RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 59 p. 142-p. 143 ndim. 5
  • Vakomana 4 Vakateerera Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakomana 4 Vakateerera Jehovha
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Vakomana Vana muBhabhironi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Vakaedzwa—Asi Vakanga Vakavimbika Kuna Jehovha!
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhuku raDhanieri Newe
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 59 p. 142-p. 143 ndim. 5
Dhanieri, Hananiya, Mishaeri naAzariya vanoramba kudya chikafu chaidyiwa namambo

CHIDZIDZO 59

Vakomana 4 Vakateerera Jehovha

Nebhukadhinezari paakatora machinda eJudha, akaita kuti jinda rake guru rainzi Ashpenazi rivachengete. Nebhukadhinezari akamuudza kuti atsvage vakomana vakagwinya uye vaiva neutano kupfuura vese pamachinda acho. Vakomana vacho vaizodzidziswa kwemakore matatu. Kudzidziswa uku kwaizoita kuti vakwanise kushanda sevakuru vakuru vehurumende yeBhabhironi. Vakomana vacho vaifanira kudzidza kuverenga, kunyora uye kutaura mutauro wechiAkkad, waishandiswa kuBhabhironi. Vaifanirawo kudya chikafu chakafanana nechaidyiwa namambo nemachinda ake. Pakati pevakasarudzwa paivawo nevakomana 4, Dhanieri, Hananiya, Mishaeri naAzariya. Ashpenazi akavapa mamwe mazita ekuBhabhironi ekuti: Bheteshazari, Shadreki, Misheki naAbhedhinego. Dzidzo yavaizowana yaizoita kuti varege kushumira Jehovha here?

Vakomana 4 ava vakanga vakatsunga kuteerera Jehovha. Vaiziva kuti vakanga vasingafaniri kudya chikafu chaidyiwa namambo nekuti Mutemo waJehovha waiti chimwe chacho chakanga chisina kuchena. Saka vakati kuna Ashpenazi: ‘Musatipa chikafu chinodyiwa namambo.’ Ashpenazi akabva avaudza kuti: ‘Kana mukasachidya uye mambo akazokuonai makaonda, anondiuraya!’

Dhanieri akafunga zano. Akaudza muchengeti wavo kuti: ‘Tipei hedu miriwo nemvura chete kwemazuva 10, mobva mazotienzanisa nevamwe vakomana vari kudya chikafu chinodyiwa namambo.’ Muchengeti wacho akabvuma.

Mazuva acho 10 paakapera, Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakanga vaine utano hwakanaka kudarika vamwe vakomana vese. Jehovha akafara chaizvo kuti vakanga vamuteerera. Akabva atopa Dhanieri uchenjeri hwekunzwisisa zviono uye hwekududzira hope.

Vakomana vacho pavakazopedza kudzidziswa, Ashpenazi akaenda navo kuna Nebhukadhinezari. Mambo akabva ataura navo uye akaona kuti Dhanieri, Hananiya, Mishaeri naAzariya vakanga vakachenjera uye vakachangamuka kudarika vamwe vakomana vese. Akabva avasarudza vari 4 kuti vashande mumuzinda wake. Mambo aiwanzovabvunza mazano kana paine nyaya dzinokosha dzaaida kubatsirwa. Jehovha akaita kuti vave nenjere kudarika vamwe varume vese vakachenjera vamambo nevaya vaiita zvemashiripiti.

Kunyange zvazvo vakanga vasiri kunyika kwavo, Dhanieri, Hananiya, Mishaeri naAzariya havana kukanganwa kuti vaiva vanhu vaJehovha. Ucharambawo uchiyeuka Jehovha here, kunyange kana vabereki vako vasiri pedyo newe?

“Usarega munhu achikutarisira pasi nekuti uri mudiki. Asi iva muenzaniso kune vakatendeka, pakutaura, pakuzvibata, parudo, pakutenda, patsika dzakachena.”—1 Timoti 4:12

Mibvunzo: Unofunga kuti nei Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakateerera Jehovha? Jehovha akavabatsira sei?

Dhanieri 1:1-21

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe