Rwiyo 141
Kutsvaka Shamwari Dzorugare
Jesu akati tiparidzire.
Kuchipisa, muguruva,
Akaparidza chokwadi.
Aida makwai aka’tsvaga,
Kwese kwese,
Rabuda kusvika ranyura.
Pamba nemba nemum’gwagwa,
Tinoudza munhu wese
Kuti nhamo
dza’kuzopera dzose.
(KORASI)
Tichitsvaga
Shamwari dzerugare kwese,
Tichitsvaga
Mwoyo unoda kuponeswa,
Pasina pa-
tinosiya.
Nguva haimiri tikasike.
Toshanda nesimba kuti
Tiponese nyangwe mumwe.
Rudo runoita tidzokere.
Mwoyo wakaputsika,
Unorapikawo.
Mumaguta nemisika,
Patinowana anoda,
Mufaro unotiwedzera simba.
(KORASI)
Tichitsvaga
Shamwari dzerugare kwese,
Tichitsvaga
Mwoyo unoda kuponeswa,
Pasina pa-
tinosiya.
(Onawo Isa. 52:7; Mat. 28:19, 20; Ruka 8:1; VaR. 10:10.)