Chitsauko 5
Mwari Wechokwadi Anofanotaura Nezvokununurwa
1, 2. (a) Jehovha anobvunza mibvunzo yokuti chii? (b) Jehovha acharatidza sei kuti iye bedzi ndiye Mwari wechokwadi?
‘MWARI wechokwadi ndiani?’ Mubvunzo uyu wave uchibvunzwa kwemazana emakore. Saka zvinoshamisa zvikuru kuti mubhuku raIsaya, Jehovha pachake anobvunza mubvunzo wacho! Anokumbira vanhu kufunga kuti: ‘Jehovha ndiye Mwari wechokwadi bedzi here? Kana kuti pane mumwe angakwikwidzana naye panzvimbo yake here?’ Atanga kurukurirano yacho kudaro, Jehovha anopa nzira inonzwisisika yokupedza nayo nyaya yokuti Mwari ndiani. Pfungwa dzinopiwa dzacho dzinoita kuti vanhu vane mwoyo yakatendeka vasvike pamhedziso imwe isingarambiki.
2 Mumazuva aIsaya, zvifananidzo zviri kunamatwa kwose kwose. Mukurukurirano yokutendeka uye yakajeka yakanyorwa muchitsauko 44 chebhuku rouprofita raIsaya, kunamata zvifananidzo kunoratidzwa kuva kusingabatsiri zvikuru! Asi, vanhu vaMwari pachake vawira mumusungo wokunamata zvidhori. Nokudaro, sezvinoonekwa muzvitsauko zvapfuura zvaIsaya, vaIsraeri vakamirirwa nechirango chakasimba. Zvisinei, norudo Jehovha anopa rudzi rwacho kurudziro yokuti kunyange zvazvo achabvumira vaBhabhironi kutora vanhu vake kuti vave nhapwa, achavanunura panguva yake. Kuzadzika kwouprofita hwokununurwa pakutapwa nokudzorerwa kukunamata kwakachena kucharatidza pasina mubvunzo kuti Jehovha bedzi ndiye Mwari wechokwadi, zvichinyadzisa vose vanonamata vanamwari vasina upenyu vemamwe marudzi.
3. Mashoko aIsaya ouprofita anobatsira vaKristu sei nhasi?
3 Uprofita huri muchikamu chino chaIsaya nokuzadzika kwahwo munguva dzekare hunosimbisa kutenda kwevaKristu nhasi. Uyezve, mashoko aIsaya ouprofita anozadzika muzuva redu uye kunyange munguva yemberi. Uye zviitiko izvozvo zvinosanganisira mununuri uye kununurwa kwakatokura kupfuura zvakafanotaurwa nokuda kwevanhu vaMwari vekare.
Tariro Nokuda Kwevari vaJehovha
4. Jehovha anokurudzira Israeri sei?
4 Chitsauko 44 chinotanga nezvakanaka, nezvechiyeuchidzo chokuti Israeri akasarudzwa naMwari, akaparadzaniswa nemamwe marudzi akapoteredza kuti ave muranda wake. Uprofita hwacho hunoti: “Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, naIsraeri wandakasanangura; Zvanzi naJehovha, wakakuita, wakakuumba kubvira pachizvaro, uchakubatsira: Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, newe Jeshuruni, wandakasanangura.” (Isaya 44:1, 2) Jehovha akatarisira Israeri kuita sokunge kubva ari mudumbu raamai vake, kubvira apa Israeri akava rudzi pashure pokubuda muIjipiti. Anodana vanhu vake vose vakabatana kuti “Jeshuruni,” zvichireva kuti “Akarurama,” zita rinoratidza rudo nounyoro. Zita racho chiyeuchidzowo chokuti vaIsraeri vanofanira kuramba vakarurama, izvo vakakundikana kuita kazhinji.
5, 6. Ndezvinozorodza zvipi izvo Jehovha anopa Israeri, uye zvichiguma nei?
