Ganhuro 28
Kuedza Nokusefa Kunotangira Mukati
KUFAMBIRA mberi nokukura kwesangano romuzuva razvino uno reZvapupu zvaJehovha kwakabatanidza mamirire ezvinhu akawanda ayo akaedza zvakakomba kutenda kwavanhu vamwe navamwe. Sezvo kupura nokuurudza zvichiparadzanisa koroni nehundi, naizvozvo aya mamirire ezvinhu akabatira kuzivisa avo vari vaKristu chaivoivo. (Enzanisa naRuka 3:17.) Vanhu vakabatanidzwa nesangano vaitofanira kuratidzira chakanga chiri mumwoyo mavo. Vakanga vachingobatirawo havo nokuda kwebetsero yomunhu oga here? Vakanga vachingova zvavo vateveri vavanhu vasina kukwana here? Kana kuti vakanga vachizvininipisa, vachidisa kuziva nokuita kuda kwaMwari, vakakwana mukuzvipira kwavo kuna Jehovha here?—Enzanisa na2 Makoronike 16:9.
Vateveri vomuzana rokutanga ramakore vaJesu Kristu nenzira yakafanana vakawana miedzo yokutenda kwavo. Jesu akaudza vateveri vake kuti kana vakatendeka, vaizogoverana naye muUmambo hwake. (Mat. 5:3, 10; 7:21; 18:3; 19:28) Asi haana kuvaudza apo vaizogamuchira mubayiro iwoyo. Mukutarisana nokusaitira hanya kwavanhu, kunyange utsinye, kukuparidza kwavo, vaizopfuurira nenzira yokuvimbika kuita fariro dzoUmambo ihwohwo itiro hanya yokutanga muupenyu hwavo here? Haasati ari munhu ari wose akadaro.—2 Tim. 4:10.
Mutoo uyo Jesu amene akadzidzisa nawo wakapa muedzo kuvamwe. VaFarise vakagumburwa apo akaramba zvakajeka magamuchidzanwa avo. (Mat. 15:1-14) Kunyange vakawanda vakataura kuti vadzidzi vaJesu vakagumburwa nomutoo wake wokudzidzisa. Pane imwe nhambo, apo akanga achikurukura ukoshi hwokushandisa kutenda muukoshi hwenyama yake amene neropa zvakapiwa muchibayiro, vakawanda vavadzidzi vake vakaratidzira kukatyamadzwa nomutauro wokufananidzira waakashandisa. Vasingamiriri imwe tsananguro, “vakadzokera shure, vakasazofamba naye.”—Joh. 6:48-66.
Asi havasati vari vose vakadzokera. Sokutsanangura kwakaita Simoni Petro, “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi. Isu takatenda, tikaziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” (Joh. 6:67-69) Vakanga vaona uye vanzwa zvakakwana kuti vagopwiswa kuti Jesu akanga ari uyo kupfurikidza naye Mwari akanga achiratidzira zvokwadi pamusoro pake amene nechinangwa chake. (Joh. 1:14; 14:6) Kunyange zvakadaro, miedzo yokutenda yakapfuurira.
Pashure porufu rwaJesu norumuko, iye akashandisa vaapostora navamwe savafudzi veungano. Ivava vakanga vari varume vasina kukwana, uye padzimwe nguva kusakwana kwavo kwaiva muedzo kuna avo vakavapoteredza. (Enzanisa naMabasa 15:36-41; VaGaratia 2:11-14.) Pane rumwe rutivi, pakanga pane vanhu vamwe navamwe avo vakava vasina kudzikama mukuyemura kwavo vaKristu vakatanhamara uye avo vakati: “Ini ndiri waPauro,” apo vamwe vaiti: ‘Ini ndiri waAporo.’ (1 VaK. 3:4) Vose vaifanira kungwarira kuti varege kurasikirwa nechiono chezvechairehwa nokuva muteveri waJesu Kristu.
Muapostora Pauro akafanotaura zvimwe zvinetso zvakakomba, achitsanangura kuti kunyange mukati meungano yechiKristu vanhu vaizo“muka ndokutaura zvinhu zvakamonyana kuti vatsause vadzidzi vavatevere ivo vamene.” (Mabasa 20:29, 30, NW) Uye muapostora Petro akanyevera kuti vadzidzisi venhema pakati pavabatiri vaMwari vaizotsvaka kushandisa vamwe zvakaipa na“mashoko amanomano.” (2 Pet. 2:1-3) Sezvinooneka, miedzo inonzvera mwoyo yokutenda nokuvimbika yakanga iri mberi.
Naizvozvo, kuedza nokusefa izvo zviri rutivi rwenhau yomuzuva razvino uno yeZvapupu zvaJehovha hazvina kushamisa. Asi vasiri vashomanene vakashamiswa pamusoro pokuti ndivanaani vakagumburwa uye nei.
Vakanzwisisa Zvirokwazvo Rudzikinuro Here?
Mukati mokuvamba kwema1870, Hama Russell navasonganiri vavo vakakura muzivo nokunzwisiswa kwechinangwa chaMwari. Yakanga iri nguva yekuzorodzwa kwavo mumudzimu. Asi ipapo, muna 1878, vakanangana nomuedzo mukuru wokutenda kwavo noruvimbiko rwavo kuShoko raMwari. Hwakanga huchiitiranwa nharo hwakanga huri ukoshi hwechibayiro chenyama yaJesu neropa—dzidziso imene iyo vakawanda vavadzidzi vomuzana rokutanga ramakore vaJesu vakanga vagumburwa nayo.
Akanga ari makore maviri chete ikoku kusati kwaitika, muna 1876, apo C. T. Russell akanga apinda muukama hwokushanda naN. H. Barbour weRochester, New York. Mapoka avo efundo akanga abatanidzwa. Russell akanga agovera mari yokumutsidzira kudhindwa kwemagazini yaBarbour Herald of the Morning, naBarbour somupepeti uye Russell somutevedzeri womupepeti. Vakanga vabudisawo pamwe chete bhuku rine musoro unoti Three Worlds, and the Harvest of This World.
Ipapo chimwe chinhu chinokatyamadza chakaitika! Muchinyorwa chaAugust 1878 cheHerald of the Morning, Barbour akanyora nyaya umo asina kukoshesa magwaro akadai sa1 Petro 3:18 naIsaya 53:5, 6, uyewo VaHebheru 9:22, uye akazivisa kuti pfungwa yose yokuti Kristu akafa kuti ayananise zvivi zvedu yakanga isingafadzi. Russell gare gare akanyora, kuti: “Kukushamiswa kwedu kunorwadza, VaBarbour . . . vakanyora nyaya yeHerald vachiramba dzidziso yeyananiso—vachiramba kuti rufu rwaKristu rwakanga rwuri mubayiro worudzikinuro rwaAdhama norudzi rwake, vachitaura kuti rufu rwaKristu rwakanga rwusitongori kubhadharwa kwechirango chezvivi zvomunhu seizvo kubayira pini mumuviri wenhunzi nokuiparira kutambura uye kufa kusingarangarirwi nomubereki wapasi sekubhadharwa kwemisikanzwa yomwana wake.”a
Iyi yakanga iri nhau inokosha zvikuru. Hama Russell vaizobatira nokuvimbika kuizvo Bhaibheri rakataura zvakajeka pamusoro pegadziriro yaMwari yoruponeso rworudzi rwomunhu here? Kana kuti vaizopesvedzerwa nouzivi hwavanhu here? Kunyange zvazvo Russell akanga ane makore 26 bedzi okukura panguva yacho uye Barbour akanga ari murume akura zvikuru, Russell nenzira youshingi akanyora nyaya yechinyorwa chinotevera chimene cheHerald umo akadzivirira zvakasimba ukoshi hunoyananisa zvivi hweropa raKristu, uhwo akanongedzera kwahuri se“imwe yedzidziso dzinokosha zvikurusa dzeshoko raMwari.”
Tevere, akakumbira J. H. Paton, mumwe mutevedzeri womupepeti wenhau weHerald, kunyora nyaya mukutsigira kutenda muropa raKristu sehwaro hwokuyananisa chivi. Paton akanyora nyaya yacho, uye yakabudiswa muchinyorwa chaDecember. Pashure penhamburiko dzinodzokororwa dzadzokororwazve dzisingabudiriri dzokurangarira panhau yacho naBarbour muMagwaro, Russell akagumisa songanirano naye uye akarega kutsigira magazini yake. Muna July 1879, Russell akavamba kubudisa magazini itsva—Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence—iyo kubvira pakutanga yakanga iri mutsigiri chaiye worudzikinuro. Asi ikoko kwakanga kusati kuri kuguma kwacho.
Makore maviri gare gare, Paton, uyo ipapo akanga achibatira somumiriri anofambira weWatch Tower, akavambawo kubva, pashure paikoko achibudisa bhuku (rechipiri rake raiva nomusoro unoti Day Dawn) umo akaramba kudavira kuwira kwaAdhama muchivi uye somugumisiro kudikanwa kwomudzikinuri. Iye akarangarira kuti Ishe amene akanga ari munhu asina kukwana uyo kupfurikidza noupenyu hwake aingoratidza zvake vamwe nzira yokuparadza nayo mirangariro yavo yokutadza. Muna 1881, A. D. Jones, mumwe musonganiri, akatanga pepa (Zion’s Day Star) rakafanana neWatch Tower asi nepfungwa yokuti raizoonesa mativi akapfava zvikuru echinangwa chaMwari. Pakutanga kwakaratidzika kuti zvose zvakanga zvakanaka. Bva, mukati megore, pepa raJones rakanga raramba chibayiro chinoyananisa chaKristu, uye mukati merimwe gore, rakanga raramba rutivi rwose rwasara rweBhaibheri. Chii chakanga chaitika kuvarume ivavo? Vakanga vabvumira mifungo yomunhu oga nokukwezviwa nouzivi hwakakurumbira hwavanhu kuvabvisa paShoko raMwari. (Enzanisa naVaKorose 2:8.) Pepa rakabudiswa naA. D. Jones rakapfuurira kwenguva pfupi bedzi uye ipapo rakaregwa. J. H. Paton akasarudza kubudisa magazini umo akaonesa evhangeri sezvaakaiona, asi kuparadzirwa kwayo kwakanga kwakaganhurirwa zvikuru.
Hama Russell vakanga vachiitira hanya zvikuru mugumisiro uyo ikoku kwose kwakanga kuchiva nawo pavaravi veWatch Tower. Vakaziva kuti kwaiedza kutenda kwomumwe nomumwe. Vaisanoziva kuti vamwe vaitsanangura kutsoropodza kwavo dzidziso dzisati dziri dzapamagwaro kuva dzinosundwa nomudzimu wamakwikwi. Asi Hama Russell havana kuzvitsvakira vamene vateveri. Pamusoro pechakanga chichiitika, ivo vakanyora, kuti: “Vavariro youku kuedza nokusefa sezviri pachena ndeyokusarudza vose vane zvishuvo zvomwoyo zviri zvoudyire, vakazvitsaurira zvizere uye chose chose kunaShe, avo vanodisa kwazvo kuita kuti kuda kwaShe kuitwe, uye vane chivimbo chakakura kwazvo muuchenjeri hwake, nzira yake neShoko rake, zvokuti vanoramba kubviswa paShoko raShe, nemirangariro yavamwe, kana kuti zvimwe kupfurikidza negadziriro nepfungwa dzavo vamene.”
Mwari Akanga Achishandisa Mukoto Unooneka Here?
Kune, masangano orudzidziso mazhinji, chokwadika, uye vadzidzisi vakati vanoshandisa Bhaibheri. Mwari akanga achishandisa zvikurukuru Charles Taze Russell here? Kana zvakadaro, Mwari akarega kuva nomukoto unooneka apo Hama Russell vakafa here? Idzi dzakava nhau dzakakomba, idzo dzakatungamirira kukumwe kuedza nokusefa.
