RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ll chikamu 5 pp. 12-13
  • Ndivanaani Vakapona Pakanaya Mvura Zhinji, Ndivanaani Vasina?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndivanaani Vakapona Pakanaya Mvura Zhinji, Ndivanaani Vasina?
  • Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Mashoko Akafanana
  • Areka yaNoa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Chikamu 5
    Teerera Mwari
  • Noa Anovaka Areka
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Akafamba naMwari Wechokwadi”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
ll chikamu 5 pp. 12-13

CHIKAMU 5

Ndivanaani Vakapona Pakanaya Mvura Zhinji, Ndivanaani Vasina?

Vanhu vakawanda vemunguva yaNoa vaiita zvakaipa. Genesisi 6:5

Ngirozi dzakaipa dzakachinja miviri yadzo dzikaroora vakadzi

Adhamu naEvha vakabereka vana uye vanhu vakatanga kuwanda panyika. Nekufamba kwenguva, dzimwe ngirozi dzakapanduka dzikabatana naSatani.

Dzakauya panyika dzikachinja kuita vanhu kuti dzikwanise kuroora vakadzi. Vakadzi vacho vakabereka vanakomana vaityisa uye vainge vakasimba kupfuura vamwe vana.

Mukadzi akabata mwana ari kurohwa nemukomana; vaNefirimu, vanakomana vengirozi dzakaipa vachiita mhirizhonga

Panyika pakazara nevanhu vaiita zvakaipa. Bhaibheri rinoti “uipi hwemunhu hwakanga hwanyanya panyika uye kuti zvese zvaaifunga uye zvaiva mumwoyo make zvakanga zvakangoipa nguva dzese.”

Noa akateerera Mwari achibva avaka areka. Genesisi 6:13, 14, 18, 19, 22

Noa anoteerera Mwari

Noa aiva munhu akanaka. Jehovha akaudza Noa kuti aizoparadza vanhu vakaipa achishandisa mvura zhinji.

Noa nemhuri yake vachivaka areka

Mwari akaudzawo Noa kuti avake areka, obva aisa mhuri yake nemhuka dzemarudzi ese imomo.

Noa anoudza vanhu kuti kuchanaya mvura zhinji asi vanhu vacho vanomuseka

Noa akaudza vanhu kuti kwaizonaya mvura zhinji, asi havana kuteerera. Vamwe vakaseka Noa; vamwe vaimuvenga.

Noa nemhuri yake vanounganidza mhuka kuti vadziise muareka

Areka payakapera, Noa akaisa mhuka mairi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe