Jesu “Munyika yevaJudha”
Nyika Yakapikirwa (Munguva yaJesu)
PAAKAPUPURIRA Koneriyasi, muapostora Petro akataura zvakaitwa naJesu “munyika yevaJudha nomuJerusarema.” (Mab 10:39) Unofunga kuti inharaunda dzipi dzakaitirwa naJesu ushumiri hwake hwakaita mbiri?
“Nyika yevaJudha” yaisanganisira Judhiya, uko Jesu akaita basa raMwari. (Ru 4:44) Abhabhatidzwa, Jesu akaita mazuva 40 ari murenje reJudha (kana kuti, Judhiya), nzvimbo yakaoma uye yaisava nevanhu, kwaingowanzosvikwa nevapanduki. (Ru 10:30) Gare gare, achibva Judhiya achikwidza kuchamhembe, Jesu akaparidzira mukadzi weSamariya pedyo neSikari.—Joh 4:3-7.
Patinoongorora Evhangeri tinogona kuona kuti Jesu akanyanya kuparidzira muGarireya. Kunyange zvazvo aienda kumaodzanyemba kuJerusarema kumitambo yegore negore, nguva yakawanda pamakore maviri ekutanga eushumiri hwake ainge ari nechekumusoro muNyika Yakapikirwa. (Joh 7:2-10; 10:22, 23) Somuenzaniso, akataura dzidziso dzake dzakawanda dzinozivikanwa uye akaita zvishamiso zvakawanda ari paGungwa reGarireya kana kuti pedyo naro. Yeuka kuti akadzikamisa madutu pagungwa iri uye akatofamba pariri. Aiparidzira vanhu ari mumagwa pamhenderekedzo yaiva netumatombo yegungwa racho. Vateveri vake vepedyo vokutanga, vaibva mumisha yaiva pedyo yevanhu vairarama nekubata hove nekurima.—Mk 3:7-12; 4:35-41; Ru 5:1-11; Joh 6:16-21; 21:1-19.
Paaiparidzira muGarireya, Jesu aibva muKapenaume, “guta rokwake” raiva pamahombekombe. (Mt 9:1) Akanga ari pachikomo chaiva pedyo paakapa Mharidzo Yepagomo yakakurumbira. Aimboenda neigwa kuMagadhani, Bhetisaidha, kana kuti nzvimbo dzaiva pedyo, achibva kuKapenaume.
Cherechedza kuti “guta rokwake” rakanga risiri kure neNazareta, kwaakakurira; nokuKana, kwaakashandura mvura kuva waini; nokuNaini, kwaakamutsa mwanakomana wechirikadzi; uye kuBhetisaidha, kwaakaita chishamiso chokupa vanhu 5 000 zvokudya uye kwaakasvinudza bofu.
Pashure pePaseka ya32 C.E., Jesu akaenda kumaodzanyemba akananga kuTire neSidhoni, zviteshi zvengarava zvekuFenikiya. Akabva azowedzera ushumiri hwake kune mamwe maguta gumi akanga akawanda vaGiriki ainzi Dhekaporisi. Jesu aiva pedyo neKesariya Firipi (F2) Petro paakazivisa kuti Jesu ndiye Mesiya, uye nguva shomanana izvi zvaitika Jesu akachinja chitarisiko, zvichida paGomo reHemoni. Gare gare, Jesu akaparidza munharaunda yePereya, mhiri kwaJodhani.—Mk 7:24-37; 8:27–9:2; 10:1; Ru 13:22, 33.
Jesu akapedza vhiki yake yokupedzisira pasi pano aine vadzidzi vake ari muJerusarema, “guta raMambo mukuru,” nomunharaunda dzakapoteredza. (Mt 5:35) Pamepu iri papeji inotevera unogona kuwana nzvimbo dzaiva pedyo naro dzawakaverenga muEvhangeri, dzakadai seEmausi, Bhetani, Bhetifage neBheterehema.—Ru 2:4; 19:29; 24:13; ona “Nharaunda yeJerusarema,” papeji 18.
[Mepu iri papeji 29]
(Kana uchida kuona zvayakaita, ona bhuku racho)
Nyika Yomuzuva raJesu (Munguva yaJesu)
Nyika Yomuzuva raJesu
Maguta eDhekaporisi
E5 Hippo(s)
E6 Pera
E6 Scythopolis
F5 Gadhara
F7 Gerasa
G5 Dion
G9 Firadhefiya
H1 Dhamasiko
H4 Raphana
I5 Canatha
Migwagwa Mikuru (Ona bhuku racho)
Nzira Yaiwanzoshandiswa Kubva kuGarireya Kuenda kuJerusarema (Ona bhuku racho)
Imwe Nzira Yaigona Kushandiswa Kubva kuGarireya Kuenda kuJerusarema, Ichipfuura nomuPereya (Ona bhuku racho)
A11 Gaza
B6 Kesariya
B8 Jopa
B9 Ridha
B12 Bheeri-shebha
C4 Toremai
C8 SAMARIYA
C8 Andipatrisi
C8 Arimatiya
C9 Emausi
C10 JUDHIYA
C11 Hebroni
C12 IDHUMEYA
D1 Sidhoni
D2 Tire
D3 FENIKIYA
D4 GARIREYA
D4 Kana
D5 Sepphoris
D5 Nazareta
D5 Naini
D7 Samariya
D7 Sikari
D9 Efremu
D9 Bhetifage
D9 Jerusarema
D9 Bhetani
D10 Bhetrehema
D10 Herodium
D10 RENJE RAJUDHA
D12 Masada
E4 Korazini
E4 Bhetisaidha
E4 Kapenaume
E4 Magadhani
E5 Tibheriyasi
E5 Hippo(s)
E6 Bhetani? (mhiri kweJodhani)
E6 Scythopolis
E6 Pera
E6 Sarimu
E6 Ainoni
E9 Jeriko
F1 ABHIRENE
F2 Kesariya Firipi
F4 Gamala
F5 Abila?
F5 Gadhara
F7 PEREYA
F7 Gerasa
G3 ITUREYA
G5 Dion
G6 DHEKAPORISI
G9 Firadhefiya
H1 Dhamasiko
H3 TIRAKONITISI
H4 Raphana
H12 ARABHIYA
I5 Canatha
[Makomo]
D7 Gomo reEbhari
D7 Gomo reGerizimi
F2 Gomo reHermoni
[Mvura zhinji]
B6 Gungwa reMediterranean (Gungwa Guru)
E4 Gungwa reGarireya
E10 Gungwa Romunyu (Gungwa Rakafa)
[Nzizi]
E7 Rwizi Jodhani
[Zvitubu nematsime]
D7 Tsime raJakobho
[Mufananidzo uri papeji 28]
Gungwa reGarireya. Kapenaume iri kuruboshwe nechekumberi. Patiri kuona apa kumadokero kwakadziva kumaodzanyemba kweBani reGenesareti
[Mufananidzo uri papeji 28]
VaSamariya vainamata paGomo reGerizimu. Gomo reEbhari riri necheseri kwacho