Kwaisagona zvirokwazvo kukarirwa kuti Mwari aizoshandisa C. T. Russell kudai asina kuomerera nokuvimbika kuShoko raMwari. (Jer. 23:28; 2 Tim. 3:16, 17) Mwari aisazoshandisa munhu airega nokutya kuparidza zvaakaona zvakanyorwa zvakajeka muMagwaro. (Ezek. 2:6-8) Uyewo Mwari aisazoshandisa munhu akashandisa zvakaipa zivo yake amene yaMagwaro kuti mbiri iuye kwaari amene. (Joh. 5:44) Naizvozvo, maidi anoratidzei?
Sezvo Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinohwirudzura basa raakaita, zvinhu zvaakadzidzisa, chikonzero chake chokuzvidzidzisa, uye mugumisiro wacho, hazvipanikiri kuti Charles Taze Russell, zvirokwazvo, akashandiswa naMwari munzira chaiyo uye panguva inokosha.
Uyu murangariro hauna kuvakirwa chose chose pachimiro chakasimba icho Hama Russell vakava nacho pamusoro porudzikinuro. Unorangarirawo idi rokuti vakaramba nokusatya zvitendero zvaiva nezvimwe zvezvitendero zvikuru zvechiKristudhomu, nemhaka yokuti izvozvi zvaibonderana naMagwaro akafuridzirwa. Izvi zvitendero zvaibatanidza dzidziso yoUtatu (iyo yakava namavambo ayo muBhabhironi rakare uye haina kugamuchirwa nevainzi vaKristu kusvikira nguva refu pashure pokunge kunyorwa kweBhaibheri kwapedzwa) pamwe chete nedzidziso yokuti mweya yavanhu haifi nenzira yomuzvarirwo (iyo yakanga yagamuchirwa navanhu avo vakakurirwa nouzivi hwaPlato iyo yakavasiya vakazaruka kupfungwa yakadai sokutambudzwa kusingagumi kwemweya mumwoto wehero). Vakawanda venyanzvi dzechiKristudhomuwo, vanoziva kuti idzi dzidziso hadzidzidziswi muBhaibheri,b asi handizvo izvo vaparidzi vavo kazhinji kazhinji vanotaura vari pazvikuva zvavo. Mukupesana, Hama Russell vakatanga nhimbe huru yokugoverana izvo Bhaibheri rinotaura chaizvoizvo nomunhu ari wose akanga achidisa kunzwa.
Chinokoshawo ndeicho Hama Russell vakaita nedzimwe zvokwadi dzine revo zvikuru dzavakadzidza muShoko raMwari. Vakanzwisisa kuti Kristu aizodzoka somunhu womudzimu ane mbiri, asingaoneki nameso avanhu. Pakuvamba zvikuru sa1876, vakaziva kuti gore ra1914 raizoratidzira mugumo weNguva dzaVamarudzi. (Ruka 21:24, KJ) Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri nenzira yakafanana dzakanga dzanzwisisa zvimwe zveizvi zvinhu uye dzakanga dzazvitsigira. Asi Hama Russell vakashandisa pfuma yavo yose kuti zviziviswe mumarudzi akawanda panguva iyeyo waisaenzaniswa nomumwe munhu upi noupi kana kuti boka.
Ivo vakakurudzira vamwe kunzvera manyoro avo nokungwarira neShoko rakafuridzirwa raMwari kuti vagogutswa kuti zvavakanga vachidzidza zvakanga zviri mutsinhirano yakazara naro. Kune mumwe akanyora tsamba yokubvunza, Hama Russell vakapindura, kuti: “Kana kwakanga kwakafanira kuti vaKristu vapakuvamba vabvumikise zvavakagamuchira kuvaapostora, avo vakanga vari uye vaitaura kuti vakafuridzirwa, kunokosha zvikuru kwazvo sei kuti uzvigutse umene zvizere kuti idzi dzidziso dzinoramba dziri mukati zvikuru memirayiridzo yavo yakaratidzirwa neiyo yaShe wedu;—sezvo munyori wazvo asingatauri kuti akafuridzirwa, asi anongotaurawo zvake kuti ane nhungamiro yaShe, seanoshandiswa naye mukudyisa boka rake.”
Hama Russell havana kutaura kuti vaiva nesimba rinopfuura romuzvarirwo, havana kuva nezvinoratidzwa naMwari. Havana kutaura kuti vanoda mbiri nokuda kwezvavakadzidzisa. Vakanga vari mudzidzi akatanhamara weBhaibheri. Asi vakatsanangura kuti nzwisiso yavo inoshamisa yaMagwaro yakanga iri nemhaka ye‘idi rakapfava rokuti nguva yakafanira yaMwari yakanga yasvika.’ Ivo vakati: “Kudai ndisina kutaura, uye kusina imwe nhume yaigona kuwanikwa, mabwe amene aizodanidzira.” Ivo vakanongedzera kwavari vamene savanongovawo zvavo vakafanana nomunongedzo, unonongedzera kune chinotaurwa muShoko raMwari.
Charles Taze Russell akanga asingadi mbiri inobva kuvanhu. Kuti vagogadziridza kufunga kwavapi navapi vakanga vakarerekera kukupa rukudzo rwakanyanya kwavari, Hama Russell vakanyora, muna 1896, kuti: “Sezvo kusvikira kumwero wakati, kupfurikidza nenyasha dzaMwari, takashandiswa muushumiri hweevhangeri, kungava kusina kufanira kutaura pano zvatakataura nguva dzose pachivande, uye kare muizvi zvikamu,—ndiko kuti, kuti tichionga rudo, kunzwira tsitsi, chivimbo uye ruwadzano rwavabatiri biyedu norweimba yose yokutenda, hatidi ruremekedzo, hatidi rukudzo, nokuda kwedu timene kana kuti manyoro edu; uyewo hatidi kudanwa kuti Revherendi kana kuti Rabhi. Uyewo hatidi kuti vapi navapi vadanwe nezita redu.”
Sezvo rufu rwavo rwakaswedera pedyo, havana kuva nomurangariro wokuti pakanga pasisinazve chinhu chokudzidza, kuti pakanga pasisinazve basa rokuita. Kazhinji kazhinji vakanga vataura nezvokugadzirira vhoriyamu rechinomwe reStudies in the Scriptures. Apo vakabvunzwa pamusoro paro vasati vafa, vakati kuna Menta Sturgeon, mufambi biyavo: “Mumwe munhuwo zvake anogona kunyora iroro.” Muchido chavo chenhaka, vakaratidzira chishuvo chokuti Nharireyomurindi ipfuurire kubudiswa munhungamiro yedare ravarume vakazvipira zvizere kunaShe. Ivo vakataura kuti avo vaizodarozvo kubatira vaifanira kuva varume “vakavimbika chose chose kudzidziso dzaMagwaro—zvikurukuru saizvozvo kudzidziso yoRudzikinuro—kuti hakuna kugamuchirwa naMwari uye hakuna ruponeso rwokuupenyu husingagumi kunze kwokupfurikidza nokutenda muna Kristu nokuteerera Shoko Rake nomudzimu waro.”
Hama Russell vakaziva kuti pakanga pachine basa rakawanda raifanira kuitwa mukuparidza mashoko akanaka. Parusando rwemibvunzo nemhinduro muVancouver, B.C., Canada, muna 1915, vakabvunzwa apo vateveri vakazodzwa nomudzimu vaKristu vairarama panguva iyoyo vaigona kukarira kugamuchira tuso yavo yokudenga. Vakapindura, kuti: “Handizivi, asi pane basa guru rinofanira kuitwa. Uye richada zviuru zvehama nemamiriyoni emari kuriita. Kuti izvozvi zvichabva kupi handizivi—Ishe anoziva basa rake amene.” Ipapo, muna 1916, chinguvana vasati vavamba rwendo rwokutaura apo vakafa, vakadana A. H. Macmillan, mubetseri womutarisiri, kuhofisi yavo. Panhambo iyoyo vakati: “Handichakwanisi kupfuudzirazve basa, asi pane basa guru rinofanira kuitwa.” Kwamaawa matatu vakatsanangurira Hama Macmillan basa guru rokuparidza iro vaiona mberi, pahwaro hwaMagwaro. Kukurambidza kwaHama Macmillan, ivo vakapindura, kuti: “Iri harisati riri basa romunhu.”
Chinjo Yokutarisira Inounza Miedzo
Vakawanda vavasonganiri vaHama Russell vakapwiswa zvakasimba kuti Ishe akanga ane zvinhu zvaidzorwa zvakanaka. Pamariro aHama Russell, W. E. Van Amburgh akati: “Mwari akashandisa vabatiri vakawanda munguva dzakapfuura uye Iye pasina panikiro achashandisa vakawanda munguva yemberi. Tsauriro yedu haisati iri kumunhu, kana kuti kubasa romunhu, asi kuita kuda kwaMwari, sezvo Iye achakuzivisa kwatiri kupfurikidza neShoko Rake nenhungamiro dzakanaka. Mwari achiri kutungamirira.” Hama Van Amburgh havana kutongozununguka pakupwiswa ikoko kuburukira kurufu rwavo.
Nenzira inosuruvarisa, zvisinei, pakanga pane vamwe vaitaura kuti vaida Russell asi vairatidzira chimiro chendangariro chakasiyana. Somugumisiro, mamirire ezvinhu akachinjwa pashure porufu rwaRussell akaguma nokuedza nokusefa. Mapoka akaramba kutenda akatanga kwete bedzi muUnited States asiwo muBelfast, Ireland; muCopenhagen, Denmark; muVancouver neVictoria, British Columbia, Canada; uye mudzimwe nzvimbo. MuHelsinki, Finland, vamwe vakagamuchira murangariro wokuti pashure porufu rwaRussell pakanga pasina mukoto wechimwezve chiedza chomudzimu. Pakurudziro yavamwe vakakurumbira, vane 164 imomo vakasiya sangano. Ikoko kwakava nechikomborero chaMwari here? Kwechinguvana vakabudisa magazini yavo vamene uye vakaita misangano yavo vamene. Pashure penguva yakati, zvisinei, boka racho rakaparadzana, rakapera, uye rakaguma kuvapo; uye vakawanda vavo vakadzoka nomufaro kumisangano yaVadzidzi veBhaibheri. Zvisinei, havasati vari vose vakadzoka.
Rufu rwaHama Russell, pamwe chete nezviitiko zvapashure, zvakapawo muedzo kuna R. E. B. Nicholson, munyori webazu reAustralia, uye zvakamuparira kuratidzira chakanga chiri mumwoyo make. Pashure porufu rwaRussell Nicholson akanyora, kuti: “Kwechinopfuura chikamu chimwe chezvina zvezana ramakore ndakamuda, kwete bedzi nemhaka yemabasa ake, asiwo nokuda kwechimiro chake chakaisvonaka, ndakafarira zvokwadi dzaakabudisa se‘nyama munguva yakafanira,’ uye zano rake, kuyemura chimiro chokunzwira urombo, chomutsa, chorudo zvakabatanidzwa zvakaisvonaka kwazvo noushingi nokutsunga kwakasimba kuita nokushinga kuti agoita kwaaidavira kuva kuda kwaMwari kana kuti kupetenuka kweShoko Rake. . . . Pane pfungwa youshoma sezvo munhu anoziva kuti iyi tsigiro yakasimba yabviswa.”
