CHIDZIDZO 1
Mashoko Api Akanaka?
1. Mashoko api anobva kuna Mwari?
Mwari anoda kuti vanhu vanakidzwe neupenyu panyika. Akasika nyika nezvinhu zvese zviri pairi nekuti anoda vanhu. Munguva pfupi iri kuuya, achaita kuti vanhu vese vari panyika vagare zvakanaka. Achabvisa zvinhu zvese zvinoita kuti vanhu vatambure.—Verenga Jeremiya 29:11.
Hapana hurumende yakambokwanisa kupedza mhirizhonga, zvirwere, uye rufu. Asi pane mashoko akanaka ekuti pasina nguva, Mwari achabvisa hurumende dzese dzevanhu, oita kuti hurumende yake itonge. Vanhu vainenge ichitonga vachagara murunyararo vaine utano hwakanaka.—Verenga Isaya 25:8; 33:24; Dhanieri 2:44.
2. Nei zvakakosha kuti tinzwe mashoko akanaka iye zvino?
Kutambura kuchapera kana Mwari aparadza vanhu vakaipa panyika. (Zefaniya 2:3) Achavaparadza riini? Shoko raMwari rakagara rataura nezvezvinhu zviri kutambudza vanhu iye zvino. Zviri kuitika panyika zvinoratidza kuti nguva yaMwari yekuita zvaakataura yava pedyo.—Verenga 2 Timoti 3:1-5.
3. Saka toita sei?
Tinofanira kudzidza nezvaMwari muShoko rake Bhaibheri. Rakafanana netsamba inotumirwa mwana nababa vake vanomuda. Rinotiratidza zvatingaita kuti tinakidzwe neupenyu iye zvino, uye kuti tizorarama nekusingaperi tichifara. Tinoziva kuti vamwe vangasafara pavanokuona uchibatsirwa kuti unzwisise Bhaibheri. Asi haufaniri kurega izvozvo zvichiita kuti urasikirwe nemukana uyu wekuti uve neramangwana rakanaka.—Verenga Zvirevo 29:25; Zvakazarurwa 14:6, 7.