Rwiyo 151
Kuratidzwa Kwevanakomana vaMwari
Mwari a’kuzoratidza
Vanenge vakunda.
Vachanotonga naKristu
Sevana vaMwari.
(KORASI)
Vanakomana vaMwari
Va’kuzoratidzwa.
Vachakunda pamwe naShe,
Vodya nhaka naye.
Vaya vachiri panyika
A’kuzovadana.
Kristu, Ishe wemadzishe,
Achatora vake.
(KORASI)
Vanakomana vaMwari
Va’kuzoratidzwa.
Vachakunda pamwe naShe,
Vodya nhaka naye.
Pamwe naShe, vachazorwa
Pahondo yaMwari;
Vozochata neGwayana.
Vofara narini!
(KORASI)
Vanakomana vaMwari
Va’kuzoratidzwa.
Vachakunda pamwe naShe,
Vodya nhaka naye.