteur. Macolporteur (vatangiri vamapiyona anhasi) akawedzerwa kubva pa372 kusvikira ku461.
“Gore ra1917 rakatanga nemamirire ezvinhu anoti odzei mwoyo,” yakadaro Nharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 15, 1917. Hungu, pashure porufu rwaC. T. Russell, kwakanga kune kusavimba, kupanikira, uye rutyo. Bva, mushumo wokupera kwegore wakanga uchikurudzira; mubato womumunda wakanga wawedzera. Nenzira yakajeka, basa rakanga richifambira mberi. Vadzidzi veBhaibheri vakanga vakurira mumwe muedzo here—rufu rwaC. T. Russell—nenzira inobudirira?
Nhamburiko Dzokudzora
Akanga asati ari munhu ari wose aitsigira purezidhendi mutsva. C. T. Russell naJ. F. Rutherford vakanga vari varume vakasiyana zvikuru. Vakanga vane unhu hwakasiyana uye vaibva mumamirire ezvinhu akasiyana. Misiyano iyoyi yakanga yakaomera vamwe kugamuchira. Mundangariro dzavo, hakuna munhu aigona ku‘tsiva Hama Russell.’
Vashomanene, zvikurukuru padzimbahwe, vakatsamwira chaizvoizvo Hama Rutherford. Idi rokuti basa rakanga riri kufambira mberi uye kuti ivo vakanga vari kuita nhamburiko iri yose kutevera gadziriro dzakanga dzarongwa naRussell harina kuratidzika kuva rakavaorora. Chishoro chakakurumidza kukura. Mitezo mina yeboka ravatungamiriri reSosaiti yakasvika pakuedza kubvuta udzori hwokutarisira mumaoko aRutherford. Mamirire acho ezvinhu akasvika pakuipisisa muzhizha ra1917, nokubudiswa kweThe Finished Mystery, vhoriyamu yechinomwe yeStudies in the Scriptures.
Hama Russell vakanga vave vasina kukwanisa kubudisa iyi vhoriyamu mukati menduramo yavo, kunyange zvazvo vakanga vakarira kuita kudaro. Pashure porufu rwavo, Dare Rinoita Zvisarudzo reSosaiti rakaronga kuti vasonganiri vaviri, Clayton J. Woodworth naGeorge H. Fisher, vagadzirire iri bhuku, iro rakanga riri tsinhiro pamusoro paZvakazarurwa, Rwiyo rwaSoromoni, uye Ezekieri. Murutivi, rakanga rakavakirwa paizvo Russell akanga anyora pamusoro paaya mabhuku eBhaibheri, uye dzimwe tsinhiro netsananguro zvakawedzerwa. Manyoro akapedzwa akatenderwa kuti abudiswe navakuru vakuru veSosaiti uye rakabudiswa kumhuri yeBheteri patafura yokudyira paChipiri, July 17, 1917. Panhambo imwe cheteyo, chiziviso chinoshamisa chakaitwa—vatungamiriri vana vaishora vakanga vabviswa, uye Hama Rutherford vakanga vagadza vamwe vana kuti vapinde munzvimbo dzacho. Chii chakaitika?
Kwakanga kwakaita sokunge kuti bhambo rakanga raputika! Vatungamiriri vana vakadzingwa vakashandisa nhambo yacho ndokunyandura gakava ramaawa mana pamberi pemhuri yeBheteri pamusoro pokutarisirwa kwezvinhu zveSosaiti. Vakati kuti vemhuri yeBheteri vakabvumirana navashori. Chishoro chacho chakapfuurira kwevhiki dzinoverengeka, vadzongonyedzi vachityisidzira ku“kurira udzvinyiriri hwaivapo,” sokutaura kwavakaita. Asi Hama Rutherford vakanga vane chikonzero chakanaka chechiito chavakanga vaita. Seiko?
