RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • pr chikamu 7 pp. 25-28
  • Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa
  • Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Marutongeso aMwari
  • Kutonga kwaMwari Ari Mudenga
  • Tava Pedyo Sei?
  • Kuparidzira Mashoko Akanaka
  • Mazivire Atinoita Kuti Tava mu“Mazuva Okupedzisira”
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Kuparadzwa Kwenyika Kwakadeya Kuziviswa Kuchasvika Rini?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Nyika Yava Kuda Kuguma Here?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
pr chikamu 7 pp. 25-28

Chikamu 7

Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa

1, 2. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti Mwari achaita chiito kuti agumise uipi nokutambura?

1 Kunyange zvazvo Mwari akabvumidza kusakwana nokutambura kwenguva refu mumurangariro wavanhu, haasati achizobvumira migariro yakaipa kupfuurira kusvikira kunguva isingazivikanwi. Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari ane nhambo yenguva chaiyo yokubvumira izvi zvinhu kuti zviitike.

2 “Kune nguva yakagadzwa yechinhu chiri chose.” (Muparidzi 3:1, NW) Apo nguva yakagoverwa yaMwari yokubvumidza uipi nokutambura inosvika kumhedziso yayo, ipapo achapindira muzvinhu zvavanhu. Achagumisa uipi nokutambura uye achazadzika donzo rake rapakuvamba rokuita kuti pasi rizadzwe nemhuri yavanhu yakakwana, inofara inofarikanya rugare rwakakwana nechengeteko mune zvepfuma pakati pemigariro yeParadhiso.

Marutongeso aMwari

3, 4. Bhuku raZvirevo rinorondedzera sei miuyo yokupindira kwaMwari?

3 Cherechedza hushomanene hwouporofita hweBhaibheri hwakawanda uhwo hunotaura icho kupindira kwaMwari, ndiko kuti, miuyo yamarutongeso ake, kuchakurumidza kureva nokuda kwemhuri yavanhu:

4 “Vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”—Zvirevo 2:21, 22.

5, 6. Pisarema 37 rinoratidza sei chichaitika apo Mwari anopindira?

5 “Vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; . . . asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:9-11.

6 “Rindira Jehovha, urambire panzira yake, iye uchakukudza kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona. Cherekedzai munhu wakakwana, mutarire wakarurama; nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare. Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwe chete; nokuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.”—Pisarema 37:34, 37, 38.

7. Izanoi rakanaka iro Shoko raMwari rinotipa?

7 Naizvozvo, nemhaka yenguva yemberi inoshamisa iyo ichauya kuavo vanoziva maruramiro makuru oMusiki okutitonga, tinokurudzirwa, kuti: “Mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu; nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, namakore oupenyu, norugare.” Kutaura idi, upenyu husingagumi huchawedzerwa kuavo vanosarudza kuita kuda kwaMwari! Nokudaro, Shoko raMwari rinotipa zano, richiti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendema panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:1, 2, 5, 6.

Kutonga kwaMwari Ari Mudenga

8, 9. Mwari achachenesa pasi rino nomutooi?

8 Mwari achaita uku kucheneswa kwapasi kupfurikidza nehurumende yakanakisisa iyo rudzi rwomunhu rusingambogoni kuva narwo. Iyo ihurumende inoratidzira uchenjeri hwokudenga nemhaka yokuti inotonga iri mudenga munhungamiro yaMwari. Uye Umambo ihwohwo hwokudenga huchabvisa zvimiro zvose zvokutonga kwavanhu mupasi. Vanhu havasati vachizotongovazve nechisarudzo chokuedza kutonga vakazvimirira pana Mwari.

9 Muna ikoku uporofita huri pana Dhanieri 2:44 hunoti: “Zvino namazuva amadzimambo iwayo [hurumende dzomuzuva razvino] Mwari wokudenga uchamutsa ushe, [mudenga], husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu [vanhu havasati vachizotongobvumidzwazve kutonga vakazvimiririra pana Mwari]; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [huripo zvino], ihwo huchamira nokusingaperi.”—Onawo Zvakazarurwa 19:11-21; 20:4-6.

10. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti muUmambo hwokudenga hwaMwari, hamusati muchizovazve noushati mukutonga?

10 Nokudaro, rudzi rwomunhu harusati ruchizotongovazve nezvimiro zvakaipa zvokutonga, nokuti pashure pokunge Mwari agumisa tsika ino, kutonga kwavanhu vakazvimirira kwaari hakusati kuchizotongovapozve. Uye Umambo hunotonga huri mudenga hahusati huchizoshatiswa, sezvo Mwari ari Muvambi noMuchengeti wako. Panzvimbo pezvo, huchashanda nefariro dzakanakisisa dzavadzorwi vahwo vavanhu. Kuda kwaMwari panguva iyeyo kuchaitwa mupasi rose sezvakuri mudenga. Ndokusaka Jesu aigona kudzidzisa vadzidzi vake kunyengetera kuna Mwari, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, pasi panowo.”—Mateo 6:10, NW.

