Rwiyo 95
“Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”
Rakaprindwa
1. Basa rokuparidzira,
Tinorikoshesa kwazvo.
Tinototenga nguva yokuti
Tiparidzire vazhinji.
(KORASI)
Ravirai henyu muone,
Jehovha akanaka.
Kuzvipira kunopfumisa,
Taita zvatagona.
2. Vari mubasa renguva
Yakazara vakapfuma.
Pavanovimba naMwari wavo,
Vanogutsikana chose.
(KORASI)
Ravirai henyu muone,
Jehovha akanaka.
Kuzvipira kunopfumisa,
Taita zvatagona.
(Onawo Mako 14:8; Ruka 21:2; 1 Tim. 1:12; 6:6.)