5 Anofadza nokuzorodza kwazvo mashoko aJehovha anotevera! Anoti: “Nokuti ndichadira mvura pamusoro penyika ine nyota, nenzizi pamusoro pevhu rakaoma; ndichadira Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nokuropafadza kwangu pamusoro pavana vako; vachamera pakati pouswa, semikonachando pamvura inoerera.” (Isaya 44:3, 4) Kunyange munyika yakaoma inopisa, masango emiti anogona kupona nemvura inonyuka. Jehovha paanopa mvura yake inopa upenyu yechokwadi nokudurura mudzimu wake mutsvene, Israeri achabudirira zvakasimba, semiti yakatevedza migero yemvura yokudiridza. (Pisarema 1:3; Jeremia 17:7, 8) Jehovha achapa vanhu vake simba rokuita basa ravo sezvapupu zvokuva Mwari kwake.
6 Chimwe chinoguma chaitika nokudururwa kwomudzimu kuchave kunzwisisa patsva kunoitwa nevamwe ukama hwaIsraeri naJehovha. Nokudaro, tinoverenga kuti: “Mumwe uchati: Ndiri waJehovha, mumwezve uchazvitumidza nezita raJakobho; mumwezve uchanyora noruoko rwake, achiti: Ndiri waJehovha, nokutora zita raIsraeri.” (Isaya 44:5) Hungu, pachava nokukudzwa pakutakura zita raJehovha, nokuti achaonekwa kuva Mwari wechokwadi bedzi.
Kudana Vanamwari
7, 8. Jehovha anodana vanamwari vemamwe marudzi sei?
7 Mumutemo waMosesi, mudzikinuri—kazhinji hama yepedyo yechirume—aigona kutengazve munhu kubva muuranda. (Revhitiko 25:47-54; Rute 2:20) Jehovha zvino anozvizivisa soMudzikinuri waIsraeri—saiye achadzikinura rudzi rwacho, zvichinyadzisa Bhabhironi navanamwari varo vose. (Jeremia 50:34) Anonangana navanamwari venhema nevanamati vavo, achiti: “Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsraeri, noMudzikinuri wavo, Jehovha wehondo: Ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari. Ndianiko ungadana seni, nokuzviparidza, nokuzvigadzirira izvo, kubva panguva yandakagadza vanhu vakare-kare? Zvinhu zvinouya, nezvinoitika, ngavazviparidze izvo. Musatya henyu; musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? Imi muri zvapupu zvangu. Kune mumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakuna rimwe Dombo, ini handirizivi.”—Isaya 44:6-8.
8 Jehovha anodana vanamwari kuti vataure nhau yavo. Vangagona kudana zvinhu zvisipo sezviripo here, vachifanotaura zvichaitika munguva yemberi zvakarurama kwazvo sokunge zviri kutoitika? ‘Wokutanga newokupedzisira’ bedzi, uyo akavapo vanamwari vose venhema vasati vambofungwa nezvavo uye acharamba aripo vanguri vakanganwikwa, ndiye anogona kuita chinhu chakadaro. Vanhu vake havambofaniri kutya kupupurira chokwadi ichi, sezvo vachitsigirwa naJehovha, uyo akasimba uye akatsiga sezidombo ziguru!—Dheuteronomio 32:4; 2 Samueri 22:31, 32.
Kusava Nematuro Kwokunamata Zvifananidzo
9. Zvakanga zvakaipa here kuti vaIsraeri vagadzire chero rudzi rwomufananidzo wechinhu chipenyu? Tsanangura.
9 Kudana kwaJehovha vanamwari venhema kunoyeuchidza wechipiri weMirayiro Gumi. Murayiro iwoyo wakanyatsotaura kuti: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo kana kuzvishumira.” (Eksodho 20:4, 5) Zvisinei, kurambidza uku kwaisareva kuti vaIsraeri vaisafanira kuita mifananidzo yezvinhu yokushongedza. Jehovha pachake akarayira kuti mifananidzo yemiti nemakerubhi igadzikwe mutebhenekeri. (Eksodho 25:18, 33; 26:31) Zvisinei, izvi zvaisafanira kushumirwa, kana kuti kunamatwa. Hapana munhu aifanira kunyengetera kana kuti kupa zvibayiro kumifananidzo iyoyo. Murayiro wakafuridzirwa naMwari wairambidza kuitwa kwemarudzi ose ezvifananidzo kuti zvishandiswe sechinhu chokunamata. Kunamata zvifananidzo kana kuti kuzvipfugamira uchinamata ndiko kunamata zvidhori.—1 Johani 5:21.
10, 11. Nei Jehovha achiona zvifananidzo sezvinonyadzisa?
10 Isaya zvino anorondedzera kusabatsira kwezvifananidzo zvisina upenyu uye kunyadziswa kwakamirira vanozvigadzira: “Vose vanoita mifananidzo yakavezwa havana maturo, zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri; zvapupu zvavo hazvioni uye hazvizivi, kuti vanyadziswe. Ndianiko wakaita mwari, kana mufananidzo wakaumbwa, zvisingabatsiri chinhu? Tarirai, vose vanomunamatira vachanyadziswa; vakazviita, vanhu havo, ngavaunganidzwe pamwe chete, ngavasimuke; vachatya, vachanyadziswa pamwe chete.”—Isaya 44:9-11.
11 Nei Mwari achiona zvifananidzo izvi sezvinonyadzisa kwazvo? Kutanga, hazvibviri kuita mufananidzo waWemasimba Ose zvakarurama nezvinhu. (Mabasa 17:29) Uyezve, kunamata chinhu chakasikwa panzvimbo poMusiki kudenha kuva Mwari kwaJehovha. Uye hazvisiwo zvisina kukodzera here kumunhu akasikwa “mumufananidzo waMwari”?—Genesi 1:27; VaRoma 1:23, 25.
12, 13. Nei munhu asingagoni kuveza chero chifananidzo chakafanira kunamatwa?
12 Chimwe chinhu chingatanga kuva chitsvene nemhaka yokuti chavezwa kuti chive chimwe chinhu chokunamatwa here? Isaya anotiyeuchidza kuti kugadzira mifananidzo kungoedza kwevanhu. Zvinoshandiswa uye unyanzvi hwomugadziri wemifananidzo zvakangofanana nezvinoshandiswa nevamwewo vagadziri. “Mupfuri unopfura sanhu, unobata namazimbe, nokuriita nenyundo, nokuripfura noruoko rune simba; zvirokwazvo une nzara, simba rake rinopera, haanwi mvura, ndokuziya. Muvezi unotambanudza rwodzi, unotara mufananidzo nepenzera, unounatsa nembezo, unoutara nechienzaniso, ndokuuveza zvakafanana nomunhu, zvakaenzana nomunhu wakanaka, kuti ugare mumba.”—Isaya 44:12, 13.
13 Mwari wechokwadi akaita zvisikwa zvipenyu zvose zviri pasi pano, kusanganisira munhu. Upenyu uchapupu hunoshamisa hwokuva Mwari kwaJehovha, asiwo, zvose izvo Jehovha akasika zviduku kwaari. Munhu angaite zvinopfuura ipapo here? Angaite chimwe chinhu chikuru kwaari here—chikuru kwazvo zvokuti chakakodzera kuzvipira kwake? Munhu paanogadzira chifananidzo, anoneta, anonzwa nzara, uye nyota. Izvi ndozvinoita munhu wose, asi zvinoratidza kuti munhu mupenyu. Chifananidzo chaanoita chingaratidzika somunhu. Chingatova chakanaka. Asi hachina upenyu. Zvifananidzo hazvisi Mwari chero zvodini. Uyezve, hakuna chifananidzo chakavezwa chakambo‘wa chichibva kudenga,’ sokunge chakabva kumwe kusiri kumunhu anofa.—Mabasa 19:35.
14. Vagadziri vezvifananidzo vanotowana zvose kuna Jehovha sei?
14 Isaya anoenderera mberi nokuratidza kuti vagadziri vezvifananidzo vanotovimbawo nezvinongogara zvichiitika nezvinhu zvakasikwa naJehovha achiti: “Zvino unozvitemera misidhari, ndokutora misipresi nemiouki, achizvisanangurira mumwe pakati pemiti yomudondo; unosima mupaini, mvura inonaya ndokuumedza. Zvino dzava huni dzomunhu, unotora dzimwe ndokudziya nadzo; zvirokwazvo, unobatidza moto nadzo, ndokubika chingwa; zvirokwazvo, unoveza mwari, ndokumunamata; unoita mufananidzo wakavezwa, ndokuupfugamira. Rumwe rutivi rwawo unopisa nomoto norumwe rutivi unodya nyama; unogocha nyama, nokuguta; zvirokwazvo, unozvidziyisa, ndokuti: Haiwa, ndadziya, ndaona moto. Nezvakasara unoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; unoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti: Ndirwirei, nokuti ndimi mwari wangu.”—Isaya 44:14-17.
