RWIYO 40
Tiri Vaani?
Rakaprindwa
1. Ko uri waani?
Unote’rera upi?
Waunogwadamira ndiye
mwari wako, mushumire.
Haungashumiri
Vanatenzi vaviri;
Wauchasarudza wacho ndiye
Ari pamwoyo wako.
2. Ko uri waani?
Uchate’rera upi?
Wechokwadi kana wenhema,
Sarudza wauri kuda.
Uchada Kesari
Wenyika ino here,
Kana iye Mwari wechokwadi
Woita kuda kwake?
3. Ko ndiri waani?
Ndote’rera Jehovha.
Ndichashumira Baba vangu;
Ndicharipa mhiko dzangu.
Akanditengawo;
Ndichazvipira kwa’ri.
Zuva rese ndomuraramira;
Ndikudze zita rake.
(Onawo Jos. 24:15; Pis. 116:14, 18; 2 Tim. 2:19.)