CHIKAMU 5
Ndivanaani Vakapona Pakanaya Mvura Zhinji, Ndivanaani Vasina?
Vanhu vakawanda vemunguva yaNoa vaiita zvakaipa. Genesisi 6:5
Adhamu naEvha vakabereka vana uye vanhu vakatanga kuwanda panyika. Nekufamba kwenguva, dzimwe ngirozi dzakapanduka dzikabatana naSatani.
Dzakauya panyika dzikachinja kuita vanhu kuti dzikwanise kuroora vakadzi. Vakadzi vacho vakabereka vanakomana vaityisa uye vainge vakasimba kupfuura vamwe vana.
Panyika pakazara nevanhu vaiita zvakaipa. Bhaibheri rinoti “uipi hwemunhu hwakanga hwanyanya panyika uye kuti zvese zvaaifunga uye zvaiva mumwoyo make zvakanga zvakangoipa nguva dzese.”
Noa akateerera Mwari achibva avaka areka. Genesisi 6:13, 14, 18, 19, 22
Noa aiva munhu akanaka. Jehovha akaudza Noa kuti aizoparadza vanhu vakaipa achishandisa mvura zhinji.
Mwari akaudzawo Noa kuti avake areka, obva aisa mhuri yake nemhuka dzemarudzi ese imomo.
Noa akaudza vanhu kuti kwaizonaya mvura zhinji, asi havana kuteerera. Vamwe vakaseka Noa; vamwe vaimuvenga.
Areka payakapera, Noa akaisa mhuka mairi.