RWIYO 91
Basa Redu Rekuzvipira
Rakaprindwa
1. Zuva racho rasvika;
Tinoda kunyengetera.
Mwari matikudza,
Tinoshaiwa mashoko!
Makatikomborera
Pabasa rekuzvipira.
Tapedza kuvaka,
Matikomborera kwazvo.
(KORASI)
She Jehovha makatikudza
Kuti tikuvakirei.
Tinoda kuramba tichikushumirai,
Mugorumbidzwa muzvese.
2. Zvino zviso zvofara,
Ushamwari hwasimbiswa!
Tichagara tichizviyeuka
Nariini!
Taona simba renyu,
Pakushanda pamwe chete.
Iwo mubayiro;
Tatsvenesa zita renyu.
(KORASI)
She Jehovha makatikudza
Kuti tikuvakirei.
Tinoda kuramba tichikushumirai,
Mugorumbidzwa muzvese.
(Onawo Pis. 116:1; 147:1; VaR. 15:6.)