Kwakaitika kuti kunyange zvazvo vatungamiriri vana vaishora vakanga vagadzwa naHama Russell, uku kugadzwa kwakanga kusina kutongosimbiswa nokuvhota kwemitezo yesangano pamusangano wegore negore weSosaiti. Naizvozvo, vana vavo vakanga vasitongori mitezo yapamutemo yeboka ravatungamiriri! Rutherford akanga ave achiziva nezvaikoku asi akanga asina kukududza pakutanga. Akaregerereiko? Iye akanga ada kudzivisa kupa murangariro wokuti iye akanga ari kurwisana nezvido zvaHama Russell. Zvisinei, apo kwakava pachena kuti ivo vaisazorega chishoro chavo, Rutherford akaita chiito nechiremera chake nomutoro sapurezidhendi kuti avatsive navamwe vana vaiva nekugadzwa kwaifanira kusimbiswa pamusangano wegore negore wakatevera, waizoitwa muna January 1918.
Pana August 8, vaichimbova vatungamiriri vakatsamwa navatsigiri vavo vakasiya mhuri yeBheteri; vakanga vakumbirwa kubva nemhaka yedzongonyedzo yavakanga vave vachiparira. Vakakurumidza kuvamba kuparadzira chishoro chavo kupfurikidza nenhimbe huru yokutakura nokunyora tsamba muUnited States mose, Canada, uye Europe. Somugumisiro, pashure pezhizha ra1917, ungano dzakati kuti dzaVadzidzi veBhaibheri dzakakamurwa kuva mapoka maviri—idzo dzakanga dzakavimbika kuSosaiti neidzo dzakanga dziri vanyajambwa vari nyore vokutaura kunonyengera kwavashori.
Asi vatungamiriri vakadzingwa, munhamburiko yokudzora sangano, vangaedza kupesvedzera avo vanopinda musangano wegore negore here? Achikarira kuita kwakadaro, Rutherford akanzwa kune mufungo kunzvera ungano dzose. Migumisiro yacho? Maererano nomushumo wakabudiswa muNharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 15, 1917, avo vaivhota vakaratidzira kutsigira kwavo kukuru J. F. Rutherford navatungamiriri vaibatira pamwe naye! Ikoku kwakasimbiswa pamusangano wegore negore.d Nhamburiko dzokudzora dzakanga dzakundikana!
Chii chakaitika kuvashori ivavo navatsigiri vavo? Pashure pomusangano wegore negore waJanuary 1918, vashori vakabva, vachitosarudza kuchengeta Chirangaridzo, pana March 26, 1918, vari voga. Chinzwano chipi nechipi chavakafarikanya chakanga chiri chenguva pfupi, uye pasati papera nguva refu vakaparadzana kuva masekete akasiyana-siyana. Muzviitiko zvizhinjisa nhamba dzavo dzakaderera uye mubato wavo wakaderera kana kuti wakaguma chose chose.
Nenzira yakajeka, pashure porufu rwaHama Russell, Vadzidzi veBhaibheri vakatarisana nomuedzo chaiwoiwo woruvimbiko. Sokutaura kwakaita Tarissa P. Gott, uyo akabhapatidzwa muna 1915, kuti: “Vakawanda vaavo vakanga varatidzika kuva vakasimba kwazvo, vakazvipira kwazvo kunaShe, vakavamba kutsauka. . . . Kwose ikoku hakuna kuratidzika chaizvo kuva kwakarurama, bva kwakanga kuchiitika uye kwakatitsamwisa. Asi ndakati kwandiri ndimene: ‘Iri sangano rakanga risati riri iro Jehovha akashandisa kutisunungura muzvisungo zvorudzidziso rwenhema here? Hatina kuravira runako rwake here? Kana tikafanira kusiya zvino, taizoenda kupiko? Taisazoguma tave kutevera mumwe munhu here?’ Taisagona kuona chikonzero nei taifanira kuenda nevakaramba kutenda, naizvozvo takagara.”—Joh. 6:66-69; VaH. 6:4-6.
Vamwe vakabuda musangano vakapfidza gare gare ndokusonganirazve naVadzidzi veBhaibheri mukunamata. Voruzhinji zvikuru, kufanana naHanzvadzi Gott, vakapfuurira kubatira pamwe neWatch Tower Society naHama Rutherford. Rudo nechinzwano zvakavabatanidza pamwe chete zvakanga zvavakwa kupfurikidza namakore esonganiro pamwe chete pamisangano nekokorodzano. Hapana chinhu chavaizobvumira kudimbura chisungo ichocho chohumwe.—VaK. 3:14.
