Chidzidzo 6
Umambo hwaMwari Chii?
Umambo hwaMwari huri kupi? (1) Ndiani ari Mambo wahwo? (2)
Vamwe vanogoverana mukutonga naMambo wacho here? Kana zvakadaro, vangani? (3)
Chii chinoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira? (4)
Umambo hwaMwari huchaitirei rudzi rwomunhu munguva yemberi? (5-7)
1. Paakanga ari pasi pano, Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera Umambo hwaMwari. Umambo ihurumende inotungamirirwa namambo. Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo. Yakagadzwa mudenga uye ichatonga pamusoro pepasi rino. Ichatsvenesa, kana kuti kuita dzvene, zita raMwari. Ichaparira kuti kuda kwaMwari kuitwe pasi pano sezvakunoitwa mudenga.—Mateo 6:9, 10.
2. Mwari akapikira kuti Jesu aizova Mambo woUmambo Hwake. (Ruka 1:30-33) Apo Jesu akanga ari pasi pano, akabvumikisa kuti aizova Mutongi ane mutsa, akarurama, uye akakwana. Apo akadzokera kudenga, haana kugadzwa pachigaro choumambo saMambo woUmambo hwaMwari pakarepo. (VaHebheru 10:12, 13) Muna 1914, Jehovha akapa Jesu chiremera chaakanga Amupikira. Kubva panguva iyeyo, Jesu akatonga mudenga saMambo akagadzwa waJehovha.—Dhanieri 7:13, 14.
3. Jehovha akasarudzawo varume navakadzi vakatendeka kubva papasi kuti vaende kudenga. Vachatonga naJesu samadzimambo, vatongi, uye vaprista pamusoro porudzi rwomunhu. (Ruka 22:28-30; Zvakazarurwa 5:9, 10) Jesu akadana ava vatongi pamwe chete naye vari muUmambo hwake kuti “kapoka kaduku.” Vanosvika 144 000.—Ruka 12:32; Zvakazarurwa 14:1-3.
4. Nokukurumidza apo Jesu akava Mambo, akakandira Satani nengirozi dzake dzakaipa kubva mudenga kuenda kunzvimbo yapasi. Ndicho chikonzero nei zvinhu zvava zvakashata zvikuru pasi pano kubvira muna 1914. (Zvakazarurwa 12:9, 12) Hondo, nzara, nhenda, kuwedzera kwokusateerera mutemo—zvose izvozvi rutivi rwe“chiratidzo” chinoratidza kuti Jesu ari kutonga uye kuti tsika ino iri mumazuva ayo okupedzisira.—Mateo 24:3, 7, 8, 12; Ruka 21:10, 11; 2 Timotio 3:1-5.
5. Nokukurumidza Jesu achatonga vanhu, achivaparadzanisa sezvinoita mufudzi anoparadzanisa makwai nembudzi. “Makwai” ndeavo vachave vazvibvumikisa vamene kuva vadzorwi vake vakavimbika. Vachagamuchira upenyu husingaperi pasi pano. “Mbudzi” ndeavo vachave varamba Umambo hwaMwari. (Mateo 25:31-34, 46) Munguva yemberi iri pedyo, Jesu achaparadza vose vakafanana nembudzi. (2 VaTesaronika 1:6-9) Kana uchida kuva mumwe wa“makwai” aJesu, unofanira kuteerera shoko roUmambo ndokuita mukuwirirana nezvaunodzidza.—Mateo 24:14.
6. Zvino pasi rakakamurwa kuva nyika zhinji. Imwe neimwe ine hurumende yayo. Idzi nyika dzinowanzorwisana. Asi Umambo hwaMwari huchatsiva hurumende dzose dzavanhu. Huchatonga sehurumende imwe bedzi pamusoro pepasi rose. (Dhanieri 2:44) Ipapo kuchave kuchisinazve hondo, utsotsi, uye masimba masimba. Vanhu vose vachagara pamwe murugare nechinzwano.—Mika 4:3, 4.
7. Mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaJesu, vanhu vakatendeka vachava vakakwana, uye pasi rose richava paradhiso. Panozosvika mugumo wamakore ane chiuru, Jesu achave aita chinhu chiri chose icho Mwari akamukumbira kuita. Ipapo achadzosera Umambo kuna Baba vake. (1 VaKorinte 15:24) Kuregererei kuudza shamwari dzako navadiwa pamusoro peizvo Umambo hwaMwari huchaita?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Mukutonga kwaJesu, kuchave kuchisinazve ruvengo kana kuti fungira mano yakaipa