Chidzidzo 7
Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
Neiko kuchikosha kunyengetera nguva dzose? (1)
Unofanira kunyengetera kuna ani, uye sei? (2, 3)
Ndedzipi nhau dzakarurama nokuda kwomunyengetero? (4)
Unofanira kunyengetera rini? (5, 6)
Mwari anoteerera minyengetero yose here? (7)
1. Munyengetero kutaura nokuzvininipisa kuna Mwari. Unofanira kunyengetera kuna Mwari nguva dzose. Nokudaro unogona kunzwa uri pedyo naye sokushamwari inodiwa. Jehovha mukuru zvikuru uye ane simba, bva anoteerera minyengetero yedu! Unonyengetera kuna Mwari nguva dzose here?—Pisarema 65:2; 1 VaTesaronika 5:17.
2. Munyengetero rutivi rwokunamata kwedu. Nokudaro, tinofanira kunyengetera kuna Mwari bedzi, Jehovha. Apo Jesu akanga ari pasi pano, ainyengetera nguva dzose kuna Baba vake, kwete kumumwe munhuwo zvake. Tinofanira kuita zvimwe chetezvo. (Mateo 4:10; 6:9) Zvisinei, minyengetero yedu yose inofanira kutaurwa muzita raJesu. Ikoku kunoratidza kuti tinoremekedza nzvimbo yaJesu uye kuti tine kutenda muchibayiro chake chorudzikinuro.—Johane 14:6; 1 Johane 2:1, 2.
3. Patinonyengetera tinofanira kutaura kuna Mwari kubva mumwoyo wedu. Hatifaniri kutaura minyengetero yedu kubva muyeuko kana kuti kuirava kubva mubhuku reminyengetero. (Mateo 6:7, 8) Tinogona kunyengetera tiri muchimiro chokuremekedza chipi nechipi, panguva ipi neipi, uye panzvimbo ipi neipi. Mwari anogona kunyange kunzwa minyengetero yechinyararire inotaurwa mumwoyo wedu. (1 Samueri 1:12, 13) Kwakanaka kutsvaka nzvimbo yakanyarara kure navamwe vanhu yokuti titaurire minyengetero yedu yomunhu oga.—Marko 1:35.
4. Zvinhu zvorudzii zvaunogona kunyengetera pamusoro pazvo? Chinhu chipi nechipi icho chingatapura ushamwari hwako naye. (VaFiripi 4:6, 7) Munyengetero womuenzaniso unoratidza kuti tinofanira kunyengetera pamusoro pezita raJehovha nechinangwa. Tinogonawo kukumbira nokuda kwezvinodikanwa zvedu zvokunyama kuti zvigoverwe, kuti zvivi zvedu zvikanganwirwe, uye nokuda kwebetsero yokudzivisa muedzo. (Mateo 6:9-13) Minyengetero yedu haifaniri kuva youdyire. Tinofanira kunyengeterera bedzi zvinhu zvinotsinhirana nokuda kwaMwari.—1 Johane 5:14.
5. Unganyengetera papi napapi apo mwoyo wako unokusunda kuonga kana kuti kurumbidza Mwari. (1 Makoronike 29:10-13) Unofanira kunyengetera apo unenge une zvinetso uye kutenda kwako kuri kuedzwa. (Pisarema 55:22; 120:1) Kwakakodzera kunyengetera usati wadya zvokudya zvako. (Mateo 14:19) Jehovha anotikumbira kunyengetera “nguva dzose.”—VaEfeso 6:18.
6. Tinoda zvikurukuru kunyengetera kana takaita chivi chakakomba. Panguva dzakadaro tinofanira kutetererera ngoni dzaJehovha nekanganwiro. Kana tikareurura zvivi zvedu kwaari ndokuita zvatinogona zvikuru kusazvidzokorora, Mwari “akagadzirira kukanganwira.”—Pisarema 86:5, NW; Zvirevo 28:13.
7. Jehovha anoteerera bedzi minyengetero yavanhu vakarurama. Kuti minyengetero yako inzwiwe naMwari, unofanira kuva uchiedza napaunogona napo kurarama mukuwirirana nemitemo yake. (Zvirevo 15:29; 28:9) Unofanira kuva anozvininipisa paunonyengetera. (Ruka 18:9-14) Unofanira kushandira zvaunonyengeterera. Nokudaro uchabvumikisa kuti une kutenda uye kuti unorevesa. Ipapo ndipo bedzi apo Jehovha achapindura minyengetero yako.—VaHebheru 11:6.