Chitsauko 29
Kutenda kwaMambo Kunopiwa Mubayiro
1, 2. Hezekia akaratidza kuva mambo ari nani pana Ahazi sei?
HEZEKIA akanga ava nemakore 25 paakava mambo wenyika yeJudha. Aizova mutongi worudzii? Aizotevera gwara rababa vake here, Mambo Ahazi, onyengera vanhu vake kuti vatevere vanamwari venhema? Kana kuti aizotungamirira vanhu mukunamata Jehovha, sezvakaita tateguru wake Mambo Dhavhidhi?—2 Madzimambo 16:2.
2 Hezekia achangobva kugara pachigaro, zvakava pachena kuti aida ku“ita zvakarurama pamberi paJehovha.” (2 Madzimambo 18:2, 3) Mugore rake rokutanga, akarayira kuti temberi yaJehovha igadziridzwe uye mabasa epatemberi atangezve. (2 Makoronike 29:3, 7, 11) Adaro akaronga mutambo mukuru wePaseka waakakokera rudzi rwose—kusanganisira ndudzi gumi dzokumusoro dzeIsraeri. Iwoyo wakanga uri mutambo usingakanganwiki zvakadini! Kwakanga kusina kumbova nomumwe wakafanana nawo kubva mumazuva aMambo Soromoni.—2 Makoronike 30:1, 25, 26.
3. (a) Chiitoi chakaitwa nevagari veIsraeri nenyika yeJudha vakapinda paseka yakarongwa naHezekia? (b) VaKristu vanodzidzei nhasi pachiito choushingi chakaitwa nevakanga varipo paPaseka iyoyo?
3 Pakupera kwomutambo wePaseka, vakanga varipo vakabayiwa mwoyo vakatema matanda anoyera, vakaputsa shongwe dzinoyera, vakakoromora matunhu akakwirira neatari dzavanamwari vavo venhema, pashure ndokubva vadzokera kumaguta avo, vatsunga kushumira Mwari wechokwadi. (2 Makoronike 31:1) Kwakanga kuri kusiyana kwakadini neyaichimbova pfungwa yavo yechitendero! VaKristu vechokwadi nhasi apa vanogona kudzidza kukosha kwoku‘sarega kuungana kwavo pamwe chete.’ Kuungana kwakadaro, kungava kuungano dzokwavanogara kana kuti kukuru pamagungano nekokorodzano, kunoita basa rinokosha kuti vawane kurudziro uye kukuchidzirwa nehama pamwe nomudzimu waMwari ku“nyanduriran[a] kurudo nemabasa akanaka kwazvo.”—VaHebheru 10:23-25.
Kutenda Kunoiswa Pakuedza
4, 5. (a) Hezekia aratidza sei kusabatana kwake neAsiria? (b) Chiito chipi chehondo icho Seniheribhi anoitira nyika yeJudha, uye matanhoi ayo Hezekia anotora kudzivisa kurwiswa kweJerusarema kwokukurumidza? (c) Hezekia anogadzirira sei kudzivirira Jerusarema pavaAsiria?
4 Miedzo yakakomba yakamirira Jerusarema. Hezekia aputsa sungano yakaitwa nababa vake vasina kutenda Ahazi nevaAsiria. Akurira kunyange vaFiristia, vari vatsigiri veAsiria. (2 Madzimambo 18:7, 8) Izvi zvatsamwisa mambo weAsiria. Saka, tinorava kuti: “Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Seniheribhi mambo weAsiria, wakandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.” (Isaya 36:1) Pamwe achitarisira kudzivirira Jerusarema pakurwisa kwokukurumidza kweuto reAsiria risinganeti, Hezekia anobvuma kubhadhara Seniheribhi mutero mukuru wematarenda 300 esirivha nematarenda 30 endarama.a—2 Madzimambo 18:14.