Joseph F. Rutherford, purezidhendi mutsva weWatch Tower Society, akanga asiri rudzi rwomunhu urwo Nicholson aifunga kuti rwaifanira kuva nenzvimbo yokutarisira iyo Hama Russell vakanga vanayo. Nicholson akava anotsoropodza pachena mutoo wakajeka uyo mashoko matsva efundo yeBhaibheri akashora nawo rudzidziso rwenhema. Isati iri nguva refu iye akasiya sangano, uye akaenda neyakawanda yepfuma yeSosaiti (iyo akanga anyoresa muzita rake amene) uye avo vakanga vari muMelbourne avo, somugumisiro, vakanga vachida kumukudza. Neiko kwakaitika? Sezviri pachena Nicholson akanga azvibvumira amene kuva muteveri womunhu; naizvozvo, apo munhu iyeyo akaenda, kutendeseka kwaNicholson neshingairo yokubatira Ishe zvakatonhora. Hakuna nomumwe weavo vakaenda panguva iyoyo akabudirira. Kunokosha, zvisinei, kuti Jane Nicholson, kunyange zvazvo akanga asina simba muchimiro, haana kukumbanira murume wake mukutsauka kwake. Kuzvipira kwake kwakanga kuchikosha zvikurusa kuna Jehovha Mwari, uye akapfuurira kumubatira nguva yakazara kusvikira chaizvo kurufu rwake muna 1951.
Vakawanda vakanzwisisa kuti zvakanga zvichiitika mumakore apashure porufu rwaHama Russell zvakanga zvichiita kuda kwaShe. Mumwe wavabatiri vaJehovha muCanada akanyora pamusoro paikoku kuna Hama Rutherford, achiti:
“Hama Inodiwa, musandinzwisisa zvisina kururama zvino apo ndinonyora zvandinonyora. Chimiro chenyu chendangariro neicho cheHama yedu inodiwa Russell zvakasiyana chose chose. Vakawanda, maiwe, vakawanda zvikuru, vaida Hama Russell nemhaka yeunhu hwavo, chimiro chendangariro, zvichingodaro; uye vashomanene zvikuru vaivashora. Vakawanda vakagamuchira zvokwadi nemhaka bedzi yokuti Hama Russell vakataura kudaro. Ipapo, vakawanda vakasvika pakunamata munhu . . . Munoyeuka nguva apo Hama Russell pane imwe kokorodzano vakava nekurukurirano yakananga pamusoro pouku kukundikana kwehama dzakawanda dzaiva nevavariro yakanaka, vachivakira hurukuro yavo pana Johane nengirozi. (Zvak. 22:8, 9) Apo vakafa tose tinoziva zvakaitika.
“Asi imi, Hama Rutherford, mune chimiro chendangariro chisingaenzaniswi neicho chaHama Russell. Kunyange zvitarisiko zvenyu zvakasiyana. Haisi mhaka yenyu. Chakanga chiri chitarisiko chakapiwa kwamuri pamakaberekwa, uye maisagona kuchiramba. . . . Kubvira apo makaiswa kuti mutarisire zvinhu zveSOSAITI, mave muchitsoropodzwa zvisina kururama nokucherwa kworudzi rwakaipisisa, kwose ikoku kuchibva kuhama. Nepo pasinei hapo naikoku kwose mave makavimbika uye makazvipira kunaShe anodiwa nokubasa rake serakanyorwa muna Isaya 61:1-3. Ishe akaziva zvaakanga achiita here apo akakuisai kuti mutarisire zvinhu? Zvirokwazvo aiziva. Munguva yapfuura tose takanga tichida kunamata chisikwa kupfuura Musiki. Ishe aiziva izvozvo. Naizvozvo akaisa chisikwa chine chimiro chendangariro chakasiyana kuti chitarisire zvinhu, kana kuti ndinofanira kuti chitarisire basa, basa rokukohwa. Hamushuvi kuti munhu upi noupi akunamatei. Ndinoziva izvozvo, asi munoshuva kuti vose vane kutenda kunokosha kwakafanana vanofanira kufarikanya chiedza chiri kupenya zvino munzira yavakarurama, seizvo Ishe anoona kuti kwakakodzera kuti chipenye. Uye izvozvo ndizvo izvo Ishe anoda kuti zviitwe.”
Kujekesa Kuzivikanwa kwo“Mubatiri Akatendeka uye Akangwara”
Vakawanda avo vakaseferwa kunze panguva iyoyo vakaomerera kumurangariro wokuti munhu mumwe, Charles Taze Russell, akanga ari “mubatiri akatendeka uye akangwara” akafanotaurwa naJesu pana Mateo 24:45-47 (KJ), ari muranda aizoparadzira zvokudya zvomudzimu kuimba yokutenda. Zvikurukuru pashure porufu rwake, Nharireyomurindi imene yakaratidza uyu murangariro kwemakore akati. Nemhaka yebasa rakatanhamara iro Hama Russell vakanga vaita, kwakaratidzika kuVadzidzi veBhaibheri venguva iyoyo kuti ikoku kwakanga kwakadaro. Ivo pachavo havana kutanga pfungwa yacho, asi ivo vakabvuma kuva nomufungo kwaiva pachena kwezvibvumikiso zvaavo vaiida.c Vakasimbisawo, zvisinei, kuti upi noupi uyo Ishe angashandisa mubasa rakadaro anofanira kuva anozvininipisa pamwe chete neanoshingaira kuunza mbiri kuna Tenzi, uye kuti kana uyo anosarudzwa naShe akakundikana, aizotsiviwa nomumwe.
Zvisinei, sezvo chiedza chezvokwadi chaipenya nenzira inofambira mberi zvakatojeka zvikuru pashure porufu rwaHama Russell, uye sezvo kuparidza uko Jesu akanga afanotaura kwakatova kukuru zvikuru, kwakava pachena kuti “mubatiri akatendeka uye akangwara” (KJ), kana kuti “muranda akatendeka uye akachenjera” (NW), akanga asina kunyangarika apo Hama Russell vakafa. Muna 1881, Hama Russell vamene vakanga vataura murangariro wokuti “mubatiri” iyeyo aiumbwa neboka rose ravaKristu vakatendeka vakazodzwa nomudzimu. Vakamuona semubatiri akaumbwa nevakawanda, boka ravanhu vakanga vakabatana mukuita kuda kwaMwari. (Enzanisa naIsaya 43:10.) Iyi nzwisiso yakasimbiswazve naVadzidzi veBhaibheri muna 1927. Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoziva magazini yeNhariremurindi nezvinyorwa zvakafanana kuva izvo zvinoshandiswa nomuranda akatendeka uye akachenjera kuparadzira zvokudya zvomudzimu. Hazvitauri kuti iri boka romuranda haritadzi, asi zvinorirangarira somukoto mumwe uyo Ishe ari kushandisa mukati mamazuva okupedzisira etsika ino yezvinhu.
Apo Rudado Rwakava Mhinganidzo
Pakava nenguva, zvisinei, apo vanhu vamwe navamwe vaiva munzvimbo dzokuvimbika vakasvika pakuzvirangarira vamene somukoto wechiedza chomudzimu, zvokuti vakadzivisa zvakagoverwa nesangano. Vamwe vakangotera kuchishuvo chokushandisa pesvedzero huru zvikuru yomunhu oga. Vakatsvaka kuita kuti vamwe vavatevere, kana kuti, sokutaura kwakaita muapostora Pauro, “vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mabasa 20:29, 30) Chokwadika, ikoku kwakaedza vavariro nokutsiga mumudzimu zvaavo vakaedza kunyengedza. Rangarira mimwe mienzaniso:
Tsamba chaidzo kuVadzidzi veBhaibheri muAllegheny, Pennsylvania, dzakavakokera kumusangano pana April 5, 1894. Hama naHanzvadzi Russell havana kukokwa uye havana kupinda, asi vamwe vanenge 40 vakanga varipo. Tsamba yacho, yakasainwa naE. Bryan, S. D. Rogers, J. B. Adamson, uye O. von Zech, yakataura kuti musangano wacho waizobatanidza zvinhu zvine chokuita ne“garikano [yavo] hurusa.” Wakabvumikisa kuva nhamburiko yakaipa kune ava varangani yokukuvadza ndangariro dzavamwe kupfurikidza nokuzivisa zvavakafungidzira kuva zvakaipa munhau dzebhizimisi dzaHama Russell (kunyange zvazvo maidi akanga akapesana), kupfurikidza nokuita nharo kuti Hama Russell vakanga vane chiremera chakanyanyisa (icho vaida nokuda kwavo vamene), uye kupfurikidza nokunyunyuta vachinyunyuta nemhaka yokuti vaida kushandisa zvinyorwa kuparadzira evhangeri nemisangano yamapoka yeBhaibheri panzvimbo pokungopa bedzi hurukuro (umo vangatsanangura nyore nyore zvikuru mirangariro yomunhu oga). Ungano yakavhiringidzwa zvikuru nezvakaitika, uye vakawanda vakagumburwa. Asi avo vakatsauka somugumisiro havana kuva vanhu vomudzimu zvikuru kana kuti vanoshingaira zvikuru mubasa raShe.
Anopfuura makore 20 gare gare, vasati vafa, Hama Russell vakataura vavariro yavo yokutumira Paul S. L. Johnson, mukurukuri anokwanisa zvikuru, kuBritain kundosimbisa Vadzidzi veBhaibheri ikoko. Nemhaka yokuremekedza chishuvo chaHama Russell, Sosaiti yakatumira Johnson kuBritain muna November 1916. Zvisinei, paakangova bedzi muBritain, iye akadzinga mamanija maviri eSosaiti. Achizviona amene somunhu anokosha, akaita nharo mukutaura uye mutsamba kuti zvaakanga achiita zvakafanofananidzirwa muMagwaro naEzra, Nehemia, uye Mordhekai. Akataura kuti mutariri (kana kuti, murume anotarisira) akanongedzerwa kwaari naJesu mumufananidzo wake uri pana Mateo 20:8. Akaedza kudzora mari yeSosaiti, uye akatanga kumhan’ara muHigh Court of London kuti awane nharidzano dzake.
Adziviswa mukuedza kwake, akadzokera kuNew York. Ikoko akatsvaka kuwana tsigiro kuvamwe vakati avo vakanga vachibatira paboka ravatungamiriri reSosaiti. Avo vakapesvedzerwa kubvumirana naye vakaedza kusvika nharidzano dzavo kupfurikidza nokuedza kuita kuti chisarudzo chigamuchirwe chokubvisa mitemo yeSosaiti iyo yaitendera purezidhendi kutarisira zvinhu zvayo. Vaida kuti chiremera chezvisarudzo zvose chive pavari. Chiito chapamutemo chakaitwa naHama Rutherford chokutaviridzira fariro dzeSosaiti, uye avo vakanga vachitsvaka kuvhiringidza basa rayo vakakumbirwa kubva paMusha weBheteri. Pamusangano wegore negore vakutsirani veSosaiti pakuvamba gore rakatevera racho, apo boka ravatungamiriri navakuru vakuru varo rakasarudzwa nokuda kwegore raizotevera, avo vakanga vave vari vakuchidziri vakarambwa zvikuru. Zvichida vamwe vavo vakafunga kuti vakanga vakarurama, asi voruzhinji zvikuru vehama dzavo dzomudzimu vakakujekesa kuti vakanga vasingabvumirani. Vaizogamuchira tsiuro iyoyo here?
Pashure paikoko, P. S. L. Johnson akaoneka pamisangano yaVadzidzi veBhaibheri ndokuita kuti kuratidzike kuti akanga achibvumirana nezvitendero zvavo nomubato. Asi pashure pokuwana chivimbo chavamwe, aidyara mbeu dzepanikiro. Kana munhu upi noupi akakarakadza kuparadzana neSosaiti, iye nenzira yokunyengera aidzivisa ikoku—kutozosvikira ruvimbiko rweboka racho rwaneteswa chose chose. Kupfurikidza netsamba uye kunyange nenzendo dzomunhu oga, iye akaedza kupesvedzera hama kwete bedzi muUnited States asiwo muCanada, Jamaica, Europe, uye Australia. Ikoku kwakabudirira here?
