Rwiyo 26
Famba naMwari!
Rakaprindwa
(Mika 6:8)
1. Famba naMwari nemwero;
Ida mutsa nedi.
Nyatsoperera kwaari,
Agokupa simba.
Ukabatisa chokwadi
Hauzonyengerwi.
Mwari akutungamire,
Sekamwana kake.
2. Famba naye wakachena;
Usaita chivi.
Kurawo pakunamata,
Agokufarira.
Fungisisa zvakachena,
Zvose zvinodiwa.
Fungisisa zvinhu izvi,
Uvimbe naMwari.
3. Famba wakatendeseka
Kuti ugowana
Kugutsikana chaiko;
Ndochinhu chikuru.
Famba naMwari ufare
Uchimurumbidza.
Basa rake roUmambo,
Rinofadza chose.
(Onawo Gen. 5:24; 6:9; VaF. 4:8; 1 Tim. 6:6-8.)