Rwiyo 150
Kuwedzera Basa Redu
She Jehovha anoziva
Zvatinoda tigofara.
Anotipa nzira zhinji
Dzokuti timushumire.
(KORASI)
Tiwedzere basa,
tipe Jehovha.
Kunoda vashandi, tiveko,
zvibve pamwoyo.
Kune basa m’nyika dzose.
Tiende kune vashoma.
Tawedzera basa redu.
Tinenge tichipa vamwe.
(KORASI)
Tiwedzere basa,
tipe Jehovha.
Kunoda vashandi, tiveko,
zvibve pamwoyo.
Kuno kwatiri kugara,
Tinoedza zvinhu zvitsva.
Tinodzidza mitauro
Kuti tizivise vose.
(KORASI)
Tiwedzere basa,
tipe Jehovha.
Kunoda vashandi, tiveko,
zvibve pamwoyo.
(Onawo Joh. 4:35; Mab. 2:8; VaR. 10:14.)