5 Sezvo papfuma yamambo pasina ndarama nesirivha zvakakwana kubhadhara mutero wacho, Hezekia anobvisa simbi dzose dzinokosha dzaangagona mutemberi. Anotemawo masuo etemberi, akaiswa ndarama, oatumira kuna Seniheribhi. Izvi zvinogutsa muAsiria, asi kwenguva duku bedzi. (2 Madzimambo 18:15, 16) Sezviri pachena, Hezekia anoona kuti vaAsiria havasi kuzorega Jerusarema kwenguva refu. Naizvozvo, gadziriro dzinofanira kuitwa. Vanhu vanovhara matsime emvura aigona kupa mvura vaAsiria vari kupinda nechisimba. Hezekia anosimbisawo nhare dzeJerusarema ovaka dura rezvombo, kusanganisira “nhumbi dzokurwa nadzo nenhoo zhinji.”—2 Makoronike 32:4, 5.
6. Hezekia anovimba naani?
6 Zvisinei, Hezekia anovimba kwete nemazano ehondo ouchenjeri kana kuti zvakadzivirira, asi naJehovha wehondo. Anorayira vakuru vake vehondo kuti: “Ivai nesimba, mutsunge mwoyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nokuti unesu mukuru kune waanaye iye; iye une ruoko rwenyama, asi unesu ndiJehovha Mwari wedu, kuzotibatsira nokurwa navavengi.” Vanzwa kudaro, vanhu vakatanga ku“vimba namashoko aHezekia mambo waJudha.” (2 Makoronike 32:7, 8) Fungidzira zviitiko zvinofadza zvinotevera sezvo zvitsauko 36 kusvika ku39 zvouprofita hwaIsaya zvinoongororwa.
Rabhisheki Anopira Nhau Yake
7. Rabhisheki ndiani, uye nei achitumwa kuJerusarema?
7 Seniheribhi anotuma Rabhisheki (zita rechiuto rokuremekedza, harisi zita rake chairo) pamwe chete nemamwe makurukota maviri kuenda kuJerusarema kunorayira guta racho kuti rikande mapfumo pasi. (2 Madzimambo 18:17) Vanosangana kunze kwerusvingo rweguta nevamiririri vatatu vaHezekia, Eriakimi mutariri weimba yaHezekia, Shebna munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori.—Isaya 36:2, 3.
8. Rabhisheki anoedza sei kuparadza kuzvidzivirira kweJerusarema?
8 Vavariro yaRabhisheki iri nyore—ndeyokunyengetedza Jerusarema kukanda mapfumo pasi pasina kurwa. Achitaura nechiHebheru, anotanga kudanidzira achiti: “Kuvimba uku kwaunovimba nakwo ndokwei? . . . Unovimba naaniko, zvawandimukira ini?” (Isaya 36:4, 5) Ipapo Rabhisheki anotsvinyira vaJudha vari kutya, achivayeuchidza kuti havana kana mutsigiri. Vangaenda kunaani kuti avatsigire? KuIjipiti here, “rutsanga urwu rwakavhunika”? (Isaya 36:6) Panguva ino, Ijipiti yakaita sorutsanga rwakavhunika; kutaura chokwadi, raichimbova simba renyika iroro kwenguva ino rambokundwa neEtiopia, uye Farao aripo zvino weIjipiti, Mambo Tirhakah, haasiri muIjipiti asi muEtiopia. Uye ave pedyo nokukundwa neAsiria. (2 Madzimambo 19:8, 9) Sezvo Ijipiti isingagoni kuzviponesa, ichava isingabetseri kunyika yeJudha.
9. Chii sezviri pachena chinoita kuti Rabhisheki agume afunga kuti Jehovha aizosiya vanhu Vake, asi chokwadi ndechipi?
9 Rabhisheki zvino anoti Jehovha haasi kuzorwira vanhu Vake nokuti Haasi kufara navo. Rabhisheki anoti: “Asi kana ukati kwandiri: Tinovimba naJehovha Mwari wedu, ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira namaartari ake naHezekia?” (Isaya 36:7) Kutaura chokwadi, vaJudha vari kure nokuramba Jehovha nokukoromora matunhu akakwirira uye maatari ari munyika yacho, chaizvo vakatodzokera kuna Jehovha.