Tava Pedyo Sei?

11. Ndapapi muBhaibheri patinowana uporofita huchatibetsera kuziva kuti tava pedyo sei nomugumo wetsika ino?

11 Tava pedyo sei nomugumo wetsika ino isingagutsi yezvinhu namavambo enyika itsva yaMwari? Uporofita hweBhaibheri hunotipa mhinduro yakajeka. Somuenzaniso, Jesu amene akadeya kutaura chokutsvaka kuti tigogona kuziva nzvimbo yedu pamusoro, sezvinotaura Bhaibheri, pe“mhedziso yetsika yezvinhu.” Ichochi chakanyorwa muna Mateo ganhuro 24 ne 25, Marko 13, uye Ruka 21. Uyewo, sezvakanyorwa muna 2 Timotio ganhuro 3, muapostora Pauro akadeya kutaura kuti kwaizova nenhambo yenguva inonzi “mazuva okupedzisira” apo zvinoitika zvakasiana-siana zvaizosimbisazve apo taizova tiri mukufamba kwenguva.

12, 13. Chii icho Jesu naPauro vakataura pamusoro penguva yomugumo?

12 Jesu akataura kuti nhambo ino yenguva yaizovamba neizvi zvinoitika: “Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo, uye kuchava neperevedzo dzezvokudya nokudengenyeka kwapasi munzvimbo imwe pashure peimwe.” (Mateo 24:7, NW) Ruka 21:11 (NW), inoratidza kuti iye akadudzawo “nhenda munzvimbo imwe pashure peimwe.” Uye iye akanyeverawo nezvo“kuwedzera kwokusateerera mutemo.”—Mateo 24:12, NW.

13 Muapostora Pauro akadeya kutaura, kuti: “Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; . . . Vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.”—2 Timotio 3:1-5, 13.

14, 15. Zvinoitika zvezana rino ramakore rechi 20 zvinosimbisa sei kuti zvamazvirokwazvo tave tiri mumazuva okupedzisira?

14 Ko zvinhu izvozvo izvo Jesu naPauro vakadeya kutaura zvakaitika munguva yedu here? Hungu, zvakaitika zvamazvirokwazvo. Hondo yeNyika I yaiva hondo yakaipisisa zvikuru kusvikira panguva iyoyo. Yakanga iri hondo yenyika yokutanga uye yakanga iri nguva yechinjo munhau yazvino. Pamwe chete nehondo iyoyo kwaiva neperevedzo dzezvokudya, mirakatira yehosha, uye dzimwe ngwavaira. Zvinoitika izvozvo kuvambira muna 1914 zvichienda mberi zvaiva, sezvakataura Jesu, “mavambo amarwadzo enhamo.” (Mateo 24:8, NW) Zvakavamba nhambo yenguva yakadeya kutaurwa inonzi “mazuva okupedzisira,” mavambo echizvarwa chokupedzisira apo Mwari aizobvumidza uipi nokutambura.

15 Sezvingabvira iwe wakarovedzana nezvinoitika zvezana ramakore rechi 20. Unoziva nyongano yakavapo. Vanhu vanenge vane mamirioni 100 vakaurawa muhondo. Mazana amamirioni avamwe akafa nenzara nechirwere. Kudengenyeka kwapasi kwakatora upenyu husingaverengeki. Kuzvidzwa kwoupenyu nezvinhu kunokura. Kutyiwa kwoutsotsi kwazova rutivi rwoupenyu hwezuva riri rose. Mipimo yetsika yakazvidzwa. Kuwanda kwechiverengero chavagari vapasi kunopa zvinetso zvisiri kupedzwa. Kushatsa kuri kushatisa kunaka kwoupenyu uye kuri kutohupinza mungozi. Zvirokwazvo, tave tiri mumazuva okupedzisira chifo cha 1914 uye tava kusvika pedyo nomugumo wouporofita hweBhaibheri hunobatanidza nguva yedu.

16. Mazuva okupedzisira anobatanidza nhambo yenguva yakareba sei?

16 Aya mazuva okupedzisira aizobvumikisa kuva nhambo yenguva yakareba sei? Jesu akati pamusoro penguva iyo yaizotambura “mavambo amarwadzo enhamo” kuvambira muna 1914 zvichienda mberi: “Chizvarwa ichi hachisati chichizotongopfuura kutozosvikira zvinhu izvozvi zvose zvaitika.” (Mateo 24:8, 34-36, NW) Nokudaro, mativi ose amazuva okupedzisira anofanira kuitika mukati menduramo yechizvarwa chimwe, chizvarwa cha 1914. Naizvozvo vamwe vanhu vakanga vari vapenyu muna 1914 vachave vachiri vapenyu apo tsika ino inosvika kumugumo wayo. Chizvarwa ichocho chavanhu zvino chakwegura zvikuru, kuratidzira kuti hakuna nguva yakawanda yasara Mwari asati agumisa tsika yazvino yezvinhu.

17, 18. Uporofitai hunoratidza kuti tava pedyo zvikuru nomugumo wenyika ino?

17 Humwe uporofita hunoratidza kuti mugumo wetsika ino wava pedyo zvikuru hwakapiwa nomuapostora Pauro, uyo akadeya kutaura, kuti: “Zuva raJehovha riri kuuya zvomenemene sembavha usiku. Panguva ipi neipi yavanoti: ‘Rugare nechengeteko!’ ipapo ruparadziko rwakamwe kamwe ruchava pavari nokukurumidza . . . , uye havasati vachizotongopukunyuka.”—1 VaTesaronika 5:2, 3, NW; onawo Ruka 21:34, 35.

18 Nhasi Utsinye Hwakakomba pakati pamarudzi hwapera, uye hondo yamarudzi ose ingasachava tyisidziro huru. Naizvozvo marudzi angarangarira kuti ava pedyo zvikuru nenhevedzo yenyika itsva. Asi apo anorangarira kuti nhamburiko dzawo dziri kubudirira, kuchareva mhesano yeizvo anofunga, nokuti ichocho chichava chiratidzo chokupedzisira chokuti ruparadziko rwetsika ino rwunoitwa naMwari rwava pedyo. Yeuka, kurukurirano dzezvamatongerwe enyika nezvibvumirano hazvisi kuita chinjo dzipi nedzipi chaidzoidzo muvanhu. Hadzisi kuita kuti vanhu vadane. Uye vatungamiriri venyika havasi kugumisa utsotsi, uyewo havasi kubvisa hosha norufu. Naizvozvo usaisa chivimbo chako muchinoitika chipi nechipi chorugare rwavanhu nechengeteko ndokufunga kuti nyika ino yava munzira yayo yokupedza zvinetso zvayo. (Pisarema 146:3) Icho danidzo yakadaro ichareva chaizvoizvo ndechokuti nyika ino yava pedyo zvikuru nomugumo wayo.

Kuparidzira Mashoko Akanaka

19, 20. Uporofitai hunobatanidza kuparidzira mumazuva okupedzisira hwatinowana huchizadzika?

19 Humwe uporofita hunoratidza kuti tave tiri mumazuva okupedzisira chifo cha 1914 ndeuhwo Jesu akapa, hunoti: “Mashoko akanaka anofanira kutanga kuparidzirwa mumarudzi ose.” (Marko 13:10, NW) Kana kuti seizvo Mateo 24:14 (NW), inohushandura, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”

20 Nhasi sezvisakamboitika kare munhau, mashoko akanaka omugumo wenyika ino neenyika itsva yeParadhiso iri kuuya muUmambo hwaMwari ari kuparidzirwa mupasi rose. Navanaaniko? Namamirioni eZvapupu zvaJehovha. Izvo zviri kuparidzira munyika iri yose pasi pano.

21, 22. Chii, zvikurukuru, chinozivisa Zvapupu zvaJehovha samaKristu echokwadi?

21 Mukuwedzera kukuparidzira kwazvo pamusoro poUmambo hwaMwari, Zvapupu zvaJehovha zviri kuzvibata nomutoo unozvizivisa savateveri vechokwadi vaKristu, nokuti iye akazivisa, kuti: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.” Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvakabatana muuhama hwenyika yose kupfurikidza nechisungo chisingapunziki chorudo.—Johane 13:35; onawo Isaya 2:2-4; VaKorose 3:14; Johane 15:12-14; 1 Johane 3:10-12; 4:20, 21; Zvakazarurwa 7:9, 10.

22 Zvapupu zvaJehovha zvinodavira izvo Bhaibheri rinotaura, kuti: “Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Zvinorangarira Zvapupu biyazvo zviri munyika dzose sehama nehanzvadzi dzazvo dzomudzimu, pasinei zvapo nedzinza kana kuti ruvara. (Mateo 23:8) Uye idi rokuti uhama hwenyika yose hwakadaro huripo munyika nhasi rinowedzera kuufakazi hwokuti donzo raMwari richakurumidza kuzadzikwa.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Umambo hwokudenga hwakakwana hwaMwari huchava kutonga bedzi kworudzi rwomunhu munyika itsva

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe