CHIKAMU 6 • MABASA 15:36–18:22
“Ngatishanyirei Zvakare Hama”
Vatariri vematunhu vanoita basa rei rinokosha muungano yechiKristu? Tinowana makomborero api patinobvuma nemwoyo wese mabasa atinopiwa naMwari? Tingashandisa sei Bhaibheri kubatsira vanhu kufunga patinokurukura navo, uye nei tichifanira kuchinja mharidzo dzedu kuti dzienderane nevanhu vatinenge tichitaura navo? Tichawana mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwe patichaongorora rwendo rwemuapostora Pauro rwechipiri rweumishinari.