10. Nei zvisina basa kuti vadziviriri venyika yeJudha vakawanda here kana kuti vashoma?
10 Rabhisheki anotevera kuyeuchidza vaJudha kuti pamauto vanokundwa zvisina tariro. Anotaura mashoko okudenha nokuzvitutumadza aya: “Ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.” (Isaya 36:8) Zvisinei, chaizvoizvo zvine basa here kuti vatasvi vemabhiza venyika yeJudha vakadzidziswa vazhinji here kana kuti vashoma? Aiwa, nokuti ruponeso rwenyika yeJudha harunei nokukwirira kwesimba rehondo. Zvirevo 21:31 inotsanangura zvinhu nenzira iyi: “Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, asi kukunda kunobva kuna Jehovha.” Ipapo Rabhisheki anotaura kuti chikomborero chaJehovha chine vaAsiria, kwete vaJudha. Anoti, dai zvisina kudaro, vaAsiria vangadai vasina kumbopinda kusvika pavasvika munyika yeJudha.—Isaya 36:9, 10.
11, 12. (a) Nei Rabhisheki achisimbirira pakutaura “norurimi rwavaJudha,” uye anoedza sei kutora mwoyo yevaJudha vakateerera? (b) Mashoko aRabhisheki angangoita kuti vaJudha vanzwe sei?
11 Vamiririri vaHezekia vari kunetseka kuti zviri kutaurwa naRabhisheki zvichaita kuti vanhu vari kumunzwa vari pamusoro porusvingo rweguta vanzwe sei. Vakuru vakuru vechiJudha ava vanokumbira kuti: “Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramia, nokuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe.” (Isaya 36:11) Asi Rabhisheki haadi kutaura mutauro wevaSiria. Anoda kudyara mbeu dzokusava nechokwadi nokutya muvaJudha kuti vagokanda mapfumo pasi uye Jerusarema rigokundwa pasina kurwa! (Isaya 36:12) Saka muAsiria anotaurazve “norurimi rwavaJudha.” Anonyevera vagari veJerusarema kuti: “Hezekia ngaarege kukunyengerai; nokuti haangagoni kukurwirai.” Zvadaro, anoedza kutora mwoyo vari kuteerera nokurondedzera hungava upenyu hwevaJudha vachitongwa neAsiria: “Yananai neni, mubudirei kwandiri, mudye mumwe nomumwe muzambiringa wake, mumwe nomumwe muonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake; kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa.”—Isaya 36:13-17.
12 VaJudha havasi kuzokohwa gore rino—kupinda nechisimba kwevaAsiria kwavatadzisa kudyara zvirimwa. Tariro yokudya mazambiringa ane muto nokunwa mvura inotonhorera inofanira kuva ichifadza kuvanhu vakateerera vari parusvingo. Asi Rabhisheki haasati apedza kuedza kupedza vaJudha simba.
13, 14. Pasinei nezvinotaura Rabhisheki, nei zvakaitika kuSamaria zvisingashandi kumamiriro ezvinhu enyika yeJudha?
13 Kubva mudura rake rezvombo zvemashoko, Rabhisheki anobudisa chimwe chombo cheshoko. Anonyevera vaJudha kuti vasatenda Hezekia kana akati: “Jehovha uchatirwira.” Rabhisheki anoyeuchidza vaJudha kuti vanamwari veSamaria vakatadza kudzivirira ndudzi gumi kuti dzirege kukundwa nevaAsiria. Uye zvakadini navamwari vemamwe marudzi avo Asiria yakakunda? “Vamwari veHamati neArpadhi varipi?” anobvunza kudaro. “Vamwari veSefarvhaimi varipi? Vakarwira Samaria paruoko rwangu here?”—Isaya 36:18-20.
14 Kutaura chokwadi, Rabhisheki, munamati wavanamwari venhema, haanzwisisi kuti pane musiyano mukuru pakati peSamaria yakaramba kutenda neJerusarema riri kudzorwa naHezekia. Vanamwari venhema veSamaria vakanga vasina simba rokuponesa umambo hwendudzi gumi. (2 Madzimambo 17:7, 17, 18) Asi, Jerusarema riri kudzorwa naHezekia rakafuratira vanamwari venhema uye rakadzokera kukushumira Jehovha. Zvisinei, vamiririri vatatu venyika yeJudha havaedzi kutsanangurira Rabhisheki izvozvi. “Asi vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nokuti murayiro wamambo wakanga uchiti: Regai kumupindura.” (Isaya 36:21) Eriakimi, Shebna, naJoa vanodzokera kuna Hezekia kuti vanosuma mashoko aRabhisheki.—Isaya 36:22.
Hezekia Anosarudza Zvokuita
15. (a) Hezekia anotarisana nokusarudza chii zvino? (b) Jehovha anosimbisa vanhu vake sei?
15 Mambo Hezekia zvino anofanira kusarudza zvokuita. Jerusarema richakanda mapfumo pasi kuvaAsiria here? richabatana neIjipiti here? kana kuti richazvimiririra rorwa? Hezekia zvamutambudza kwazvo. Anoenda kutemberi yaJehovha, achituma Eriakimi naShebna, pamwe nevarume vakuru vevapristi, kuti vanobvunza Jehovha nokumuprofita Isaya. (Isaya 37:1, 2) Vakapfeka masaga, vamiririri vamambo vanosvika kuna Isaya vachiti: “Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa . . . Zvimwe [Jehovha] Mwari wenyu uchanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, wakatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu.” (Isaya 37:3-5) Hungu, vaAsiria vari kudenha Mwari mupenyu! Jehovha ane zvaachaita nokuzvidza kwavo here? Achishandisa Isaya, Jehovha anosimbisa vaJudha achiti: “Usatya hako mashoko awanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria. Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, uchanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.”—Isaya 37:6, 7.
16. Itsamba dzei dzinotumirwa naSeniheribhi?
16 Zvichakadai, Rabhisheki anodanwa kuti ave parutivi rwaSeniheribhi mambo sezvaanorwa hondo paRibna. Seniheribhi achagadzirisa Jerusarema gare gare. (Isaya 37:8) Kunyange zvakadaro, kuenda kwaRabhisheki hakuzorodzi Hezekia. Seniheribhi anotumira tsamba dzokutyisidzira achirondedzera zvingatarisirwa nevagari veJerusarema kana vakaramba kukanda mapfumo pasi: “Wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here? Ko vamwari vamamwe marudzi vakavarwira here, iwo akaparadzwa namadzibaba angu? . . . Mambo weHamati uripiko, namambo weArpadhi, namambo weguta reSefarvhaimi, neHena, neIvha?” (Isaya 37:9-13) Chaizvoizvo, muAsiria ari kuti hazvibetseri kuzvidzivirira—kuzvidzivirira kuchangounza imwe nhamo!
17, 18. (a) Hezekia anovavarirei mukukumbira dziviriro kuna Jehovha? (b) Jehovha anopindura sei muAsiria nokuna Isaya?
17 Achishushikana kwazvo pamusoro pemigumisiro yezvaachafanira kusarudza, Hezekia anopetenura tsamba dzaSeniheribhi pamberi paJehovha mutemberi. (Isaya 37:14) Achinyengetera nomwoyo wose anoteterera Jehovha kuti anzwe kutyisidzira kweAsiria, achipedzisa munyengetero wake nemashoko okuti: “Naizvozvo zvino, Jehovha, Mwari wedu, tiponesei paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha, iyemi moga.” (Isaya 37:15-20) Kubva pane izvi zviri pachena kuti Hezekia ari kunyanya kushushikana, kwete nokuponeswa kwake iye pachake, asi noruzvidzo ruchaiswa pazita raJehovha kana Asiria ikakunda Jerusarema.
18 Mhinduro yaJehovha yomunyengetero waHezekia inouya nokuna Isaya. Jerusarema harifaniri kukanda mapfumo pasi kuAsiria; rinofanira kutsiga. Achitaura sokuna Seniheribhi, Isaya anotaura noushingi shoko raJehovha kumuAsiria achiti: “Mhandara, mukunda weZioni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusarema wakakudzungudzira musoro wake [achinyomba].” (Isaya 37:21, 22) Naizvozvo, Jehovha anowedzera kuti: ‘Uri aniko iwe kuti utuke Mutsvene waIsraeri? Ndinoziva mabasa ako. Une zvaunovavarira kwazvo; unozvitutumadza kwazvo. Unovimba nesimba rako rehondo uye wakakunda nyika yakakura. Asi hausi asingakundiki. Ndichavhiringidza zvirongwa zvako. Ndichakukunda. Ipapo ndichakuitira sezvawakaitira vamwe. Ndichaisa haka mumhino dzako ndokukutungamirira kudzokera kuAsiria!’—Isaya 37:23-29.