Pakasvika 1918 Vadzidzi veBhaibheri vakanga vapukunyuka kuedza kwaibva mukati. Zvakadiniko, kunyange zvazvo zvakadaro, kudai chishoro chakamuka chichibva kuavo vaiva kunze?
Vanyajambwa Vedenho
Mukupera kwa1917 ndokupinda muna 1918, Vadzidzi veBhaibheri vakaparadzira nesimba bhuku idzva, The Finished Mystery. Pakasvika kupera kwa1917, vadhindi vakanga vakabatikana nechinyorwa che850-000. Nharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 15, 1917, yakashuma, kuti: “Kutengeswa kweVhoriyamu yeChinomwe hakuenzaniswi nokutengeswa kwerimwe bhuku ripi neripi rinozivikanwa, muurefu humwe chetehwo hwenguva, kunze kweBhaibheri.”
Asi haasati ari munhu ari wose aifadzwa nokubudirira kweThe Finished Mystery. Bhuku racho raiva nenongedzero kuvafundisi vechiKristudhomu idzo dzakanga dzichirwadza zvikuru. Ikoku kwakatsamwisa vafundisi kwazvo zvokuti vakakurudzira hurumende kugumisa zvinyorwa zvaVadzidzi veBhaibheri. Somugumisiro weichi chishoro chakanyandurwa navafundisi, pakuvamba muna 1918, The Finished Mystery rakarambidzwa muCanada. Chishoro chakakurumidza kukura mukurwisana naVadzidzi veBhaibheri muUnited States.
Kuti ifumure iyi dzvinyiriro yakanyandurwa navafundisi, pana March 15, 1918, Watch Tower Society yakabudisa turakiti rinonzi Kingdom News Nha. 1. Shoko raro? Musoro wakafara nezvikamu zvitanhatu wakarava, kuti: “Kusashivirira Kworudzidziso—Vateveri vaPastor Russell Vanotambudzwa Nemhaka Yokuti Vanoudza Vanhu Zvokwadi.” Pasi pomusoro unoti “Kubatwa kwaVadzidzi veBhaibheri Kwakafanana nokwe“‘Dark Ages’” pakaonekwa maidi echitambudzo nechirambidzo izvo zvakanga zvavamba muCanada. Vanyanduri vacho? Turakiti racho harina kuvanza mukunongedzera kuvafundisi, avo vakarondedzerwa se“boka rine chisimbwa ravarume vakaedza nguva dzose kudzivisa vanhu kunzwisisa Bhaibheri nokudzvinyirira dzidziso yose yeBhaibheri kutoti ichiuya kupfurikidza navo.”e Ishoko rinorwadza zvakadini!
Vafundisi vakaita sei kukufumurwa kwakadaro? Vakanga vatonyandura chinetso mukurwisana neWatch Tower Society. Asi zvino vakapenga. Muchirimo cha1918, chitambudzo chikuru chamasimba masimba chakatangwa mukurwisana naVadzidzi veBhaibheri mose muri muviri muNorth America neEurope. Chishoro chakanyandurwa navafundisi chakasvika pakunyanyisa pana May 7, 1918, apo magwaro omubatanidzwa weU.S. akabudiswa okusungwa kwaJ. F. Rutherford navanoverengeka vavasonganiri vake vapedyo. Pakasvika pakati pa1918, Rutherford navasonganiri vanomwe vakazviwana vamene vari mutorongo romubatanidzwa muAtlanta, Georgia.
Asi naJudge Rutherford navasonganiri vake vari mutorongo, chii chakaitika kukushanda kwedzimbahwe?
Kuita Kuti Basa Ripfuurire Apo Vane Mutoro Wacho Vakanga Vasipo
Shure muBrooklyn Dare Rinoita Zvisarudzo rakagadzwa kuti ritarisire basa. Itiro hanya huru yehama dzakagadzwa yakanga iri yokuchengeta Nharireyomurindi ichiparadzirwa. Vadzidzi veBhaibheri kwose kwose zvirokwazvo vaida kurudziro yose yomudzimu iyo yavaigona kupiwa. Kutaura idi, mukati meiyi “nguva [yose] yokuedza,” hapana nechinyorwa chimwe cheNharireyomurindi chakakundikana kuoneka chakadhindwa!f
Ndoupi wakanga uri mudzimu padzimbahwe? Thomas (Bud) Sullivan, uyo gare gare akabatira somutezo woMutumbi Unodzora, akayeuka, kuti: “Yakanga iri ropafadzo yangu kushanyira Bheteri yeBrooklyn mukupera kwezhizha ra1918 mukati mokupfigirwa mutorongo kwehama. Hama dzaitarisira basa paBheteri hadzina kutongotya kana kuti kuodzwa mwoyo. Kutaura idi, zvakapesana zvakanga zviri zvechokwadi. Dzakanga dzine tariro uye dzine chivimbo chokuti Jehovha aizopa vanhu vake rukundo pakupedzisira. Ndakaropafadzwa kuva patafura yechisvusvuro mangwanani oMuvhuro apo hama dzakatumwa pamigove yapakupera kwevhiki dzakapa mishumo yadzo. Chiono chakaisvonaka chamamirire ezvinhu acho chakawanwa. Mumamirire ezvinhu ari ose hama dzakanga dzine chivimbo, dzichimirira Jehovha kuti atungamirirezve mibato yadzo.”
Zvinetso zvakawanda, zvisinei, zvakasanganwa nazvo. Hondo Yenyika I yakanga ichiri kupisa. Kwakanga kune perevedzo dzemigove yamapepa namarasha, izvo zvaidikanwa zvikuru nokuda kwebasa padzimbahwe. Nokuvimbika kunyika yako kwakanga kwava pamwero mukuru, kwakanga kune ruvengo rwakati mukurwisana neSosaiti; Vadzidzi veBhaibheri vairangarirwa savatengesi. Muaya mamirire ezvinhu akaipa, kwakaratidzika kuva kusingabviri kupfuuridzira basa paBrooklyn. Naizvozvo, Dare Rinoita Zvisarudzo, pashure pokubvunza dzimwe hama, rakatengesa Brooklyn Tabernacle ndokupfiga Musha weBheteri. Pana August 26, 1918, basa rakadzorerwa kuPittsburgh kuchivako chehofisi pamugwagwa weFederal nomumugwagwa weReliance.
Kunyange zvazvo zvakadaro, mudzimu wakanaka wakatekeshera. Martha Meredith akayeuka, kuti: “Isu muPittsburgh takaungana ndokusarudza kuti taizoita kuti ‘basa ripfuurire apo vane mutoro wacho vakanga vasipo’ kutozosvikira hama dzacho dzabuda mutorongo. Panguva iyoyo hofisi yeBrooklyn yakatamisirwa kuPittsburgh, naizvozvo hama dzakabatikana kunyora nyaya dzeNharireyomurindi ndokuita kuti idhindwe. Apo Nhariredzomurindi dzakanga dzagadzirirwa kuti dzitumirwe, isu hanzvadzi taidziputira ndokudzitumira kuvanhu.”
Vadzidzi veBhaibheri vakanga vatarisana nemiedzo yakakomba kubvira apo Nguva dzaVamarudzi dzakanga dzaguma mukupera kwaOctober 1914. Vaigona kupfuurira kurarama here? Ivo va‘ida [chaizvoizvo] Mwari mumwoyo mavo’ here kana kuti kwete? Vaizoomerera pana “Ishe neZvokwadi Yake,” seizvo Russell akanga anyevera, kana kuti vaizoregeredza here?
[Mashoko Omuzasi]
a Kunokorwa kwamashoko aA. H. Macmillan muganhuro rino kunotorwa mubhuku rake rinonzi Faith on the March, rakabudiswa muna 1957 nePrentice-Hall, Inc.
b Mitezo mishanu yeDare Rokunyora yakadudzwa muchido chenhaka chaRussell yakanga iri William E. Page, William E. Van Amburgh, Henry Clay Rockwell, E. W. Brenneisen, uye F. H. Robison. Mukuwedzera, kuti vapinde panzvimbo dzipi nedzipi dzisina munhu, vamwe vakadudzwa—A. E. Burgess, Robert Hirsh, Isaac Hoskins, G. H. Fisher, J. F. Rutherford, uye John Edgar. Page naBrenneisen, zvisinei, vakarega nokukurumidza—Page nemhaka yokuti iye aisagona kugara muBrooklyn, uye Brenneisen (gare gare kuperetera kwakachinjwa kuva Brenisen) nemhaka yokuti aifanira kutanga kushanda kunyika kuti atsigire mhuri yake. Rutherford naHirsh, vane mazita akarongwa muNharireyomurindi yechiNgezi, December 1, 1916, vakavatsiva semitezo yeDare Rokunyora.
