‘Jehovha Paakamutsa Vatongi’
Madzinza neVatongi
ZVIRI nyore kuona pane Gomo reTabhori (F4) pamepu, kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweGungwa reGarireya, muMupata weJezreeri. Edza kufungidzira uto revanhu 10 000 rakaungana pamusoro pegomo racho. Jehovha akashandisa Mutongi Bheraki nomuprofitakadzi Dhibhora kusimbisa vaIsraeri kuti varwe naMambo Jabhini weKenani uyo akanga adzvinyirira vaIsraeri kwemakore 20. Uto raJabhini richitungamirirwa naSisera, rakauya nengoro dzehondo 900 dzaiva nemajeko esimbi kubva kuHarosheti kuenda kumupata une rukova weKishoni, pakati peMegidho neGomo reTabhori.
Mutongi Bheraki akatungamirira varume vaIsraeri kumupata wacho kuti varwe neuto raSisera. Jehovha akaita kuti vakunde nokuunza mafashamo akakonzera matope ayo akatadzisa ngoro dzehondo dzaSisera kufamba, uye zvakaita kuti vaKenani varohwe nehana. (Vat 4:1–5:31) Uyu unongova muenzaniso mumwe chete unoratidza kubatsirwa kwakaita vaIsraeri naMwari mumazuva eVatongi.
Kenani yakundwa, nyika yakagovewa kumadzinza aIsraeri. Ona kuti madzinza akasiyana-siyana asiri evaRevhi aigara kupi. Dzinza duku raSimiyoni rakapiwa maguta munharaunda yaJudha. Pakafa Joshua, vaIsraeri vakatanga kusakoshesa zvokunamata uye kusava netsika dzakanaka. VaIsraeri “vakatambudzika kwazvo,” vachidzvinyirirwa nevavengi vavo. Jehovha akavanzwira tsitsi ‘akamutsa vatongi,’ varume 12 vaiva nokutenda uye ushingi, vakanunura vaIsraeri kwemakore 300.—Vat 2: 15, 16, 19.
Mutongi Gidhiyoni akaita kuti varwi 300 vaiva nezvombo zvishomanana asi vaine simba vakunde varwi 135 000 vevaMidhiyani. Hondo yacho yakarwiwa pakati peGomo reGiribhoa nereMore. Paakakunda kokutanga, Gidhiyoni akadzingirira vaMidhiyani kumabvazuva, kusvika kurenje.—Vat 6:1–8:32.
Jefta, muGiriyedhi wedzinza raManase, akasunungura maguta evaIsraeri aidzvinyirirwa nevaAmoni aiva kumabvazuva kweJodhani. Kuti anovarwisa, angangodaro akafamba neMugwagwa waMambo, waibva kuRamoti-giriyedhi uchipfuura nemunharaunda yeAroeri.—Vat 11:1–12:7.
Samsoni akaratidza ugamba hwake kuvaFiristiya munharaunda yeGaza neAshkeroni iri mumhenderekedzo yegungwa. Gaza iri munzvimbo inowana mvura yakanaka uye inozivikanwa nekurima. Samsoni akashandisa makava 300 kupisa minda yevaFiristiya yezviyo, yemizambiringa uye yemiorivhi.—Vat 15:4, 5.
Vatongi vaiita basa ravo muNyika Yakapikirwa yose sezvinoratidzwa neBhaibheri kana kuti nemadzinza avaibva. Pose pavaitonga, Jehovha aitarisira vanhu vake vaitambudzika vainge vapfidza.
[Mepu iri papeji 15]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Madzinza neVatongi
Vatongi
1. Otinieri (Dzinza raManase)
2. Ehudhi (Dzinza raJudha)
3. Shamgari (Dzinza raJudha)
4. Bheraki (Dzinza raNaftari)
5. Gidhiyoni (Dzinza raIsakari)
6. Tora (Dzinza raManase)
7. Jairi (Dzinza raManase)
8. Jefta (Dzinza raGadhi)
9. Ibzani (Dzinza raAsheri)
10. Eroni (Dzinza raZebhuruni)
11. Abdhoni (Dzinza raEfremu)
12. Samsoni (Dzinza raJudha)
Migove yemadzinza (Ona bhuku racho)
Mamwe Maguta aManase
E4 Dhori
E5 Megidho
E5 Taanaki
F4 Endori
F5 Bheti-sheyani (Bheti-shani)
F5 Ibreyamu (Gati-rimoni)
Mamwe Maguta aSimiyoni
C9 Sharuheni (Shaaraimu) (Shirihimu)
C10 Bheti-rebhaoti (Bheti-bhiri)
D8 Eteri (Tokeni)
D9 Zikragi
D9 Aini
D9 Hazari-susa?