“Ichi Ndicho Chichava Chiratidzo Kwauri”
19. Jehovha anopa Hezekia chiratidzo chei, uye chinorevei?
19 Chii chinoita kuti Hezekia ave nechokwadi chokuti uprofita hwaIsaya huchazadzika? Jehovha anopindura kuti: “Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri: Nhaka muchadya zvinongomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudyara, nokucheka, nokusima minda yemizambiringa, mudye michero yayo.” (Isaya 37:30) Jehovha achagovera zvokudya kuvaJudha vaiswa parumananzombe. Kunyange zvazvo vasingagoni kudyara mbeu nemhaka yokuvapo kwevaAsiria, vachakwanisa kudya zvokuunganidza pazvakasara gore rakapfuura racho rokukohwa. Gore rinotevera racho, gore resabata, vanofanira kurega minda ichirara, pasinei nokupererwa nezano kwavo. (Eksodho 23:11) Jehovha anopikira kuti kana vanhu vakateerera inzwi rake, zviyo zvakakwana zvichakura muminda zvokuvararamisa. Ipapo, mugore rinotevera racho, vanhu vachadyara mbeu senguva dzose vonakirwa nezvibereko zvesimba ravo.
20. Munzirai avo vachapukunyuka kurwisa kweAsiria vacha“itazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro”?
20 Jehovha zvino anofananidza vanhu vake nomuti usingagoni kudzurwa nhando achiti: “Vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.” (Isaya 37:31, 32) Hungu, avo vanovimba naJehovha havana chokutya. Ivo nevana vavo vacharamba vakasimba munyika.
21, 22. (a) Chii chinoprofitwa pamusoro paSeniheribhi? (b) Mashoko aJehovha pamusoro paSeniheribhi anozadzika sei uye rini?
21 Zvakadini nokutyisidzira Jerusarema kwomuAsiria? Jehovha anopindura kuti: “Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu kwariri. . . . Nenzira yaakauya nayo; uchadzokerazve nayo, haangapindi muguta rino.” (Isaya 37:33, 34) Pamusoro pazvo, hapazombovi nehondo pakati peAsiria neJerusarema. Nenzira inoshamisa, vachave vaAsiria, kwete vaJudha, vanokundwa pasina kurwa.
22 Seshoko rake chairo, Jehovha anotumira ngirozi inorakasha mhare dzemauto aSeniheribhi—varume 185 000. Izvi zvinoratidza sokuti zvinoitikira paRibna, uye Seniheribhi pachake anopepuka owana vatungamiriri, machinda, nevarume vakasimba veuto rake vafa. Achipunyaira pachiso, anodzokera kuNinevhe, asi pasinei nokukundwa kwakasimba, anongoramba akazvipira kuna mwari wake wenhema Nisroki. Makore gare gare, achinamata mutemberi yaNisroki, Seniheribhi anourayirwa chigaro nevaviri vevanakomana vake. Zvakare, Nisroki asina upenyu anoratidza kuva asina simba rokuponesa.—Isaya 37:35-38.
Kutenda kwaHezekia Kunowedzera Kusimbiswa
23. Idambudziko rei iro Hezekia anotarisana naro apo Seniheribhi anotanga kuuya kuzorwa nenyika yeJudha, uye dambudziko iri ringarevei?
23 Inenge nguva iyo Seniheribhi anotanga kuuya kuzorwa nenyika yeJudha, Hezekia anorwara zvakaipisisa. Isaya anomuudza kuti achafa. (Isaya 38:1) Mambo ane makore 39 zvinomupedza simba. Anoshushikana kwete nokuti zvingomunakira iye bedzi asiwo nenguva yemberi yevanhu. Jerusarema nenyika yeJudha zviri mungozi yokupindirwa neAsiria nechisimba. Kana Hezekia akafa, ndiani achatungamirira pakurwa kwacho? Panguva iyoyo, Hezekia haana mwanakomana wokuti apfuudzire kutonga. Mumunyengetero wemwoyo wose Hezekia anoteterera Jehovha kuti amunzwire tsitsi.—Isaya 38:2, 3.