Zvichida kwakaratidzika saizvozvo apo voruzhinji muungano vakavhota kugura batano neSosaiti. Asi vakanga vakafanana nebazu rakatemwa pamuti—rakasvipira kwechinguvana, ipapo rakauna ndokuva risina upenyu. Apo vashori vakaita kokorodzano muna 1918, misiyano yakaoneka, uye kuparadzana kwakaitika. Kumwe kuparadzana kwakatevera. Vamwe vakashanda kwechinguvana semasekete maduku nomutungamiriri wavaiyemura. Hakuna nevamwe vavo vakazvipa vamene kubasa rokupa uchapupu hwapachena mupasi rose rinogarwa pamusoro poUmambo hwaMwari, riri basa iro Jesu akagovera kuvateveri vake.
Sezvo izvi zvinhu zvakaitika, hama dzakazviyeuchidza dzimene nezvezvakanyorwa pana 1 Petro 4:12: “Vadikanwa, musashamiswa nokunyanyisa kwokuidzwa pakati penyu, kwakauya kukuidzai, muchiti mawirwa nechisingazivikanwi.”
Avo vadudzwa pamusoro apa vakanga vasiri ivo bedzi vakabvumira rudado kunetesa kutenda kwavo. Vamwe vakaitawo saizvozvo, kubatanidza Alexandre Freytag, manija wehofisi yeSosaiti muGeneva, Switzerland. Aida kukwevera ngwariro kwaari amene, aiwedzera pfungwa dzake amene pakushandurira zvinyorwa zveSosaiti muchiFrench, uye akatoshandisa zvivako zveSosaiti kubudisa mashoko ake amene. MuCanada, makanga muna W. F. Salter, manija webazu reSosaiti uyo akavamba kusabvumirana nezvinyorwa zveSosaiti, akaita kuti kuzivikanwe kuti aikarira kuva purezidhendi anotevera weWatch Tower Society, uye, pashure pokunge adzingwa, akashandisa nenzira yokusatendeseka mapepa ane kero yeSosaiti kurayiridza ungano muCanada uye dzimwe nyika kufunda mashoko ayo akanga anyora pachake. MuNigeria, makanga mune, pakati pavamwe, G. M. Ukoli, uyo pakutanga akaratidza kushingairira zvokwadi asi ipapo akavamba kuiona somutoo wemhindu yokunyama noutanhamari hwomunhu oga. Pashure pacho, apo akakundwa munharidzano dzake, akatendeukira kukutsoropodza hama dzakatendeka mupepanhau ravose. Uye pakanga pane vamwe.
Kunyange mumakore achangobva kupfuura aya, vamwe vanhu vaiva nenzvimbo dzakatanhamara dzokutarisira vakaratidzira chimiro chendangariro chakafanana.
Chokwadika, ava vanhu zvirokwazvo vakanga vane rusununguko rwokudavira zvavakasarudza. Asi munhu upi noupi anotsigira pachena kana kuti pachivande mirangariro yakasiyana neinooneka muzvinyorwa zvesangano, uye anoita saizvozvo achitaura kuti anomirira sangano iroro, anoparira kukamuka. Zvapupu zvaJehovha zvakabata sei neaya mamirire ezvinhu?
Hazvina kutanga nhimbe yokutambudza mukurwisana navanhu vakadaro (kunyange zvazvo vapanduki kazhinji kazhinji vainyomba dzaichimbova hama dzavo dzomudzimu), uyewo hazvina kutsvaka kuvakuvadza mumuviri (sezvaiitwa neChechi yeKaturike kupfurikidza neBvunzurudzo). Panzvimbo pezvo, zvakatevera zano rakafuridzirwa romuapostora Pauro, uyo akanyora, kuti: “Ngwarirai avo vanoparira mapoka nenhambo dzokugumbura zvinopesana nedzidziso yamakadzidza, uye vadzivisei. Nokuti vanhu vorudzi irworwo varanda, kwete vaShe vedu Kristu . . . Kupfurikidza nokutaura kwakanaka nokutaura kwokubata kumeso vanonyengera mwoyo yavanhu vasina mhaka.”—VaR. 16:17, 18, NW.
Sezvo vamwe vaicherekedza chakanga chichiitika, ivowo vakapiwa mukana wokuratidzira chakanga chiri mumwoyo yavo.
Mirangariro Yedzidziso Inoda Kunatswa
Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma norusununguko kuti kunzwisisa kwazvo chinangwa chaMwari kwakava negadziriro dzakawanda mumakore apfuura. Idi rokuti zivo yechinangwa chaMwari inofambira mberi rinoreva kuti panofanira kuva nechinjo. Hakusati kuri kuti chinangwa chaMwari chinochinja, asi nzwisiso iyo anopa nguva dzose kuvabatiri vake inoda gadziridzo mumurangariro wavo.
Kubva muBhaibheri Zvapupu zvinoonesa kuti ikoku kwakanga kuri kwechokwadiwo nezvavabatiri vakatendeka vaMwari munguva dzakapfuura. Abrahama akanga ane ukama hwapedyo naJehovha; asi apo akabuda muUri, murume iyeyo wokutenda akanga asingazivi nyika uko Mwari akanga achimutungamirira, uye kwemakore akawanda akanga asitongorina chokwadi chokuti Mwari aizozadzika sei chipikirwa chake chokuita rudzi rukuru runobva maari. (Gen. 12:1-3; 15:3; 17:15-21; VaH. 11:8) Mwari akazivisa zvokwadi dzakawanda kuvaporofita, asi pakanga pane zvimwe zvinhu izvo vasina kunzwisisa panguva iyoyo. (Dhan. 12:8, 9; 1 Pet. 1:10-12) Nenzira yakafanana, Jesu akatsanangura zvakawanda kuvaapostora vake, asi kunyange pamugumo woupenyu hwake hwapasi akavaudza kuti pakanga pachine zvinhu zvakawanda zvokuti vadzidze. (Joh. 16:12) Zvimwe zveizvi zvinhu, zvakadai sechinangwa chaMwari chokupinza Vamarudzi muungano, hazvina kunzwisiswa kutozosvikira vaapostora vaona chakanga chichiitika chaizvoizvo muzadziko youporofita.—Mabasa 11:1-18.
Sezvingakarirwa, apo chinjo dzakada kuiswa parutivi kwemirangariro yaichimbokosheswa, iwoyo wave uri muedzo nokuda kwavamwe. Zvakare, hadzisati dziri gadziridzo dzose mukunzwisisa dzakauya nenzira iri nyore, kamwe chete. Nemhaka yokusakwana, padzimwe nguva pane chimiro chendangariro chokunyanyisa chimiro chakarurama chisati chanzwisiswa. Ikoku kungada nguva. Vamwe vanoda kutsoropodza vakagumburwa naikoku. Rangarira muenzaniso:
Pakuvamba zvikuru sa1880, zvinyorwa zveWatch Tower zvakakurukura udzame kwakasiyana-siyana hwakabatanidzwa nesungano yaAbrahama, sungano yoMutemo, uye sungano itsva. ChiKristudhomu chakanga chakanganwa chipikirwa chaMwari chokuti kupfurikidza nembeu yaAbrahama mhuri dzose dzapasi dzaizozvikomborera dzimene zvirokwazvo. (Gen. 22:18) Asi Hama Russell vakanga vachifarira zvikuru kunzwisisa kuti Mwari aizoita sei ikoku. Vakafunga kuti vakaona mukurondedzera kweBhaibheri zviratidzo zveZuva Reyananiso rechiJudha pamusoro pokuti kungaitwa sei maererano nesungano itsva. Muna 1907, apo sungano dzimwe chetedzo dzakakurukurwazve, nesimbiso chaiyo pabasa ravadyi venhaka pamwe chete vaKristu mukuparira rudzi rwomunhu zvikomborero zvakafanotaurwa musungano yaAbrahama, zvirambidzo zvakasimba zvakamutswa navamwe vaVadzidzi veBhaibheri.
Panguva iyoyo pakanga pane mhinganidzo dzakati kunzwisiso yakajeka yezvinhu. Vadzidzi veBhaibheri vakanga vachigere kuona zvakarurama nzvimbo iyo Israeri wokunyama aiva nayo panguva iyoyo maererano nechinangwa chaMwari. Iyi mhinganidzo haina kubviswa kutozosvikira kwava pachena zvikuru kuti vaJudha serudzi vakanga vasingafariri kushandiswa naMwari mukuzadzikwa kweshoko rake rouporofita. Imwe mhinganidzo yakanga iri kusakwanisa kwaVadzidzi veBhaibheri kuziva zvakarurama “[boka guru, NW]” raZvakazarurwa 7:9, 10. Uku kuzivikanwa hakuna kujeka kutozosvikira boka guru ravamba chaizvoizvo kuzviratidzira rimene mukuzadzikwa kwouporofita. Avo vakatsoropodza zvakakomba Hama Russell havana kungonzwisisawo izvi zvinhu.
Nenzira yenhema, zvisinei, vamwe vaitaura kuti ihama dzechiKristu vakapomera kuti Nharireyomurindi yakanga yaramba kuti Jesu ndiye Murevereri pakati paMwari navanhu, kuti yakanga yaramba rudzikinuro uye yaramba kudikanwa neidi zveyananiso. Hakuna nechimwe chaizvozvi chaiva chechokwadi. Asi vamwe vakakutaura vakanga vari vanhu vakakurumbira, uye vakakweva vamwe kuti vavatevere savadzidzi. Vangave vakanga vakarurama muhumwe hwoudzame hwavakadzidzisa maererano nesungano itsva, asi Ishe akakomborera zvavakanga vachiita here? Kwenguva yakati vamwe vavo vakaita misangano, asi ipapo mapoka avo akaguma.
Mukupesana, Vadzidzi veBhaibheri vakapfuurira kugoverana mukuparidzwa kwamashoko akanaka, sokurayira kwakanga kwaita Jesu vadzidzi vake. Panguva imwe cheteyo, vakapfuurira kufunda Shoko raMwari uye kucherekedza zviitiko zvaizojekesa revo yaro. Pakupedzisira, mukati mema1930, mhinganidzo huru kunzwisiso yakajeka yesungano dzakabviswa, uye kutaura kwakaruramiswa kwenhau yacho kwakaoneka muNharireyomurindi nezvinyorwa zvinowirirana.d Ikoku kwakaunza mufaro wakadini kuna avo vakanga vamirira nokushivirira!
Kariro Dzavo Dzakanga Dzakarurama Here?
Padzimwe nguva Vadzidzi veBhaibheri vaiva netariro nekariro izvo zvakanyombwa navatsoropodzi. Bva, tariro dzose idzodzo nekariro zvakabva muchishuvo chikuru chokuona zadziko yeizvo ava vaKristu vanoshingaira vakaziva kuva zvipikirwa zvisingakundikani zvaMwari.
Mufundo yavo yaMagwaro akafuridzirwa, vaiziva kuti Jehovha akanga apikira zvikomborero zvamarudzi ose apasi kupfurikidza nembeu yaAbrahama. (Gen. 12:1-3; 22:15-18) Vakaona muShoko raMwari chipikirwa chokuti Mwanakomana womunhu aizotonga saMambo wokudenga pamusoro papasi rose, kuti boka duku ravakatendeka raizotorwa mupasi kundogoverana naye muUmambo hwake, uye kuti ivava vaizotonga samadzimambo kwamakore ane chiuru. (Dhan. 7:13, 14; Ruka 12:32; Zvak. 5:9, 10; 14:1-5; 20:6) Vaiziva chipikirwa chaJesu chokuti aizodzoka ndokuenda naavo akanga agadzirira nzvimbo mudenga. (Joh. 14:1-3) Vakanga vakarovedzana nechipikirwa chokuti Mesiya aizosarudzawo vamwe vamadzitateguru ake akatendeka kuti vave machinda mupasi rose. (Pis. 45:16) Vakaziva kuti Magwaro akafanotaura mugumo wetsika yakaipa yekare yezvinhu uye vakaziva kuti iwoyu wakanga wakabatanidzwa nehondo yezuva guru raMwari Wamasimba Ose paArmagedhoni. (Mat. 24:3; Zvak. 16:14, 16) Vakaororwa zvikuru namagwaro anoratidza kuti pasi rakasikwa kuti rigarwe nokusingaperi, kuti avo vaizogara pariri vaifanira kuva norugare rwechokwadi, uye kuti vose avo vaizoshandisa kutenda muchibayiro chomunhu chakakwana chaJesu vaigona kufarikanya upenyu husingagumi muParadhiso.—Isa. 2:4; 45:18; Ruka 23:42, 43; Joh. 3:16.