15. Kusanzwisisa zvachose kupi kunoratidzwa nomugadziri wezvifananidzo?
15 Chitanda chomuti chisina kupiswa chinogona kununura munhu here? Chokwadi kwete. Mwari wechokwadi bedzi ndiye anogona kununura. Vanhu vanganamata sei zvinhu zvisina upenyu? Isaya anoratidza kuti chinetso chaicho chiri mumwoyo womunhu achiti: “Havazivi, uye havarangariri, nokuti wakanamira meso avo, kuti varege kuona, nemwoyo yavo, kuti varege kunzwisisa. Hakuna unorangarira, hakuna zivo kana njere dzinoti: Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here? Unozvigutisa namadota; mwoyo wakanyengerwa wamutsausa, haagoni kusunungura mwoyo wake, kana kuti: Hakuna nhema muruoko rwangu rworudyi here?” (Isaya 44:18-20) Hungu, kufungidzira kuti kunamata zvidhori kunogona kupa chimwe chinhu chakanaka chomudzimu kwakafanana nokudya madota panzvimbo pezvokudya zvinovaka muviri.
16. Kunamata zvidhori kwakatanga sei, uye chii chinoita kuti kubvire?
16 Chaizvoizvo kunamata zvidhori kwakatangira kumatenga apo chisikwa chomudzimu chine simba chakazova Satani chakachiva kunamatwa kwakafanira kupiwa Jehovha oga. Kuchiva kwaSatani kwakanga kwakasimba kwazvo zvokuti kwakamuparadzanisa naMwari. Ikoko ndiko kwakanga kuri kutanga kwokunamata zvidhori chaiko, sezvo muapostora Pauro akati kuchiva kwakafanana nokunamata zvidhori. (Isaya 14:12-14; Ezekieri 28:13-15, 17; VaKorose 3:5) Satani akanyengera vanhu vaviri vokutanga kuti vafunge zvoudyire. Evha akachiva zvaaizopiwa naSatani zvokuti: “Meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Jesu akataura kuti kuchiva kunobva mumwoyo. (Genesi 3:5; Mako 7:20-23) Kunamata zvidhori kunobvira kana mwoyo yakanganisika. Saka zvinokosha chaizvo kwatiri tose ku‘rinda mwoyo yedu,’ tisingambobvumiri chero munhu kana kuti chimwe chinhu kutora nzvimbo yaJehovha yaakafanira imomo!—Zvirevo 4:23; Jakobho 1:14.
Jehovha Anoteterera Mwoyo
17. Israeri anofanira kufunga nezvechii?
17 Jehovha anotevera kuteterera vaIsraeri kuti vayeuke kuti vari munzvimbo yeropafadzo, uye yokuvimbwa. Zvapupu zvake! Anoti: “Funga zvinhu izvi, iwe Jakobho, naIsraeri, nokuti ndiwe muranda wangu; ndakakuumba, uri muranda wangu; haiwa Israeri, haungakanganikwi neni. Ndakadzima kudarika kwako, segore gobvu, nezvivi zvako segore; dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura. Imba, iwe denga rose, nokuti Jehovha wakaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nokuti Jehovha wakadzikinura Jakobho, uchazvirumbidza muna Israeri.”—Isaya 44:21-23.
18. (a) Nei Israeri ane chikonzero chokufara? (b) Varanda vaJehovha vangatevedzera sei muenzaniso wake wetsitsi nhasi?
18 Israeri haana kuumba Jehovha. Haasi mwari akagadzirwa nevanhu. Asi, Jehovha ndiye akatoumba Israeri kuti ave muranda wake wakasanangurwa. Uye acharatidza kuva Mwari kwake zvekare paachanunura rudzi rwacho. Anotaura nevanhu vake nounyoro, achivavimbisa kuti kana vakapfidza, achafukidza zvivi zvavo zvachose, achiita seanoviga kudarika seri kwegore risingapindiki. Chikonzero chakadini chokuti Israeri afare! Muenzaniso waJehovha unokurudzira vashumiri vake vomuzuva ranhasi kuti vatevedzere tsitsi dzake. Vanogona kudaro nokutsvaka kubatsira vanokanganisa—vachiedza kuvamisazve mumudzimu kana zvichibvira.—VaGaratiya 6:1, 2.
Chokupedzisira Pamuedzo Wokuva Mwari
19, 20. (a) Jehovha anopedzisa nyaya yake sei? (b) Zvinhu zvipi zvinofadza izvo Jehovha anoprofita nokuda kwevanhu vake, uye ndiani achave mumiririri wake kuti izvi zviitike?
19 Jehovha zvino anopedzisa nyaya yake yomudare nenzira yakasimba. Ava pedyo nokupa mhinduro yake pamuedzo wakaomesesa wokuva Mwari—kukwanisa kufanotaura nguva yemberi zvakarurama. Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakadana ndima shanu dzinotevera dzaIsaya chitsauko 44 kuti “nhetembo youkuru hwaMwari waIsraeri,” Musiki mumwe bedzi, Muzivisi wenguva yemberi netariro yaIsraeri yokununurwa. Ndima yacho inokwira kusvika pachiruvi chayo nokuzivisa zita romurume aizosunungura rudzi rwacho paBhabhironi.
20 “Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, wakakuumba kubva pachizvaro: Ndini Jehovha, unoita zvinhu zvose, unotatamura denga rose iye oga, unotambanudza nyika (ndiani waiva neni?); iye unoparadza zviratidzo zvavane nhema, unopengesa vauki, unodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo huve upenzi; iye unosimbisa shoko romuranda wake, unoita zvakarayirirwa nenhume dzake; iye unoti pamusoro peJerusarema: Richagarwa navanhu, napamusoro pemaguta aJudha: Achavakwa, ini ndichamutsa matongo awo; iye unoti kumvura yakadzika: Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako; iye unoti pamusoro paKoreshi: Ndiye mufudzi wangu, uchaita zvose zvinondifadza, kana achiti pamusoro peJerusarema: Richavakwa, uye pamusoro petembere: Nheyo dzako dzichateyiwa.”—Isaya 44:24-28.
21. Mashoko aJehovha anovimbisa chii?
21 Hungu, Jehovha haangogoni kufanotaura zviitiko zvomunguva yemberi chete asiwo ane simba rokuita chinangwa chake chakaziviswa zvakazara. Kuzivisa uku kuchashanda setariro kuna Israeri. Ivimbiso kuti kunyange zvazvo mauto eBhabhironi achaparadza nyika yacho, Jerusarema nemaguta aro zvichamukazve uye kunamata kwechokwadi kuchadzorerwazve imomo. Asi sei?
22. Rondedzera mapwire anoita Rwizi Yufratesi.
22 Vafemberi vasina kufuridzirwa kazhinji havatauri zvakanyatsonanga mune zvavanofanotaura vachityira kuti nguva ingazoratidza kuti havana kururama. Achisiyana neizvi, achishandisa Isaya, Jehovha anozivisa zita chairo romurume waachashandisa kusunungura vanhu vake muusungwa kuitira kuti vaende kumusha nokuvakazve Jerusarema netemberi. Zita rake ndiKoreshi, uye anozivikanwa saKoreshi Mukuru wePersia. Jehovha anopawo mashoko akazara emazano ehondo ayo Koreshi achashandisa kuti apinde pazvakadzivirira Bhabhironi zvikuru uye zvakasimba. Bhabhironi richave rakadzivirirwa nemasvingo marefu nemigero yemvura inotenderera nomuguta racho. Koreshi achatsausa chinhu chikuru chedziviriro iyoyo—Rwizi Yufratesi—kuti zvimunakire. Maererano nevanyori venhau dzakaitika vekare Herodotus naXenophon, pane imwe nzvimbo iri nechokumusoro kwerwizi kubva muBhabhironi, Koreshi akatsausa mvura yeYufratesi kusvikira rwizi rwaserera zvokuti varwi vake vayambuke. Pamusoro pokugona kwarwo kudzivirira Bhabhironi, Rwizi Yufratesi rukuru runopwa.
23. Chinyorwa chipi chiripo chokuzadzika kwouprofita hwokuti Koreshi aizosunungura Israeri?
23 Zvakadini nechipikirwa chokuti Koreshi achasunungura vanhu vaMwari uye kuti achaona kuti Jerusarema netemberi yaro zvichavakwazve? Koreshi pachake, mukuzivisa kwapamutemo kwakanyorwa muBhaibheri, anozivisa kuti: “Zvanzi naKoreshi mambo wePersia: Jehovha Mwari wokudenga wakandipa ushe hwose hwenyika, akandirayira kuti ndimuvakire imba paJerusarema riri paJudha. Zvino ani naani uripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusarema riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsraeri, (ndiye Mwari), unogara Jerusarema.” (Ezra 1:2, 3) Shoko raJehovha nokuna Isaya rinozadzika zvizere!
Isaya, Koreshi, nevaKristu Nhasi
24. Ukamai huripo pakati pokubuda kwomurayiro waArtashasta “wokuvandudza nokuvaka Jerusarema” nokuuya kwaMesiya?
24 Chitsauko chechi44 chaIsaya chinokudza Jehovha saMwari mumwe bedzi wechokwadi uye Mununuri wevanhu vake vekare. Uyezve, uprofita hwacho hune zvakakomba zvahunoreva nokuda kwedu tose nhasi. Murayiro waKoreshi wokuvakazve temberi yeJerusarema, wakapiwa muna 538/537 B.C.E., wakatanga zviitiko zvakaguma nokuzadzika kwohumwe uprofita hunoshamisa. Murayiro waKoreshi wakateverwa newomumwe mutongi akazotevera, Artashasta, uyo akarayira kuti guta reJerusarema rinofanira kuvakwazve. Bhuku raDhanieri rakazivisa kuti “kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusarema [muna 455 B.C.E.] kusvikira kuna Mesiya Mutungamiri,” kwaizova ne“vhiki” 69 dzemakore 7 imwe neimwe. (Dhanieri 9:24, 25) Uprofita uhwu hwakazadzikawo. Panguva chaiyo mugore ra29 C.E., makore 483 pashure pokutanga kushanda kwomurayiro waArtashasta muNyika Yakapikirwa, Jesu akabhabhatidzwa ndokutanga ushumiri hwake pasi pano.a
25. Kuwa kweBhabhironi kuna Koreshi kunoratidzei munguva dzazvino?
25 Kusunungurwa kwevaJudha vakavimbika pakutapwa, kwakaitwa kuti kubvire nokuwa kweBhabhironi, kwaifananidzira kusunungurwa kwevaKristu vakazodzwa pakutapwa kwomudzimu muna 1919. Kusunungurwa ikoko kwakanga kuri uchapupu hwokuti rimwe Bhabhironi, rinorondedzerwa sehure, Bhabhironi Guru—chiratidzo chezvitendero zvose zvenhema zvenyika zvichionekwa zvakabatana—rakanga rawa. Sezvakanyorwa mubhuku raZvakazarurwa, muapostora Johani akafanoona kuwa kwaro. (Zvakazarurwa 14:8) Akafanoonawo kuparadzwa kwaro kamwe kamwe. Kurondedzera kwaJohani kuparadzwa kwoumambo hwenyika yose ihwohwo hwakazara nezvidhori kunofananidzira mune dzimwe nzira kurondedzera kwaIsaya kukunda nokubudirira kwaKoreshi guta reBhabhironi rekare. Sokungokundikana kwakaita migero yemvura yokudzivirira yeBhabhironi kuriponesa pana Koreshi, ndizvo zvichaitikawo ‘mvura’ yevanhu inotsigira nokudzivirira Bhabhironi Guru icha“pwa” risati raparadzwa sezvarinokodzera.—Zvakazarurwa 16:12.b
26. Uprofita hwaIsaya nokuzadzika kwahwo zvinosimbisa kutenda kwedu sei?
26 Sokuona kwedu nhasi, anopfuura mamireniyamu maviri nehafu Isaya apa uprofita hwake, tinogona kuona kuti Mwari zvechokwadi “unoita zvakarayirwa nenhume dzake.” (Isaya 44:26) Naizvozvo kuzadzika kwouprofita hwaIsaya muenzaniso unoshamisa wokuvimbika kwouprofita hwose huri muMagwaro Matsvene.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Ona zvitsauko35 ne36 zvebhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 63]
Chitanda chomuti chisina kupiswa chinogona kununura munhu here?
[Mufananidzo uri papeji 75]
Koreshi anozadzika uprofita nokutsausa mvura yeYufratesi