Rwiyo 67
Nyengetera Kuna Jehovha Mazuva Ose
Rakaprindwa
1. Nyengetera Jehovha, anonzwa.
Tofara kuva nezita rake.
Durura mwoyo sokushamwari,
Vimba kuti ha’tombokusiyi.
Nyengetera kazhinji.
2. Tionge kuti tiri vapenyu,
Tichikumbira kukanganwirwa.
Tireururewo kuna Mwari,
Anoziva kuti tiri ivhu.
Nyengetera kazhinji.
3. Unyengetere kana zvaoma.
Ndiye Baba vedu vari pedyo.
Tsvaka yamuro nedziviriro,
Uchivimba naye usingatyi.
Nyengetera kazhinji.
(Onawo Mat. 6:9-13; 26:41; Ruka 18:1.)