Kwaingova bedzi kwomuzvarirwo kuti vaifanira kushamiswa kuti zvinhu izvozvi zvaizoitika rini uye sei. Magwaro akafuridzirwa akagovera nhungamiro dzipi nedzipi here?
Vachishandisa kuverenga nguva kweBhaibheri uko kwakanga kwaratidzwa pakutanga naChristopher Bowen weEngland, vakafunga kuti makore 6 000 enhau yomunhu akanga aguma muna 1873, kuti pashure paikoko vakanga vari munhambo yechinomwe yemakore ane chiuru yenhau yomunhu, uye kuti vakanga vasvika zvirokwazvo mavambo eMireniyumu yakafanotaurwa. Nhevedzano yamabhuku anozivikanwa seMillennial Dawn (uye gare gare akadanwa kuti Studies in the Scriptures), ayo akanyorwa naC. T. Russell, yakakwevera ngwariro kurevo dzaikoku maererano neizvo Vadzidzi veBhaibheri vakanzwisisa muMagwaro.
Chimwe chinhuzve chakaonekwa sechiratidzo chenguva chinobvira chakabatanidza gadziriro iyo Mwari akatanga muna Israeri wakare nokuda kweJubheri, gore rokusunungurwa, gore rechi50 riri rose. Iyoyi yaiuya pashure penhevedzano yenhambo nomwe dzamakore 7, imwe neimwe yayo yaiguma negore resabata. Mukati megore reJubheri, varanda vechiHebheru vaisunungurwa uye minda yavo yakagarwa nhaka iyo yakanga yatengeswa yaidzorerwa. (Revh. 25:8-10) Kuverenga kwakavakirwa paiyi nhevedzano yemakore kwakatungamirira kumhedziso yokuti zvichida Jubheri guru zvikuru nokuda kwapasi rose rakanga ravamba mumatsutso a1874, kuti sezviri pachena Ishe akanga adzoka mugore iroro uye akanga aripo asingaoneki, uye kuti “nguva dzedzorerwo yezvinhu zvose” yakanga yasvika.—Mabasa 3:19-21, KJ.
Kwakavakirwa pakurangarira kuti zviitiko zvezana rokutanga ramakore zvingawana wirirano muzviitiko zvinowirirana gare gare, vakagumisawo kuti kana rubhapatidzo rwaJesu nokuzodzwa mumatsutso a29 C.E. zvakawirirana namavambo okuvapo kusingaoneki muna 1874, ipapo kutasva kwake achipinda muJerusarema saMambo muchirimo cha33 C.E. kwaizonongedzera kuchirimo cha1878 senguva apo iye aizotora simba rake saMambo wokudenga.e Vaifungawo kuti vaizopiwa tuso yavo yokudenga panguva iyoyo. Apo ikoko kusina kuitika, vakagumisa kuti sezvo vateveri vakazodzwa vaJesu vaifanira kugoverana naye muUmambo, rumuko kuupenyu hwomudzimu rwaavo vakatorara murufu rwakavamba panguva iyeyo. Kwakarangarirwawo kuti mugumo wenyasha chaidzo dzaMwari kuna Israeri wokunyama kusvikira kuna 36 C.E. unganongedzera kuna 1881 senguva apo mukana chaiwo wokuva rutivi rwaIsraeri womudzimu waizoguma.f
Muhurukuro yaiti “Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haasati Achizotongofa,” yakakurukurwa naJ. F. Rutherford pana March 21, 1920, paHippodrome muNew York City, ngwariro yakanangidzirwa kugore ra1925. Rakafungwa kuva rine revo pahwaroi? Mune rimwe bhukwana rakabudiswa mugore rimwe chete iroro, 1920, kwakaoneswa kuti kana maJubheri 70 akazara akaverengwa kubva pane wainzwisiswa kuva musi apo Israeri akapinda muNyika Yakapikirwa (panzvimbo pokutanga pashure peJubheri rokufananidzira rokupedzisira utapwa hweBhabhironi hwokupedzisira husati hwaitika uye ipapo kuverenga kusvika kumavambo egore reJubheri pamugumo wenhevedzano yechi50), ikoku kwaigona kunongedzera kugore ra1925. Pahwaro hwezvakataurwa ipapo, vakawanda vaikarira kuti zvichida vakasarira veboka duku vaizogamuchira tuso yavo yokudenga panosvika 1925. Iri gorewo rakabatanidzwa nekariro dzorumuko rwavabatiri vakatendeka vakatangira chiKristu vaMwari nechinangwa chokubatira kwavo pasi pano savamiriri vari machinda voUmambo hwokudenga. Kudai ikoko kwakaitika chaizvoizvo, kwaizoreva kuti rudzi rwomunhu rwakanga rwapinda munhambo umo rufu rwaizoguma kuva tenzi, uye mamiriyoni airarama panguva iyoyo aigona kuva netariro yokusatongofa pasi pano. Ikariro inofadza zvakadini! Kunyange zvazvo vakakanganisa, vaiigoverana nokudisa navamwe.
Gare gare, mukati mamakore anovambira muna 1935 kusvikira muna 1944, kuhwirudzurwa kwegadziriro yose yokuverenga nguva kweBhaibheri kwakazivisa kuti shanduro yakashata yaMabasa 13:19, 20 muKing James Version,g pamwe chete nezvimwe zvinhu zvakati, yakanga yarasa kuverenga nguva nerinopfuura zana ramakore.h Ikoku gare gare kwakatungamirira kupfungwa—pane dzimwe nguva yaitaurwa seinobvira, pane dzimwe nguva zvakasimba zvikuru—kuti sezvo mireniyumu yechinomwe yenhau yavanhu yaizovamba muna 1975, zviitiko zvakabatanidzwa nokuvamba kwoKutonga kwaKristu Kwamakore Ane Chiuru zvingatanga kuitika panguva iyoyo.
Zvitendero zveZvapupu zvaJehovha paidzi nhau zvakabvumikisa kuva zvakarurama here? Zvirokwazvo hazvina kukanganisa mukudavira kuti Mwari pasina kundikano aizoita zvaakanga apikira. Asi kumwe kwokuverenga kwavo nguva nekariro izvo zvakabatanidzwa naizvozvi zvakaparira kuora mwoyo kwakakomba.
Pashure pa1925, vapindi vemisangano vakaderera zvikuru mune dzimwe ungano muFrance neSwitzerland. Zvakare, muna 1975, pakanga pane kuodzwa mwoyo apo kariro pamusoro pokutanga kweMireniyumu dzakakundikana kuitika. Somugumisiro, vamwe vakabuda musangano. Vamwe, nemhaka yokuti vakatsvaka kuparadza kutenda kwavasonganiri, vakadzingwa. Pasina panikiro, kuodzwa mwoyo pamusoro pomusi kwakanga kuri chisakiso, asi mune zvimwe zviitiko zvisakiso zvacho zvakanga zviri zvikuru. Vamwe vanhu vakaitawo nharo pamusoro pokudikanwa kwokutora rutivi muushumiri hwapaimba neimba. Vamwe havana kungosarudza zvavo kuita zvavaida; vakava vanodenha mukushora sangano ravakanga vakabatanidzwa naro, uye vakashandisa zvinobudisa nhau zvavose neterevhizheni kupa mirangariro yavo. Kunyange zvakadaro, nhamba yakapanduka yakanga iri duku zvikuru.
Kunyange zvazvo iyi miedzo yakaguma nokusefa uye vamwe vakapeperuka kufanana nehundi apo gorosi rinourudzwa, vamwe vakaramba vakasimba. Neiko? Pamusoro pechakaitika chake amene neicho chavamwe muna 1925, Jules Feller akatsanangura, kuti: “Avo vakanga vaisa chivimbo chavo muna Jehovha vakaramba vakasimba uye vakapfuudzira mubato wavo wokuparidza.” Vakaziva kuti chikanganiso chakanga chaitwa asi kuti Shoko raMwari rakanga risina kutongokundikana, uye naizvozvo pakanga pasina chikonzero chokurega tariro yavo vamene ichipera kana kuti zvimwe kuderera mubasa rokunongedzera vanhu kuUmambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu.
Dzimwe kariro dzakanga dzisina kuzadzikwa, asi ikoko hakuna kureva kuti kuverenga nguva kweBhaibheri kwakanga kusingakoshi. Uporofita hwakanyorwa naDhanieri pamusoro pokuoneka kwaMesiya vhiki 69 dzamakore pashure po“kubuda kweshoko rokudzorera ndokuvakazve Jerusarema” hwazadzikwa panguva chaipo, muna 29 C.E.i (Dhan. 9:24-27, NW) Gore ra1914 rakaratidzirwawo nouporofita hweBhaibheri.
1914—Kariro Nechokwadi
Muna 1876, C. T. Russell akanyora yokutanga yenyaya dzakawanda umo akanongedzera kugore ra1914 somugumo weNguva dzaVamarudzi dzakanongedzerwa kwadziri naJesu Kristu. (Ruka 21:24, KJ) Muvhoriyamu yechipiri yeMillennial Dawn, yakabudiswa muna 1889, Hama Russell vakaonesa nomutoo wakarangarirwa udzame hwaizogonesa varavi kuona hwaro hwapaMagwaro hwechakataurwa ndokuzvinzverera vamene. Munhambo yamakore anodokusvika makumi mana anotungamirira kuna 1914, Vadzidzi veBhaibheri vakagovera mamiriyoni amakopi ezvinyorwa zvainangidzira ngwariro pamugumo weNguva dzaVamarudzi. Mamwe mapepa mashomanene erudzidziso akanyora kuverenga nguva kweBhaibheri uko kwainongedzera kugore ra1914, asi ibokai kunze kwaVadzidzi veBhaibheri rakapfuurira kukuzivisa mumarudzi akawanda ndokurarama nomutoo wairatidza kuti vaidavira kuti Nguva dzaVamarudzi dzaizoguma mugore iroro?
Sezvo 1914 aiswedera pedyo, kariro dzakakura. Kwaizoreveiko? MuThe Bible Students Monthly (Vhoriyamu VI, Nha. 1, rakabudiswa pakuvamba muna 1914), Hama Russell vakanyora, kuti: “Kana tine musi wakarurama nokuverenga nguva, Nguva dzaVamarudzi dzichaguma gore rino—1914. Anokoshei? Hatizivi zvirokwazvo. Kariro yedu ndeyokuti kutonga kwokushingaira kwaMesiya kuchavamba panenge panguva yokuguma kwokupiwa simba kuna Vamarudzi. Kariro yedu, yechokwadi kana kuti yenhema, ndeyokuti pachava neratidziro dzinoshamisa dzorutongeso rwaMwari mukurwisana nokusarurama kwose, uye kuti ikoku kuchareva kuputsika kwemasangano akawanda enguva yazvino, kana asati ari ose.” Vakasimbisa kuti havana kukarira “mugumo wenyika” muna 1914 uye kuti pasi rinogara nokusingaperi, asi kuti nhevedzo yazvino uno yezvinhu, iyo Satani ari mutongi wayo, inofanira kupfuura.