c Maererano nechata yeWatch Tower Society, boka ravatungamiriri raifanira kuumbwa nemitezo minomwe. Chata yacho yakaita kuti kubvirire mitezo yaiva mipenyu yeboka ravatungamiriri kupinda panzvimbo isina munhu. Naizvozvo, mazuva maviri pashure porufu rwaRussell, boka ravatungamiriri rakasangana ndokusarudza A. N. Pierson kuti ave mutezo. Mitezo minomwe yeboka racho panguva iyoyo yakanga iri A. I. Ritchie, W. E. Van Amburgh, H. C. Rockwell, J. D. Wright, I. F. Hoskins, A. N. Pierson, uye J. F. Rutherford. Boka remitezo minomwe ipapo raisarudza Dare Rinoita Zvisarudzo ravatatu.
d Pamusangano wegore negore wakaitwa pana January 5, 1918, vanhu vanomwe vakagamuchira chiverengero chikurusa chamavhoti vakanga vari J. F. Rutherford, C. H. Anderson, W. E. Van Amburgh, A. H. Macmillan, W. E. Spill, J. A. Bohnet, uye G. H. Fisher. Kubva muiyi mitezo minomwe yeboka, vakuru vakuru vatatu vakasarudzwa—J. F. Rutherford sapurezidhendi, C. H. Anderson somutevedzeri wapurezidhendi, uye W. E. Van Amburgh somunyori nomuchengeti wemari.
e Mamwe maturakiti maviri anorwadza akatevera. Kingdom News Nha. 2, romusi waApril 15, 1918, raiva neshoko rakatosimba zvikuru pasi pomusoro unoti “‘The Finished Mystery’ and Why Suppressed.” Ipapo, Kingdom News Nha. 3, raMay 1918, raiva nomusoro unokosha unoti “Two Great Battles Raging—Fall of Autocracy Certain.”
f Panhambo dzapakuvamba zvikuru, zvinyorwa zveNharireyomurindi zvakanga zvabatanidzwa, asi ikoku hakuna kuitwa mukati ma1914-1918.
[Mashoko okokuwezva vaverengi ari papeji 68]
Rutherford akakumbira vashori kubva paBheteri
[Bhokisi riri papeji 62]
“Vamwe Vedu Takanga Tati Kurumidzei Zvikuru”
Sezvo October 1914 akasvika, vamwe vaVadzidzi veBhaibheri vaikarira kuti pakuguma kweNguva dzaVamarudzi ivo, savaKristu vakazodzwa nomudzimu, vaizogamuchira tuso yavo yokudenga. Chinoratidzira ikoku chiitiko chakaitika pakokorodzano yaVadzidzi veBhaibheri muSaratoga Springs, New York, September 27-30, 1914. A. H. Macmillan, uyo akanga abhapatidzwa makore 14 iyoyo isati yasvika, akapa hurukuro paChitatu, September 30. Mairi iye akati: “Iyi zvimwe ndiyo hurukuro yavose yokupedzisira yandichazombopa nemhaka yokuti tichave tichienda kumusha [kudenga] nokukurumidza.”
Zvisinei, mazuva maviri gare gare (paChishanu, October 2), Macmillan akaitirwa misere muBrooklyn, umo vakokorodzani vaizokokorodzanazve. Ari pachigaro chake pamberi petafura, C. T. Russell akazivisa, kuti: “Tiri kuzoita chinjo mupurogiramu yeSvondo [October 4]. Na10:30 Svondo mangwanani Hama Macmillan vachatipa hurukuro.” Ndokupi kwaiva kuita kwacho? Macmillan gare gare akanyora, kuti: “Munhu ari wose akaseka zvikuru, achiyeuka zvandakanga ndataura paChitatu kuSaratoga Springs—‘hurukuro [yangu] yavose yokupedzisira’!”
