CHIKAMU 13
Tinofanira Kuitei Kuti Tifadze Mwari?
Usaita zvakaipa. 1 VaKorinde 6:9, 10
Kana tichida Jehovha hatizoiti zvinhu zvaanovenga.
Jehovha haadi kuti tibe, tidhakwe kana kushandisa madhiragi.
Mwari anovenga umhondi, kubvisa pamuviri uye ungochani. Haadi kuti tive nemakaro uye haadi kuti tirwe.
Hatifaniri kunamata zvidhori kana kuita zvemidzimu.
Vanoita zvakaipa havabvumirwi muParadhiso panyika.
Ita zvakanaka. Mateu 7:12
Kuti tifadze Mwari, tinofanira kuedza kumutevedzera.
Iva nemutsa uye rupo kuti uratidze kuti unoda vamwe.
Iva munhu akavimbika.
Iva netsitsi uye regerera vamwe.
Udza vamwe nezvaJehovha uye nezvenzira dzake.—Isaya 43:10.