Muchinyorwa chayo chaOctober 15, 1913, Nharireyomurindi yechiNgezi yakanga yataura, kuti: “Maererano nokuverenga nguva kwakanakisisa uko tinokwanisa, inenge nguva iyoyo—angava October, 1914, kana kuti gare gare. Tisingasimbisi, tiri kutsvaka zviitiko zvakati: (1) Kuguma kweNguva dzaVamarudzi—ukuru hwaVamarudzi munyika—uye (2) Kutangwa kwoUmambo hwaMesiya munyika.”
Ikoku kwaizoitika sei? Kwairatidzika kuva kune mufungo kuVadzidzi veBhaibheri panguva iyoyo kuti kwaizobatanidza kupiwa mbiri kwevapi nevapi vachiri pasi pano avo vakanga vasarudzwa naMwari kugoverana muUmambo hwokudenga naKristu. Asi vakanzwa sei apo ikoko kusina kuitika muna 1914? Nharireyomurindi yechiNgezi yaApril 15, 1916, yakati: “Tinodavira kuti misi yakabvumikisa kuva yakarurama zvikuru. Tinodavira kuti Nguva dzaVamarudzi dzakaguma.” Zvisinei, yakawedzera nenzira yakajeka, kuti: “Ishe haana kutaura kuti Chechi yose icharumbidzwa panosvika 1914. Takangokufungidzira uye, sezviri pachena, takakanganisa.”
Muna ikoku vakanga vakati fananei navaapostora vaJesu. Vaapostora vaiziva uye vaifunga kuti vaidavira uporofita pamusoro poUmambo hwaMwari. Asi panguva dzakasiyana-siyana vakanga vane kariro dzisina kururama pamusoro pokuti ihwohwu hwaizozadzikwa sei uye rini. Ikoku kwakatungamirira kukuodzwa mwoyo kuna vamwe.—Ruka 19:11; 24:19-24; Mabasa 1:6.
Apo October 1914 akapfuura pasina chinjo yaikarirwa yokuupenyu hwokudenga, Hama Russell vakaziva kuti paizova nokunzverwa kwakakomba kwomwoyo. MuNharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 1, 1914, ivo vakanyora, kuti: “Ngatiyeuke kuti tiri munguva yokuedza. Vaapostora vakanga vane yakafanana mukati menhambo yepakati porufu rwaShe wedu nePentekosta. Pashure porumuko rwaShe wedu, Iye akaoneka kuvadzidzi Vake nguva shomanene, uye ipapo havana kuMuona kwamazuva akawanda. Ipapo vakaodzwa mwoyo ndokuti, ‘Hazvishandi kumirira’; ‘Ndoenda kundoredza,’ akadaro mumwe. Vamwe vaviri vakati, ‘Tichaenda nemi.’ Vakanga vodokupinda mubasa rokuredza ndokurega basa rokuredza vanhu. Iyi yakanga iri nguva yokuedza nokuda kwavadzidzi. Naizvozvowo pane imwe zvino. Kana pane chikonzero chipi nechipi chingatungamirira vapi navapi kurega Ishe neZvokwadi Yake uye kurega zvimwe zvinhu nokuda kweBasa raShe, ipapo hakusati kuchingovawo zvako kuda Mwari kuri mumwoyo uko kwakanyandura kufarira Ishe, asi chimwe chinhuwo zvacho; zvimwe kariro yokuti nguva yakanga yava pfupi; kuzvitsaurira kwakanga kuri bedzi kwenguva yakati.”
Ikoko sezviri pachena kwakanga kwakadaro kuvamwe. Mifungo yavo nezvishuvo zvakanga zvaiswa zvikurukuru pakariro yokuchinjirwa kuupenyu hwokudenga. Apo ikoku kusina kuitika panguva yaikarirwa, havana kuitira hanya revo yezvinhu zvinoshamisa zvakaitika muna 1914. Vakafuratira zvokwadi dzose dzinokosha dzavakanga vadzidza muShoko raMwari, uye vakavamba kunyomba vanhu vakanga vavabetsera kudzidza idzodzi.
Nenzira yokuzvininipisa, Vadzidzi veBhaibheri vakanzverazve Magwaro, kuti varege Shoko raMwari rigadziridze murangariro wavo. Kupwiswa kwavo kuti Nguva dzaVamarudzi dzakanga dzaguma muna 1914 hakuna kuchinja. Zvishoma nezvishoma vakasvika pakuona zvakajeka zvikuru mavambire akanga aita Umambo hwaMesiya—kuti hwakagadzwa mudenga apo Jehovha akapa chiremera pana Jesu Kristu, Mwanakomana wake; uyewo, kuti ikoku kwaisafanira kumirira kusvikira vadyi venhaka pamwe chete naJesu vamutsirwa kuupenyu hwokudenga asi kuti vaizopiwa mbiri naye gare gare. Mukuwedzera, vakasvika pakuona kuti kuparadzirwa kwepesvedzero yoUmambo hakuna kuda kuti kutanga vaporofita vakatendeka vekare vamutswe, asi kuti Mambo aizoshandisa vaKristu vakavimbika vari kurarama zvino savamiriri vake vokupa kuvanhu vamarudzi ose mukana wokurarama nokusingaperi savadzorwi vapasi voUmambo.
Sezvo ichi chiono chikuru chakazaruka pamberi pameso avo, kumwe kuedza nokusefa kwakavapo. Asi avo vaida Jehovha zvirokwazvo uye vaifarira kumubatira vakaonga zvikuru ropafadzo dzebasa idzo dzakavazarukira.—Zvak. 3:7, 8.
Mumwe waivava akanga ari A. H. Macmillan. Iye gare gare akanyora, kuti: “Kunyange zvazvo kariro dzedu pamusoro pokuendeswa kudenga dzisina kuzadzikwa muna 1914, gore iroro rakava nomugumo weNguva dzaVamarudzi . . . Hatina kuvhiringidzwa zvikuru kuti hachisati chiri chinhu chose chakaitika sezvatakanga takarira, nemhaka yokuti takanga takabatikana zvikuru nebasa rePhoto-Drama uye nezvinetso zvakaparirwa nehondo.” Akaramba akabatikana mubasa raJehovha uye akafadzwa nokuona nhamba yavazivisi voUmambo ichiwedzera kusvikira kuvanopfuura zvikuru miriyoni mukati menduramo yake.
Achirangarira zvakaitika zvake mukati memakore 66 nesangano, iye akati: “Ndakaona miedzo yakawanda yakakomba ichiuya pasangano nokuedzwa kwokutenda kwaavo vari mariri. Nebetsero yomudzimu waMwari rakapukunyuka ndokupfuurira kubudirira.” Pamusoro pegadziridzo dzenzwisiso munguva yose, iye akawedzera, kuti: “Zvokwadi huru dzatakadzidza muMagwaro dzakaramba dziri dzimwe chetedzo. Naizvozvo ndakaziva kuti tinofanira kubvuma zvikanganiso zvedu ndokupfuurira kunzvera Shoko raMwari nokuda kwenzwisiso huru. Pasinei hapo negadziridzo dzatingafanira kuita panguva nenguva mumirangariro yedu, ikoko kungasachinja gadziriro ine nyasha yorudzikinuro nechipikirwa chaMwari choupenyu husingagumi.”
Mukati menduramo yavo, Hama Macmillan vakaona kuti, pakati penhau dzakaguma nemiedzo yokutenda, kudisa kupupura nokuonga sangano roubati ushe hwaMwari zvakanga zviri zviviri zvakazivisa chakanga chiri chaizvoizvo mumwoyo yavanhu vamwe navamwe. Seiko?
Basa Romumunda Nesangano Zvinova Nhau
Kuvamba nechinyorwa chayo chokutanga, uye nesimbiso inowedzera pashure paikoku, Zion’s Watch Tower yakakurudzira muKristu ari wose wechokwadi kugoverana zvokwadi navamwe. Pashure paikoku, varavi veNharireyomurindi vaikurudzirwa nguva dzose kuonga ropafadzo yavo nebasa zvokuzivisa mashoko akanaka kuvamwe. Vakawanda vakagoverana munzira dzakaganhurirwa, asi vashomanene zvikuru vakanga vachitungamirira mubasa, vachishanyira imba neimba kuti vagopa munhu ari ose mukana wokunzwa shoko roUmambo.
Zvisinei, kuvamba negore ra1919, kutora rutivi mubasa romumunda kwakatanhamara zvakasimba zvikuru. Hama Rutherford vakakusimbisa zvakasimba muhurukuro paCedar Point, Ohio, gore iroro. Muungano imwe neimwe iyo yakakumbira kuti Sosaiti iironge nokuda kwebasa, gadziriro dzakaitwa nokuda kwomutungamiriri webasa, akagadzwa neSosaiti, kuti atarisire basa racho. Akanga achizotungamirira iye amene ndokuva nechokwadi chokuti ungano yakanga ine migove yaidikanwa.
Muna 1922, Nharireyomurindi yechiNgezi yakabudisa nyaya yaiva nomusoro unoti “Basa Rinokosha.” Yakanongedzera kuchinodikanwa chikuru chokuti vanhu vanzwe mashoko akanaka oUmambo, yakatungamidzira ngwariro kumurayiro wouporofita waJesu uri pana Mateo 24:14, uye yakati kuvakuru muungano: “Ngaparege kuva nomunhu anofunga kuti nemhaka yokuti mukuru weungano basa rake rose rinofanira kuumbwa nokuparidza kupfurikidza neshoko romuromo. Kana mikana ikamubvumira kuenda pakati pavanhu ndokuisa mumaoko avo shoko rakadhindwa, iyoyo iropafadzo huru uye kuparidzira evhangeri, kazhinji kazhinji nenzira inobudirira zvikuru kupfuura imwe nzira ipi neipi yokuiparidzira nayo.” Nyaya yacho ipapo yakabvunza, kuti: “Munhu upi noupi uyo akazvitsaurira chaizvoizvo kunaShe anogona kuzviruramisa amene nousimbe panguva ino here?”
Vamwe vakarega. Vakamutsa marudzi ose ezvirambidzo. Havana kukufunga kuva kwakafanira ku“tengesa mabhuku,” kunyange zvazvo basa racho rakanga risiri kuitwa nokuda kwemhindu uye kunyange zvazvo vakanga vadzidza zvokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari kupfurikidza nezvinyorwa zvimwe chetezvi. Apo kupupura paimba neimba namabhuku paSvondo kwakakurudzirwa, kuvambira muna 1926, vamwe vakaita nharo pamusoro paikoko, kunyange zvazvo Svondo rakanga riri zuva iro vanhu vakawanda vaitsaura netsika nokuda kwokunamata. Chinetso chikuru chakanga chiri chokuti vakazvirangarira vamene kuva vaikosha zvikuru zvokusaparidza paimba neimba. Bva, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti Jesu akatuma vadzidzi vake kumisha yavanhu kundoparidza, uye muapostora Pauro akaparidza “pachena uye paimba neimba.”—Mabasa 20:20, NW; Mat. 10:5-14.
Sezvo simbiso pabasa romumunda yakawedzera, avo vaiva nemwoyo isina kuvasunda kutevedzera Jesu navaapostora vake sezvapupu vakarega zvishoma nezvishoma. Ungano yeSkive muDenmark, pamwe chete nedzimwe, yakaderedzwa kusvikira kuinenge hafu. Pavanhu vanenge zana vaisonganirana neUngano yeDublin muIreland, vana bedzi vakasara. Kwakanga kune kuedza kwakafanana nokusefa muUnited States, Canada, Norway, uye dzimwe nyika. Ikoku kwakaguma nokucheneswa kweungano.
Avo vaida zvirokwazvo kuva vatevedzeri voMwanakomana waMwari vakagamuchira zvakanaka kurudziro inobva muMagwaro. Zvisinei, kudisa kwavo hakuna hako kukuita kuti kuve nyore kuti vavambe kuenda paimba neimba. Vamwe vakava nenguva yakaoma kutanga. Asi gadziriro dzokupupura kweboka namagungano chaiwo ebasa dzakanga dziri kurudziro. Hanzvadzi mbiri kuchamhembe kweJutland, muDenmark, dzakayeuka kwenguva refu zuva radzo rokutanga mubasa romumunda. Dzakasangana neboka, dzakanzwa mirayiridzo, dzakatanga ndima yadzo, asi dzakavamba kuchema. Hama mbiri dzakaona chakanga chichiitika ndokukoka hanzvadzi dzacho kuti dzishande nadzo. Nokukurumidza dzakafara zvakare. Pashure pokuravira basa romumunda, vakawanda zvikurusa vakazadzwa nomufaro uye vaiva nembavarira pamusoro pokuita zvakawanda.
Ipapo, muna 1932, Nharireyomurindi yaiva nenyaya ine mativi maviri yaiva nomusoro unoti “Sangano raJehovha.” (Zvinyorwa zvaAugust 15 naSeptember 1) Iyoyi yakaratidza kuti nzvimbo yokusarudzwa yomukuru muungano yakanga isiri yapaMagwaro. Ungano dzakakurudzirwa kushandisa munzvimbo dzokuvimbika varume bedzi vakanga vachishingaira mubasa romumunda, varume vanorarama maererano nebasa rinorehwa nezita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Ivava vaifanira kushanda sedare rebasa. Mumwe wavo, anosarudzwa neungano, aigadzwa neSosaiti kuva mutungamiriri webasa. MuBelfast, Ireland, ikoku kwakasefa vakawanda vaavo vaiva nechishuvo choutanhamari hwomunhu oga panzvimbo pebasa rokuzvininipisa.
Pakasvika kuvamba kwema1930, vakawanda zvikurusa vaavo vaiva muGermany avo vakanga vachiedza kusakurudzira basa romumunda vakanga vabuda muungano. Vamwe vakabuda nokutya apo muna 1933 basa rakarambidzwa mudzakawanda zvikurusa dzenzvimbo dzeGermany. Asi zviuru zvakatsungirira iyi miedzo yokutenda uye zvakazviratidza zvimene kuva zvinodisa kuparidza pasinei hapo nengozi yaibatanidzwa.
Kupote pasi rose kuziviswa kwoUmambo kwakawana simba. Basa romumunda rakava rutivi rwunokosha rwoupenyu hweZvapupu zvose zvaJehovha. Ungano yomuOslo, Norway, somuenzaniso, yairenda mabhazi pakupera kwevhiki kuti iendese vaparidzi kumaguta ari pedyo. Vaisangana mangwanani-ngwanani, vainge vava mundima yavo panguva yepfumbamwe kana kuti yegumi, vaishanda zvakaoma mubasa romumunda kwamaawa manomwe kana kuti masere, uye ipapo vaikumbanira boka rebhazi nokuda kworwendo rwavo rwokudzokera kumusha. Vamwe vaipinda munharaunda dzomumaruwa namabhasikoro, vane mabhegi amabhuku namakatoni zvakazadzwa nemigove yomuraudzo. Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichifara, zvichishingaira, uye zvakabatana mukuitwa kwokuda kwaMwari.
Muna 1938, apo ngwariro yakapiwazve kukugadzwa kwavarume vakavimbika muungano,j kubviswa kwesarudzo dzose dzomunzvimbomo dzavabatiri kwakagamuchirwa navose. Ungano dzakaita nomufaro zvisarudzo zvairatidza kuonga sangano roubati ushe hwaMwari uye dzichikumbira “Sosaiti” (iyo vakanzwisisa kuva inoreva vakasarira vakazodzwa, kana kuti muranda akatendeka uye akachenjera) kuti ironge ungano nokuda kwebasa uye kugadza vabatiri vose. Pashure paikoko, Mutumbi Unodzora unooneka wakapfuurira kuita kugadza kwaidikanwa uye kuronga ungano nokuda kwomubato wakabatana neunobudirira. Mapoka mashomanene bedzi akarega ndokubuda musangano panguva ino.
Rakazvipira Chose Chose Kukuparadzira Shoko roUmambo
Kuti sangano ripfuurire kuva netendero yaJehovha, rinofanira kuzvipira chose chose kubasa iro Shoko rake rinorayira nokuda kwezuva redu. Basa iroro kuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mat. 24:14) Zvisinei, pave pane zviitiko zvishomanene umo vanhu vamwe navamwe avo vakashanda zvakaoma mukubatira pamwe nesangano vakaedzawo kurishandisa kutsigira gadziriro dzaitsausira vasonganiri vavo kumimwe mibato. Apo vaitsiurwa, iwoyu wakanga uri muedzo kwavari, zvikurukuru apo vainzwa kuti vavariro dzavo dzakanga dzave dzakaisvonaka.
Ikoku kwakaitika muFinland mukati ma1915, apo dzimwe hama dzakatanga sangano romushandirapamwe rainzi Ararat ndokushandisa zvikamu zvechinyorwa chechiFinnish cheNharireyomurindi kukurudzira varavi vacho kukumbanira iri sangano rebhizimisi. Uyo akanga atanga uyu mubato muFinland akabvuma nenzira yokuzvininipisa apo Hama Russell vakaonesa kuti iye navasonganiri vake vakanga vachizvirega vamene vachi“bviswa pabasa rinokosha reEvhangeri.” Zvisinei, rudado rwakadzivisa imwe hama, iyo yakanga yave ichishingaira mubasa raJehovha kwaanopfuura makore gumi muNorway, kugamuchira zano rimwe chetero.
Mukati mema1930, muUnited States, chinetso chakati fananei chakamuka. Ungano dzakati dzakanga dzichibudisa mapepa adzo dzimene emirayiridzo yebasa yomwedzi nomwedzi, iyo yakabatanidza zviyeuchidzo zvomuBulletin yeSosaiti pamwe chete nezvakaitika norudungwe rwavo rwomunzvimbomo rwegadziriro dzebasa. Rimwe raiwaya, rakabudiswa muBaltimore, Maryland, rakapa tsigiro ine mbavarira kumubato wokuparidza asi rakashandiswawo kutsigira gadziriro dzakati dzebhizimisi. Pakutanga Hama Rutherford vakapa tendero yechinyararire kune dzimwe dzaidzodzi. Asi apo kwakazivikanwa kuti chii chaigona kutanga mukubatanidzwa mugadziriro dzakadaro, Nharireyomurindi yakataura kuti Sosaiti haina kudzitendera. Ikoku kwakapa muedzo wakakomba womunhu oga kuna Anton Koerber, nokuti akanga aronga kupfurikidza neiyi mitoo kubetsera hama dzake. Pashure penguva yakati, zvisinei, akashandisa zvakazara zvakare mano ake kufambisira mberi basa rokuparidza riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha.
Chimwe chinetso chakafanana chakamuka muAustralia kutanga muna 1938 uye chakawedzera mukati mechirambidzo paSosaiti (January 1941 kusvikira muna June 1943). Kuti itarisire zvairatidzika panguva iyoyo kuva zvinodikanwa zvakanaka, hofisi yebazu yeSosaiti yakabatanidzwa zvakananga mumhatsa yemibato yezvokutengeserana. Nokudaro, chikanganiso chikuru chakaitwa. Vakanga vane nzvimbo dzine michina yokuchekesa matanda, “mapurazi oUmambo” anopfuura 20, kambani youinjiniya, nzvimbo yokubikira chingwa, uye mamwe mabasa. Hofisi mbiri dzokudhinda zvokutengesa dzakagovera chokuvanda nacho nokuda kwokubudiswa kunopfuuridzirwa kwezvinyorwa zveSosaiti mukati mekurambidzwa. Asi mamwe emabasa avo ebhizimisi akaita kuti vabatanidzwe mukuputswa kwokusatora rutivi kwechiKristu, basa racho richiitwa nokunyepedzera kugovera mari uye kutsigira mapiyona mukati mechirambidzo. Hana dzavamwe, zvisinei, dzakavhiringidzwa zvikuru. Kunyange zvazvo voruzhinji vakagara nesangano, kumira kukuru mubasa rokuzivisa Umambo kwakatanga. Chii chakanga chichidzivisa chikomborero chaJehovha?
Apo chirambidzo pabasa chakabviswa muna June 1943, hama panguva iyoyo pahofisi yebazu dzakanzwisisa kuti aya mabasa anofanira kuregwa, nokuda kwokunangidzira ngwariro pakuparidzwa kunokosha zvikurusa kwoUmambo. Munhambo yamakore matatu, ikoku kwakaitwa, uye mhuri yeBheteri yakaderedzwa kusvikira kuukuru hwakanaka. Asi kwakanga kuchiri madikanwa kubvisa kusanzwisisa uye nokudaro ndokudzorera chivimbo chakakwana musangano.
Nathan H. Knorr, purezidhendi weSosaiti, uye munyori wake M. G. Henschel vakashanyira Australia zvikurukuru kundobata neaya mamiriro ezvinhu muna 1947. Mukushuma pamusoro penhau yacho, Nharireyomurindi yechiNgezi yaJune 1, 1947, yakati nezvomubato wezvokutengeserana wakanga wapfuuridzirwa: “Rakanga risiri basa rokunyika rezuva riri rose rehama dzaibatikana mukuwana chokurarama nacho raibatanidza, asi rakanga riri idi rokuti hofisi yeBazu yeSosaiti yakanga yawana marudzi akasiyana-siyana emaindasitiri ndokudana vaparidzi vanobva kumativi ose enyika, zvikurukuru mapiyona, kuzoshanda muaya maindasitiri panzvimbo pokuparidza evhangeri.” Ikoku kwakanga kwatungamirira kunyange kukubatanidzwa kusina kunanga munhamburiko yehondo. Pakokorodzano murimwe nerimwe redzimbahwe roruwa, Hama Knorr vakataura zvakajeka kuhama pamusoro pemamirire edu ezvinhu. Pagungano rimwe nerimwe chisarudzo chaigamuchirwa umo hama dzeAustralia dzaibvuma chikanganiso chadzo ndokukumbira ngoni dzaJehovha nekanganwiro kupfurikidza naJesu Kristu. Nokudaro, ngwariro yave ichidikanwa uye miedzo yakananganwa nayo kuti sangano rigopfuurira kuva rakazvipira chose chose kukuparadzira shoko roUmambo hwaMwari.
Sezvo Zvapupu zvaJehohva zvinohwirudzura nhau yazvo yomuzuva razvino uno, zvinoona ufakazi hwokuti Jehovha zvirokwazvo ave achinatsa vanhu vake. (Mar. 3:1-3) Zvimiro zvendangariro zvisina kururama, zvitendero, uye miitiro zvakabviswa zvishoma nezvishoma, uye vapi navapi vakasarudza kuomerera kuna izvozvi vakaenda navo. Avo vanosara havasi vanhu vanodisa kubvumiranisa pane zvisina kufanira zvokwadi yeBhaibheri kuti vagamuchire uzivi hwavanhu. Havasi vateveri vavanhu asi vabatiri vakazvipira vaJehovha Mwari. Vanogamuchira nomufaro kunhungamiro yesangano nemhaka yokuti vanoona ufakazi hwakajeka hwokuti nderaJehovha. Vanofarira chiedza chinofambira mberi chezvokwadi. (Zvir. 4:18) Somunhu oga vanokurangarira kuva ropafadzo huru kuva Zvapupu zvinoshingaira zvaJehovha, vazivisi voUmambo hwaMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, Chinyorwa Chomuraudzo, chaApril 25, 1894, map. 102-4.
b Pamusoro poUtatu, ona New Catholic Encyclopedia, Vhoriyamu XIV, 1967, peji 299; Dictionary of the Bible, rakanyorwa naJ. L. McKenzie, S.J., 1965, peji 899; The New International Dictionary of New Testament Theology, Vhoriyamu 2, 1976, peji 84. Pamusoro pemweya, ona New Catholic Encyclopedia, Vhoriyamu XIII, 1967, mapeji 449-50, 452, 454; The New Westminster Dictionary of the Bible, rakapepetwa naH. S. Gehman, 1970, peji 901; The Interpreter’s Bible, Vhoriyamu I, 1952, peji 230; Peake’s Commentary on the Bible, rakapepetwa naM. Black naH. H. Rowley, 1962, peji 416.
c Maererano naHama Russell, mudzimai wavo, uyo gare gare akavasiya, akanga ari wokutanga kushandisa Mateo 24:45-47 kwavari. Ona nyaya dzeNharireyomurindi muchiNgezi yaJuly 15, 1906, peji 215; March 1, 1896, peji 47; uye June 15, 1896, mapeji 139-40.
d Vindication, Bhuku Rechipiri, map. 258-9, 268-9; Nharireyomurindi, April 1, 1934, map. 99-106; April 15, 1934, map. 115-22; August 1, 1935, map. 227-37.
e Kuti 1878 rakanga riri gore rine revo kwakaratidzika kuva kwakasimbiswa nenongedzero kuna Jeremia 16:18 (‘kaviri kaJakobho,’ KJ) pamwe chete nokuverenga kunoratidzira kuti makore 1 845 sezviri pachena akanga apfuura kubvira parufu rwaJakobho kusvikira kuna 33 C.E., apo Israeri wokunyama akaraswa, uye kuti kaviri, kana kuti akapetwa kaviri, aiwaya aizovambira muna 33 C.E. kusvikira kuna 1878.
f Kutambanudzazve wirirano yacho, kwakataurwa kuti kuva dongo kweJerusarema muna 70 C.E. (makore 37 pashure pokunge Jesu arumbidzwa samambo navadzidzi vake apo akatasva achipinda muJerusarema) kunganongedzera kuna 1915 (makore 37 pashure pa1878) nokuda kwomugumo wechinjo ine nyongano iyo vakafunga kuti Mwari aizobvumira somutoo wokugumisa nawo masangano aripo enyika. Uyu musi wakaoneka muStudies in the Scriptures rakadhindwazve. (Ona Vhoriyamu II, mapeji 99-101, 171, 221, 232, 246-7; enzanisa nerakadhindwazve muna 1914 neakadhindwa pakuvamba, akadai seMillennial Dawn yakadhindwa muna 1902) Kwairatidzika kwavari kuti ikoku kwakasanokodzerana nezvakanga zvabudiswa pamusoro pegore ra1914 serinoratidzira mugumo weNguva dzaVamarudzi.
g Enzanisa shanduro iri muThe Emphasised Bible, yakashandurwa naJ. B. Rotherham; onawo mashoko omuzasi pana Mabasa 13:20 muNew World Translation of the Holy Scriptures—With References.
h Ona “The Truth Shall Make You Free,” ganhuro XI; “The Kingdom Is at Hand,” mapeji 171-5; uyewo The Golden Age, March 27, 1935, mapeji 391, 412. Nemhaka yeidzi ndaza dzakaruramiswa dzokuverenga nguva kweBhaibheri, kwaigona kuonekwa kuti kushandiswa kwekare kwemisi ya1873 na1878, pamwe chete nemisi inowirirana yakabva muna idzodzi pahwaro hwewirirano nezviitiko zvomuzana rokutanga ramakore, zvakanga zvakavakirwa pakusanzwisisa.
i Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, mapeji 899-904.
j Ona Ganhuro 15, “Kukudzwa Kwechimiro Chesangano.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 619]
Kuedza nokusefa hazvina kushamisa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 621]
“Vanoramba kubviswa paShoko raShe”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 623]
“Hatidi ruremekedzo, hatidi rukudzo, nokuda kwedu timene kana kuti manyoro edu”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 624]
“Mwari achiri kutungamirira”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 626]
“Mubatiri akatendeka uye akangwara” akauya asina kurega basa apo Hama Russell vakafa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 627]
Nhamburiko yakaipa yokukuvadza ndangariro dzavamwe
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 628]
Vamwe vakabvumira rudado kunetesa kutenda kwavo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 629]
“Ngwarirai avo vanoparira mapoka . . . uye vadzivisei”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 630]
Vamwe vakapomera zvenhema nhema kuti “Nharireyomuri- ndi” yakanga yaramba rudzikinuro
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 635]
“Takangokufungidzira uye, sezviri pachena, takakanganisa”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 636]
Avo vaida Jehovha zvirokwazvo vakaonga ropafadzo dzebasa dzakavazarukira
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 638]
“Munhu upi noupi uyo akazvitsaurira chaizvoizvo kunaShe anogona kuzviruramisa amene nousimbe panguva ino here?”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 641]
Zvimiro zvendangariro zvisina kururama, zvitendero, uye miitiro zvakabviswa zvishoma nezvishoma
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 622]
W. E. Van Amburgh
Muna 1916, W. E. Van Amburgh akazivisa, kuti: “Iri basa guru renyika yose harisi basa romunhu mumwe. . . . Ibasa raMwari.” Kunyange zvazvo akaona vamwe vachitsauka, akaramba akasimba mukupwiswa ikoko kusvikira kurufu rwake chairwo muna 1947, pamakore 83 ezera.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 633]
Jules Feller
Apo akanga ari murume muduku, Jules Feller akacherekedza kuedzwa kwakakomba kwokutenda. Dzimwe ungano muSwitzerland dzakadukupa kusvikira kuhafu yehwaichimbova ukuru hwadzo kana kuti kupfuura. Asi iye gare gare akanyora, kuti: “Avo vakanga vaisa chivimbo chavo muna Jehovha vakaramba vakatsiga uye vakapfuudzira mubato wavo wokuparidza.” Hama Feller vakatsunga kuitawo, uye somugumisiro, kusvikira muna 1992 vakafarikanya makore 68 ebasa rapaBheteri.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 634]
C. J. Woodworth
Kune uyo akarega basa raJehovha nemhaka yokuti vateveri vakazodzwa vaJesu Kristu havana kuendeswa kudenga muna 1914, C. J. Woodworth akanyora sezvinotevera:
“Makore ana makumi maviri akapfuura imi neni taidavira murubhapatidzo rwavacheche; mumaruramiro oumwari avafundisi okuti vaite rubhapatidzo irworwo; kuti rubhapatidzo rwakanga rwuri madikanwa kunzvenga kutambudzwa kusingagumi; kuti Mwari rudo; kuti Mwari akasika uye anopfuurira kusika mabhiriyoni avanhu akafanana Naye ayo achapedzera mazera asingaverengeki asingagumi ari muutsi hunokachidza hwesuferi iri kutsva, achiteterera pasina maturo nokuda kwedonhwe rimwe remvura kuti apedze marwadzo awo . . .
“Taidavira kuti pashure pokunge munhu afa, iye mupenyu; taidavira kuti Jesu Kristu haana kutongofa; kuti Iye aisagona kufa; kuti hapana Rudzikinuro rwakambobhadharwa kana kuti harusati ruchizombobhadharwa; kuti Jehovha Mwari naKristu Jesu Mwanakomana Wake munhu mumwe cheteyo; kuti Kristu akanga ari Baba Vake amene; kuti Jesu akanga ari Mwanakomana Wake amene; kuti Mudzimu Mutsvene munhu; kuti mumwe kubatanidza nomumwe, kuwedzera mumwe, zvinova mumwe; kuti apo Jesu akarembera pamuchinjikwa ndokuti, ‘Mwari Wangu, Mwari Wangu, Mandisiyireiko,’ Iye akanga achingotaurawo hake kwaAri amene; . . . kuti umambo hwazvino rutivi rwoUmambo hwaKristu; kuti Dhiyabhorosi ave ari kure zvikuru kune imwe nzvimbo muHero isina kuonekwa, panzvimbo pokushandisa udzori paumambo hwapasi rino . . .
“Ndinorumbidza Mwari nokuda kwezuva raakaunza Zvokwadi Yazvino kusuo rangu. Yakanga yakanaka kwazvo, ichizorodza kwazvo kundangariro nomwoyo, zvokuti ndakakurumidza kurega unyengeri nezvenhando zvomunguva yakapfuura uye ndakashandiswa naMwari kuzarurawo meso enyu akapofumadzwa. Takafarira Zvokwadi pamwe chete, tichishanda pamwe chete kwamakore gumi namashanu. Ishe akakukudzai zvikuru somutauriri; handina kutongoziva munhu upi noupi aigona kuita kuti ufuza hweBhabhironi hutarisike kuva hwoupenzi kwazvo. Mutsamba yenyu munobvunza kuti, ‘Chii chichatevera?’ Aa, zvino kunouya kusiririsa kwako! Chinhu chinotevera ndechokuti mutendere mwoyo wenyu kuti ushatirwe uyo ane mabasa orudo uye ane chikomborero chinobva kuMusoro zvakaunza Zvokwadi kumwoyo yedu yose iri miviri. Makabuda musangano, uye makaenda namakwai anoverengeka. . . .
“Zvimwe ndinoratidzika kuva ndinopenga kwamuri nemhaka yokuti handina kuenda kuDenga, October 1, 1914, asi hamuratidziki kuva anopenga kwandiri—oo aiwa!
“Nemarudzi makurusa gumi apasi ari kupinginyuka mumarwadzo awo orufu, kunoratidzika kwandiri kuva nguva isina kufanira zvikuru yokutsvaka kunyomba munhu wacho, uye munhu bedzi, uyo kwamakore ane makumi mana akadzidzisa kuti Nguva dzaVamarudzi dzaizoguma muna 1914.”
Kutenda kwaHama Woodworth hakuna kuzununguswa apo zviitiko zva1914 zvisina kuitika sezvaikarirwa. Vakangoziva zvavo kuti kwakanga kune zvakawanda zvokudzidza. Nemhaka yechivimbo chavo muchinangwa chaMwari, vakapedzera mwedzi mipfumbamwe mutorongo muna 1918-19. Gare gare vakabatira somupepeti wemagazini anonzi “The Golden Age” ne“Consolation.” Vakaramba vakasimba mukutenda uye vakavimbika kusangano raJehovha kusvikira chaizvo kurufu rwavo muna 1951, pamakore 81 ezera.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 637]
A. H. Macmillan
“Ndakaona uchenjeri hwokumirira Jehovha nokushivirira kuti ajekese kunzwisisa kwedu zvinhu zvapaMagwaro panzvimbo pokutsamwiswa nomufungo mutsva. Pane dzimwe nguva kariro dzedu dzomusi wakati dzaipfuura izvo Magwaro aitendera. Apo kariro idzodzo dzisina kuzadzikwa, ikoko hakuna kuchinja zvinangwa zvaMwari.”
[Mifananidzo iri papeji 620]
Muedzo mukuru wokutenda wakabatanidza kuzivikanwa kwoukoshi hunoyananisa chivi hwechibayiro chaJesu
[Mifananidzo iri papeji 625]
Vamwe vakayemura Russell vakawana kuti kuita kwavo kuchimiro chaRutherford kwakazivisa kuti vakanga vachibatira ani chaizvoizvo
[Mifananidzo iri papeji 639]
Apo simbiso huru yakaiswa pabasa romumunda, vakawanda vakarega; vamwe vakaratidza shingairo yakawedzerwa
“Nharireyomurindi,” yechiNgezi ya- April 1, 1928
“Nharireyomurindi,” yechiNgezi ya- June 15, 1927
“Nharireyomurindi,” yechiNgezi ya- August 15, 1922
[Mifananidzo iri papeji 640]
Sezvo sangano roubati ushe rakatanhamara, avo vaitsvaka utanhamari hwomunhu oga vakaseferwa kunze