“Eya,” Macmillan akapfuurira kudaro, “ipapo ndaifanira kubatikana kuti ndiwane chimwe chinhu chokutaura. Ndakawana Pisarema 74:9, ‘Hationi zviratidzo zvedu: hakuchinazve muporofita upi noupi: uyewo pakati pedu hapana upi noupi anoziva kuti inguva yakareba sei.’ Zvino ikoko kwakanga kwakasiyana. Muhurukuro iyoyo ndakaedza kuratidza hama kuti zvichida vamwe vedu takanga tati kurumidzei zvikuru mukufunga kuti taizoenda kudenga pakarepo, uye chinhu chokuti tiite chaiva chokuramba takabatikana mubasa raShe kutozosvikira iye asarudza apo upi noupi wavabatiri vake vanotenderwa aizoendeswa kumusha kudenga.”
[Bhokisi riri papeji 67]
Mashoko Pamusoro paJ. F. Rutherford
Joseph Franklin Rutherford akaberekwa navabereki veBaptist papurazi muMorgan County, Missouri, U.S.A., pana November 8, 1869. Apo Joseph akanga ava nemakore 16, baba vake vakabvuma kuenda kwake kukoreji, chero bedzi iye aizvibhadharira amene kufamba kwake amene uye airipira mushandi kuti atore nzvimbo yake papurazi. Jaya rakatsunga, Joseph akawana chikwereti kushamwari ndokukwanisa kuenda kukoreji apo akanga achifundawo mutemo.
Pashure pokupedza fundo yake yokuchikoro, Rutherford akapedza makore maviri achidzidziswa naJudge E. L. Edwards. Pakasvika nguva yaakanga ava namakore 20, iye akava munyori wehurumende wenhau dzomupepanhau dzamatare eFourteenth Judicial Circuit muMissouri. Pana May 5, 1892, rezinesi yake yokushanda segweta muMissouri yakapiwa. Rutherford gare gare akabatira kwamakore mana somurovereri wemhaka mudare wehurumende weBoonville, Missouri. Gare garezve, iye akabatira panhambo nenhambo somutongi chaiye muEighth Judicial Circuit Court of Missouri. Ndicho chikonzero nei akasvika pakuzivikanwa sa“Judge” Rutherford.
Nenzira inofadza, kuti abetsere kuzvibhadharira chikoro, Rutherford akatengesa maenisaikoropidhia paimba neimba. Rakanga risati riri basa riri nyore—kwakanga kune kuzvidzwa kwakawanda. Pane imwe nhambo akadokufa apo akawira murukova rune chando achishanyira mapurazi. Iye akazvipikira amene kuti apo anova gweta, kana munhu upi noupi akazombouya kuhofisi kwake achitengesa mabhuku, iye aizoatenga. Maererano neshoko rake, iye akagamuchira mavhoriyamu matatu e“Millennial Dawn” kuma“colporteur” maviri ayo akaoneka pahofisi yake pakuvamba muna 1894. Vhiki dzinoverengeka gare gare iye akarava mabhuku acho ndokukurumidza kunyorera Watch Tower Society tsamba, umo akati: “Mudzimai wangu anodiwa neni ndimene takarava mabhuku aya nefariro hurusa, uye tinochirangarira kuva chikomborero chakatumwa naMwari uye chikuru kuti takava nemukana wokuaona.” Muna 1906, Joseph F. Rutherford akabhapatidzwa, uye gore rimwe gare gare akava gweta reWatch Tower Society.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 69]
‘Hapana Vanhu Pasi Pano Vanodiwa Zvikuru Kwazvo’
Pana June 21, 1918, J. F. Rutherford navanoverengeka vavasonganiri vake vapedyo vakatongerwa kugara mutorongo kwamakore 20, vawanwa zvenhema nhema vane bangano rokupandukira hurumende. Kunzwa kwavo? Mutsamba yakanyorwa noruoko yomusi waJune 22-23 (inoratidzwa pasi apa), yakabva kutorongo romuRaymond Street muBrooklyn, New York, Hama Rutherford vakanyora, kuti: “Zvimwe hakuna vanhu pasi pano nhasi vanodiwa zvikuru kwazvo navanofara zvikuru kupfuura hama nomwe zvino dziri mutorongo. Dzinoziva kusava nemhaka kwadzo kwose yechakaipa chamaune, uye dzinofara kuva dziri kutambura naKristu nokuda kwokumubatira nenzira yokuvimbika.”