24, 25. (a) Jehovha anopindura munyengetero waHezekia nomutsa sei? (b) Chishamiso chipi icho Jehovha anoita sezvinorondedzerwa pana Isaya 38:7, 8?
24 Isaya haasati abuda muchivanze chomuzinda wamambo, Jehovha paanomudzosera nerimwe shoko kuuvato hwamambo apererwa anoti: “Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu. Ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria; uye ndichadzitira guta rino.” (Isaya 38:4-6; 2 Madzimambo 20:4, 5) Jehovha achasimbisa chipikirwa chake nechiratidzo chisiri chenguva dzose achiti: “Ndichadzosa mimvuri pamitaro, wakanga wadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi.”—Isaya 38:7, 8a.
25 Maererano nomunyori wenhau dzakaitika wechiJudha Josephus, kwakanga kune manera mukati momuzinda wamambo, pamwe akanga ane mbiru pedyo pawo. Mwaranzi yezuva payairova mbiru yacho, yaiisa mumvuri pamanera. Munhu aigona kutoyera nguva yezuva nokutarira kufamba kwomumvuri pamanera acho. Zvino Jehovha achaita chishamiso. Pashure pokunge mumvuri wadzika pasi nemanera nenzira yenguva dzose, ucharonda nzira yawo uchidzoka kumashure manera gumi. Ndiani akambonzwa chinhu chakadaro? Bhaibheri rinoti: “Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzira.” (Isaya 38:8b) Chinguva zvadaro, Hezekia anonaya pakurwara kwake. Mashoko aya anopararira kusvika Bhabhironi. Mambo weBhabhironi paanozvinzwa, anotumira nhume kuJerusarema kuti dzinowana mashoko.
26. Ndoupi uri mumwe mugumisiro wokurebeswa kwoupenyu hwaHezekia?
26 Anenge makore matatu pashure pokunaya kunoshamisa kwaHezekia, mwanakomana wake wokutanga, Manase, anoberekwa. Manase paanokura, haaratidzi kuonga tsitsi dzaMwari, idzo kudai dzisidzo angadai asina kuberekwa! Asi, muchikamu chikuru choupenyu hwake, Manase anoita zvakaipa mumeso aJehovha pamwero mukuru.—2 Makoronike 32:24; 33:1-6.
Kukanganisa Pakusarudza Zvokuita
27. Munzirai umo Hezekia anoratidza kuonga Jehovha?
27 Kufanana natateguru wake Dhavhidhi, Hezekia, murume wokutenda. Anokoshesa Shoko raMwari. Maererano naZvirevo 25:1, akaronga kuunganidzwa kwemashoko zvino anowanikwa muzvitsauko 25 kusvika ku29 zvaZvirevo. Vamwe vanotiwo akanyora Pisarema 119 rechi119. Rwiyo runobaya mwoyo rwokuonga urwo Hezekia anonyora anaya pakurwara kwake runomuratidza kuva munhu ane manzwire akadzama. Anogumisa kuti chinhu chinokosha pazvose muupenyu ndechokukwanisa kurumbidza Jehovha patemberi Yake “mazuva ose oupenyu hwedu.” (Isaya 38:9-20) Isu tose ngatinzwei zvakafanana pamusoro pokunamata kwakachena!
28. Chikanganiso chei pakusarudza icho Hezekia anoita chinguva pashure pokuporeswa kwake nenzira inoshamisa?
28 Kunyange zvazvo akatendeka, Hezekia haana kukwana. Anoita chikanganiso chakakomba mukusarudza zvokuita imwe nguva pashure pokunge Jehovha amuporesa. Isaya anotsanangura kuti: “Zvino nenguva iyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi wakatuma nwadhi nechipo kuna Hezekia; nokuti wakanga anzwa kuti wairwara akaporazve. Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.”—Isaya 39:1, 2.b
29. (a) Chii chingangova chinangwa chaHezekia paanoratidza pfuma yake kunhume dzeBhabhironi? (b) Chii chichava mugumisiro wokukanganisa kusarudza kwaHezekia?
29 Kunyange pashure pokukundwa zvakakomba nengirozi yaJehovha, Asiria inoramba ichityisidzira nyika dzakawanda, kusanganisira Bhabhironi. Hezekia angangodaro akada kufadza mambo weBhabhironi seaigona kuzova mukutsiri wemunguva yemberi. Zvisinei, Jehovha haadi kuti vagari venyika yeJudha vashamwaridzane nevavengi vavo; anoda kuti vavimbe naye! Nokumuprofita Isaya, Jehovha anozivisa nguva yemberi kuna Hezekia achiti: “Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi; zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa . . . Vamwe vanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.” (Isaya 39:3-7) Hungu, nyika yacho chaiyo iyo Hezekia aitsvaka kufadza pakupedzisira ichaparadza pfuma yeJerusarema nokuderedza vagari varo kusvika pakuva varanda. Kuratidza kwaHezekia pfuma yake kuvaBhabhironi kunongobetsera kuwedzera havi yavo yokukara.
30. Hezekia akaratidza sei mafungire akanaka?
30 Sezviri pachena ichitaura pamusoro pechiitiko icho Hezekia akaratidza pfuma yake kuvaBhabhironi, 2 Makoronike 32:26 inoti: “Asi Hezekia wakazozvininipisa pamusoro pokuzvikudza kwomwoyo wake, iye navakanga vagere Jerusarema, saka kutsamwa kwaJehovha hakuna kuvavinga mazuva aHezekia.”
31. Zvinhu zvakafambira sei Hezekia, uye izvi zvinotidzidzisei?
31 Pasinei nokusakwana kwake, Hezekia akanga ari murume wokutenda. Aiziva kuti Mwari wake, Jehovha, munhu chaiyeiye ane kunzwa. Paakanga ava pakamanikidzika, Hezekia akanyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha, uye Jehovha akamupindura. Jehovha Mwari akamupikira rugare nokuda kwemazuva ake ose akanga asara, uye Hezekia akaonga izvozvo. (Isaya 39:8) Jehovha anofanira kuvawo chaiyeiye zvakafanana kwatiri nhasi. Panomuka zvinetso, saHezekia, ngatitarisei kuna Jehovha nokuda kwouchenjeri nenzira yokubuda nayo, “nokuti anopa zvikuru vose asingazvidzi.” (Jakobho 1:5) Kana tikaramba tichitsungirira nokutenda muna Jehovha, tinogona kuva nechokwadi chokuti acha“pa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose,” iye zvino nomunguva yemberi.—VaHebheru 11:6.
[Mashoko Omuzasi]
a Anokosha mari inopfuura mamiriyoni 346,7 emadhora pamari yazvino.
b Pashure pokukundwa kwaSeniheribhi, marudzi akapoteredza akaunza zvipo zvendarama, nesirivha, uye zvimwe zvinhu zvinokosha kuna Hezekia. Pana 2 Makoronike 32:22, 23, 27, tinorava kuti “Hezekia wakanga ane pfuma zhinji nokukudzwa” uye kuti “kubva panguva iyo wakakudzwa pamberi pendudzi dzose.” Zvipo izvi zvingadaro zvakamubvumira kuzadzazve imba yake yepfuma, yaakanga atsvaira paakanga achibhandara mutero kuvaAsiria.
[Mufananidzo uri papeji 383]
Mambo Hezekia anovimba naJehovha paanotarisana nemhare dzeAsiria
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 384]
[Mufananidzo uri papeji 389]
Mambo anotumira vamiririri kuna Isaya kuti vanonzwa zano raJehovha
[Mufananidzo uri papeji 390]
Hezekia anonyengeterera kuti zita raJehovha rikwidziridzwe nokukundwa kweAsiria
[Mufananidzo uri papeji 393]
Ngirozi yaJehovha inorakasha vaAsiria 185 000