D9 Ashani
D9 Bheeri-shebha
D10 Hazari-shuari
E9 Etamu
E9 Bheti-makabhoti
E9 Bhetueri? (Kesiri?)
E9 Shebha? (Jeshua)
E10 Bhaarati-bheeri (Bhaari)
E10 Ezemu
Maguta Okupotera evaRevhi
E8 Hebroni
F3 Kedheshi
F6 Shekemu
H4 Gorani
H5 Ramoti-giriyedhi
H8 Bhezeri
Migwagwa Mikuru
B10 Via Maris
G10 Mugwagwa waMambo
Madzinza aIsraeri
DHANI (D7)
D7 Jopa
E8 Zora
JUDHA (D9)
C8 Ashkeroni
C9 Gaza
C9 Sharuheni (Shaaraimu) (Shirihimu)
C10 Bheti-rebhaoti (Bheti-bhiri)
C12 Azmoni
C12 Kadheshi
D7 Jabneeri
D8 Eteri (Tokeni)
D9 Zikragi
D9 Aini
D9 Hazari-susa?
D9 Ashani
D9 Bheeri-shebha
D10 Hazari-shuari
E8 Rehi
E8 Bhetrehema
E8 Hebroni
E9 Etamu
E9 Bheti-makabhoti
E9 Bhetueri? (Kesiri?)
E9 Shebha? (Jeshua)
E10 Bhaarati-bheeri (Bhaari)
E10 Ezemu
F8 Jerusarema
ASHERI (E3)
E2 Tire
E4 Harosheti
E4 Dhori
F1 Sidhoni
MANASE (E5)
E6 Shamiri (Samariya)
E6 Piratoni
F6 Shekemu
G5 Abheri-mehora
EFREMU (E7)
E7 Timnati-sera
F6 Tapua
F6 Shiro
F7 Bheteri (Ruzi)
NAFTARI (F3)
F2 Bheti-anati
F3 Kedheshi
G3 Hazori
ZEBHURUNI (F4)
E4 Bhetrehema
ISAKARI (F5)
E5 Megidho
E5 Kedheshi (Kishioni)
E5 Taanaki
F4 Endori
F5 Bheti-shita
F5 Bheti-sheyani (Bheti-shani)
F5 Ibreyamu (Gati-rimoni)
BHENJAMINI (F7)
F7 Girigari
DHANI (G2)
G2 Dhani (Raishi)
MANASE (H3)
H4 Gorani
RUBHENI (H8)
G7 Heshbhoni
G9 Aroeri
H7 Miniti
H8 Bhezeri
GADHI (I6)
G6 Sukoti
G6 Penueri
G6 Mizpa (Mizpe)
G7 Jogbheha
H5 Ramoti-giriyedhi
H7 Rabha
H7 Abheri-keramimu
[Dzimwe Nzvimbo]
I1 Dhamasiko
[Makomo]
F4 Gomo reTabhori
F4 More
F6 Gomo reEbhari
F5 Gomo reGiribhoa
F6 Gomo reGerizimu
[Mvura zhinji]
C5 Gungwa reMediteranean (Gungwa Guru)
F9 Gungwa Romunyu
G4 Gungwa reGarireya
[Nzizi nehova]
B11 M.R. weIjipiti
F6 Rwizi rweJodhani
G6 M.R. weJabhoki
G9 M.R. weAnoni
G11 M.R. weZeredhi
[Mufananidzo uri papeji 14]
Gomo reTabhori, riri muMupata weJezreeri, munharaunda yaIsakari
[Mufananidzo uri papeji 14]
Kishoni parwakazara, ngoro dzehondo dzaSisera dzakatadza kufamba