[Bhokisi riri papeji 70]
Vanyajambwa Vechitambudzo Chinonyandurwa Navafundisi
Pakasvika pakati pa1918, J. F. Rutherford navanomwe vavasonganiri vake vakanga vari mutorongo—vanyaja- mbwa vechishoro chinonyandurwa navafundisi. Asi varume vasere ivavo vakanga vasati vari zvinangwa bedzi zvoruvengo rwakadaro. Mukati mamakore apakuvamba zvikuru akanga ave ari C. T. Russell uyo akanga ari zvikurukuru nyajambwa wedenho yaiitwa navafundisi nemapepanhau. Zvino Vadzidzi veBhaibheri vamene vakanga vari vanyajambwa. “The Golden Age” (zvino “Mukai!”) yaSeptember 29, 1920, yakabudisa mushumo wakajeka, wakakura wechitambudzo chinotyisa chavakatsungirira muUnited States. Wairava sechimwe chinhu chakabva muBvunzurudzo.g
Dzakabatanidzwa dzakanga dziri nhoroondo dzinotevera:
“April 22, 1918, kuWynnewood, Oklahoma, Claud Watson akatanga kuiswa mutorongo uye ipapo ndokusunungurirwa namaune kumhomho yakaumbwa navaparidzi, vezvebhizimisi navamwe vashomanene avo vakamuwisira pasi, vakaparira mumwe mu“negro” kumukwapura uye, apo akanga anaya zvishomanene, vakamukwapurazve. Ipapo vakadurura tara neminhenga pose pose paari, vachikwizira tara muvhudzi rake neganda romumusoro.”
“April 29, 1918, kuWalnut Ridge, Arkansas, W. B. Duncan, ane makore 61 ezera, Edward French, Charles Franke, VaGriffin naAmai. D. Van Hoesen vakaiswa mutorongo. Torongo racho rakapazwa nemhomho iyo yakashandisa mutauro wakashata nounonyangadza zvikurusa, yakakwapura, yakazora tara, yakaisa minhenga ndokuvadzinga mutaundi. Duncan akamanikidzirwa kufamba makiromita 42 kuenda kumusha kwake ndokunaya zvishomanene. Griffin akadokuva bofu uye akafa nokudenha kwacho mwedzi mishomanene gare gare.”
“April 30, 1918, . . . kuMinerva, Ohio, S. H. Griffin akatanga kuiswa mutorongo ipapo ndokusunungurirwa nyongori, ipapo akapangwa kwamaminiti gumi namashanu negurukota, ipapo akarohwa arohwazve, akatukwa, akabanhwa, akatsikwa-tsikwa, akatyisidzirwa nokusungirirwa nokunyudzwa, akadzingwa mutaundi, akapfirwa, akapiringishwa apiringishwazve, akabayiwa abayiwazve neamburera, akarambidzwa kufamba ari mumotokari, akafamba mamaira mashanu kuenda kuMalvern, Ohio, akasungwazve, akaiswa mutorongo nokuda kwekotsekano paCarrollton uye pakupedzisira akaendeswa kumusha navakuru vakuru vakashinga navakatendeseka avo, pashure pokunzvera mabhuku ake, vakati, mumashoko akawanda kwazvo, ‘Hatiwani mhaka muuyu murume.’”
[Mashoko Omuzasi]
g Map. 712-17.
[Mifananidzo iri papeji 64]
Pana October 31, 1916, Charles Taze Russell aiva nemakore 64 okukura akafira muchitima kuPampa, Texas; mapepanhau akawanda akashuma pamusoro pamariro acho
[Mufananidzo uri papeji 66]
J. F. Rutherford akanga ane chitarisiko chinoorora, akareba masendimita 188 uye airema makirogiramu 102
[Mufananidzo uri papeji 69]
Torongo romuRaymond Street, muBrooklyn, New York, uko Hama Rutherford navanoverengeka vavasonganiri vavo vapedyo vakachengetwa kwamazuva manomwe nokukurumidza pashure pokutongwa kwavo.
[Mufananidzo uri papeji 71]
Thomas (Bud) Sullivan akashanyira dzimbahwe muna 1918 ndokubatira gare gare muMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha