RWIYO 66
Zivisa Mashoko Akanaka
Rakaprindwa
1. Chokwadi chakavanzwa kwenguva refu.
Ta’kuchiziva, ndechaMambo Mesiya.
Nengoni dzake nekuda kururama,
Jehovha akanzwira tsitsi vatadzi.
Akati Mwana wake aizotonga;
Panguva yake Umambo hwaizozvarwa.
Aizopawo Mwana wake mhandara,
Iro boka diki revakasarudzwa.
2. Mashoko akafanozikanwa aya,
Jehovha anoda kuti aziviswe.
Ngirozi dzinofara kushanda nesu,
Dzichitibatsira patinoparidza.
Ibasa redu neropafadzo yedu
Kutsvenesa zita rake, tichim’rumbidza.
Rukudzo kunzi Zvapupu zvaJehovha,
Tichizivisa mashoko akanaka.
(Onawo Mako 4:11; Mab. 5:31; 1 VaK. 2:1, 7.)